Chitendero chechisikirwo, chepfungwa, uye nerufaro. Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni .
kuti ndiani akasika matenga nenyika nezvisikwa zvikuru zviri mazviri? Uye ndiani akasika hurongwa hwakanyatsorongeka uye hwakatsetsenurwa hwuri mazviri?
Chisiko chikuru ichi chinorongeka nekugadzikana sei nemitemo yacho inochifambisa nenzira yakanyatsorurama nekufamba kwemakore?
Ko nyika iyi yakazvisika here? Kana kuti yakangonyuka pasina Musiki?Kana kuti yakangovapo nemasanga?
Ndiani akaisa hurongwa uhwu hwakanyatsorongeka munhengo dzemuviri wako nemumiviri yezvisikwa zvipenyu?
Hapana munhu angabvume kuudzwa kuti imba iyi yakangovapo pasina akaivaka! Kana kuti yakaumbwa kubva pasina chinhu! Zvino sei vamwe vanhu vachitenda kuti nyika ino yose ihombe yakavapo pasina Musiki? Munhu ane njere angabvume sei kuudzwa kuti kurongeka kwakaringana kwenyika uku kwakangovapo nemasanga?
Zvirokwazvo kuna Mwari mukuru, Musiki neMurongi wenyika yose nezvose zviri mairi, vanova ivo Allah, kukudzwa ngakuve kwavari.
Tenzi, kukudzwa ngakuve kwavari, vakatumira vatumwa uye vakadzikisa kwavari mabhuku matsvene (Wahyi). Rekupedzisira rawo iQuran rinoera rakadzikiswa naAllah kuna Muhammad, Mutumwa wekupedzisira waAllah. Mukuburikidza nemabhuku avo nevatumwa vavo:
⦁Allah vakatizivisa pamusoro pezvavo, mamiriro avo, nekodzero dzavo patiri, uye vakajekesa kodzero dzedu pavari.
⦁Uye vakatiratidza kuti zvirikwazvo ndivo Tenzi vakasika zvisikwa, uye kuti zvirokwazvo Allah vapenyu, havafe, uye zvisikwa zviri mumaoko mavo, nepasi pesimba ravo, nekuita kwavo.
Allah vakatizivisa kuti chimwe chinhu chiri pavari ruzivo, uye vanoziva zvinhu zvese. Uyezve ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvese, zvekuti hapana chakavandika kwavari pasi pano kana kumatenga.
⦁Uye vakatizivisa kuti ndivo Tenzi vane maitiro akakwanira, uye vakatipa pfungwa nenhengo dzekunzwa dzinonzwisisa zvishamiso zvekusika kwavo nekugona kwavo, izvo zvinotiratidza hukuru hwavo, simba ravo, pamwe nemaitiro avo akakwanira. Zvakare vakadyara matiri chizvarirwo chinopupura kukwanira kwavo kwazvo uye kuti zvirokwazvo hazvigoneke kuti vataurwe kuti vakaperevera.
⦁ Uye tinoziva kuti Tenzi vari pamusoro pematenga avo, havasi mukati menyika, uye nyika haimo mavari.
Uye vakatizivisa kuti zvirokwazvo tinofanira kuzvipira kuzere kwavari, kukudzwa ngakuve kwavari, nekuti ndivo Musiki wedu uye Musiki wenyika yose uye Murongi wayo.
Naizvozvo Musiki vane maitiro makuru, uye hazvigoneke zvachose kuti vataurwe kuti vane chavanoshaiwa kana kuperevera. Tenzi havakanganwe, havarare, kana kudya chikafu, uye hazvigoneke kuti vave nemukadzi kana mwana. Uye magwaro ese ane zvinopesana nehukuru hweMusiki haasi mune mashoko echokwadi(wahy) akaunzwa nevatumwa vaAllah, rugare ngaruve kwavari.
Kana uchitenda muna Tenzi Musiki... wakambozvibvunza here nezvechinangwa chekusikwa kwako? Uye Allah vanodei kubva kwatiri, uye chii chinangwa chekuvapo kwedu?
Zvingagoneki here kuti Allah vange vakatisika vobva vatisiya tisina anoti tarisa? Zvingagoneki here kuti Allah vakasika zvisikwa zvese izvi pasina chinangwa kana donzvo?
Chokwadi ndechekuti Tenzi Musiki Mukuru, "Allah", vakatiudza nezvechinangwa chavakatisikira, icho chinova kunamata Allah vega, uye zvavanoda kwatiri! Uye vakatiudza kuti ndivo vega vakakodzera kunamatwa, uye vakatitsanangurira kuburikidza nevatumwa vavo, rugare ngaruve kwavari, kuti tinovanamata sei. Uye kuti tinoswedera sei pedyo navo nekuita mirairo yavo nekusiya zvavanorambidza. Uye kuti tingavafadze sei. Uye kuti tingazvidzivirira sei kubva kumurango wavo, uye vakatiudza nezvemagumo edu mushure mekufa.
Uye vakatizivisa kuti hupenyu huno hwepasi pano hungori muedzo chete, uye kuti hupenyu hwechokwadi huzere huchave hweramangwana mushure merufu.
Uye vakatizivisa kuti uyo anomata Allah sezvavakamuraira, uye akasiyana nezvavakamurambidza; achawana hupenyu hwakanaka panyika, nemufaro usingaperi muhupenyu hweramangwana. Uye uyo anenge asingavateereri uye asingatendi mavari; achatambudzika panyika, nekuwana murango usingaperi muhupenyu hweramangwana.
Uye nokuda kokuti zvirokwazvo tinoziva kuti hazvigoneke kuti tirarame hupenyu huno pasina kuti munhu wese patiri awane mubairo wezvaakaita zvakanaka kana kurangwa pamusoro pezvakaipa zvaakaita, saka zvingaite here kuti kusave nekurangwa kwevatadzi uye kusave nemubairo kune vanoita zvakanaka?
Uyo anocherechedza zvinonamatwa nevanhu vazhinji mazuva ano; anoona kuti umwe anonamata munhu, mumwe achinamata chifananidzo, uye mumwe achinamata nyeredzi, nezvimwe zvakangodaro. Munhu ane njere haafanirwi kunamata chero chii zvacho kunze kwaTenzi wezvisikwa zvese, uyo akakwanira mumaitiro nemamiriro ake. Ko anonamata sei chisikwa chakaita saiye kana kuti chiri pasi pake? Naizvozvo, anonamatwa haafanire kunge ari munhu, kana chifananidzo, kana muti, kana mhuka.
Saka zvitendero zvese zvinonamatwa nevanhu mazuva ano - kunze kweIslam - Allah havazvitambiri. Izvi zvitendero zvakagadzirwa nevanhu, kana kuti zvitendero zvakabva kuna Mwari ruoko rwevanhu rukapinda mazviri. Asi Islam chitendero chaTenzi wezvisikwa zvese, hachishanduki uye hachipinduki. Uye Bhuku rechitendero ichi iQur'an rinoera. Iri ibhuku rakachengetedzwa semadzikisirwo arakaitwa naAllah uye richiri mumaoko emaMuslim kusvika nanhasi mururimi rwarakadzikiswa narwo kuMutumwa wekupedzisira.
Imwe yenheyo dzeIslam kutenda muvatumwa vose vakatumwa naAllah, uye vose vaive vanhu vakavatsigirwa nezviratidzo neminana naAllah, uye vakavatumira kuti vakoke vanhu kuti vavanamate ivo voga vasina chavanosanganiswa nacho. Uye Mutumwa wekupedzisira ndiMutumwa Muhammad (Rugare netsistsi dzaAllah ngazvive kwaari), akatumwa naAllah nemitemo yehuMwari yekupedzisira inotsiva mitemo yevatumwa vaivepo kare. Allah vakamutsigira nezviratidzo zvikuru, uye chikuru chazvo iQur’an rinoera, mashoko aTenzi wenyika yose, bhuku guru kudarika ose akambozivikanwa nevanhu. Rinoshamisa muzvinyorwa zvaro, mumazwi aro, mukurongeka kwaro, uye nemumitemo yaro. Mariri mune nhungamiro kuchokwadi inotungamirira kumufaro wepanyika pano nemuhupenyu hwamangwana. Uye rakadzikiswa mururimi rwechiArabhu.
Uye kune humbowo huzhinji hwenjere nesainzi hunoratidza zvisina mubvunzo kuti Qur'an iri ishoko reMusiki, ngaarumbidzwe wekumusoro soro, uye kuti harigoni kunge rakagadzirwa nevanhu.
Uye imwe yenheyo dzeIslam kutenda mungirozi, uye kutenda muzuva rekupedzisira, panguva iyo Allah vachamutsa vanhu kubva mumakuva avo pazuva rekutongwa kuti vavabvunze nezvemabasa avo. Saka, uyo anoita mabasa akarurama ari mutendi achawana mufaro nekusingaperi muParadhiso, uye uyo anoramba kutenda oita mabasa akaipa, achawana murango mukuru muMoto. Zvakare, chimwe chenheyo dzeIslam kutenda kune zvakatarwa naAllah, zvingave zvakanaka kana zvakaipa.
Chitendero cheIslam igwara rakakwana rehupenyu, rinoenderana nechisikirwo chemunhu, nepfungwa, uye rinogamuchirwa nevanhu vakarurama. Chitendero chakatarwa naMusiki Mukuru kuzvisikwa zvake, uye chitendero chakanaka chinopa mufaro kuvanhu vose muhupenyu hwepano pasi nehupenyu hwamangwana. Hachisarure dzinza pane rimwe dzinza, kana ruvara pane rumwe ruvara, uye vanhu vose vakaenzana machiri. MuIslam hapana anopfuura mumwe, kunze kwezvinoenderana nechiyero chemabasa ake akanaka.
Kubva pane zvinotsinhirwa naAllah muQur'an rinoera pane zvekuti kutenda muna Allah saTenzi, uye vakafanirwa kunamatwa, uye kutenda muIslam sechitendero, uye kutenda munaMuhammad semutumwa, uye kupinda muIslam, inyaya inosungirwa isina sarudzo kumunhu. Uye pazuva rekutongwa kuchava nekuvhunzwa pamusoro pemabasa, nemubairo nekurangwa. Naizvozvo mutendi wechokwadi achawana budiriro nekukunda kukuru, uye uyo anoramba kutenda acharasikirwa zviri pachena.
Uyo anoda kupinda muIslam anofanirwa kutaura kuti: Ash-hadu an lā ilāha illāllāh, wa ash-hadu anna Muḥammadan rasūlullāh.
(Ndinopupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah), achiziva zvazvinoreva uye achitenda mazviri. Akaita izvi anobva ava muMuslim; zvadaro anodzidza mimwe mitemo yeIslam zvishoma nezvishoma; kuti aite zvakasungirwa naAllah paari.
Kuti muwane rumwe ruzivo endai pawebhusaiti iyi: