Kurerutsa Moyo Nekutsanangura Kurambidzwa Kwokukwidziridza Makuva
Bhuku iri rinotsanangura kurambidzwa kwekuvaka maMasjid nezvivakwa zvine matenga akaita sedenderedzwa pamusoro pemakuva, richipa humbowo hweShari'ah hunobva muQur'ān rinoera neSunnah yaMuporofita. Rinopawo maonero evadzidzi vechitendero pamusoro penyaya iyi richiaongorora, richitsinhira njodzi yebid'ah iyi (chinhu chitsva muchitendero) uye kukosha kwekurega kutevera maonero anopesana nekubvumirana kwemaMuslim panyaya iyi.
These files are generated automatically from the book's text; their layout may differ from the printed edition.
Kurerutsa Moyo Nekutsanangura Kurambidzwa Kwokukwidziridza Makuva
Munyori
Muḥammad ibn ʿAlī ash-Shawkānī
Allah ngavamunzwire tsitsi.
Akashaya mugore ra1250H.
Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni.
Nhanganyaya
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye makomborero nerugare ngazvive kune mutungamiri wevatumwa, pamwechete nemhuri yavo nemaṢaḥāba avo vanokudzwa uye vakacheneswa. Mushure meizvi:
Ziva kuti kana pakava nekupesana pakati pemaMuslim pamusoro pekuti chinhu ichi ibid'ah here kana kuti hachisi bid'ah, kana kuti chinovengwa here kana kuti hachivengwi, kana kuti chakarambidzwa here kana kuti hachina kurambidzwa, kana zvimwewo, maMuslim vakabvumirana pamwechete — vekutanga vavo nevakazotevera — kubva panguva yemaṢaḥābah kusvika panguva yedu ino — inova zana remakore rechigumi nematatu kubvira pakutumirwa kwaMuhammad — kuti zvinosungirwa kana pakava nekupesana pakati pevanamazvikokota vechitendero mune chero nyaya yezvechitendero: kudzorera nyaya yacho kuBhuku raAllah, vekumusoro-soro, uye kuSunnah yeMutumwa wavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), sezvinotaurwa neBhuku iri rinokudzwa: "Uye kana mapikisana (pane zvimwe zvinhu) pakati penyu, ivai munozvidzorera kuna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)." [An-Nisāʾ: 59]. Uye zvinorehwa nekudzorera kuna Allah vanorumbidzwa kudzorera kuBhuku ravo, uye zvinorehwa nekudzorera kuMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kudzorera kuSunnah yavo mushure mekufa kwavo. Uye izvi ndezvimwe zvisina kupokana pakati pemaMuslim vese. Saka kana mumwe wevanamazvikokota vechitendero vanoedza kutsvaga chokwadi akati: "Izvi zvinobvumirwa", mumwe akati: "Izvi zvinorambidzwa", hapana mumwe wavo ane kodzero yekunzi ari pachokwadi kupfuura mumwe, kunyange aine ruzivo rwakawanda kupfuura mumwe wake, kana ari mukuru kwaari pazera, kana kuti akararama munguva yakatangira yake. Zvinodaro nokuti mumwe nemumwe wavo mumwe wevaranda vaAllah, uye anosungirwa kunamata achitevedzera zviri muShari'ah yakachena, zviri muBhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari). Uye zvinodiwa kwaari ndizvo zvinodiwa naAllah kune vamwe varanda. Kuwanda kweruzivo rwake nekusvika kwake pachidanho chekuedza kutsvaga chokwadi, kana kutopfuura chidanho ichocho, hazvibvisi kwaari chero chinhu chinosungirwa chemitemo yakatarwa naAllah kuvaranda vavo, uye hazvimubvisi pakati pevanhu vanosungirwa kutevedzera mitemo yechitendero. Asi mudzidzi wechitendero, paanowedzera ruzivo, zvaanosungirwa kuita zvinowedzerawo kupfuura zvinosungirwa kune vamwe, kunyange dai pasina chimwe kunze kwezvakasungirwa naAllah kwaari zvekutsanangurira vanhu, nezvavakamuraira zvekutaura chokwadi pachena, nekujekesa izvo Allah vakatara kuvaranda vavo kuti: "Uye (ivai munorangarira) apo Allah pavakatora chitsidzo kubva kune avo vakapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu) kuti zvirokwazvo mucharijekesera vanhu, uye hamumbofi mariviga..." [Āl Imrān: 187]. "Zvirokwazvo, avo vanoviga humboo huri pachena negwara ratakaburutsa pasi, mushure mokuribuditsa pachena kuvanhu muBhuku, ndivo vamwe veavo vakarengerwa naAllah uye vakarengerwa nevarengeri." [Al-Baqarah: 159] Saka dai uyo akapiwa naAllah chikamu cheruzivo akanga asina chimwe chaakusungirwa kunze kwekujekesera vanhu, izvozvo zvoga zvaizokwana kusimbisa zvatataura zvekuti vadzidzi havabvi pasi pemutoro wekutevedzera zvakasungirwa. Asi ruzivo rwavakawana runotovawedzera mutoro wekutevedzera zvakasungirwa. Uye kana vakaita chivi, chivi chavo chinova chakakura kupfuura cheuyo asina ruzivo, uye murango wavo unova wakanyanya. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naAllah pamusoro peuyo anoita zvakaipa nekusaziva neuyo anozviita aine ruzivo. Zvakafananawo nezvavakataura mundima zhinji pamusoro pevadzidzi vechiJudha, avo vakashinga kupesana nezvavakanga vatarirwa naAllah, kunyange zvazvo vaiziva Bhuku uye vairidzidza. Uye Allah vakavatsiura pamusoro pazvo munzvimbo dzakasiyana-siyana muBhuku ravo, vakavatsiura zvakanyanya kwazvo. Uye ḥadīth yechokwadi yakati: "Zvirokwazvo, munhu wekutanga achashandiswa kutungidza moto weJahannam mudzidzi wechitendero anorayira vanhu asi asingaite zvaanorayira, uye anovarambidza zvakaipa asi asingaregi zvaanovarambidza."[1] [1] Yakashumwa naat-Tirmidhī nhamba (2382).
Muchidimbu, iyi inyaya inozivikanwa kuti ruzivo, kuwanda kwarwo, uye kusvika kwemuridzi warwo pamatanho epamusoro-soro ekuziva, hazvimubvisiri kana chimwe chezvakasungirwa neShari'ah; asi zvinotowedzera kuomarara kwezvakasungirwa paari. Anorayirwa zvinhu zvisingarayirwi uyo asina ruzivo, uye anosungirwa kuita zvimwe zvakasiyana nezveuyo asina ruzivo. Chivi chake chinova chakanyanya kukura, uye murango wake unova wakanyanya kuomarara. Izvi hazvirambwi nemunhu ane kana kunzwisisa kushoma kweruzivo rweShari'ah. Dai ndima dzeQur'an nemaḥadīth zvakauya pamusoro penyaya iyi zvaizounganidzwa, zvaizoumba bhuku rakarongeka uye rakazara. Asi ichi hachisi icho chinangwa chedu mutsvakurudzo iyi. Chinangwa chikuru uye vavariro yedu panyaya iyi ndeyekujekesa kuti mudzidzi akafanana neuyo asina ruzivo pazvakasungirwa zveShari'ah uye pakunamata achitevedzera zviri muBhuku reQur'ān neSunnah.Pamwe chete nemusiyano wandakujekesera pakati pematanho maviri aya: danho remudzidzi nedanho reuyo asina ruzivo pane zvakasungirwa zvakawanda, uye kuti mudzidzi ane zvimwe zvakasungirwa zvakanangana naye zvisingasungirwi pane uyo asina ruzivo.
Uye neizvi zvinova pachena kwauri kuti hapana mumwe wevadzidzi vechitendero vanopikisana, kana weavo vanovatevera nekutevedzera nzira dzavo, anobvumirwa kuti ati: "Chokwadi ndechakataurwa nanhingi kwete chakataurwa nanhingi, kana kuti nhingi ndiye akakodzera kuva pachokwadi kupfuura nhingi." Asi zvinosungirwa kwaari — kana ari mumwe weavo vane kunzwisisa, ruzivo nekugona kusiyanisa — kudzorera izvo zvavanopikisana mazviri kuBhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari. Saka uyo anotsigirwa nehumbowo huri muQur'an neSunnah ndiye ari pachokwadi, uye ndiye akakodzera kuva pachokwadi. Uye uyo anopikiswa nehumbowo huri muQur'an neSunnah, husiri kumutsigira, ndiye akanganisa. Haana chivi pamusoro pekukanganisa uku kana akaedza nepose paaigona kutsvaga chokwadi; asi anoregererwa, uyezve anopihwa mubairo, sezvakataurwa muḥadīith yakarurama kuti: "Kana mutongi akaedza nepaanogona napo pakutonga obva awana mutongo wakarurama, anowana mibairo miviri, uye kana akaedza nepaanogona napo asi akakanganisa, anowana mubairo mumwechete." [2] Saka zvinoshamisa kuti munhu anopiwa mubairo pamusoro pekukanganisa kwake, asi izvi ndezveuyo anoedza kutsvaga chokwadi pachake kana akakanganisa. Asi hazvibvumirwe kuti mumwe munhu amutevere mukukanganisa kwake, uye haaregererwi sekuregererwa kwaanoitwa, kana kupihwa mubairo sewaanopihwa. Asi zvinosungirwa kune vamwe vese vakasungirwa kutevedzera mirairo yechitendero kuti vasiye kumutevedzera mukukanganisa kwake, vodzokera kuchokwadi chakaratidzwa neQur'ān neSunnah. [2] Yakashumwa naAl-Bukharī, nhamba (7352), naMuslim, nhamba (1716).
Kana nyaya dzakapokanwa nenyanzvi dzechitendero dzikadzoserwa kuBhuku raAllah neSunnah, uyo ane humbowo hunobva muBhuku neSunnah ndiye anenge awana chokwadi uye aenderana nacho, kunyange ari munhu mumwe chete. Asi uyo asina humbowo hunobva muBhuku neSunnah ndiye anenge asina kuwana chokwadi, asi anenge achipotsa, kunyange vari vanhu vakawanda. Naizvozvo, hazvibvumirwi kunyanzvi, kumudzidzi, kana kune anogona kunzwisisa—kunyange aine zvaanoperevedza—kuti ati: “Chokwadi chiri kune imwe yenyanzvi dzaanotevera,” kana humbowo hweBhuku neSunnah huri kune mumwe asiri iye. Nokuti izvi kusaziva kukuru, rusaruro runoshoreka, uye kutsauka zvachose kubva munzira yokururamisira. Izvi zvinodaro nokuti chokwadi hachizivikanwi nokutarisa kuti chataurwa naani; asi vanhu ndivo vanozivikanwa nokuyerwa nechokwadi. Hapana kana mumwe wenyanzvi dzinoita ijtihād kana wemaImām ane hunyanzvi hwakadzama pakuferefeta nyaya dzechitendero akadzivirirwa pakukanganisa. Uyo asina kudzivirirwa pakukanganisa anogona kukanganisa, uyezve anogonawo kururama. Nokudaro, pane dzimwe nguva anorurama, uye pane dzimwe anokanganisa. Kururama kwake hakugoni kusiyaniswa nokukanganisa kwake kunze kwokudzokera pahumbowo hweBhuku neSunnah. Kana maonero ake achienderana nazvo, anenge akarurama; asi kana achipesana nazvo, anenge akanganisa. Hapana kupokana pamusoro pemusimboti uyu pakati pemaMuslim ese, vokutanga nevokupedzisira, vakatanga nevakazotevera, vakuru nevaduku. Izvi zvinozivikanwa nomunhu wose ane chero ruzivo ruduku kwazvo nokunzwisisa kushomanana. Uyo asinganzwisisi izvi uye asingazvibvumi ngaazviongorore achizvifungira kuti ndiye ane chikanganiso, uye ngaazive kuti azvikuvadza nokupinda munyaya dzisiri dzake, nokuzvipinza mune zvisingasvikwi nokugona kwake uye zvisingapindwi nokunzwisisa kwake. Anofanira kudzora chinyoreso chake pachinogara, orega kutaura norurimi rwake (pavanhu nenyaya dzechitendero), ozvipira kutsvaka ruzivo. Ngaazvipire mukudzidza zvidzidzo zveijtihad, izvo zvinoita kuti munhu asvike pakuziva Bhuku neSunnah, kunzwisisa zvazvinoreva, uye kusiyanisa uchapupu hwazvo. Ngaashingaire pakutsvakurudza Sunnah nezvidzidzo zvayo, kusvikira ava kukwanisa kusiyanisa zvakavimbika mairi nezvisina kusimba, nezvinogamuchirwa nezvinorambwa. Ngaaongororewo mashoko evadzidzi vakuru vakatanga nevakazotevera veUmmah iyi, kuitira kuti atungamirirwe nemashoko avo kusvika pane zvaari kutsvaka. Nokuti kana akasaita izvi, asi akatanga kuve mubishi rezvatambotaura asati adzidza zvidzidzo izvi, achazvidemba zvikuru nokuda kwezvaakaita asati awana ruzivo rwazvo. Achashuvira kuti dai akanga arega kutaura zvisinei naye, uye dai akanga anyarara pane kupinda mune zvaasingazivi. Dzidziso yatakapiwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) yakanaka zvikuru, mumashoko avo echokwadi, pavakati: "Allah ngavanzwire tsitsi munhu anotaura zvakanaka kana kuti anonyarara." [3]. [3] Yakashumwa naAl-Bukhārī, nhamba (6475), naMuslim, nhamba (74), uye mashoko ake ndekuti: "Ani naani anotenda muna Allah nezuva rekupedzisira ngaataure zvakanaka kana kuti ngaanyarare."
Uye izvi zviri pamusoro peuyo akataura panyaya dzeruzivo Allah vasati vamuzarurira ruzivo rwaanofanira kuva narwo, ozvipinza nekutsigira vadzidzi nerusaruro, ozvipa basa rekutonga kuti uyu agona, uyu atadza pazvinhu zvaasingazive kana kunzwisisa. Haana kutaura zvakanaka uye haana kunyarara, nokudaro haana kutevedzera tsika dzakanaka dzakarairwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
Uye kana zvajeka kwauri kubva pane zvese zvatataura kuti kudzosa nyaya kuBhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kunosungirwa, sezvinoratidzwa nemashoko eBhuku rinokudzwa uye nechibvumirano chemaMuslim vese, unobva waziva kuti uyo anoti kuvanhu zvinokwanisika kuziva akanganisa pakati pevadzidzi vechitendero pasina kutevera nzira iyi kana vapokana pamusoro peimwe yenyaya, anenge achipikisana nezviri muBhuku raAllah, uye achipikisana nechibvumirano chemaMuslim vese. Saka tarisa — Allah ngavakutungamirire — kuti imhosva yakakura sei yaakazviparira nemashoko aya asina chokwadi, uye idambudziko rakakura sei raawira mariri nekukanganisa uku kwakakura, uye idambudziko rakaita sei raaunzirwa nekushomeka kweruzivo nekuperevera, uye muedzo wakaoma zvakadii waaunzirwa nekutaura pamusoro pezvinhu zvisiri zvake?
Uye heuno muenzaniso wandinokujekesera wezvatataura pamusoro pekusiyana kwemaonero pakati pevadzidzi vechitendero, uye nemaitiro ekudzosera zvinopokana vanhu mazviri kuBhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari; kuitira kuti zvijeke kuti ndiani akarurama uye ndiani akakanganisa. Uye kuti ndiani ane chokwadi uye ndiani asina, kuitira kuti uzive chokwadi neruzivo rwakakwana, uye chinyatsojeka kwauri. Nokuti chinhu kana chikatsanangurwa nemienzaniso uye chikaratidzwa nenzira inochipa mufananidzo wakajeka, chinosvika pakujeka kukuru zvekuti hachivanziki kune ane nzwisiso yakarurama nepfungwa dzakadzikama, kana kune asina mugove muruzivo uye asina chaanoziva. Uye ngatitorei nyaya iyi semuenzaniso wezvatataura uye sejekeso yezvatanyora: ndiyo nyaya iyo vanhu venguva yedu nemunyika yedu vari kugara vachikurukura nezvayo, kunyanya mumazuva ano, nokuda kwezvikonzero zvinozivikanwa, uye ndiyo inotevera:
Nyaya yekusimudza makuva nekuvaka pamusoro pawo, sezvinoitwa nevanhu zvekuvaka maMasjid nezvivakwa zvine matenga akakombama pamakuva.
Naizvozvo ndinoti: Ziva kuti vanhu vakabvumirana, vakatanga kuvepo navakazotevera, vokutanga navokupedzisira, kubvira panguva yemaṢaḥaba—Allah ngaavafare nawo—kusvikira panguva ino, kuti kukwidziridza makuva nokuvaka pamusoro pawo ibid‘ah, ine kurambidzwa kwakatsinhirwa. Mutumwa waAllah akapa yambiro yakasimba yemurango kune anoita izvozvo, sezvichazotsanangurwa. Hapana kana mumwe pakati pemaMuslim vose akapikisana nazvo. Zvisinei, Imam Yaḥyá bin Hamza ane mashoko aakataura anoratidza kuti aiona pasina chakaipa pakuvaka zvivako zvine pamusoro pakaita sedenderedzwa nezvivakwa zvokukudza makuva pamusoro pemakuva evanhu vakarurana. Hapana mumwe kunze kwake akataura izvozvo, uye hazvina kurondedzerwa kubva kune mumwe munhu asiri iye. Vanyori veZaydiyyah vakazvitaura mumabhuku avo efiqh vakangotevera maonero ake nokumutevedzera. Hatina kuwana maonero akadaro kubva kune vakararama panguva yake kana vakamutangira, vangava vemhuri yeMuporofita, kana vamwewo. Saizvozvowo, munyori weAl-Baḥr akagumira pakutaura maonero aya. Bhuku iri ndiro rinodzidzwa nenyanzvi huru dzeZaydiyyah, rinovimbwa naro pachikoro chavo chefiqh, uye rinotsanangura kusiyana kwemaonero pakati pavo pamwe chete nokusiyana kuri pakati pavo nevamwe. Uyezve, rine maonero mazhinji emamujtahid, pamwe chete nokusiyana kwavo panyaya dzefiqh. Munguva dzino nomunyika idzi, ndiro rava bhuku rinodzokerwa kwariri nemunhu anoda kuziva kusiyana kwemaonero panyaya idzi, pamwe chete nemashoko emamujtahid vanotsigira kana kuramba mitongo yadzo. Zvamazvirokwazvo, munyori webhuku iri rinoremekedzwa haana kuti maonero aya—ndinoreva kubvumirwa kwokuvaka zvivakwa zvine pamusoro pakaita sedenderedzwa nezvivakwa zvokukudza makuva pamusoro pemakuva evanhu vakarurama—ndeeumwe munhu kunze kwaImām Yaḥyá chete. Akataura mashoko anoti:
(Nyaya yaImām Yaḥyá yekuti: Hapana chakaipa nekuvaka zvivakwa zvine pamusoro panenge denderedzwa nezvivako zvekushanyira pamakuva evanhu vakarurama nemadzimambo, nekuti izvi zvaiitwa nemaMuslim uye hazvina kurambwa.)” Mashoko ake anogumira pano.
Saka kubva pane izvi waziva kuti hapana akataura izvozvo kunze kwaImām Yaḥyá, uye waziva humbowo hwaakashandisa, hunova kuitwa kwazvo nemaMuslim pasina anozvishora. Zvadaro munyori weAl-Baḥr akataura muAl-Ghayth humbowo uhwu hwakashandiswa naImām Yaḥyą, akagumira pahuri chete, uye haana kuuya nehumwe.
Kana waziva izvi, zvinobva zvajeka kwauri kuti kusawirirana uku kuri pakati paImām Yaḥyá nevamwe vadzidzi vose, kusanganisira maṢaḥābah nemaTābi‘īn, vekutanga nevekumashure vemhuri yeMutumwa vadzidzi vemamadhhab mana nevamwewo, pamwe chete nemamujtahid vose, vekutanga vavo nevekumashure. Uye izvi hazvipikiswi nekuti vamwe vanyori vakauya mushure mavo vakataura maonero aImām Yaḥyá mumabhuku avo, nekuti kungotaura maonero emumwe hakuratidzi kuti anotaura nezvawo anoasarudza kana kuatevera. Kana ukawana mumwe wevadzidzi vakauya mushure mavo achitaura maonero avo aya uye achiapa huremu kupfuura mamwe, kana ari mumujtahid, anenge achitaura zvakataurwa naImām Yaḥyá uye achitevedzera maonero avakatevera, achishandisa humbowo hwavakashandisa. Asi kana asiri mumujtahid, kuwirirana kwake navo hakupiwi huremu; nekuti mashoko anopiwa huremu ndeemaMujtahid, kwete evanongotevedzera maonero evamwe.
Kana uchida kuziva kuti: chokwadi ndeicho chakataurwa naImām Yaḥyá here, kana kuti chakataurwa nevamwe vadzidzi vechitendero?
Zvinosungirwa kwauri kudzorera kupokana uku kune izvo Allah vakatiraira kuti tidzorere kwazviri, zvinova Bhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare).
Kana ukati: Ndijekesere maitirwo ekudzorera uku kuitira kuti kubatsirika kuve kwakakwana, uye chokwadi chisiyaniswe zvakajeka nezvisiri icho, neakagona kubva kune akakanganisa panyaya iyi.
Ndinoti: Teerera zvakanaka kune zvandinotaura, uzvinzwisise, uye udzamise pfungwa dzako pazviri.
Uye zvino ndinokujekesera nzira inodiwa, uye ndinokutsanangurira nenzira inoita kuti mushure mazvo usasara uine kusava nechokwadi, kana kuvhiringidzika mupfungwa nemunzwisiso yako. Naizvozvo ndinoti: Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakataura kuti: Uye chose chamunopiwa nemutumwa (Muhammad (SAW)), chibatisisei; uye izvo zvaanokurambidzai, siyai. [Al-Hashr:7] Saka ndima iyi inosungira varanda kutevedzera zvakarairwa neMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) uye kuzvibatisisa, uye kurega izvo zvaakarambidza nekuzvisiya.
Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakataura kuti: Iti (Muhammad (SAW)) kuvanhu: “Kana muchinyatsodisisa Allah nditeverei, Allah vachakudai..." [Āl-ʿImrān: 31]. Saka mundima iyi: kuda Allah, uko kunosungirwa muranda mumwe nemumwe pavaranda vavo, kunoenderana nekutevera mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari). Uye kutevera uku ndicho chiyero chinozivikanwa nacho kuda kwemuranda Tenzi vake nenzira inogamuchirwa, uye ndicho chikonzero chinoita kuti muranda akodzere kudiwa naAllah.
Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakataura kuti: Uyo anoteerera mutumwa (Muhammad (SAW), zvirokwazvo anenge ateerera Allah. [An-Nisa: 80] Mundima iyi munoratidzwa kuti kuteerera Mutumwa ndiko kuteerera Allah.
Allah vakati zvakare: "Uye uyo anoteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW), nekudaro vanenge vari muboka reavo vakapiwa tsitsi naAllah, maporofita, vatevedzeri vemaporofita (avo vakatanga-tanga kutenda mavari, vakaita saHazrat Abu Bakr (RA)), vakafira muhondo, neavo vanoita mabasa akanaka. Uye ava vakanaka sei kuva pamwechete navo!" [An-Nisa: 69] Nokudaro, Allah vakavimbisa mufaro uyu kune uyo anoteerera Allah neMutumwa wavo, wokuti ave pamwe chete neavo vanove varanda vaAllah vane zvinzvimbo zvepamusoro-soro nechiremera chikuru kuna Allah.
Uye Allah vakataura kuti: "Iyi ndiyo mitemo yakaiswa naAllah, uye uyo achateerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) vachamupinza mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso), umo vachagara zvachose, uye uku ndiko kubudirira kukuru." "Uye uyo acharegera kuteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW), uye opfurikidza miganhu yavo, vachamupinza muGehena remoto, umo maachagara zvachose, uye achawana marwadzo anodzikisira." [An-Nisaa: 13-14]. Uye ivo vanorumbidzwa vakati: "Uye uyo anoteerera Allah nemutumwa wavo (SAW), uye otya Allah, uye ochengetedza mirairo yavo, ava ndivo vakabudirira." "[An-Nuur: 52] Uye Allah vanorumbidzwa, vakati: "Uye teererai Allah uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)..." [Al-Māidah: 92] Uye Allah vakadzikisira Mutumwa wavo chizaruro chekuti vataure kuti: “Saka ityai Allah, uye mova munondi teerera.” [Āl ʿImrān: 50] Uye ndima dzinoratidza chirevo ichi dzinopfuura makumi matatu.
Kubva pane zvose zvataurwa, zvinodzidzwa kuti: kuita zvakarairwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), nekurega zvavakarambidza, uye kuvatevera mazviri, zvaive zvakasungirwa nemurairo waAllah vari kumusoro-soro. Kuteerera Mutumwa waAllah mune izvozvo kwaiva kuteerera Allah, uye murairo waibva kuMutumwa waAllah waiva murairo waibva kuna Allah.
Uye ndichakujekesera maḥadīth akati kuti echokwadi kubva kuna Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) pamusoro pekurambidzwa kwekukwidziridza makuva nekuvaka pamusoro pawo, uye nezvekumanikidzirwa kwekuenzaniswa kwawo nekuputsa zvakakwidziridzwa paari. Asi pano tichatanga nekutaura zvimwe zvinhu senhanganyaya negadziriro yenyaya iyi. Tichazozopedzisira nekutaura zvinodiwa, kuitira kuti uyo anoverenga ongororo iyi azive kuti kana zvakataurwa naImām Yaḥyá nevamwe pamusoro pezvivakwa zvine pamusoro pakaita sedenderedzwa zviri pamakuva nenzvimbo dzemakuva dzinokudzwa zvikadzoserwa kune izvo Allah vakarayira kuti nyaya dzidzoserwe kwazviri, zvinova Bhuku raAllah, vanorumbidzwa, neSunnah yeMutumwa wavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), imomo mune zvinobvisa kusava nechokwadi uye zvinokwana pakujekesa chokwadi. Kungotaura zvimwe zvacho kunokwana kugutsa nekubvisa kudikanwa kwezvimwe, ndoda kana zvose zvataurwa. Ipapo zvinozova pachena kune vose vane nzwisiso kuti kukwidziridza makuva kune muedzo mukuru kuUmmah ino, uye kuti uku kuronga kwakaipa kukuru uko Satani akavarongera. Uye zvirokwazvo akashandisa kuronga uku kune avo vakavatanga kuvapo ivo vasati vavepo kubva kumaUmmah ekare, sezvakatsanangurwa naAllah (Vatsvene uye vari pamusoro-soro) muBhuku ravo rinokudzwa. Izvi zvakatanga muvanhu vaNūḥ. Allah, vanorumbidzwa, vakati: "Nūḥ (Nowa) akati: “Tenzi vangu! (Vanhu ava) vakaramba kunditeerera, uye vakatevera uyo wekuti hupfumi nevana vake hazvina zvazvinomuwedzera kunze kwekurasikirwa.” “Uyezve vakaronga kuronga kukuru.” “Uyezve vakati (kune vamwe vavo): ‘Hamufanirwi kusiya vanamwari venyu, kana kuti musiye Wadd, kana kuti Suwāʿ, kana kuti Yaghūth, kana kuti Yaʿūq, kana kuti Naṣr (Aya mazita ezviumbwa zvavainamata)." [Nuh: 21-23] Ava vaiva vanhu vakarurama kubva muvana vaAdam, uye vaiva nevateveri vaitevedzera muenzaniso wavo. Pavakafa, vateveri vavo vaitevedzera muenzaniso wavo vakati: "Dai tigadzira mifananidzo yavo, zvinowedzera chido chedu chekunamata pose patinovarangarira." Nokudaro vakagadzira mifananidzo yavo. Pakazofa vateveri ava, kukauya vamwe, Iblīs akavanyengera zvishoma nezvishoma, achiti: "Zvirokwazvo, avo vakakutangirai vainamata ava, uye nokuda kwavo vaipihwa mvura." Nokudaro vakavanamata, uye pashure pacho maArabhu akavanamatawo.
Uye zvinorehwa neizvi zvakataurwa muṢaḥiḥ al-Bukhārī zvichibva kuna Ibn ʿAbbās, Allah ngavafadzwe navo vose (iye nababa vake). Umwe weaaSalaf akati: "Zvirokwazvo, ava vaive vanhu vakarurama pakati pevanhu vaNūḥ. Pavakafa, vanhu vakaramba vachiuya pamakuva avo, ndokuzogadzira zviumbwa zvavo. Zvino nguva refu yakapfuura, vakazovanamata."[4] Uye izvi zvinotsigirwa nezvakatsinhirwa mumabhuku maviri eṢāḥīḥ nemamwewo, kubva kuna ʿĀisha, Allah ngavafare naye, achirondedzera kubva kuna Umm Salamah, Allah ngavafare naye, kuti akataura kuna Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, nezvekereke yaakaona munyika yeAbyssinia, ndokuvataurira nezvemifananidzo yaakaona mairi. Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vakabva vati: "Vanhu ivavo, vaiti kana muranda akarurama kana murume akarurama akafa pakati pavo, vaivaka Masjid pamusoro peguva rake, uye vaigadzira mifananidzo iyoyo imomo. Ivavo ndivo zvisikwa zvakaipisisa pamberi paAllah"[5]. [4] Yakashumwa naAl-Bukhārī, nhamba (4920). [5] Yakashumwa naAl-Bukhārī, nhamba (427), naMuslim, nhamba (528).
Uye Ibn Jarir akarondedzera pakutsanangura mashoko aAllah vekumusoro-soro anoti: "Murikuona here Lāt naUzzá (zvidhori zviviri zvemaArabhu zvavainamata)?" Akati: "Aigadzirira vaiita Hajj musanganiswa weupfu hwezviyo zvakakangwa nemvura; paakafa, vakazvipira kugara vachiuya paguva rake."[6] [6] Tafsīr Aṫ-Ṫabarī (22/ 47).
Uye muṢaḥīḥ Muslim zvakarondedzerwa kubva kuna Jundub ibn ʿAbdullāh al-Bajalī, Allah ngavafare naye, kuti akati: "Ndakanzwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) vasati vafa vachiti:" "Zvirokwazvo avo vaiveko pamberi penyu vaiita makuva emaporofita vavo maMasjid. Chenjerai! Musaita makuva maMasjid; nekuti ini ndinokurambidzai izvozvo."[7] [7] Yakashumwa naMuslim, nhamba (532).
Uye mumabhuku maviri eṢaḥīḥ mune nhaurwa kubva kuna ʿĀisha (Allah ngavafare naye), akati: "Apo Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) pavakanga vava mumarwadzo erufu, vakatanga kuisa jira ravo pamusoro pechiso chavo, uye pavaiomerwa nekufema vairibvisa. Vakadaro vakabva vati: “Kutuka kwaAllah ngakuve pamaJudha nemaKristu, nekuti vakaita makuva evaporofita vavo mamasjid.” Vaiyambira pamusoro pezvavakaita."[8] [8] Yakashumwa naAl-Bukhāri, nhamba (435), naMuslim, nhamba (531).
Uye mumabhuku maviri eṢaḥīḥ mune nhaurwa yakafanana neiyoyo yakabva kuna Ibn ʿAbbās, Allah ngavafare navo vose[9]. Uye mumabhuku aya zvakare mune nhaurwa kubva kuna Abū Hurayrah, Allah ngavafare naye, akati Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti: "Allah vakatuka maJudha nemaKristu, vakaita makuva emaporofita vavo mamasjid."[10] [9] Yakashumwa naAl-Bukhārī, nhamba (436), naMuslim, nhamba (531). [10] Yashumwa naAl-Bukhārī, nhamba (437), naMuslim, nhamba (530).
Uye mumaṢaḥīḥ maviri, mune hadith yaʿĀisha, Allah ngavafare naye, apo akati: "Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati mukurwara kwavo kwavasina kuzopona: "Allah vakatuka maJudha nemaKristu, vakaita makuva emaporofita vavo mamasjid. Uye dai pasina izvozvo, guva ravo ringadai rakaiswa pachena, asi pakatyirwa kuti ringaitwa masjid." [11] [11] Yakashumwa naAl-Bukhāri, nhamba (1330), naMuslim, nhamba (529).
Uyezve Imām Aḥmad akashuma muMusnad yake nesanad yakanaka, kubva muḥadīth yaʿAbdullāh bin Mas'ūd (Allah ngavafadzwe naye), akati Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati: "Zvirokwazvo, pakati pevanhu vakaipisisa pane avo vachasvikirwa nenguva yekuguma kwenyika vachiri vapenyu, neavo vanoita makuva mamasjid."[12] [12] Yakashumwa naAḥmad muMusnad yake, nhamba (3844).
Uye Aḥmad nevanyori vemabhuku eSunan vakarondedzera kubva muḥadith yaIbn ʿAbbās (Allah ngavafare naye iye nababa vake), akati Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "Allah vakatuka vakadzi vanoshanyira makuva, neavo vanovaka mamasjid pamusoro pawo pamwe nekuisa mwenje pawo."[13] [13] Yakashumwa naAḥmad muMusnad yake, nhamba (2030), naAbū Dawūd, nhamba (3236), naAn-Nasā’i, nhamba (2043), naat-Tirmidhī, nhamba (320).
Uye muṢaḥīḥ Muslim nemamwe mabhuku, mune nhaurwa kubva kuna Abū al-Hayyāj al-Asadī, akataura kuti: "ʿAli bin Abī Ṫalib, Allah ngavafare naye, akati kwandiri: "Handingakutumire here kuti uite izvo Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakandituma kuti ndiite: "Kuti ndisasiya chifananidzo ndisina kuchiparadza, uye ndisasiya guva rakakwirira ndisina kurienzanisa nepasi." [14] [14] Yakashumwa naMuslim, nhamba (969).
Uye muṢaḥīḥ Muslim zvakare, mune nhaurwa kubva kuna Thumāmah bin Shufayy yakafanana neiyoyo[15]. [15] Yakashumwa naMuslim, nhamba (968).
Uye izvi zvinopa humbowo hukuru kwazvo hwekuti kudzikisa guva rose rakasimudzwa kupfuura mwero unotenderwa nemutemo wechiIslam kunosungirwa zvakasimba uye kunofanira kuitwa.
Saka kukwidziridzwa kwemakuva kunosanganisira: kuwedzera kureba kwawo kana kuvaka zvivakwa zvine denderdzwa pamusoro pazvo, kana maMasjid pamusoro pawo; nekuti izvozvo zvakarambidzwa pasina kupokana kana kusava nechokwadi. Nokuda kwaizvozvo, Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatuma Mutungamiri wevatendi, Ali, kuti azviputse. Zvadaro, Mutungamiri wevatendi akatuma Abu Al-Hayyāj Al-Asadī kuti azviputse panguva yehutongi hwake saKhalifah.
Uye Aḥmad, Muslim, Abū Dāwud, At-Tirmidhī, uyo akatsinhira kuti ḥadīth iyi ndeyechokwadi. An-Nasā’ī naIbn Ḥibbān vakarondedzera ḥadīth yaJābir, uyo akati: “Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakarambidza kupurasita guva, kuvaka pamusoro paro, uye kuritsika.”[16] Uye ava vakashuma ḥadīth iyi vakawedzera pane zvakashumwa naMuslim, vakati: "Uye kuti panyorwe pamusoro paro." Al-Ḥakim akati: "Kurambidzwa kwekunyora kunoenderana nezvinodiwa naMuslim pakugamuchira ḥadīth, uye iyi iḥadīth yechokwadi ine nzira imwe chete yekurondedzerwa (gharīb)."[17] [16] Yakashumwa naAḥmad muAl-Musnad, nhamba (14148), naMuslim, nhamba (970), naAbū Dāwud, nhamba (3225), naat-Tirmidhī, nhamba (1052), naAn-Nasā’ī. nhamba (2028). [17] Mustadrak al-Ḥakim (1/370)
Mumashoko aya mune kurambidzwa kwakajeka kwekuvaka pamusoro pemakuva. Kurambidzwa uku kunosanganisirawo zvinovakwa pamativi egomba reguva, sezvinoitwa nevanhu vazhinji vanokwidziridza makuva evakafa kusvika pakureba kwedhirāʿ (kureba kweruoko rwemunhu kubva pagokora kusvika panoperera munwe wepakati) imwe kana kupfuura. Izvi zvinodaro nokuti guva pacharo harigoni kuitwa masjid; nokudaro, izvi zvinoratidza kuti zvinorehwa zvinosanganisira zvimwe zviri pedyo neguva uye zvakabatana naro. Kurambidzwa uku kunosanganisirawo anovaka pedyo nemativi eguva, sezvinoitwa pakuvaka zvivakwa zvine pamusoro pakaita sechidimbu chedenderedzwa, mamasjid, uye zvivako zvikuru zvinokudzwa nokuda kwemakuva arimo, nenzira yokuti guva rinenge riri pakati pazvo kana kune rimwe divi razvo. Zvirokwazvo, uku kuvaka pamusoro peguva, uye izvi hazvina kuvanzika kune ane kunyange kunzwisisa kuduku. Izvi zvakafanana nokutaura kunoitwa kuchinzi: “Mutongi akavaka rusvingo rwakakomberedza guta rakati kana musha wakati,” kana kuti: “Nhingi akavaka masjid panzvimbo yakati,” kunyange zvazvo madziro echivakwa chacho achingobata mativi eguta, emusha, kana enzvimbo yacho chete. Hapana musiyano pakuti mativi iwayo akavakirwa chivakwa ari pedyo nepakati, sezvinoita muguta duku, mumusha muduku, kana panzvimbo diki; kana kuti ari kure nepakati, sezvinoita muguta guru, mumusha mukuru, kana panzvimbo yakafara. Ani naani anoti mutauro wechiArabhu une chinorambidza kushandiswa kwemashoko nenzira iyi, munhu asingazivi mutauro wechiArabic, asinganzwisisi mataurirwo awo, uye asingazivi mashandisirwo anoitwa mashoko nawo nemaArabu.
Uye kana izvi zvanyatsojeka kwauri, unobva waziva kuti uyo anosimudza makuva nekuvaka zvivakwa zvine pamusoro panenge chidimbu chedendderedzwa, mamasjid nenzvimbo dzekukudza vakavigwa pamusoro pawo, akatukwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) pane imwe nguva, sezvambotaurwa, uye pane imwe nguva vakati: "Hasha dzaAllah dzakanyanya pamusoro pevanhu vakaita makuva emaporofita vavo mamasjid." Saka Mutumwa vakanyengetera kuti hasha dzaAllah dziwedzere pavanhu ava nekuda kwechiito ichi chekusateerera chavakaita, uye izvozvo zvakatsinhirwa muḥadīth yechokwadi.[18] Dzimwe nguva vakarambidza izvozvo, dzimwe nguva vakatumira munhu kuti azviputse, dzimwe nguva vakatsanangura izvozvo sezvimwe zvezviito zvemaJudha nemaKristu, uye dzimwe nguva vakati: "Musaita guva rangu chidhori."[19] Uye pane imwe nguva vakataura kuti: "Musaita guva rangu Eid (nzvimbo yemhemberero)." Zvichireva kuti: mwaka wavanoungana pariri, sezvava kuitwa nevazhinji vevanonamata makuva, vanotara nguva dzinozivikanwa dzavanoungana pamakuva evafi vavanotenda mavari, vachiitira makuva iwayo tsika dzekunamata, uye vachigara paari vachizvipira mukunamata. Izvi zvinozivikanwa nemunhu wese pazviito zvevanhu ava vakasiyiwa vasina rubatsiro, avo vakasiya kunamata Allah vakavasika nekuvapa chouviri, vozoita kuti vafe. Vakanamata muranda pakati pevaranda vaAllah, uyo ava pasi pezvikamu zvevhu, asingakwanisi kuzviunzira chinobatsira kana kuzvidzivirira pane zvinokuvadza, sezvakataurwa neMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) mune zvavakarayirwa naAllah kuti vataure: "Handina kana simba rekubetsera kana kurwadzisa pachangu." Saka tarisa kuti mutungamiri wevanhu uye akasarudzwa naAllah pakati pezvisikwa zvavo akataura sei achirairwa naTenzi vake: kuti haana simba pachake rekuunza zvakaipa kana zvinobatsira. Uye saizvozvowo akati mune zvakataurwa kubva kwaari zvakatsinhirwa kuti ndezvechokwadi: "Iwe Fātimah mwanasikana waMuhammad, handigoni kukubatsira nechinhu chipi zvacho pamberi paAllah."[20] [18] Muwaṭṭaʾ Mālik, nhamba (570). [19] Yakarondedzerwa naAḥmad, nhamba (7358) nevamwe, nesanad yakasimba. [20] Yakarondedzerwa naAbū Dawūd, (2042) nevamwe, nesanad yakasimba.
Saka kana aya ari mashoko eMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, pamusoro pavo pachavo, nepamusoro pehama dzavo dzepedyo zvikuru uye dzavaida zvikuru, saka unofungei pamusoro pevamwe vose vakafa avo vakanga vasiri naporofita vakachengetedzwa kubva mukukanganisa, kana vatumwa vakatumwa? Asi chinongogona kutaurwa pamusoro pemumwe wavo ndechekuti munhu mumwe chete pakati pevanhu veummah yaMuhammad iyi, uye mumwe wevanhu vechitendero ichi cheIslam. Naizvozvo anotova asina simba rekuunza zvinobatsira kana kubvisa zvakaipa kubva kuummah ino. Uye angarega sei kushaya simba rekuita chinhu icho Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakanga vasina simba rekuita, uye chavakaudza ummah yavo, sezvavakataurirwawo naAllah, avo vakavarayira kuti vaudze vanhu kuti ivo havana simba rekuunza zvakaipa kana zvinobatsira kwavari pachavo, uye kuti havagoni kudzivirira kunyange hama dzavo dzepedyo zvikuru kubva kuna Allah nechero chinhu? Zvinoshamisa sei! Munhu ane kunyange chidimbu chidiki cheruzivo, kana kunzwisisa kushoma, angatarisira sei kuti mumwe wevanhu veummah yeMuporofita uyu, vanotaura mashoko akadaro pamusoro pavo pachavo, angamubatsira kana kumukuvadza? Uye munhu iyeye achingova mumwe wevateveri vavo vanotevedzera mutemo wavo wechitendero. Saka nzeve dzako dzakambonzwa here — Allah ngavakutungamirire munzira yakarurama — nezvekurasika kwepfungwa kukuru kupfuura kurasika uku kwakawira vanonamata vanhu vari mumakuva?! (Zvirokwazvo tiri vaAllah uye kwavari ndiko kwatichadzokera).
Uye izvi ndakazvijekesa nenzira yakajeka zvikuru mugwaro rangu randakatumidza kuti: “Ad-Durr an-Naḍid fīi Ikhlāṣi Kalimat at-Tawhīd”, iro riri mumaoko evanhu.
Saka hapana kupokana kana kusava nechokwadi kuti chikonzero chikuru chakaita kuti kutenda uku pamusoro pevafi kuvepo ndechezvinhu zvakashongedzwa naSatani mumaziso evanhu, zvinosanganisira kukwidziridza makuva, kuisa machira pamusoro pawo, kuapurasita, nekuashongedza nekushongedza kwakanyanyisa, uye nekuanakisa nepavanogona napo. Nokuti munhu asina ruzivo, kana akaona guva rakavakirwa chivakwa chine denga rakatenderera, opinda imomo, oona machira anoyevedza ari pamusoro pemakuva nemwenje inopenya, ukuwo zvinonhuwira zvichipfungaira mumidziyo yakamupoteredza, hapana kupokana kana kusava nechokwadi kuti moyo wake unozadzwa nekuremekedza guva iroro zvakanyanya. Pfungwa dzake dzinobva dzashushikana dzichida kufungidzira hukuru hwechinzvimbo chaanofunga kuti mufi uyu anacho, uye anobatwa nekushamiswa nekutya kukuru kunodyara mumwoyo make zvitendero zvaSatani. Izvi ndezvimwe zvemisungo mikuru yaSatani yaanoteyera maMuslim, uye inzira dzake dzakasimba zvikuru dzekutsausa varanda vaAllah, dzichimuzunungusa zvishoma nezvishoma kubva muIslam, kusvikira akumbira kumufi ari muguva iroro zvinhu zvisingagoni kuitwa nemumwe kunze kwaAllah, vanorumbidzwa. Nokudaro anobva averengerwa pakati pevanoita Shirk (kubatanidza Allah nezvimwe zvinhu pakunamata).
Uye munhu anogona kuwira muShirk iyi paanongotanga kuona guva iroro rinenge rava muchimiro ichocho, uye paanotanga kurishanyira; nekuti mupfungwa dzake munotofanira kuuya pfungwa yekuti kutarisirwa kukuru kwakadaro kunoitwa nevapenyu kumufi akadaro hakungavepo kunze kwekunge paine batsiro yavanotarisira kubva kwaari, ingava yepanyika pano kana yeHupenyu Hunotevera. Saka anozviona seasingakoshi kana achizvienzanisa neavo vaanoona vanoratidzika senyanzvi dzeruzivo rwechitendero, vachishanyira guva iroro, vachirambira pariri uye vachikwesha miviri yavo pamakona aro.
Uye Satani anogona kuita kuti boka rehama dzake kubva muvanhu rimire paguva iroro, vachinyengedza vashanyi vanouya kwariri, vachivatyisa nekukudza nyaya yacho, uye vachiita zvinhu zvavanoronga pachavo, vozviti zvinoitwa nemufi, nenzira isingacherechedzwi neavo vasina kungwarira.
Uye vanogona kuruka nhema dzine zvinhu zvavanoti zvishamiso (karamat) zvemufi iyeye, voita kuti dzitekeshere muvanhu, vachidzokorora kudzirondedzera mumagungano avo nepavanosangana nevanhu, kusvikira dzapararira kwose kwose. Uyo ane mafungiro akanaka pamusoro pevakafa anodzigamuchira, uye pfungwa dzake dzinobvuma nhema dzinorondedzerwa pamusoro pavo, odzitaurawo sezvaakanzwa, achidzirondedzera mumagungano ake. Nokudaro, vanhu vasina ruzivo vanowira mudambudziko guru rekutenda muShirk, voita mhiko dzekupa mufi iyeye zvinhu zvinokosha zvikuru papfuma yavo, uye votsaurira guva rake zvachose zvinhu zvavanonyanya kuda pamwoyo yavo kubva pazvinhu zvavanazvo. Izvi vanozviita vachitenda kuti, kuburikidza nechinzvimbo chemufi iyeye, vachawana zvakanaka zvikuru nemubayiro mukuru. Uye vanotenda kuti izvozvo inzira huru yekuswedera pedyo naAllah, ibasa rekuteerera rinobatsira, uye ibasa rakanaka rinogamuchirwa. Nokudaro, chinangwa chevaya vari paguva iroro, avo vakaitwa naSatani hama dzake pakati pevana vaAdam, chinozadziswa. Zvirokwazvo, vakangoita mabasa iwayo, vakatyisa vanhu nenyaya idzodzo dzinotyisa, uye vakaruka nhema idzodzo, kuitira kuti vawane chimwe chikamu chepfuma yepanyika kubva papfuma yevanhu vakaderera vasina ruzivo.
Uye kuburikidza nenzira iyi yakatukwa, uye nzira yaSatani, midziyo yakatsaurirwa makuva (maAwqaf) yakawanda zvikuru, ikasvika pamwero mukuru, zvekuti mari inobva pamidziyo yakatsaurirwa vane mukurumbira pakati pevakavigwamo, dai yaizounganidzwa pamwe chete, yaizokwana kuraramisa vagari vemusha mukuru pakati pemisha yemaMuslim. Uye dai midziyo iyoyo yakatsaurirwa zvisina kururama yaitengeswa, Allah vaizoita kuti boka guru revarombo ripfume nayo. Zvose izvi zvinobva pamhiko dzekusateerera Allah. Zvirokwazvo zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kune Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakati: "Hapana mhiko inotenderwa mukusateerera Allah."[21] Uye izvi zvakare ndezvimwe zvemhiko dzisingaitirwi kutsvaga kufadza Allah. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "Mhiko ndeiya inoitwa nechinangwa chekufadza Allah."[22] Asi dzose idzi ndedzimwe mhiko dzinoita kuti anodziita akodzere kutsamwirwa naAllah nekuitirwa hasha navo; nekuti dzinosvitsa muridzi wadzo kune zvinosvitswa munhu mukutenda kuti vakafa ndivanamwari, kunova kuzununguka kwehwaro hwechitendero. Nekuti munhu haapi pfuma yake yaanonyanya kuda, uye iri pedyo zvikuru nemoyo wake, kunze kwekunge Satani atodyara mumoyo make kuda nekukudza guva iroro nemuridzi waro, nekupfurikidza mwero mukutenda kwake pamusoro pake, kusvika pamwero wekuti haadzokeri kuIslam akachengetedzeka. Tinokumbira dziviriro kuna Allah kubva pakuraswa. [21] Yakashumwa naMuslim, nhamba (1641). [22] Yakarondedzerwa naImām Aḥmad, nhamba (6714), naAbū Dāwud, nhamba (2192), uye isnād yayo yakanaka.
Uye hapana kupokana kuti vazhinji veava vakanyengedzwa nekubiridzirwa, mumwe munhu akavakumbira kuti vaite mhiko yekupa zvavakaita mhiko yekupa kuguva remunhu akafa kune rimwe remabasa ekuteerera Allah uye ekuswedera pedyo navo, havazviite, uye havatomboswedera pakuzviita!
Saka tarisa kuti Satani asvika papi pakunyengera ava? Uye kuti akavakanda sei mugomba rakadzika zvikuru, rine mativi ane rima?
Saka ichi ndicho chimwe chezvakaipa zvinokonzerwa nemakuva, nekuavakira zvivakwa, nekuashongedza pamwe nekuapurasita.
Uye pakati pezvakaipa zvikuru zvinosvika pakubudisa anozviita kunze kwemiganhu yeIslam, zvichimupunzira pasi nemusoro kubva panzvimbo yepamusoro muchitendero, pane zvekuti: vazhinji vavo vanounza mhuka dzakanakisisa pakati pezvipfuyo zvavanazvo, vodziuraya paguva iroro, vachiswedera kune akavigwa mariri kuburikidza nadzo, vachitarisira kuwana kubva kwaari izvo zvavanoshuva mumwoyo yavo. Nokudaro, vanodziuraya vachidudza zita remumwe asiri Allah, uye vachinamata chifananidzo pakati pezvifananidzo kuburikidza nadzo. Nokuti hapana musiyano pakati pekuuraya mhuka sechibayiro kumatombo akamiswa avanoti zvifananidzo, nekudziuraya paguva remunhu akafa ravanoti iguva. Kungosiyana kwemazita hakushanduri chokwadi, uye hakuiti kuti chinhu chive chinotenderwa kana chinorambidzwa. Nokuti uyo anopa doro rimwe zita risiri raro, obva arinwa, mutongo wake wakafanana neweuyo anorinwa achiridaidza nezita raro, pasina kupokana pakati pemaMuslim ese.
Uye hapana kupokana kuti kuuraya mhuka sechibayiro ndeimwe mhando dzekunamata idzo Allah vakarayira varanda vavo kuti vavanamate nadzo, semhuka dzinopiwa sechibayiro kuḤaram (hady), mhuka dzinourayiwa semuripo (fidyah), uye mhuka dzezvibayiro zveEid al-Adha (udḥiyah). Saka uyo anotsvaga kuswedera kuguva kuburikidza nezvibayiro izvi, achiuraya mhuka ari paguva, haana chimwe chinangwa neizvozvo kunze kwekurikudza nekuriremekedza, kutsvaga kuwana zvakanaka kubva kwariri uye kudzivisa huipi kuburikidza naro. Uku kunamata kusina kupokana, uye kungozvinzwa chete kunokwana kuratidza huipi hwazvo. Hapana simba kana kugona kunze kwekubatsirwa naAllah, vari pamusoro-soro, vane hukuru. (Zvirokwazvo, tiri vaAllah, uye zvirokwazvo, tichadzokera kwavari.)
Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "MuIslam hazvibvumidzwi kubayira mhuka pamakuva."[23] ʿAbd ar-Razzāq akati: "Vaibaya mhuka paguva, kureva mombe nehwai." Yakashumwa naAbū Dāwud neisnād yakasimba, kubva kuna Anas ibn Malik[24]. [23] Yakarondedzerwa naAbū Dāwud, nhamba (3222). [24] Yakarondedzerwa naAbū Dāwud, nhamba (3222).
Uye mushure mezvose izvi, ziva kuti humbowo hwandaunza, pamwe zvakaita senhanganyaya uye pane zvakaita semhedziso inopedzisa ongororo iyi: zvinopa mutongo wakasimba zvikuru, zvinozivisa neizwi rakakwirira zvikuru, zvinoratidza zvakajeka zvikuru, uye zvinoburitsa pachena zvikuru kuti: izvo zvakataurwa nemunyori weAl-Baḥr kubva kuna Imām Yahyá kukanganisa kuri pakati pekukanganisa kunoitwa nevadzidzi vechitendero, uye imhosho yerudzi rwemhosho dzinoitwa nemaMujtahid. Izvi ndizvo zvakaita vanhu — uye akachengetedzwa kubva mukukanganisa ndiye akachengetedzwa naAllah — uye mashoko emudzidzi wese wechitendero anogona kugamuchirwa kana kusiyiwa. Kunyange zvazvo ivo — Allah ngavavanzwire tsitsi — vari pakati pemaImām makuru anonyanya kururamisira, kutsvaka chokwadi nekungwarira, kutungamirira uye kuva nesimba rekutungamirira vamwe, takaona kuti vakapikisana nevamwe pane zvavakataura zvekubvumidzwa kwekuvaka zvivakwa zvine pamusoro pakaita sedenderedzwa pamusoro pemakuva. Naizvozvo, takadzosera kusawirirana uku kune izvo Allah vakasungira kuti kusawirirana kudzoserwe kwazviri, zvinova Bhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari). Tikawana mazviri izvo zvatambotaura zvehumbowo hunoratidza zvakajeka zvikuru, uye hunozivisa nenzwi rakakwirira zvikuru kuti izvi hazvitenderwi uye zvakarambidzwa, kuti anozviita anotukwa uye anoitirwa duʿāʾrakaipa, uye kuti kutsamwa kwaAllah pamusoro pake kunowedzera zvikuru. Pamusoro pezvo, izvi zvinovhura nzira inoenda kuShirk, uye inzira inosvitsa pakubuda muchitendero, sezvandatsanangura.
Saka dai vaitaura zvakataurwa naImām Yahyá vaiva vamwe maImām kana kuti vazhinji vavo, mashoko avo angadai ari mhinduro inovapikisa, sezvandambotaura pakutanga kwegwaro rino; zvino zvingava sei iye anotaura izvozvo ari mumwe chete wavo?
Uye zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kunaMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakati: "Chinhu chose chisingaenderani nemurairo wedu; chinorambwa."[25] Uye kukwidziridza makuva nekuvaka zvivakwa zvine matenga akaita sechidimbu chedenderedzwa nemamasjid pamusoro pawo hazvina kurairwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), sekukujekesera kweizvozvo kwandaita. Naizvozvo zvinorambwa uye zvinodzoserwa kune anozviita. Avo vakaraira vanhu mitemo iyi yeIslam ndiTenzi, vakarurama pane zvose zvisina kukodzera hukuru hwavo, kuburikidza nezvavakadzikisa muBhuku ravo uye nezvakataurwa nerurimi rweMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari). [25] Yakashumwa naAl-Bukhārī, nhamba (20), naMuslim, nhamba (1718).
Saka hazvibvumirwe kuti munhu weruzivo — kunyange asvika pachinhanho chepamusoro-soro uye pachinzvimbo chepamusoro muruzivo — atevedzerwe mune zvaanopikisana neQur'an neSunnah kana chimwe chazvo. Asi kana akakanganisa mushure mekuita zvizere kuedza kwake kutsvaga chokwadi, anopiwa mubairo pamusoro pekuedza ikoko, uye hazvibvumirwe kune mumwe munhu kumutevera mukukanganisa ikoko.
Uye izvi ndazvitsanangura pakutanga kwetsvakurudzo, zvekuti kuzvidzokorora hakuwedzeri chinobatsira.
Zvakashandiswa naImām Yaḥyá seHuchapupu paakati: “Nekuti maMuslim vanozviita uye havana kuzviramba,” aya mashoko anorambwa, nekuti vadzidzi vechitendero cheIslam vakaramba vachirondedzera munguva dzese maHadiith eMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) pamusoro pekutukwa kweuyo anoita izvozvo. Uye vaitsanangura nekutsinhira mutemo weMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) unorambidza izvozvo muzvikoro zvavo nemumagungano evanochengeta maḥadīth mumusoro. Vakauya mushure vairondedzera kubva kune vakavatanga, vadiki kubva kuvakuru, uye vadzidzi kubva kune vane ruzivo, kubvira pamazuva emaṢahāba kusvika panguva ino. Uye nyanzvi dzemaḥadīth dzakaisa mashoko aya mumabhuku adzo ane mukurumbira, anosanganisira mabhuku makuru anovimbwa nawo, maMusnad nemaMuṣannaf. Vatsananguri veQur’ān vakaaisawo mumabhuku avo eTafsīr, nyanzvi dzeFiqh dzakaaisa mumabhuku adzo eFiqh, uye vanyori venhoroondo nehupenyu hwevanhu vakaaisa mumabhuku avo enhoroondo nehupenyu hwevanhu. Saka zvinganzi sei maMuslim havana kuramba avo vaiita izvozvo, ivo vachirondedzera humbowo hwekuzvirambidza uye hwekutukwa kweanozviita, chizvarwa chimwe chichitora kubva kune chakachitangira munguva dzese? Pamusoro pezvo, vadzidzi vechitendero cheIslam vakaramba vachizvishora uye vachitsinhira zvikuru kurambidzwa kwazvo.
Uye zvirokwazvo Ibn al-Qayyim akarondedzera kubva kuna Sheikh wake Taqiyyud-Din (Allah ngavavanzwire tsitsi vose vari vaviri), avo aive nyanzvi ine ruzivo rwakakwana pamusoro penzira yevakatanga veummah ino (maSalaf) nevakazotevera, kuti mapoka ose vakataura pachena kurambidzwa kwekuvaka mamasjid pamusoro pemakuva, akazoti: “Uye vadzidzi vaAḥmad, Mālik neAsh-Shāfī’ vakataura pachena kuti izvozvo zvinorambidzwa. Rimwe boka rakangoti hazvifarirwi, asi izvi zvinofanira kunzwisiswa sekusafarirwa kunoreva kurambidzwa, tichivafungira zvakanaka, uye tisingavafungiri kuti vanotendera izvo zvakarondedzerwa nenhoroondo dzakawanda dzinobva kuna Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), dzekuti vakatuka uyo anozviita uye vakazvirambidza.” Ndipo pakaperera mashoko ake[26]. [26] Ighāthat Al-Lahfān fī Maṣāyid Ash-Shayṭān (1/ 185).
Saka ona kuti akashuma sei zvakataurwa zvakajeka nemapoka ose?
Uye izvozvo zvinoratidza kuti nyanzvi dzechitendero dzakawirirana pamusoro peizvozvo, pasinei nekusiyana kwemapoka avo. Zvino mushure meizvozvo, akataura kuti vateveri vezvikoro zvitatu zvemaonero echitendero vakanyatsotaura kuti zvakarambidzwa, uye kuti rimwe boka rakanyatsotaura kuti hazvifarirwi, achidudzira kusafarirwa ikoko sekusafarirwa kunoreva kurambidzwa.
Saka zvinganzi sei: Hapana akamborambidza kuvaka zvivakwa zvine pamusoro pane chidimbu chedenderedzwa nezvivakwa zvinoyereswa pamakuva?
Zvino tarisa kuti zvingava zvakarurama sei kuita kuti vanhu vakarurama vasabatanidzwe mumutemo uyu, vachivakirwa zvivakwa zvine pamusoro pakaita sechidimbu chedenderedzwa izvo zvakashumwa nenzira yechokwadi kubva kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) — sezvatambotaura — kuti vakati: "Vanhu ivavo, vaiti kana muranda akarurama, kana kuti murume akarurama, akafa pakati pavo, vaivaka masjid pamusoro peguva rake." [27] Zvadaro vakavatuka nekuda kwechikonzero ichi. [27] Yakashumwa naal-Bukhārī, nhamba (434).
Saka zvingatenderwa sei kuti muMuslim atore vanhu vakarurama sevasingabatanidzwirwe pakurambidzwa uku, achiita chinhu ichi chakarambidzwa zvakasimba pamusoro pemakuva avo, nepo vanhu veBhuku (maJuda nemaKristu), avo vakatukwa neMutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) uye vakayambira vanhu kuti vasaite zvavakaita, vasina kuvaka mamasjid kunze kwepamusoro pemakuva evanhu vavo vakarurama?
Zvino ava ndivo Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), mutungamiri wevanhu vose, vakanakisisa pazvisikwa zvose, vekupedzisira vevatumwa, uye vakasarudzwa naAllah pazvisikwa zvavo, vanorambidza vanhu vavo kuita guva ravo nzvimbo yekunamatira, kana chidhori chinonamatwa, kana nzvimbo yemhemberero dzinodzokororwa. Ndivo muenzaniso wevanhu vavo, uye vanhu vane hunhu hwakanaka ndivo vanofanira kuva nemugove mukuru mukuvatevedzera nekutevedzera zviito zvavo nemashoko avo. Ndivo vane kodzero huru uye vakanyanya kufanirwa nekuita izvozvo pakati pevanhu vavo vose. Saka zviito zvemumwe wevanhu vemuummah nekururama kwake zvingava sei chikonzero chekutendera kuitwa kwechinhu ichi chakaipa paguva rake?
Uye hwaro hwekukosha nemviromviro yacho ndiMutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari). Uye ndekupi kukosha kungafananidzwa nekukosha kwavo kunyange nepadiki pose, kana kuti kunopfuura kukosha kwavo? Kana izvi zvichirambidzwa uye zvichiyambirwa kuti zvisaitwe, uye anozviita paguva raMutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) akatukwa, saka munofungei nezveguva remumwe asiri ivo wemuummah mavo?
Uye zvingava zvakarurama sei kuti kururama kwemunhu kuvve chikonzero chekubvumidza zvakarambidzwa uye kuita mabasa akaipa? Imi Allah, tiregerereiwo.
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, avo vakatitungamirira kuchokwadi uye vakatibatsira kuchitevera, uye Allah ngavakomborere Muhammad, Muranda waAllah neMutumwa wavo, pamwechete nemhuri yake yose.
Related books
All books
Pfupiso yeKutenda kweIslam76 languagesPfupiso yeKutenda kweIslam
Bhuku iri rinotsanangura mbiru dzeKutenda, dzinosanganisira kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, nemuZuva Rekupedzisira, uye nezvakatarwa. Bhuku racho rinoburitsawo misimboti yehwaro iyo muMuslim anofanira kutenda mairi nekushanda maererano nayo, richisimbisa kukosha kwekusimbisa hukama naAllah kuburikidza nekunzwisisa zvakadzama dzidziso dzekutenda kwechiIslam.
Tsananguro yeMazwi eAdhaan55 languagesTsananguro yeMazwi eAdhaan
Bhuku rekutsanangura mazwi eAdhaan rinoongorora mashoko eAdhaan nekuatsanangura netsananguro yezvekutenda, richiburitsa pachena hudzamu hwawo panyaya dzekutenda (Aqidah) nedzidziso dzehunhu. Rinoburitsa pachena kuti Adhaan hakusi kungodaidza vanhu kumunamato (Swalaah) chete, asi kuti kudaidza kwemazuva ose kuhumwechete hwaAllah (Tawheed) nekubudirira. Rinoburitsa mashoko eAdhaan ndokutsanangura zvizere zvaanoreva, kubva pakukudza Allah (Mwari) nekupupura Tawheed nehutumwa, kuenda pakukoka kumunamato (Swalaah) nekubudiriro, kuzosvika pakupedzisa neTakbir uye neTawhid nemanyorero anobata moyo.…
Maitirwo eWudhu (tsananguro yekuita muchidimbu)80 languagesMaitirwo eWudhu (tsananguro yekuita muchidimbu)
Maitirwo eWudhu (muvhidhiyo yakareruka) Kuita chaiko kunojekesa kuitwa kweWudhu nhanho nenhanho, kunokosha zvikuru nokuti Wudhu chiga chekugamuchirwa kweSwalaah. Tarisa vhidhiyo iyi udzidze maitirwo chaiwo eWudhu. Maitirwo eWudhu
Maitirwo eSwalaah (muvhidhiyo pfupi)86 languagesMaitirwo eSwalaah (muvhidhiyo pfupi)
Kuratidza muchidimbu maitirwo eSwalaah, kuitira kuti tinamate Allah tiine ruzivo rwakajeka, uye kuti Swalah yedu ive yakakwana munheyo nezviga zvayo. Muitirwo weSwalaah Kana tichida kuita Swalaah, zvinosungirwa kuti tichene kubva kutsvina diki netsvina huru. Uye kuti tinamate nembatya dzakachena dzinofukidza nhengo dzedu dzinonyadzisira. Uye muviri wedu nenzvimbo yemunamato wedu zvinofanira kuva zvakachena kubva kutsvina. Tinotarisa kuQiblah Uye zvinokurudzirwa kuti tinamate takatarisa Sutrah (chinhu chinovharira pamberi pake).