Gwaro Pfupi Rinobatsira MuMuslim
Bhuku iri rinotaura nezvembiru dzedzidziso yechitendero cheIslam nenzira pfupi uye yakakwanira, richitsanangurira vaverengi hwaro hwekunamata kwayo nezvinoreva kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, nemuZuva Rekupedzisira, uye nezvakatarwa. Bhuku iri rinotanga nekutsanangura ropafadzo yeIslam pamwe nekukosha kwekuziva Allah (Mwari), mamiriro avo, nemazita avo akanakisa, robva raenderera mberi nekutaura nezvemapango mashanu eIslam, nembiru dzeKutenda, uye rinoongororawo dzidziso yeIhsan pamwe nemhedzisiro yayo pamutendi. Bhuku iri rinozivikanwa nekuda kwekuti…
This PDF is generated automatically from the book's text; its layout may differ from the printed edition.
Gwaro Pfupi Rinobatsira MuMuslim
Muzita raAllah (Mwari), vane tsitsi, vane ngoni.
Nhanganyaya
Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah (Mwari), Tenzi wezvisikwa zvose, uye makomborero nerugare ngazvive kune anokudzwa kupfuura Vaporofita neVatumwa vose, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo neVadzidzi (Swahaba) vavo vose,
Ndichienderera mberi ndinoti:
Dzimwe dzenyasha huru dzaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro pamunhu ndedzekuti vanomukomborera neIslam, nekutsiga pairi, uye nekuita mabasa maererano nemitemo yayo nezvayakatarira semutemo, Uye mubhuku iri, muMuslim anodzidza misimboti inojekesa kwaari chitendero chake nemanyorero mapfupi anotsanangura kwaari zviratidzo zvechitendero ichi chikuru; kuitira kuti awedzere kuziva Tenzi vake (Vepamusoro-soro), chitendero chake cheIslam, neMuporofita wake Muhammad (makomborero netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari); nokudaro onamata Allah (Vepamusoro-soro) nenzwisiso neruzivo.
Huchenjeri huri mukusikwa kwevaranda
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakatisika nekuda kweuchenjeri hukuru, hunova kuvanamata vega, vasina mufambidzani, sezvavakataura, ivo Vanorumbidzwa kuti: {Uye handina kusika maJinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate} [Adh-Dhariyat: 56] Kureva kuti: vanamate Ivo vega, vasina mubatsiri, Ichi chinangwa chikuru ndicho chinotendererwa nemabasa edu ose nezvinangwa zvedu muhupenyu huno hwepasi, (Allah) vakarumbidzwa vakataura kuti: {Saka munofunga here kuti takakusikai sedambe zvisina maturo, uye kuti kwatiri hamuzodzorwi?} * {Naizvozvo Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, Mambo wechokwadi. Hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, Tenzi weChigaro chehumambo chinokudzwa.} [Al-Muʿminuun: 115-116].
Tenzi vangu ndiAllah (Mwari)
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Veduwe-e Imi vanhu! namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vaivepo musati mavepo, zvimwe mungave vanotya (vatsvene).} [Al-Baqarah: 21].
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Ndivo Allah (Mwari) avo hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwavo} [Al-Hashr: 22].
Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakati: { Hapana chakafanana navo; uye Ivo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvese.} [Ash-Shuura: 11].
Allah (Mwari) ndivo Tenzi vangu uye Tenzi wezvose, Muridzi, Musiki, Muriritiri, Murongi wezvose.
Uye ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega, hapana mumwe Tenzi asiri ivo uye hapana mumwe mwari asiri ivo.
Vane mazita akanakisa nemaitiro epamusoro-soro, ayo avakazvisimbisira Ivo pachavo uye akasimbiswa kwavari neMuporofita wavo (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare), akasvika padanho repamusoro-soro pakukwana nerunako, hapana chinhu chakafanana navo; uye Ivo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvese.
Mamwe emazita Avo akanakisisa ndeekuti:
Muriritiri, Ane tsitsi, Mukwanisi, Mambo, Vanonzwa zvose, Mupi werugare, Vanoona zvose, Muchengeti, Musiki, Munyoro, Anokwanira, Muregereri.
Mupi weRaramo: Ndiye anozvisungira kupa varanda raramo iyo inotsigira mwoyo yavo nemiviri yavo.
Ar-Rahman: Vane tsitsi dzakatambanuka uye huru, idzo dzakakomberedza zvose.
Mukwanisi: Muridzi wesimba rakakwana, avo vasingabatwi nekushaya simba kana kuneta.
Mambo: ndivo vane mamiriro ehukuru, hutongi, uye nekuronga, Muridzi wezvinhu zvese avo vanoita zvavanoda pazviri.
As-Sami' (Vanonzwa zvose): Ndivo vanonzwa zvinhu zvose zvinonzwika, zvakavandika nezviri pachena, uye vanonzwa minyengetero yevaranda vavo nekuteterera kwavo kwavari.
As-Salaam (Vane rugare rwakakwana): Uyo vakachengetedzeka kubva pakuperevedza kwese, dambudziko, nechikanganiso.
Muoni wezvose: Ndivo vanoona chinhu chose kunyangwe chikava chitete uye chidiki, vane muono pazvinhu, vanozviziva zvakadzama, uye vanoziva zvakavanzika mukati mazvo.
Al-Wakeel (Mutariri): Ndivo vanoona nezvekuriritira kwezvisikwa zvavo, nekuvatarisira pane zvinovabatsira, uye ndivo vanotora mutoro wevadiwa vavo, vachivarerutsira zvinhu kwavari, nekuvakwanira muzvinhu zvese.
Musiki: Ndivo muunzi wezvinhu uye mugadziri wazvo pasina muenzaniso wakapfuura.
Al-Lateef (Vane Nyasha): Ndivo vanokudza varanda vavo, vanovanzwira tsitsi, uye vanovapa zvavanokumbira.
Al-Kaafi: Ndivo vanokwanira varanda vavo pane zvese zvavanoda, uye Ndivo avo vane rubatsiro rwavo runokwanira zvekuti hapadiwi vamwe, uye kuburikidza navo, munhu haade mumwe kunze kwavo.
Al-Ghafoor (Vanoregerera): Uyo anodzivirira varanda vake kune zvakaipa zvezvitadzo zvavo, uye asingavarangi pamusoro pazvo.
Muporofita wangu Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari)
Allah (Mwari) varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, kwakauya kwamuri Mutumwa anobva kwamuri pachenyu, kutambudzika kwenyu kunomuremera zvikuru, ane shungu nemi, uye kune vatendi ane tsitsi huru nengoni.} [At-Tawbah: 128].
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye hatina kukutuma asi kuti uve nyasha kune zvisikwa zvese} [Al-Ambiya: 107].
Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) Tsitsi Dzakapiwa Sechipo:
Ndiye Muhammad mwanakomana waAbdullah mwanakomana waAbdul-Muṭṭalib mwanakomana waHāshim. Uye Hāshim ndewe kumaQuraysh, uye maQuraysh rudzi rwemaArabu.
Amai vavo: Aminah bint Wahb, uye muyamwisi wavo: Halimah As-Sa'diyah. Vakaroora (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) madzimai gumi nemumwechete, uye vakashaya vachisiya vapfumbamwe vavo.
Uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vaiva nevana vanomwe, vanakomana vatatu nevanasikana vana, saka vanakomana ndevanotevera: Qasim, Abdullah, naIbrahim, uye vanasikana ndevanotevera: Zainab, Ruqayyah, Umm Kulthum, naFatimah.
Zvinosungirwa kumuteerera mune zvaakaraira, nekutenda mune zvaakataura, nekusaita zvaakarambidza nekudzvivisa, uye kuti Allah (Mwari) vasanamatwe kunze nekuvatevera nzira yavakatara.
Shoko rake neshoko revaporofita vese vepamberi pake rinove: kudana vanhu kuti vanamate Allah (Mwari) vari voga vasina mufambidzani, Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye hatina kutumira mutumwa usati wavapo kunze kwekuti takamudzikisira shoko rekuti: “Zvirokwazvo, hapana ane kodzero yekunamatwa pachokwadi kunze kwangu, saka ndinamatei...”} [Al-Anbiyaa: 25].
Uye ndiye (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) wekupedzisira pavaporofita nevatumwa, sezvakataura Allah (Mwari) Vanorumbidzwa vachiti: {Muhammad haasi baba veumwe wevarume venyu, asi kuti Mutumwa waAllah (Mwari) uye wekupedzisira wevaporofita. Uye Allah (Mwari) ndivo muzivi wezvinhu zvese.} [Al-Ahzaab: 40].
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakamutuma nechitendero cheIslam kuvanhu vese, sezvavakataura ivo Vanorumbidzwa vachiti: {Uye hatina kukutuma kunze kwekuve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri kune vanhu vese, asi vanhu vazhinji havazivi.} [Saba: 28].
Uye Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) ane kodzero huru pamuMuslim wese, dzimwe dzacho ndedzidzi:
1- Kutenda muhuporofita hwake nekutendeka kwake, uye nekuchengetedzwa kwezvaakauya nazvo zvenzira huru yakatarwa, nekumuteerera uye kumutevera mazviri, ivo Varikumusoro-soro vakataura kuti: { Uye haatauri zvekuda kwemwoyo wake * {"Haasi chimwe kunze kwekuti izaruro (Wahy) inozarurwa..."} [An-Najm: 3-4].
2- Kusungirwa kumuda (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) uye kuisa rudo urwu pamberi pekuzvida iwe pachako, nekuda mwana, nezvisikwa zvose, uye zvinoenderana nerudo urwu kutevedzera muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) mugwara rake, nekumuteerera pane zvaanorayira, uye nekusiya zvaakarambidza nezvaakadzivisa.
3- Kusungirwa kumuremekedza, kumutsigira, kumukudza, nekumupa chiremera (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari).
4- Kumunamatira (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) kunova: kumurumbidza (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) nekukumbira Allah kuti vasimudzire kutaurwa kwake uye kumuwedzera kukudzwa nerukudzo, akati (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari): "(Uyo anonditumira Swalaah (anondi itira dua) imwechete, Allah (Mwari) vanomutumira maSwalaah gumi nekuda kwayo)" Yakarondedzerwa naMuslim.
5- Kurambidzwa kwekuwedzeredza pakodzero dzake, makomborero nerugare aAllah (Mwari) ngazvive paari, uye kumusimudzira pamusoro pechinzvimbo chaakapiwa naAllah (Mwari), nokuti zvirokwazvo Muporofita, makomborero nerugare aAllah ngazvive paari, akayambira zvakasimba zvikuru pamusoro peizvi paakati, makomborero nerugare zvaAllah (Mwari) ngazvive paari: (Musandirumbidze zvakapfurikidza, sekurumbidza kwakaita MaKristu mwanakomana waMariya, nokuti chokwadi ini ndingori muranda wavo (Allah), saka taurai kuti: muranda waAllah (Mwari), uye Mutumwa wavo) Yakarondedzerwa naBukhari.
Zvimwe zvezvimiro zvaMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari):
Kutaura chokwadi, tsitsi, kudzikama, kutsungirira, hushingi, rupo, hunhu hwakanaka, kururamisira, kuzvininipisa, kuregerera.
Qur'an rinoera ishoko raTenzi vangu.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Veduwe-e imi vanhu! zvirokwazvo kwauya kwamuri humbowo kubva kuna Tenzi venyu, uye takadzikisa kwamuri chiedza chakajeka} [An-Nisaa: 174].
Qur'an rinoera ishoko raAllah (Mwari) Varikumusoro-soro ravakataura pachokwadi, uye vakaridzikisa kuMuporofita wavo Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) kuti vaburitse vanhu kubva murima kuenda kuchiedza uye nekuvatungamirira kugwara rakatwasuka, Uyo anoriverenga anowana mubairo mukuru, uye uyo anoita mabasa zvichienderana nenhungamiro yaro anofamba munzira yakarurama. Kubva kuna Abdullah bin Mas'ud (Allah ngavafare naye), akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati: "(Uyo anoverenga vara rimwechete kubva muBhuku raAllah (Mwari), achawana naro mubairo webasa rimwechete rakanaka, uye basa rimwechete rakanaka rine mubairo wemabasa gumi akafanana naro, handisi kuti {Alif Lām Mīm} ivara rimwechete, asi kuti Alif ivara rimwechete, uye Lām ivara rimwechete, uye Mīm ivara rimwechete)" Yakarondedzerwa naTirmidhi.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakarichengetedza kubva mukushandurwa nekukanganiswa uye vakariita chiratidzo chisingaperi kusvika paZuva reKutongwa, Allah (Mwari) Vanorumbidzwa vakataura kuti: {Zvirokwazvo, Isu takadzikisa Chiyeuchidzo (Quran), uye zvirokwazvo Isu tichachichengetedza...} [Al-Hijr: 9] Saka wese anotaura kuti Qur’an harina kukwana kana kuti rakachinjwa, iyeyo anoramba Allah (Mwari) Varikumusoro-soro neMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), uye anenge abuda muchitendero cheIslam.
Uye Qur'an rinoera rinosanganisira izvo zviri mumabhuku ekare, nekuwedzera pane zvinodiwa zvehuMwari netsika dzemweya, uye rinotsinhira chokwadi chakauya maari. Uye hapana bhuku rinobva kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro mazuva ano rinofanirwa kutevedzerwa, kuyereswa, kunamata kuburikidza nekuverengwa kwaro, nekushandiswa kwaro; kunze kweQur'an rinoera.
Chitendero changu iIslam
Matanho echitendero matatu: Islam, Imaan, neIhsaan.
Danho rekutanga: Islam
Islam, ndiko: kuzvipira kuzere kuna Allah (Mwari) muhumwechete hwavo (Tawheed), nekuteerera mirairo yavo, nekuzvitsaura kubva mukusanganisa Allah (Mwari) nechimwe chinhu (Shirk) nevanhu vanoita izvozvo.
Mapango eIslam
Muporofita, rugare rwaAllah (Mwari) nemakomborero avo ngazvive kwaari akati: (Islam yakavakwa nemapango mashanu: kupupura kuti hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah (Mwari) nekuita Swalah, nekupa Zakaah, nekutsanya mumwedzi weRamadhan, uye kuita Hajj kuImba Tsvene) Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim.
Mapango eIslam zviito zvekunamata zvinosungirwa pamuMuslim wese, uye Islam yemunhu haigamuchirwi kunze kwekunge atenda mukusungirwa kwawo nekuaita; nekuti Islam yakavakirwa paari, ndokusaka achinzi mapango eIslam.
Uye mapango aya ndiwo:
Bango rekutanga: Kupupura kuti hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah (Mwari).
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Saka ziva kuti hapana akakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah (Mwari) ...} [Muhammad: 19].
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakataura kuti: {Zvirokwazvo, kwakauya kwamuri mutumwa anobva mamuri, kutambudzika kwenyu kunomuremera, ane shungu nemi, uye kuvatendi ane tsitsi huru nengoni.} [At-Tawbah: 128].
Zvinoreva kupupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari): Hapana chakakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah (Mwari) .
Zvinoreva kupupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah (Mwari): kumuteerera pane zvaakarayira, kutenda pane zvaakazivisa, kurega zvaakarambidza nekudzivisa, uye kuti Allah (Mwari) vasanamatwe asi nezvavakaisa pamutemo.
Bango rechipiri: Kuita munamato (Swalah).
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye itai munamato (Swalaah)...} [Al-Baqarah: 110].
Kuita munamato (Swalah) nemazvo kunoitwa kuburikidza nekuiita nenzira yakatemerwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro uye yakadzidziswa kwatiri neMutumwa wavo Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari).
Bango rechitatu: Kupa chipo kune vanotambura (Zakaah).
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye ipai Zakaah} [Al-Baqarah: 110].
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakaita kuti Zakaah isungirwe semuyedzo wekutendeseka kwerutendo rwemuMuslim, uye sekutenda kuna Tenzi wake pachikomborero chepfuma chavakamupa, uye serubatsiro kuvarombo nevanotambura.
Uye kupa Zakaah kunoitwa kuburikidza nekuipa kune avo vanekodzero yekuitambira.
Uye ikodzero inosungirwa papfuma kana yasvika chiyero chakatarwa, inopihwa kumhando dzevanhu vasere vakadudzwa naAllah (Mwari) muQur'aan Tsvene, pakati pavo pane murombo nemushayi.
Uye mukuita kwayo mune kuratidza tsitsi nengoni, nekucheneswa kwehunhu hwemuMuslim nehupfumi hwake, nekufadza mweya yevarombo nevanoshaya, nekusimbisa zvisungo zverudo nehukama pakati penhengo dzenharaunda yemaMuslim. Saka muMuslim akarurama anoibudisa nemweya wakasununguka achifara mukuita kwayo, nekuda kwekuti mairi mune kuunza rufaro kune vamwe vanhu.
Uye chiyero cheZakaat inobviswa papfuma i2.5% kubva papfuma inochengetwa inoti goridhe nesirivha, mari yemapepa, nezvinhu zvinotengeswa zvakagadzirirwa kutenga nekutengesa nechinangwa chekuwana purofiti; kana kukosha kwayo kwasvika pachiyero chakatarwa uye papfuura gore rakazara.
Saizvozvowo, Zakat inosungirwa kune uyo ane huwandu hwakatarwa hwezvipfuyo (ngamera, mombe, nehwai nembudzi), kana zvichidya uswa hwepasi kwenguva zhinji yegore zvisingapihwe chikafu nemuridzi wazvo.
Saizvozvowo Zakaah inosungirwa mune zvinobuda muvhu zvakafanana neRikaaz — izvo zvinowanikwa kubva pane zvakavigwa zvenguva yeJaahiliyyah —, uyewo zvakafanana nezviyo nemichero nezvicherwa kana zvasvika pahuwandu hwakatemerwa.
Bango rechina: Kutsanya mumwedzi weRamadan.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Veduwe-e Imi vanotenda! Kutsanya kwakasungirwa kwamuri sekusungirwa kwakakaitwa musati mavepo kuti zvimwe mungatye Allah (Mwari)...} [Al-Baqarah: 110].
Ramadan ndiwo: mwedzi wechipfumbamwe mugore rekarenda rechiHijri, uye ndiwo mwedzi unokudzwa kumaMuslim, uye une chinzvimbo chakakosha kupfuura mimwe mwedzi yasara yegore, uye kuutsanya wakakwana nderimwe bango remapango eIslam mashanu.
Kutsanya muRamadan ndiko: kunamata Allah (Mwari) Varikumusoro-soro nekuzvidzora kubva pane zvekudya, zvekumwa nekusangana pabonde, nezvimwe zvose zvinoputsa kutsanya, kubva panotanga nguva dzemambakwedza kusvika pakunyura kwezuva, mumazuva ose emwedzi weRamadan wakaropafadzwa.
Bango rechishanu: Kushanyira Imba yaAllah (Mwari) Tsvene (Hajj).
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye vanhu vakasungirwa naAllah (Mwari) kuita Hajj kuimba yavo, kune ani naani anokwanisa kuenda ikoko.} [Aal-Imraan: 97].
Hajj inoitwa kune uyo anokwanisa kuwana nzira yekuenda ikoko, kamwe chete pahupenyu, inova: kushanyira Imba Inoyera nenzvimbo tsvene dziri kuMakkah Inokudzwa nechinangwa chekuita minamato yakatarwa panguva yakatarwa. Uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akaita Hajj, uye vamwe Vaporofita vakamutangira vakaitawo Hajj, uye Allah (Mwari) vakaraira Abrahamu (rugare ngarwuve kwaari) kuti adanidzire vanhu kuHajj, sezvakaziviswa nezvazvo naAllah (Mwari), Varikumusoro-soro, muQur'aan Tsvene vachiti: {Uye daidzira muvanhu nezveHajj, vachauya kwauri vachifamba netsoka uye vari pamusoro pemhuka dzose dzakaonda dzekutasva, dzichibva munzira dzose dziri kure.} [Al-Hajj: 27].
Danho rechipiri: Kutenda
Kutenda: ndiko kubvuma, nekutenda kwakasimba, nekugamuchira kuzere kwezvese zvakarairwa naAllah (Mwari) neMutumwa wavo kuti zvitendwe, nokuita zviripachena kana zvakavandika, nokudaro ndiko kubvuma kwemoyo, nekutenda kwawo kunosanganisira mabasa emoyo, nemabasa emuviri, uye izvozvo zvinosanganisira kutevedzera chitendero chese, kunowedzera nekuteerera (mirairo yaAllah), uye kunoderera nekusateerera.
Mapango ekutenda
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakabvunzwa nezvekutenda, vakataura kuti: (Kuva unoutenda muna Allah (Mwari), nengirozi dzavo, nemabhuku avo, nevatumwa vavo, nezuva rekupedzisira, uye kutenda mune zvakatarwa, zvakanaka nezvakaipa zvacho).
Mapango ekutenda ndiwo mabasa ekunamata emumoyo anosungirwa kumuMuslim wese, uye Islam yemunhu haina kunaka kunze kwekutenda maari, nekuita mabasa zvinoenderana nawo, saka akatumidzwa kunzi mapango ekutenda, Uye musiyano uripo pakati pawo neMapango eIslam ndewekuti: Mapango eIslam mabasa anooneka anoitwa nemunhu nenhengo dzemuviri, sekutaura zvipupuro zviviri (Shahadah), kuita munamato (Swalaah), nekubvisa Zakaah, uye Mapango ekutenda mabasa emumoyo anoitwa nemunhu nemoyo, sekuti: kutenda muna Allah (Mwari), nengirozi dzavo, nemabhuku avo, nevatumwa vavo.
Bango rekutanga: Kutenda muna Allah (Mwari)
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, vatendi ndeavo vakatenda muna Allah (Mwari)} [An-Nour (Chiedza): 62].
Tinotenda mukuvapo kwaAllah (Mwari), uye tinotenda kuti ndivo vega pahuTenzi hwavo, nepahuMwari hwavo, nemumazita avo nemaitiro avo, saka kutenda muna Allah (Mwari) kunosanganisira zvinotevera:
- Kutenda mukuvapo kwavo ivo Vanorumbidzwa uye Varikumusoro-soro.
- Kutenda muHutenzi hwavo, ivo Vanoremekedzeka, varikumusoro-soro, uye kuti ndivo Muridzi wezvinhu zvose, neMusiki wazvo, neMupi weraramo, neMurongi wenyaya dzacho.
- Kutenda muhuMwari hwavo Vanorumbidzwa, uye kuti ndivo vega vakakodzera kunamatwa, vasina mubatsiri mune chimwe chazvo: semunamato (Swalah), kukumbira (dua), kuita mhiko, kubaya mhuka, kukumbira rubatsiro, kutsvaga dziviriro, nekumwe kunamata kwese.
- Kutenda mumazita avo akaisvonaka nemaitiro avo epamusoro-soro izvo zvavakatsinhira pachavo kana izvo zvakatsinhirwa pamusoro pavo neMuporofita wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), nekuramba izvo zvavakaramba pachavo kana izvo zvakarambwa pamusoro pavo neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), uye kuti mazita avo nemaitiro avo zvakasvika padanho repamusoro-soro mukukwanira nekunaka, uye kuti hapana chakafanana navo, uye ndivo Vanonzwa, Vanoona.
Bango rechipiri: Kutenda mungirozi.
Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakati: {Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), Musiki wematenga nenyika, avo vakaita kuti ngirozi dzive vatumwa dziine mapapiro maviri, matatu, uye mana. Vanowedzera mukusika zvavanoda. Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vane simba pazvinhu zvese.} [Fatir: 1].
Tinotenda kuti ngirozi zvisikwa zvisingaonekwe nemaziso, uye kuti varanda vaAllah (Mwari) vakadzisika kubva muchiedza, uye vakaita kuti dzivateerere nekuzvininipisa kwavari.
Uye idzo zvisikwa zvikuru, hapana anoziva simba radzo nehuwandu hwadzo kunze kwaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, uye imwe neimwe yadzo ine maitiro, mazita nemabasa adzakasarudzirwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, uye pakati padzo pana Jibril (rugare ngaruve kwaari) akapiwa basa rechizaruro, achidzika nacho kubva kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro kuenda kuvatumwa vake.
Bango rechitatu: Kutenda mumabhuku
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Itiyi: “Tinotenda muna Allah (Mwari) uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri, uye izvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, naIshumaîri, naIsaka, naJakobho uye kumadzinza, uye izvo zvakapiwa Mosesi na Jesu, uye izvo zvakapiwa vaporofita kubva kuna Tenzi wavo. Hatisiyanisi pakati paani naani zvake wavo, uye isu takazvipira kwaari.”} [Al-Baqarah: 136].
Tinotenda kuti Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakadzikisa mabhuku kuvatumwa vavo, kuti ave humbowo kuzvisikwa zvose uye gwara rakajeka kune avo vanoita mabasa.
Vanovadzidzisa huchenjeri nawo uye vanovachenesa.
Uye kuti Allah (Mwari), kukudzwa ngakuve kwavari, nekutumira kwavo muporofita wavo Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuvanhu vese, vakadzima nemutemo wake mitemo yese yakauya kare, uye vakaita kuti Qur'an rinoera rive rinotonga pamusoro pemamwe mabhuku ose matsvene uye richiadzima. Uye Allah (Mwari) vakavimbisa kuchengetedza Qur'an rinoera kubva mukushandurwa kana kuchinjwa kupi zvako, saka vakati ivo Varikumusoro-soro: (Zvirokwazvo, Isu takadzikisa Chiyeuchidzo (Quran), uye zvirokwazvo Isu tichachichengetedza.) [Al-Hijr: 9]; Nekuti Qur’an rinoera ndiro bhuku rekugumisira raAllah (Mwari) Varikumusoro-soro kuenda kuvanhu, uye muporofita wavo Muhammad (makomborero nerugare rwaAllah ngazvive paari) ndiye Mutumwa wekugumisira, uye chitendero cheIslam ndicho chitendero icho Allah (Mwari) vakafarira kuvanhu kusvika kuzuva rekumutswa, Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakataura kuti: {Zvirokwazvo, chitendero (chechokwadi) kuna Allah (Mwari) iIslam} [Aal-Imraan: 19].
Uye mabhuku ekudenga akataurwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro mubhuku ravo ndiwo anoti:
Qur'an rinoera: Rakadzikiswa naAllah (Mwari) kuna Muporofita wavo Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari).
Torah: Rakadzikiswa naAllah (Mwari) kuna muporofita wavo Musa, rugare rwaAllah (Mwari) ngarwuve kwaari.
Injil: Rakadzikiswa naAllah (Mwari) kumuporofita wavo Isa (Jesu), rugare ngarwuve kwaari.
Zabur: Rakadzikiswa naAllah (Mwari) kuna muporofita wavo Dawud, rugare ngarwuve kwaari.
Magwaro aAbrahamu: akadzikiswa naAllah (Mwari) kumuporofita wavo Abrahamu - rugare ngaruve paari.
Bango rechina: Kutenda muvatumwa.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo takatumira kurudzi rwese mutumwa achiti: "Namatai Allah (Mwari), mova munosiya vanamwari venhema."} [An-Nahl: 36].
Tinotenda kuti Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakatumira vatumwa kuzvisikwa zvavo vachivadaidza kuti vanamate Allah (Mwari) vari voga vasina mufambidzani, uye kuramba zvinonamatwa kunze kwavo Varikumusoro-soro.
Uye kuti vose vaive vanhu, varume, varanda vaAllah (Mwari), uye kuti vaitendeseka uye vaitendwa, vaitya Allah (Mwari) uye vaivimbika, vaitungamira uye vakatungamirirwa, Allah (Mwari) vakavatsigira nezviratidzo zvinopupura kutendeseka kwavo, uye kuti vakasvitsa zvese zvavakatumwa nazvo naAllah (Mwari), uye kuti vose vaive pachokwadi chiri pachena, nenhungamiro iri pachena.
Uye zvirokwazvo kudana kwavo kwakawirirana kubva kune wekutanga wavo kusvika kune wekupedzisira wavo muhwaro hwechitendero, hunova: humwechete hwaAllah (vane simba nehukuru) mukunamata, uye kusavasanganisa chero naani zvake.
Bango rechishanu: Kutenda muZuva Rekupedzisira.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Allah (Mwari) hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo. Zvirokwazvo vachakuunganidzai kuZuva rekutongwa, risina kupokana mariri. Uye ndiani ane chokwadi pakutaura kupfuura Allah (Mwari) ?} [An-Nisaa: 87].
Tinotenda muzuva rekupedzisira, rinova zuva rekutongwa risina rimwe zuva shure kwaro, uye tinotenda mune zvese zvine chekuita naro, kubva mune zvatakaudzwa naTenzi vedu vane Hukuru neKukudzwa muGwaro ravo rinoera kana zvatakataurirwa nezvazvo naMuporofita wedu Muhammad ﷺ, zvakaita serufu rwemunhu, kumutswa, kuunganidzwa, kurevererwa, chikero, kutongwa, Paradhiso neMoto, nezvimwewo zvine chekuita nezuva rekupedzisira.
Bango rechitanhatu: Kutenda mukutara kwaAllah (Mwari), kunaka kwakwo nekuipa kwakwo
Allah (Mwari) varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, chinhu chose takachisika neQadr (nemarongero edu nekuda kwedu).} [Al-Qamar: 49].
Tinotenda mukutara kwaAllah (Mwari), kunaka kwakwo nekuipa kwakwo, uko kuri kutara kwaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro pazvisikwa zvese, maererano nezvaakatotanga kuziva, uye zvinoenderana nehungwaru hwavo, uye kuti zviitiko zvese zvinoitika kuzvisikwa panyika pano zvinoitika neruzivo rwaAllah nekutara kwavo (Mwari) Varikumusoro-soro, nehurongwa hwavo vari vega vasina wavanosangana naye, uye kuti zvakatarwa izvi zvakanyorwa kusati kwasikwa munhu, uye kuti munhu ane chido nesarudzo, uye kuti ndiye anoita mabasa ake muchokwadi; asi zvese izvi hazvibudi kunze kweruzivo rwaAllah (Mwari) nechido chavo.
Kutenda muQadar kwakavakirwa pamatanho mana anoti:
Chekutanga: Kutenda muruzivo rwaAllah (Mwari) rwakazara uye runokomberedza zvese.
Chechipiri: Kutenda kuti Allah (Mwari) vakanyora zvinhu zvese zvichavapo kusvika kuzuva rekumutswa.
Chechitatu: Kutenda mukuda kwaAllah (Mwari) kunozadziswa, uye nesimba ravo rakakwana, saka izvo zvavanoda zvinoitika, uye izvo zvavasingade hazviitike.
Chechina: Kutenda kuti Allah ndivo Musiki wechinhu chese, havana mubatsiri pakusika kwavo.
Danho Rechitatu: Al-Ihsaan
Ihsaan, ndiko: kuti unamate Allah (Mwari) sekunge unovaona, nekuti kana usiri kuvaona, zvirokwazvo ivo vanokuona. Allah (Mwari) Vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah (Mwari) variumwe neavo vanovatya, uye neavo vanoita mabasa akanaka.} [An-Nahl: 128].
Kuchena
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vanoda avo vanotendeuka, uye vanoda avo vanozvichenesa.} [Al-Baqarah: 22].
Muporofita, rugare rwaAllah (Mwari) nemakomborero avo ngazvive kwaari akati: "(Uyo anoita Wudhu yakafanana neWudhu yangu iyi, obva aita munamato (Swalah) yemaRaka’ah maviri asingafungi zvimwe mupfungwa dzake mukati mawo, Allah (Mwari) vanomuregerera zvitadzo zvake zvakapfuura)" Yakarondedzerwa naBukhari.
Kubva paukuru hwechinzvimbo chemunamato (Swalaah) ndezvekuti Allah (Mwari) vakaraira kuti munhu atange kuzvichenesa (Taharah) isati yaitwa, uye vakakuita chisungo chekugamuchirwa kwayo, saka kuzvichenesa (Taharah) ndiyo svombonoro (kiyi) yemunamato (Swalaah), uye kunzwisisa kukosha kwayo kunoita kuti moyo uve neshungu dzekuita munamato (Swalaah), vakati ﷺ: (Kuzvichenura ihafu yekutenda (Imaan), uye kutaura kuti: “Alhamdu lillaah” (Kurumbidzwa kwose ndekwaAllah) kunozadza chiyereso (Mīzān), uye kutaura kuti: “Subhaanallaah” (Kukudzwa ngakuve kuna Allah) nekutaura kuti: “Alhamdu lillaah” zvinozadza - kana kuti inozadza - zviri pakati pematenga nepasi, uye munamato chiedza, uye Sadaqah humbowo, uye kutsungirira (Sabr) chiedza chinopenya, uye Qur'aan humbowo hunokutsigira, kana kuti kupokana newe. Vanhu vese vanofuma mangwanani, mumwe nemumwe achitengesa mweya wake, vamwe vanozvisunungura nawo, vamwe vachizviparadza nawo.) Yakarondedzerwa naMuslim.
Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura vachiti: "(Munhu anoita Wudhu oita Wudhu yacho nemazvo, zvitadzo zvake zvinobuda mumuviri wake kusvikira zvabuda nepasi penzara dzake)" Yakarondedzerwa naMuslim.
Naizvozvo muranda anouya kuna Tenzi vake akashambidzika kuchena kwemuviri kuburikidza neWudhu, nekuchena kwemukati kuburikidza nekuita munamato uyu, akazvipira pachokwadi kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, achitevedzera gwara raMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari).
Zvinosungirwa kuitirwa Wudhu:
1- Munamato (Swalah) chero upi zvayo, ungave uri wakamanikidzirwa kana usina.
2- Kutenderera Ka'bah.
3- Kubata Mushaf (Quran).
Ndinoita Wudhu uye ndinogeza nemvura yakachena inochenesa:
Mvura yakachena inochenesa (Twahuur) ndiyo: mvura yese yakadzika kubva kudenga kana yakabuda kubva pasi pevhu uye ikaramba iri pahwaro hwekusikwa kwayo, uye isina kushanduka chimwe chezvimiro zvayo zvitatu, zvinoti: ruvara, manakiro, nehwema: nechimwe chezvinhu zvinobvisa kuchena kwemvura.
Wudhu
Nhanho 1: Chinangwa (niyyah) nzvimbo yayo iri mumwoyo, uye zvinoreva chinangwa (niyyah): kutsidza kwemwoyo kuita basa rekunamata nechinangwa chekuswedera pedyo naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro.
Nhanho 2: Ndinoti: Bismillaahi "Muzita raAllah (Mwari)".
Nhanho 3: Kugeza maoko, katatu.
Nhanho 4: Kukuchukudza mukanwa katatu.
Kukuchukudza mukanwa kunova: kuisa mvura mukanwa nekuikuchukudza imomo, zvadaro kuibuditsa.
Nhanho 5: Kukweva mvura nemumhino, ndokuzoibuditsa katatu, uye kukweva mvura nemumhino: ndiko kukweva mvura nekufema kusvika mukati-kati memhino.
Istinthaar: ndiko kubuditsa zviri mumhino sedzihwa nezvimwe nekufemera panze.
Nhanho 6: Kugeza chiso, katatu.
Muganhu wechiso:
Chiso: ndicho chinoita kuti akwanise kutarisana.
Uye muganhu wacho paupamhi: kubva kunzeve kusvika kuneimwe nzeve.
Uye muganhu wacho pakureba: kubva panotangira kumera vhudzi remusoro pakajairika kusvika panoperera chirebvu.
Kugeza chiso kunosanganisira vhudzi rose ritete riri pachiri, pamwe nenzvimbo chena (iri pakati penzeve nendebvu) uye nendebvu dzemumativi.
Uye nzvimbo chena: inzvimbo iri pakati pendebvu dzepamatama nenyama yepazasi penzeve.
Uye al-'idhaar: ndiro vhudzi riri pamusoro pepfupa rakabudira, rakaringana neburi renzeve rinoenda mukati memusoro, nezvinodzika kubva kwariri kusvika pakambambo kenzeve.
Saizvozvo, kugeza chiso kunosanganisira chikamu chese chekunze chevhudzi gobvu rendebvu, pamwe nerakarembera racho.
Nhanho 7: Kugeza maoko zvichitanga kubva kuminwe yemaoko kusvika kumagokora, katatu.
Uye magokora anosanganisirwa mukugeza maoko kunosungirwa.
Danho 8: Kupukuta musoro wose nemaoko pamwe nenzeve kamwe chete.
Anotanga nekumberi kwemusoro wake, achienda nawo kugotsi kwake, obva oadzorera.
Uye anoisa minwe yake yekunongedzesa mukati menzeve dzake, uye oisa zvigunwe zvake zvikuru kunze kwenzeve dzake; nokudaro opukuta kunze kwenzeve nemukati madzo.
Nhanho 9: Kugeza makumbo kubva panotangira zvigunwe zvetsoka kusvika kuzviziso zvetsoka katatu, uye zviziso zvinosanganisirwa kugezwa mukugeza makumbo kunosungirwa.
Zviziso zvemakumbo zviviri ndizvo: mapfupa maviri akabuda pazasi pegumbo.
Nhanho 10: ISunnah kune muMuslim kuti ataure mushure mekuita Wudhu achiti "As s’hadu allaa ilaaha illallahu wahdahu Laa shariikalahu wa as’shadu anna muhammadan abduhu warasooluh , Allaumma j’alnii mina tawwaabina waj’alnii minal mutatwahhireen." nekuda kwemashoko avo ﷺ ekuti: (Uyo anoita Wudhu ndokunyatsoita Wudhu zvakakwana, zvadaro obva ati: Ndinopupura kuti hapana akakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah (Mwari), vari vega, havana mubatsiri, uye ndinopupura kuti Muhammad Muranda neMutumwa wavo, Veduwe-e Allah (Mwari), ndiitei mumwe wevanotendeuka, uye ndiitei mumwe wevanoshambidzika, anozarurirwa magonhi masere eJannah, achipinda nerepi zvaro raanoda) Yakarondedzerwa naTirmidhi.
Wudhu inogurwa nezvinhu izvi:
1. Zvinobuda kubva munzira (nhengo) mbiri (kumberi nekumashure), senge: weti, tsvina, mweya, urume, nemvura inobuda pamberi pehurume (madhi).
2. Kurasika kwenjere pamusana pehope dzakadzama, kana kufenda, kana kudhakwa, kana kupenga.
3. Zvese zvinoita kuti kugeza (Ghusl) kusungirwe, zvakaita sekusangana pabonde (Janabah), kuenda kumwedzi, neropa rinobuda pamukadzi mushure mekuzvara.
Kana munhu apedza kuzvibatsira, anofanira kubvisa tsvina kungava nemvura yakachena inochenesa uye izvi ndizvo zviri nani, kana kuti nezvimwe zvinhu zvisiri mvura yakachena inochenesa zvinobvisa tsvina yacho; sematombo, mapepa, machira kana zvimwe zvakadaro, chero bedzi zvichiitwa nekupukuta katatu kunochenesa kana kudarika, uye nechinhu chakachena chinotenderwa.
Kupukuta pamusoro pemasokisi eganda nemasokisi [khuffayn] (anogadzirwa nedonje kana zvinhu zvisina kuomarara)
Kana munhu akapfeka masokisi eganda kana kuti masokisi, zvinotenderwa kupukuta pamusoro pawo pasina kudikanwa kwekugeza tsoka, zvichienderana nezvisungo zvinoti:
1. Anofanira lunge amapfeke mushure mekunge azvichenesa zvakazara kubva mukusachena kuduku (Hadath al-Asghar) nekusachena kukuru (Hadath al-Akbar).
2. Anofanira kuva akachena asina tsvina.
3. Kupukuta kunofanira kuitwa munguva yakatarwa.
4. Anofanira kuva anotenderwa, saka haafaniri kuva semuenzaniso akabiwa kana akatorwa nechisimba.
Al-Khuff: Ndizvo zvinopfekwa mutsoka zvakagadzirwa neganda ritete nezvakafanana naro, uye zvakafanana nazvo ishangu dzinovhara tsoka. Masokisi: Ndizvo zvinopfekwa nemunhu kutsoka dzake zvakagadzirwa nemucheka nezvimwewo zvakadaro, uye zvakafanana nawo ndiwo anonzi masokisi (ash-sharraab).
Huchenjeri hwekutenderwa kwekupukuta pamusoro pemasokisi eganda: Huchenjeri hwekupukuta pamusoro pemasokisi eganda ndehwekurerutsira nekurerutsa kumaMuslim, avo vanoona zvichivaomera kubvisa sokisi reganda kana sokisi nekushambidza tsoka, zvikurusei munguva dzechando nekutonhora kwakanyanya, uye parwendo.
Nguva yekupukuta: Munhu asiri parwendo: zuva rimwe nehusiku hwaro (maawa 24). Mufambi: mazuva matatu nehusiku hwawo (maawa 72).
Kuverengwa kwenguva yekupukuta kunotanga kubva pakupukuta kwekutanga pamusoro pemasokisi eganda kana masokisi mushure mekugura wudhu.
Maitirwo ekupukuta pamusoro pemasokisi eganda kana masokisi [khuffayn] (anogadzirwa nedonje kana zvinhu zvisina kuomarara):
1. Kutotesa maoko.
2. Unopfuudza ruoko pamusoro petsoka (kutangira kumucheto kwezvigunwe zvetsoka kusvika panotangira gumbo).
3. Tsoka yekurudyi inopukutwa neruoko rwerudyi, uye tsoka yekuruboshwe neruoko rweruboshwe.
Zvinogura kupukuta: 1. Zvinoita kuti kugeza (Ghusl) kusungirwe. 2. Kupera kwenguva yekupukuta.
Kugeza muviri wese (ghusl)
Kana murume kana mukadzi akasangana pabonde kunyangwe asina kubuda hurume, kana kuti hurume hukabuda maari nekunzwa kuda zvepabonde iye akamuka, kana kuti akarara; zvinosungirwa pavaviri ivavo kuti vageze kuitira kuti vakwanise kunamata kana kuita zvimwe zvinoda kuti ave akachena, Saizvozvowo, kana mukadzi achena kubva panguva yekutevera kana kubuda ropa rekuzvara, zvinosungirwa paari kuti ageze asati akwanisa kuita Swalah kana zvimwe zvinosungirwa hutsanana.
Magezero acho sezvinotevera:
MuMuslim Anofanira kugeza muviri wake wese nemvura nenzira ipi zvayo, izvo zvinosanganisira kukuchukudza mukanwa uye kukweva mvura nemumhino (ozoibuditsa), saka kana akasvitsa mvura pamuviri wake wese, tsvina hombe (Hadath al-Akbar) inenge yabva paari, uye kuchena kwake kunenge kwakwana.
Uye kune imwe nzira yakakwana zvakanyanya, inova iyo yaiitwa naMuporofita ﷺ, inova sezvinotevera:
01 Chitsiidzo (Niyyah) chekubvisa hadath.
02 Kutaura Kuti Bismillah (muzita raAllah), nekugeza maoko katatu, kuchitevera kugeza nhengo dzakavandika.
03 Kuita Wudhu zvakakwana sekuita Wudhu kunoita muMuslim achida kuita munamato (Swalah).
04 Kudira mvura pamusoro katatu, achitotesa midzi yebvudzi rake.
05- Kudira mvura muviri wake wese, achitanga nekugeza divi rekurudyi remuviri, wozotevera kuruboshwe, pamwe nekukwiza nemaoko kuti mvura isvike kumativi ese emuviri.
Zvinorambidzwa kune munhu ari Junub kuita zvinotevera kusvika ageza muviri (Ghusl):
01 Munamato (Swalah).
02 Kutenderera Ka'bah (Twawwaf).
03 Kugara mumasjid, uye anotenderwa kupfuura nemo chete pasina kugara.
04 Kubata Mus'haf (Quran).
05 Kuverenga Qur'an.
Tayammum
Kana muMuslim asina kuwana mvura yekuzvichenesa nayo, kana kuti akatadza kushandisa mvura nekuda kwehurwere nezvimwe zvakadaro, uye achitya kudarika kwenguva yemunamato (Swalah), anoita Tayammum nevhu.
Uye maitiro azvo ndeekuti anorova nemaoko ake (pamavhu) kamwe chete, zvadaro opukuta navo chiso chake nezvanza zvake chete. Uye zvinosungirwa kuti ivhu rive rakachena.
Tayammum inoputswa nezvinhu izvi:
1- Tayammum inogurwa nezvinogura Wudhu.
2- Kana mvura ikawanikwa kusati kwatangwa munamato (Ibaadah) waainge aitira Tayammum.
Munamato (Swalaah)
Allah vakasungira kune muMuslim pazuva nehusiku minamato mishanu, inoti: Fajr, Żuhr, Asr, Maghrib, neIshaa.
Kugadzirira munamato (Swalaah).
Kana nguva yemunamato (Swalah) yapinda, muMuslim anofanirwa kuzvichenesa kubva mukusachena kudiki (Hadath al-Asghar) nekusachena kuhombe (Hadath al-Akbar), kana aine hadath huru.
Kusachena kuhombe (Hadath al-Akbar) zvinoreva: izvo zvinosungira muMuslim kugeza muviri wese.
Kusachena kudiki (Hadath al-Asghar) zvinoreva: izvo zvinosungira kumuMuslim kuita Wudhu.
MuMuslim anonamata nembatya dzakachena panzvimbo yakachena kubva kutsvina, akavhara nhengo dzinonyadzisira.
MuMuslim anozvishongedza nenhumbi dzakakodzera panguva yemunamato (Swalaah) uye anovhara muviri wake nadzo, uye hazvibvumidzwi kumurume kuti aratidze chero chinhu pane zviri pakati peguvhu nemabvi ari pamunamato (Swalaah).
Mukadzi anofanirwa kufukidza muviri wake wese ari pamunamato (Swalaah), kunze kwechiso chake nemaoko ake.
MuMuslim haabvumirwe kutaura ari pamunamato (Swalaah) kunze kwemazwi akanangana nayo, uye anoteerera Imam, uye haabvumirwe kucheuka pamunamato (Swalaah) wake. Uye kana zvisingabviri kwaari kubata nemusoro mazwi akanangana neSwalaah, anorumbidza Allah nekuvakudza kusvika apedza munamato (Swalaah), uye zvinosungirwa kwaari kukurumidza kudzidza munamato (Swalaah) nemazwi acho.
Uye kuti tiite munamato (Swalah) nemazvo, nemvumo yaAllah (Mwari), tinotevedzera matanho aya nekuachengetedza:
Nhanho 1: Chinangwa (niyyah) chebasa rakamanikidzirwa randinoda kuita, uye nzvimbo yayo mumwoyo.
Mushure mekunge ndaita Wudhu, ndinotarisa kuQiblah, uye ndinoita munamato (Swalaah) ndakamira kana ndichikwanisa kuita izvozvo.
Nhanho 2: Ndinosimudza maoko angu kusvika pamapfudzi angu ndichiti: (Allahu Akbar [Mwari Mukuru]) ndiine chinangwa chekupinda pamunamato (Swalah).
Nhanho 3: Ndinoverenga Du'a reIstiftaah (munyengetero wemavambo) nezvakashumwa, uye pane izvozvo kutaura kuti: "(Subhaanaka llahumma wabihamdika watabaarakasmuka wataala jadduka walaa ilaaha ghairuk) "Kukudzwa ngakuve kwamuri, imi Allah, uye rumbidzo ndeyenyu. Zita renyu rakaropafadzwa, hukuru hwenyu hwakakwirira, uye hapana mumwe akakodzera kunamatwa kunze kwenyu."".
Nhanho 4: Ndinokumbira kudzivirirwa naAllah (Mwari) kubva kuna Satan akatukwa, ndotaura kuti: Audhu billahi minash-shaytwaanir-rajiim (Ndinokumbira kudzivirirwa naAllah (Mwari) kubva kuna Satan akatukwa).
Nhanho 5: Ndinoverenga Surah Al-Fātiḥah muRak'ah imwe neimwe, iyo inoti: "alhamdulillahi rabbil aalameen" {Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), Tenzi wezvisikwa zvese *} "Ar rahmaani raheem" {Vane tsitsi, vane ngoni *} "Maaliki yawmi ddeen" {Muridzi weZuva reKutongwa *} "Iyyaaka na'budu wa iyyaaka nastaeen" {Ndimi mega vatinonamata, uye ndimi mega vatinokumbira rubatsiro *} "Ihdina swiraatwal mustaqeem" { Titungamirirei munzira yakatwasuka *} "swiraatal ladhiina an'amta alayhim ghairil maghdhuubi alayhim wala dhwaaleen" {Nzira yevaya vamakapa nyasha, kwete yevaya vakatsamwirwa, kana yevaya vakarasika}.
Zvadaro ndinoti: (Ameen), uye zvinoreva kuti: "Veduwe-e Allah (Mwari) tambirai munamato".
Ndinoverenga mushure meSurah Al-Fatihah izvo zviri nyore kubva muQur'an muRak'ah yekutanga neyechipiri chete pamunamato (Swalaah) wega wega, uye izvi hazvisi zvinosungirwa, asi mukuita izvozvo mune mubairo mukuru.
Nhanho 6: Ndinoti: “Allahu Akbar”, ndobva ndakotama (Ruku) kusvika musana wangu watwasuka uye maoko angu akabata pamabvi angu ndakapatsanura minwe yangu, ndobva ndataura murukuʾ kuti: “Subhaana Rabbiyal ‘Adheem (Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi vangu vakurukuru)” katatu.
Nhanho 7: Ndinosimuka kubva muRukuu' ndichiti: (Sami’a llāhu liman ḥamidah) "Allah vanonzwa uyo anovarumbidza," ndichisimudza maoko angu kusvika pamapfudzi angu, uye kana muviri wangu watwasanuka ndakamira ndinoti: (Rabbana walakal hamdu) "Tenzi wedu, kurumbidzwa kwose ndekwenyu".
Nhanho 8: Ndinoti: (Allahu Akbar) uye ndinopfugama pamaoko maviri, mabvi maviri, tsoka mbiri, nehuma pamwechete nemhino, uye ndinoti paSujuud yangu: (Subhaana rabbiyal a’laa - Kukudzwa ngakuve kuna Tenzi vangu Varikumusoro-soro) katatu.
Nhanho 9: Ndinoti: "Allahu Akbar" uye ndosimuka kubva paSajdah kusvika ndagara musana wangu wakatwasuka, ndichigarira tsoka yangu yekuruboshwe uye ndichimisa tsoka yangu yekurudyi, uye ndinoti: «rabbighfiri lii» "Tenzi vangu ndiregererei" katatu.
nhanho 10: Ndinoti: (Allahu Akbar) Allah (Mwari) ndivo mukuru, uye ndoita sajdah zvekare sezvandaita pasajdah yekutanga.
Nhanho 11: Ndinosimuka kubva pasajdah ndichiti: (Allahu Akbar) kusvika ndamira ndakati twi, uye ndinoita pamarak'ah asara emunamato sezvandakaita parak'ah yekutanga.
Mushure meRaka’ah yechipiri pamunamato (Swalaah) weŻuhr, Asr, Maghrib neIsha’a, ndinogara kuverenga Tashahhud yekutanga, inova inoti: Aṭṭahiyaatu lillaahi wa aṣ-ṣalawaat waṭ-ṯayyibaat, as-salaam ʾalayka ayyuha an-nabiyyu wa rahmatullahi wa barakatuhu. As-salaam ʾalaynaa wa ʾala ʾibaadillahi as-saaliheen. Ashhadu an laa ilaaha illallah wa ashhadu anna Muhammadan ʾabduhu wa rasuluhu (Kwaziso dzose dzerukudzo ndedza Allah (Mwari), minamato yose, uye zvinhu zvose zvakanaka ndezvavo. Rugare ngaruve kwamuri imi Muporofita, netsitsi dzaAllah (Mwari) nemakomborero avo. Rugare ngaruve kwatiri nevaranda vaAllah (Mwari) vatsvene. Ndinopupura kuti hapana chakafanira kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo uye Mutumwa Wavo) Zvadaro ndinosimuka kuenda kuRaka'ah yechitatu mushure mezvo.
Mushure merak'ah yekupedzisira yemunamato umwe neumwe, ndinogara kuverenga Tashahhud yekupedzisira, iyo inova: "(At-taḥiyyātu lillāhi, waṣ-ṣalawātu waṭ-ṭayyibāt, as-salāmu alayka ayyuhan-nabiyyu wa raḥmatullāhi wa barakātuh, as-salāmu ʿalaynā wa ʿalā ʿibādillāhiṣ-ṣāliḥīn, ashhadu an lā ilāha illā Allāh, wa ashhadu anna Muḥammadan ʿabduhu wa rasuluhu, Allahumma ṣalli ʿala Muhammadin, wa ʿala ʿali Muhammadin, kamaa ṣallayta ʿala Ibraheema wa ʿala ʿali Ibraheema, innaka ḥameedun majeed. Allahumma baarik ʿala Muhammadin, wa ʿala ʿali Muhammadin, kamaa baarakta ʿala Ibraheema, wa ʿala ʿali Ibraheema, innaka ḥameedun majeed (Kwaziso dzose dzerukudzo ndedzaAllah (Mwari), minamato yose, uye zvinhu zvose zvakanaka ndezvake. Rugare ngaruve kwamuri imi Muporofita, netsitsi dzaAllah (Mwari) nemakomborero avo. Rugare ngaruve kwatiri nevaranda vaAllah (Mwari) vatsvene. Ndinopupura kuti hapana chakafanira kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo uye Mutumwa waAllah (Mwari), ropafadzai Muhammad nemhuri yake, sekuropafadza kwamakaita Ibraheem nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba. Allah (Mwari), komborerai Muhammad nemhuri yake, sekukomborera kwamakaita Ibraheem nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba))"
Nhanho 12: Pedzezvo ndinopa Salaam kurudyi kwangu ndichiti: "As-Salaamu alaikum wa rahmatullah" (Rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwamuri), uye ndinopa Salaam kuruboshwe kwangu ndichiti: "As-Salaamu alaikum wa rahmatullah" (Rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwamuri), ndiine chinangwa chekubuda muSwalaah, uye naizvozvo ndinenge ndapedza kuita munamato.
Hijaab yemukadzi wechiMuslim
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: (Veduwe-e Iwe Muporofita! Udza vakadzi vako, nevanasikana vako, nevakadzi vevatendi kuti vadzikise nguo dzavo dzekunze pavari. Izvozvo zvinoita kuti zvive nyore kuti vazivikanwe, kuitira kuti vasashungurudzwa. Uye Allah (Mwari) vanogara vari Muregereri, Vane Tsitsi.) [Al-Ahzaab:59].
Allah (Mwari) vakaita kuti zvive zvinosungirwa kumukadzi wechiMuslim kupfeka hijab nekufukidza nhengo (awrah) yake nemuviri wake wese kubva kuvarume vasiri mamahram ake achishandisa nhumbi dzakajairika munyika yake, uye haatenderwi kubvisa hijab yake kunze kwekunge ari pamberi pemurume wake kana hama dzake dzepedyo dzechirume (mahram), kureva kuti: avo vasingabvumidzwe kuti mukadzi wechiMuslim avaroore kusvika rinhi narinhi, avo vanoti: (baba kunyangwe vari vekumusoro (sekuru zvichikwira), mwanakomana kunyangwe ari wepasi (vazukuru zvichidzika), babamukuru nababamudiki, madzisekuru ekwaamai, hanzvadzi, mwanakomana wehanzvadzi, mwanakomana wemukoma kana munin'ina wechikadzi, murume waamai, baba vemurume kunyangwe vari vekumusoro, mwanakomana wemurume kunyangwe ari wepasi, hanzvadzi yekuyamwa, nemurume wemukadzi akamuyamwisa, uye zvinorambidzwa kuburikidza nekuyamwa ndizvo zvinorambidzwa kuburikidza neropa).
Uye mukadzi wechiMuslim anotevedzera zviga zvinoverengeka pamapfekero ake:
Chekutanga: kufukidza muviri wese.
Chepiri: Kuti dzisave nhumbi dzinopfekwa nemukadzi kuti azvishongedze nadzo paanenge ari pamberi pevarume vasiri hama dzake dzepedyo (mahram).
Chechitatu: Hadzifanire kuva dzinoonekera dzinoratidza muviri wake.
Chechina: Dzinofanira kuve dzakafaranuka dzisina kubata zvokuti dzinoratidza maumbirwo echimwe chikamu chemuviri wake.
Chechishanu: Hadzifanire kuve dzakaiswa pefiyumu kana achizopfuura nepane varume vasiri hama dzake dzepedyo vanonzwa kunhuhwirira kwepefiyumu yacho.
Chechitanhatu: Hadzifanire kafanana nezvipfeko zvemurume.
Chechinomwe: Kusafanana nezvipfeko zvevanhukadzi vasiri maMuslim muzviito zvavo zvekunamata kana mumhemberero dzavo.
Chechisere: Hachifanire kuva chipfeko chekushamisira.
Zvimwe zvimiro kana hunhu hwemutendi
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, vatendi ndeavo avo, kana Allah (Mwari) vachirangarirwa, moyo yavo inotya, uye kana ndima dzavo dzichiverengwa kwavari, dzinovawedzera kutenda, uye vanovimba naTenzi vavo} [Al-Anfaal: 2]
- Wechokwadi mukutaura kwake uye haarevi nhema.
- Anozadzikisa sungano nezvakavimbiswa.
- Haadariki mwero pakukakavadzana.
- Anozadzikisa vimbiso.
- Anoda kuhama yake muMuslim izvo zvaanozvi dira iye pachake.
- Ane rupo.
- Anoitira vanhu zvakanaka.
- Anochengetedza hukama.
- Anogamuchira zvakarongwa naAllah (Mwari), uye anomutenda munguva yemufaro, uye anotsungirira munguva yenhamo.
- Ane hunhu hwekunyara.
- Anonzwira tsitsi zvisikwa zvaAllah.
- Moyo wake wakachena kubva kuruvengo, uye nhengo dzemuviri wake hadzikuvadzi vamwe.
- Anoregerera vanhu.
- Haadyi chimbadzo kana kushanda nacho.
- Haaiti hupombwe.
- Haanwi doro.
- Anoitira zvakanaka vavakidzani vake.
- Haadzvinyiriri uye haanyengeri.
- Haabi kana kubiridzira.
- Anobata vabereki vake zvakanaka, kunyange kana vasiri maMuslim, uye anovateerera mune zvakanaka.
- Anorera vana vake mutsika dzakanaka, anovarayira kuita zvinosungirwa muchitendero, uye anovarambidza tsika dzakaipa nezvinorambidzwa.
- Haatevedzere zviito zveavo vasiri maMuslim pamamiriro kana maitiro avo echitendero kana tsika idzo dzave chinhu chinovatsaura uye chiratidzo kwavari.
- Anotendeukira kuna Allah (Mwari) uye anovakumbira ruregerero pakukundikana kwake nezvitadzo zvake.
Nheyo dzinokosha mukutenda kwemuMuslim
01 Allah (Mwari) ndivo Tenzi vedu, hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, hakuna mumwe Tenzi kunze kwavo, uye hakuna akakodzera kunamatwa kunze kwavo, uye hapana chakafanana navo, uye hapana chinovatadzisa, uye ndivo Vanonzwa zvese, Vanoona zvese.
02 Allah (Mwari) Varikumusoro-soro kumatenga, vari pamusoro pezvisikwa zvavo zvese, vari pakasiyana navo, uye kukwirira kwavo kwakazara kune mativi ese: kukwirira kwemamiriro avo, nekukwirira kwechinzvimbo chavo, nekukwirira kwehutongi hwavo, uye ivo Varikumusoro-soro vakakomberedza zvinhu zvese.
03 Tinotsinhira izvo zvakatsinhirwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro pachavo kana zvakatsinhirwa kwavari neMuporofita wavo Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) kubva mumazita nemaitiro, uye tinoramba izvo zvakarambwa naAllah (Mwari) pachavo kana zvakarambwa kwavari neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari).
04 Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vanopindura zvikumbiro, uye vanozadzisa zvinodiwa, uye ndivo varidzi vezvinhu zvose, uye hapana anokuvadza kana kubatsira kunze kwavo, uye muranda haakwanisi kuva asina Ivo kunyange kwenguva yakafanana nekubwaira kweziso. Uye hazvibvumidzwe kumuMuslim kunangidzira kune chimwe chinhu kunze kwaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro mune ipi zvayo yemhando dzeminamato; sekukumbira (dua), kunamata, kuita mhiko, kuuraya mhuka sechibairo, kutya, kuve netariro, kuvimba nezvimwe zvakadaro muminamato inooneka kana yakavanzika. Uye uyo anoitira chero kunamata kune chimwe chinhu kunze kwaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, iye anenge aita shirk kuna Allah (Mwari).
05 Chitadzo chikurusa uye chikurusa pane zvitadzo zvikuru kusanganisa Allah (Mwari) nemumwe, uye ani naani achafa achiita Shirk zvirokwazvo Allah (Mwari) Vachamurambidza Paradhiso, uye pekugara pake imoto, uye ndicho chitadzo icho Allah (Mwari) havaregerere kana muranda akafa achichiita uye asina kutendeuka kubva kwachiri.
06 Izvo zvakapfuura muranda hazvaikwanisa kumuwana, uye izvo zvakamuwana hazvaikwanisa kumupfuura, uye zvinosungirwa kune muMuslim kutenda mukutonga nekutara kwaAllah (Mwari), nekugamuchira zvakatarwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, nekurumbidza Tenzi wavo, nekumutenda pamamiriro ese.
07 Muhammad (makomborero nerugare rwaAllah ngazvive paari), muporofita wedu, ndiye akanakisisa wevanhu uye ndiye chivharo cheMaporofita, uye ndiye murevereri ane kureverera kunogamuchirwa paZuva rekutongwa, Allah (Mwari) vakamutora seshamwari yepedyo sezvavakatora Abrahamu, rugare ngarwuve paari, seshamwari yepedyo.
10. Bhuku redu iQur'an rinoera, rinoshamisa, rine huchokwadi husina kupokana, iro rinoverengwa sechiito chekunamata, rakadzikiswa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro kuna Muporofita wedu Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) kuburikidza naJibril (rugare ngaruve kwaari), ngirozi yepamusoro-soro, uye Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakarichengetedza kubva pakukanganiswa nekushandurwa sezvakataurwa navo, Varikumusoro-soro kuti: {Zvirokwazvo, Isu takadzikisa Chiyeuchidzo (Quran), uye zvirokwazvo Isu tiri vachengetedzi vacho.} [Al-Hijr: 9].
11- Vanhu vari pedyo zvikuru naAllah (Mwari) ndivo vanovateerera zvikuru, uye vanotevera mitemo yavo zvakanyanya. Uye hapana hukuru hwemuArabhu pamusoro peasiri muArabhu, kana hweasiri muArabhu pamusoro pemuArabhu, kana hwemuchena pamusoro pemutema, kana hwemutema pamusoro pemuchena, kunze kwekutya Allah (Mwari). Vanhu vese vanobva kuna Adam, uye Adam akabva muvhu. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, anokudzwa zvakanyanya pakati penyu pamberi paAllah ndiye anovatya zvakanyanya.} [Al-Hujuraat: 13].
12- MuMuslim anotenda mungirozi dzinoremekedzwa dzinonyora, uye anotenda mukuvepo kwadzo, uye kuti idzo varanda vakasikwa, Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakadzisika: kubva muchiedza, uye idzo zvisikwa pane zvisikwa zvaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, uye kubva madziri muna Jibril akapiwa basa rekudzikisa mashoko, naMikail akapiwa basa remvura, naIsrafil akapiwa basa rekuridza hwamanda, nengirozi yerufu yakapiwa basa rekutora mweya yevaranda.
13- MuMuslim anotenda muzviratidzo zveZuva rekupedzisira, nekubuda kwaMesiya wenhema (Dajjaal), nekudzika kwaIsa(Jesu) mwanakomana waMaryam (Runyararo ngaruve paari) kubva kudenga pakuguma kwenguva, nekubuda kwezuva kubva kumadokero.
14- MuMuslim anotenda mumurango wemuguva kune avo vakaukodzera, nemakomborero emuguva kune avo vakaakodzera, nekubvunzwa naMunkar naNakeer muguva rake nezvaTenzi vake, chitendero chake, nemuporofita wake, uye kuti guva ibindu kubva mumapindu eJannah, kana kuti gomba kubva mumakomba eMoto.
15- Kutenda mukumutswa uye nemuripo pamabasa muZuva Rekutongwa, uye kuti Jannah neMoto zvisikwa zvisingaperi zvachose.
16- Huroyi kusatenda muna Allah (Mwari), hazvibvumidzwi kuhudzidza kana kuenda kuvaroyi nevanyengeri, uye muMuslim haafaniri kutenda mushoperi kana n'anga, naizvozvo uyo anovatenda anenge asina kutenda mune zvakadzikiswa kuna Muhammad ﷺ.
17 - MuMuslim anoda ma sahaabah eMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), uye anoda uyo anovada uye anovenga uyo anovavenga, nekuti kuvada chitendero nekururama, uye kuvavenga kusatenda nehunyengeri, akati (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari): (Musatuka ma sahaabah angu) Yakarondedzerwa naMuslim. Uye wese anozvidza kana kuderedza chero mumwe weMasahaba (kufadzwa kwaAllah ngakuve pavari), saka iye akarasika uye muvambi wezvitsva.
16- MuMuslim anotenda muHutungamiri (khilafah) hwakavapo mushure meMutumwa waAllah (makomborero nerugare zvaAllah ngazvive paari nemhuri yake): hwekutanga kuna Abu Bakr As-Siddiq (Allah ngavafare naye), pakumupa hukuru nekumuisa pamberi perudzi rwese, kozoti kuna Umar bin Al-Khattab (Allah ngavafare naye), kozoti kuna Uthman (Allah ngavafare naye), kozoti kuna Ali bin Abi Talib (Allah ngavafare naye), uye ivava ndivo makhalifah akatungamirirwa kugwara rakarurama, nevatungamiri vakapihwa nhungamiro.
17- Zvekunamata zvakatemwa panhungamiro yezvinyorwa zvinoyera, saka hazvibvumidzwe kunamata Allah varikumusoro-soro neimwe nzira yekunamata kunze kwekunge yakasimbiswa muBhuku raAllah varikumusoro-soro kana muSunnah yeMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazive paari), uye kunamata kwose kunounzwa nevanhu pashure pekufa kweMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazive paari) kusingaenderane negwara rake iBid'ah inorambwa, akati (rugare nemakomborero aAllah ngazive paari): (Uyo anounza chinhu chitsva muchitendero chedu icho chisimo, chinorambwa) Yakarondedzerwa naAl-Bukhari.
18- Kugamuchirwa kwekunamata kwakavakirwa pambiru mbiri dzehwaro dzinoti: kuzvipira kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro mukunamata, uye yepiri kutevera gwara reMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, mukunamata ikoko; saka kunamata hakugamuchirwi kana kusina kuitwa nekuzvipira kuna Allah (Mwari), uye hakugamuchirwi kana kusina kuitwa zvichitevera gwara reMutumwa waAllah (Mwari), rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari.
Mufaro wangu uri muchitendero changu cheIslam.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Ani naani anoita basa rakanaka, angave murume kana mukadzi, uye ari mutendi, zvirokwazvo tichamupa hupenyu hwakanaka; uye zvirokwazvo tichavapa mubairo wavo zvinoenderana nezvakanakisisa zvezvavaiita.} [An-Nahl: 97].
Chimwe chezvinhu zvikuru zvinounza mufaro, kunyevenuka, nerufaro mumwoyo memuMuslim: hukama hwake hwakanangana naTenzi vake pasina murevereri kubva kuvapenyu, kana vakafa, kana zvidhori. Naizvozvo, Allah (Mwari), Varikumusoro-soro, vakataura muBhuku ravo rinoremekedzwa kuti vari pedyo nevaranda vavo nguva dzose, vanovanzwa uye vanopindura ma du'a avo, sekutaura kwaivo Vanoremekedzwa kuti: {Uye kana varanda vangu vakakubvunza nezvangu, zvirokwazvo, ndiri pedyo. Ndinopindura kudana kweanodana kana achindidana. Naizvozvo ngavandipindure uye ngavatende mandiri, kuti pamwe vagotungamirirwa.} [Al-Baqarah: 186], Uye vakatirayira ivo Vanorumbidzwa kuti tiite munyengetero (du'a) kwavari, uye vakaita kuti chiito ichi chive rimwe remabasa makuru ekunamata anoita kuti muMuslim aswedere pedyo naTenzi vake, apo vakataura ivo Vane simba neHukuru kuti: {Uye Tenzi venyu vakati: “Ndidanei, ndichakupindurai. Zvirokwazvo, avo vanozvitundumadza vachisiya kundinamata, vachapinda Gehena vakadzikisirwa...} [Ghafir: 60 ], Saka muMuslim akarurama anogara achida Tenzi vake, uye anogara achiita du'a pamberi pavo, nekuswedera kwavari kuburikidza neminamato yakarurama.
Zvirokwazvo Allah (Mwari) vakatisika muchisiko chose ichi nechinangwa chikuru, uye havana kutisika pasina chinangwa; icho chinova kuvanamata vari vega, vasina mufambidzani. Uye vakatigadzirira chitendero chaTenzi chakakwana chinoronga nyaya dzose dzehupenyu hwedu pachedu neparuzhinji, uye vakachengetedza kuburikidza nemutemo uyu wakarurama zvidikanwi zvehupenyu zvinoti chitendero chedu, hupenyu hwedu, rukudzo rwedu, njere dzedu, nehupfumi hwedu. Uye uyo anorarama achitevedzera mirairo yechitendero nekusiya zvavanorambidza, zvirokwazvo anenge achengetedza zvidikanwi izvi, uye anorarama achifara aine rugare muhupenyu hwake, pasina kupokana.
Uye hukama hwemuMuslim naTenzi vake hwakadzama, hunounza kugadzikana nekudekara kwemoyo nepfungwa, nekunzwa runyararo, kuchengetedzeka pamwe nemufaro, uye nekunzwa kuve pamwe kwaTenzi, vane mbiri yakakwirira, pamwe nekutarisira kwavo, neuchengeti hwavo kumuranda wavo mutendi. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, vakataura kuti: {Allah (Mwari) ndivo Muchengeti weavo vanotenda, vanovabudisa kubva murima kuenda kuchiedza...} [Al-Baqarah: 257].
Hukama hukuru uhwu mamiriro emumoyo anoita kuti muranda anakidzwe nekunamata Mwari Vane Ngoni, uye nekushuvira kusangana navo, zvichibhururutsa moyo wake mudenga remufaro pakunzwa kwake kutapira kwerutendo.
Kutapira ikoko kusingagoni kutsanangurwa kunaka kwako neumwe munhu kunze kweuyo akakuravira kuburikidza nekuita mabasa ekuteerera nekusiya zvakaipa, ndokusaka Muporofita Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakataura kuti: (Akaravira kunaka kwekutenda uyo akagutsikana naAllah saTenzi, neIslam sechitendero, uye naMuhammad seMutumwa) Yakarondedzerwa naMuslim.
Hongu, kana munhu akanzwa pamoyo pake nezvekuvapo kwake nguva dzose pamberi peMusiki wake, uye akavaziva kuburikidza nemazita avo nemamiriro avo akanakisisa, uye achivanamata sekunge ari kuvaona, uye akazvipira mukunamata kwake Allah (Mwari), asina chaanotsvaga pakunamata ikoko kunze kwaAllah (Mwari), Vakakudzwa, anobva ararama hupenyu hwakanaka uye hunofadza panyika, pamwe nemugumo wakanaka muhupenyu hunotevera.
Kunyange matambudziko anowira mutendi panyika, zvirokwazvo kupisa kwawo kunopera nekutonhorera kwekutenda kwechokwadi, nekugutsikana nezvakatarwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, nekuvarumbidza pane zvose zvavakatema, zvakanaka zvacho nezvakaipa zvacho, uye nekugutsikana kwakazara nazvo.
Uye chimwe chezvinhu zvinofanira kuti muMuslim ashingirire pazviri kuitira kuti mufaro wake nekugadzikana kwake zviwedzere: kuwanza kurangarira Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, nekuverenga Qur'an rinokudzwa, sekutaura kwakaita Allah (Mwari) Varikumusoro-soro kuti: {Avo vanotenda uye moyo yavo inowana zororo mukurangarira Allah (Mwari). Zvirokwazvo, mukurangarira Allah (Mwari) ndimo munowana moyo zororo...} [Ar-Ra'd: 28]. Uye pese apo muMuslim paanowedzera mukurangarira kwake Allah (Mwari) nekuverenga kwake Qur'aan, kubatana kwake naAllah (Mwari), Varikumusoro-soro, kunowedzera, uye mweya wake unocheneswa uye kutenda kwake kunosimba.
Saizvozvowo, muMuslim anofanira kushingaira kudzidza nyaya dzechitendero chake kubva kumagwaro echokwadi kuitira kuti anamate Allah (Mwari) Varikumusorosoro nenzwisiso, nokuti Muporofita ﷺ vakati: (Kutsvaga ruzivo zvinosungirwa kune muMuslim wese) Yakarondedzerwa naIbn Maajah, Uye kuti ave anozvipira, achizviisa pasi pemirairo yaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro avo vakamusika, angave achiziva huchenjeri hwacho kana kuti asingauzivi, zvirokwazvo Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakataura muBhuku ravo rinoremekedzwa vachiti: {Uye hazvikodzeri kumutendi wechirume kana mutendi wechikadzi, kana Allah (Mwari) pamwe neMutumwa wavo vakatema mutongo pane imwe nhau, kuti vave nesarudzo munhau iyoyo. Uye ani naani asingateereri Allah (Mwari) pamwe neMutumwa wavo, zvirokwazvo anenge arasika kurasika kuri pachena.} [Al-Ahzaab: 36].
Uye makomborero nerugare zvaAllah ngazvive kuna Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSahaba avo ese.
Related books
All books
Misimboti mitatu nehumbowo hwawo.65 languagesMisimboti mitatu nehumbowo hwawo.
Bhuku iri rinotaura nezvemisimboti yakakosha inofanirwa kudzidzwa nemuMuslim: kuziva Allah, kuziva chitendero cheIslam, nekuziva Muporofita Muhammad (makomborero netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), uye rinotarisa pakukosha kwemisimboti iyi mukuvaka kutenda uye kuita mabasa akanaka zvichibva pahuchapupu hweQur’an neHadith.
Pfupiso yeKutenda kweIslam47 languagesPfupiso yeKutenda kweIslam
Bhuku iri rinotsanangura mbiru dzeKutenda, dzinosanganisira kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, nemuZuva Rekupedzisira, uye nezvakatarwa. Bhuku racho rinoburitsawo misimboti yehwaro iyo muMuslim anofanira kutenda mairi nekushanda maererano nayo, richisimbisa kukosha kwekusimbisa hukama naAllah kuburikidza nekunzwisisa zvakadzama dzidziso dzekutenda kwechiIslam.
Islam chitendero chevatumwa vaAllah.85 languagesIslam chitendero chevatumwa vaAllah.
Islam kuzvipira kuzere kuna Allah, Musiki wenyika yese neMurongi wayo, uye kuvateerera nerudo nekuvakudza. Hwaro hweIslam kutenda muna Allah, kuti ndivo Musiki, uye zvese zvisiri Ivo zvakasikwa, uye kuti Ndivo vega vanofanirwa kunamatwa, vasina mubatsiri. Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vane mazita akanakisisa nemaitiro epamusorosoro. Vane kukwana kuzere, pasina chakaperevedza. Havana kubereka uye havana kuberekwa, uye hakuna akaenzana navo kana anofananidzwa navo. Havagari mukati mechinhu uye havapindi mumuviri wechimwe chinhu chiri pazvisikwa zvavo. Islam…
Maitirwo eSwalaah(munamato) ya muporofita ﷺ79 languagesMaitirwo eSwalaah(munamato) ya muporofita ﷺ
Mubhuku rinonzi “maitirwo eSwalaah(munamato) ya muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), vanoremekedzwa Sheikh Abdul Aziz bin Baz (Mwari vavanzwire tsitsi) vakapfupikisa tsananguro yenzira yekunamata yaMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) nemutoo wakareruka uye negwara rakajeka, vachitsigira nemagwaro echokwadi, kuti rive nhungamiro kumuMuslim mukunamata (Swalaah) kwake. Mariri vakatsanangura mapango eSwalaah , maSunnah ayo, nemaitirwo ayo, kubvira paWudhu (kushambidzika kwedzimwe nhengo dzemuviri) kusvika paTasleem (mhedziso), vachibatanidza humbowo nekujekesa,…