Books
Books
Misimboti mitatu nehumbowo hwawo.
Bhuku iri rinotaura nezvemisimboti yakakosha inofanirwa kudzidzwa nemuMuslim: kuziva Allah, kuziva chitendero cheIslam, nekuziva Muporofita Muhammad (makomborero netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), uye rinotarisa pakukosha kwemisimboti iyi mukuvaka kutenda uye kuita mabasa akanaka zvichibva pahuchapupu hweQur’an neHadith.
Nzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza
Bhuku ra Sheikh Abdurrahman bin Nasir al-Sa'di rinonzi, "Nzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza," rinotsanangura zvikonzero zvemufaro hwechokwadi zvichibva pamaonero akadzama ekutenda, richitungamirira muverengi mukugadzikana kwemoyo kuburikidza nekutendo nemabasa akarurama,kurangarira Allah, kugutsikana, kufungisisa pamusoro pemakomborero, kunatsa mabasa, kuvimba naAllah, kutsungirira, pamwe nekuronga zvinhu, nemanyorero anoyevedza. Rinoisa pamberi pako (muverengi) gwara rehupenyu hwakagadzikana, hwakadzikama, uye hwemufaro, zvisinei nekushanduka-shanduka kwehupenyu.
الإسلام دين رسل الله
Islam chitendero chevatumwa vaAllah. Islam kuzvipira kuzere kuna Allah, Musiki wenyika yese neMurongi wayo, uye kuvateerera nerudo nekuvakudza. Hwaro hweIslam kutenda muna Allah, kuti ndivo Musiki, uye zvese zvisiri Ivo zvakasikwa, uye kuti Ndivo vega vanofanirwa kunamatwa, vasina mubatsiri. Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vane mazita akanakisisa nemaitiro epamusorosoro. Vane kukwana kuzere, pasina chakaperevedza. Havana kubereka uye havana kuberekwa, uye hakuna akaenzana navo kana anofananidzwa navo. Havagari mukati mechinhu uye havapindi mumuviri wechimwe…
Pfupiso yeKutenda kweIslam
Bhuku iri rinotsanangura mbiru dzeKutenda, dzinosanganisira kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, nemuZuva Rekupedzisira, uye nezvakatarwa. Bhuku racho rinoburitsawo misimboti yehwaro iyo muMuslim anofanira kutenda mairi nekushanda maererano nayo, richisimbisa kukosha kwekusimbisa hukama naAllah kuburikidza nekunzwisisa zvakadzama dzidziso dzekutenda kwechiIslam.
Gwaro Maringe Neropa Rechizvarirwo Revakadzi.
Bhuku rinonzi “ Gwaro Maringe Neropa Rechizvarirwo Revakadzi.” raSheikh muzvinafundo mukuru Muhammad bin Salih al-Uthaymin (Mwari vavanzwire tsitsi) itsamba yezvidzidzo yakasimba yakaongorora nekutsvakurudza nezveropa rechisikirwo revakadzi, rinoti Haidhi (kuenda kumwedzi), Istihadha (kubuda kweropa kusiri kwekumwedzi), neNifaas (ropa rinobuda mushure mekusununguka), richitsigira kubva muBhuku Rinoera (Qur’an) neSunnah yakachenurwa, uye richibatanidzwa nekunzwisisa kwakadzama kwemashoko enyanzvi dzechitendero panyaya idzi. Mariri makatsanangurwa mitemo yeropa, kuchijekeswa misiyano…
Zvidzidzo Zvakakosha Kune Ruzhinji rweUmmah
Bhuku rinonzi “Zvidzidzo Zvakakosha Kune Ruzhinji rweUmmah” raSheikh Abdul Aziz bin Baz (Mwari vavanzwire tsitsi) itsamba pfupi ine rubatsiro rukuru, yakanyorwa naImam (muzvinafundo wechitendero) kuti ive mbuva yeruzivo kune ruzhinji rwemaMuslim. Mariri vakatsanangura hwaro hwechitendero nemapango acho, kubvira paTawheed (humwechete hwaAllah), kutenda, neIslam, kusvika kumitemo yeTwahara (kuchena) neSwalaah (munamato), netsika dzakanaka dzechitendero cheIslam, uye kujekeswa kwengozi dzeShirk (kusanganisa Allah nezvimwe zvisikwa) nezvivi, vachishandisa nzira yakareruka uye yakajeka, uye…
Maitirwo eSwalaah(munamato) ya muporofita ﷺ
Mubhuku rinonzi “maitirwo eSwalaah(munamato) ya muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), vanoremekedzwa Sheikh Abdul Aziz bin Baz (Mwari vavanzwire tsitsi) vakapfupikisa tsananguro yenzira yekunamata yaMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) nemutoo wakareruka uye negwara rakajeka, vachitsigira nemagwaro echokwadi, kuti rive nhungamiro kumuMuslim mukunamata (Swalaah) kwake. Mariri vakatsanangura mapango eSwalaah , maSunnah ayo, nemaitirwo ayo, kubvira paWudhu (kushambidzika kwedzimwe nhengo dzemuviri) kusvika paTasleem (mhedziso), vachibatanidza humbowo nekujekesa,…
Ndiani akasika nyika? Uye ndiani akandisika? Uye nekuda kwei akandisika?
Bhuku iri rinoongorora mavambo ezvisikwa zvese nemunhu, richitsihira kuti zvine Musiki Mukuru anova Allah, avo vakagadza mitemo inotonga hupenyu. Rinotsanangura mamiriro aAllah pamwe nekukosha kwekutenda muvatumwa nemumabhuku ekudenga, uye rinotsinhira kuti zvirokwazvo Islam ndicho chitendero chechokwadi kuti chigozadzisa mufaro muhupenyu hwepano panyika nehupenyu huchauya.
Mutumwa wechitendero cheIslam Muhammad, ِAllah ngavavakomborere nekuvapa rugare .
Bhuku rinonzi "Mutumwa wechitendero cheIslam Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare )" rinotsanangura hupenyu hwaMuporofita Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kutangira kudzinza ravo, kukura kwavo, kusvika kuroora kwavo kwakakomborerwa, kutanga kudzika kweshoko (kubva kuna Allah), nekutanga kwehutumwa hwavo unova hwekupedzisira. Rinoratidza zvekare zviratidzo zvehuporofita hwavo nehumbowo hwechokwadi chavo, uye rinotsanangura Mitemo (Shariah) yavakauya nayo nebasa rawo mukuchengetedza kodzero dzevanhu nechiremerera chavo. Uyewo, rinoburitsa pachena maonero eavo…
Islam chitendero chechisikirwo, pfungwa , uye nerufaro.
Bhuku iri rinoratidza kuti Islam chitendero chinoenderana nechisikirwo, pfungwa, uye rinopa nzira yekuwana rufaro panyika pano nemuhuupenyu huchatevera. Bhuku iri rinotsanangura kuti kutenda muna Allah nekumunamata Iye oga ndicho chinangwa chekusikwa, uye rinosimbisa kuti mabasa akanaka pamwe nekutenda ndihwo hwaro hwekupatsanura vanhu.