الإسلام - نبذة موجزة عن الإسلام (مشتملة على الأدلة)
Islam Tsanangudzo pfupi pamusoro peIslam sekuuya kwayakaita muQur'an rinoera neSunnah yehuporofita. Ibhuku rakakosha rine tsananguro pfupi pamusoro pechitendero cheIslam, richitsanangura nheyo dzacho dzinonyanya kukosha, nedzidziso dzacho, uye nekunaka kwacho kubva kumanyuko aro epakutanga, anova Qur'an Dzvene neSunnah yaMuporofita. Uye bhuku iri rakanangana nevanhu vose vanosungirwa kuzvidavirira, kubva kumaMuslim nevasiri maMuslim, mumitauro yavo, munguva dzose nenzvimbo dzose, zvisinei nekusiyana kwemamiriro ezvinhu nezvinoitika. (Gwaro rinosanganisira humbowo kubva muQur’an rinoera…
This PDF is generated automatically from the book's text; its layout may differ from the printed edition.
Islam
Tsanangudzo pfupi pamusoro peIslam sekuuya kwayakaita muQur'an rinoera neSunnah yehuporofita.
Ibhuku rakakosha rine tsananguro pfupi pamusoro pechitendero cheIslam, richitsanangura nheyo dzacho dzinonyanya kukosha, nedzidziso dzacho, uye nekunaka kwacho kubva kumanyuko aro epakutanga, anova Qur'an Dzvene neSunnah yaMuporofita. Uye bhuku iri rakanangana nevanhu vose vanosungirwa kuzvidavirira, kubva kumaMuslim nevasiri maMuslim, mumitauro yavo, munguva dzose nenzvimbo dzose, zvisinei nekusiyana kwemamiriro ezvinhu nezvinoitika.
(Gwaro rinosanganisira humbowo kubva muQur’an rinoera nemuSunnah yaMuporofita)
1- Islam ndiro shoko raAllah kuvanhu vose, uye ndiro shoko rinobva kuna Allah risingaperi, rekupedzisira pamashoko anobva kuna Allah:
Islam ndiro shoko raAllah kuvanhu vese. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye hatina kukutuma kunze kwekuti uve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri kune vanhu vese, asi vanhu vazhinji havazivi.} [Saba:28]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti: “ Imi vanhu! Zvirokwazvo ini ndiri Mutumwa waAllah kwamuri mose”} [Al-A'raaf:158]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {O imi vanhu! Zvirokwazvo, kwauya kwamuri Mutumwa nechokwadi kubva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo tendai, zviri nani kwamuri. Uye kana mukaramba kutenda, zvirokwazvo, zvose zviri kudenga nepasi ndezvaAllah. Uye Allah ndivo Muzivi wezvose, vane huchenjeri.} [An-Nisaa:170].
Islam ndiro shoko raAllah risingaperi, uye ndiro shoko rekupedzisira pamashoko anobva kuna Musiki. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Muhammad haasi baba veumwe wevarume venyu, asi Mutumwa waAllah uye wekupedzisira wevaporofita. Uye Allah ndivo muzivi wezvinhu zvese.} "[Al-Ahzaab:40]."
2- Uye Islam hachisi chitendero cherudzi kana dzinza rakati bedzi, asi ndicho chitendero chaAllah kuvanhu vose:
Uye Islam hachisi chitendero cherudzi kana dzinza rakati bedzi, asi ndicho chitendero chaAllah kuvanhu vose, uye murairo wekutanga muQuran Huru ndiwo mashoko aAllah vari kumusoro-soro, anoti: {O Imi vanhu, namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vaivepo musati mavepo, zvimwe mungave vanotya (vatsvene).} [Al-Baqarah:21]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Imi vanhu, Ityai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi kubva kumweya mumwechete, uye vakasika kubva maari mudzimai wake, uuye vakaburitsa kubva kune vaviri ava vaviri varume vazhinji nevakadzi.} [An-Nisaa:1]. Ibn Umar, Allah ngavafare naye pamwe nababa vake, akati, Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, vakapa mharidzo kuvanhu pazuva rekutorwa kweMakkah (nemaMuslim) vakati: «O Imi vanhu, zvirokwazvo Allah vakabvisa kwamuri kuzvikudza kweNguva yeKusaziva nekudada kwayo nemadzitateguru. Saka vanhu mapoka maviri: munhu akarurama, anotya Mwari uye anoremekedzwa pamberi paAllah; uye munhu akaipa, anoshunguridzika uye haakoshi pamberi paAllah. Uye vanhu vese vana vaAdam, uye Allah vakasika Adam kubva muvhu. Allah vakati: {O Imi vanhu, zvirokwazvo takakusikai imi kubva kumurume nemukadzi, uye tikakuitai marudzi nemadzinza kuti muzivane. Zvirokwazvo, anoremekedzwa zvikuru pakati penyu pamberi paAllah ndiye anotya Mwari zvakanyanya. Zvirokwazvo, Allah ndivo Muzivi wezvese, vanoziva zvakavanzika zvose.} [Al-Hujurat:13]» Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi (3270). Uye hauwane mumirairo yeQur'an rinoera kana mumirairo yeMutumwa anoremekedzwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) mutemo unosarudza dzinza kana boka revanhu zvichienderana nerudzi rwavo, dzinza ravo, kana kuve kwavo murume kana mukadzi.
3- Islam ndiro shoko rehuMwari rakauya richizadzisa mashoko emaporofita nevatumwa vakapfuura, (rugare nemakomborero ngazvive kwavari), kumarudzi avo.
Islam ndiro shoko rehuMwari rakauya richizadzikisa mashoko emaporofita nevatumwa vakapfuura, (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), kumarudzi avo. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati: {۞ Zvirokwazvo, Isu takazarura kwauri semazaruriro atakaita kuna Nuh (Nowa) nemaporofita vemushure make, uye takazarura kuna Abrahamu, naIsmail, naIsaka, naYakub, nemadzinza, naIsa (Jesu), naAyub, naYunus, naHarun, naSulaiman; uye takapa Dawud Zabur.} [An-Nisaa:163]. Uye chitendero ichi, chinova icho Allah vakazarurira kuMutumwa Muhammad, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare, ndicho chitendero icho Allah vakaisa semutemo kumaporofita akapfuura uye vakavaraira nacho. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Vakave (Allah) vanotsidza kwauri chitendero (cheIslam) chavakaraira Nuh, uye neicho chatakadzikisa kwauri (iwe Muhammad), uye izvo zvatakaraira Abrahamu naMusa (Mozisi) na’Isa (Jesu), (zvekuti): “Chengetedzai chitendero uye musave munopatsanurana machiri (kuva mapoka akasiyana siyana).” Zvakaremera avo vanosanganisa Allah nevamwe anamwari izvo zvamunovakoka kwazviri. Allah vanozvisarudzira uyo wavanoda, uye vanotungamirira kwavari uyo anotendeuka (achikumbira ruregerero).} [Ash-Shuuraa:13]. Uye izvi zvavakazarura naAllah kuMutumwa Muhammad, Allah ngavavakomborere uye nekuvapa rugare, zvinotsigira mabhuku matsvene akaatangira se Torah neInjil asati ashandurwa,. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye izvo zvatakazarura kwauri kubva muGwaro ndizvo zvechokwadi, zvichitsinhira magwaro akauya kare. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye vanoona zvose zviri muvaranda vavo.} [Faatwir:31].
4- Maporofita, rugare ngarwuve pavari, chitendero chavo chimwe chete asi mitemo yavo yakasiyana:
Chitendero chemaporofita (rugare ngaruve kwavari) chimwechete asi mitemo yavo yakasiyana. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye takadzikisa kwauri (Iwe Muhammad) Gwaro (Quran iri) nechokwadi, richisimbisa magwaro akaritangira, uye riri shoko rekupedzisira pamusoro pawo. Saka tonga pakati pavo neizvo zvakadzikisa naAllah, uye usatevedzera zvishuwo zvavo uchisiya izvo zvakauya kwauri zvechokwadi. Kune umwe neumwe pakati penyu takaisa mutemo negwara rakajeka. Uye dai Allah vaida, vangadai vakakuitai boka rimwechete, asi (vakaita izvi) kuti vakuyedzei mune izvo zvavakakupai. Saka kurumidzanai mukuita mabasa akanaka. Kuna Allah ndiko kwekudzokera kwenyu mose, saka vachakuzivisai pamusoro peizvo zvamaiitirana makakatanwa mazviri.} [Al-Maaidah:48]. Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Ini ndini munhu wepedyo kupfuura vanhu vose kuna Isa mwanakomana wa Maryam panyika nekuhupenyu huchauya, uye vaporofita ihama dzababa vamwechete, vanaamai vavo vakasiyana, uye chitendero chavo chimwechete.» Yakarondedzerwa naBukhari (3443).
5- Islam inokoka - sekukoka kwakaita vaporofita vose: Nuh (Nowa), Ibrāhīm (Abrahamu), Mūsa (Mozisi), Sulaymān (Soromoni), Dawūd (Dhavhidha), naʾĪsa (Jesu), maropafadzo nerugare ngazvive pavari- kukutenda kuti Tenzi ndivo Allah Musiki, Mupi weraramo, vanopa hupenyu nerufu, Muridzi wehumambo hwose, uye ndivo vanoronga nekugadzirisa nyaya dzose, uye ndivo vane tsitsi nengoni.
Islam inoparidza—sekuparidza kwakaita vaporofita vose: Nuh (Nowa), Ibrāhīm (Abrahamu), Mūsa (Mozisi), Sulaymān (Soromoni), Dawūd (Dhavhidha), naʾĪsa (Jesu), maropafadzo nerugare ngazvive pavari—mukutenda kuti Tenzi ndivo Allah (Mwari) Musiki, Mupi weraramo, vanopa hupenyu nerufu, Muridzi wehumambo hwose; uye ndivo vanoronga nekugadzirisa nyaya dzose, uye ndivo vane tsitsi nengoni. Allah vekumusoro-soro vakati: {Imi vanhu, yeukai makomborero aAllah pamuri. Pane mumwe musiki here kunze kwaAllah anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Hapana mwari kunze kwavo (ivo voga ndivo vakakodzera kunamatwa pachokwadi). Saka munotsaudziswa sei?} [Faatwir:3]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: “Ndiani anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa mupenyu kubva kumufi uye achiburitsa mufi kubva kumupenyu? Uye ndiani anoronga zvinhu zvese?” Vachataura kuti: “Allah.” Saka taura kuti: “Ko hamutyi here?”} [Yunus:31]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Ndiani akasika zvisikwa kekutanga, uye achazvisika zvekare (mushure mekuparadzwa kwazvo), uye ndiani anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Pane mumwe mwari pamwechete naAllah here? Taura (iwe Muhammad) kuti: “Uyai nehuchapupu hwenyu kana muchitaura chokwadi.”} [An-Naml:64].
Uye maporofita nevatumwa vose (rugare ngarwuve kwavari) vakatumwa kuzodana vanhu kuti vanamate Allah vari vega, Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo takatumira kurudzi rwese mutumwa achiti: "Namatai Allah, mova munosiya vanamwari venhema."ۖ Saka pakati pavo pane avo vakatungamirwa naAllah, uye pakati pavo pane avo vakakodzerwa nekurasika.ۚ Saka fambai panyika muone kuti mhedzisiro yeavo vairamba chokwadi yakanga yakamira sei.} [An-Nahl:36]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye hatina kutumira mutumwa usati wavapo kunze kwekuti takamudzikisira shoko rekuti: “Zvirokwazvo, hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwangu, saka ndinamatei.”} [Al-Anbiyaa:25]. Naizvozvo, Allah vakazivisa nezvaNowa, rugare ngaruve paari, kuti akati: {Imi vanhu vangu, namatai Allah, hamuna mumwe mwari kunze kwavo. Zvirokwazvo, ndinokutyirai murango wezuva guru.} [Al-A’raaf:59]. Uye Shamwari yepedyo (yaAllah) Abrahamu, rugare ngaruve paari - sezvakaziviswa naAllah pamusoro pake - akati: {Uye rangarira Ibrahîm apo akati kuvanhu vake: “Namatai Allah uye mumutye. Izvozvo zviri nani kwamuri kana muchiziva.”} [Al-Ankabut:16]. Uye Salih, rugare ngaruve paari, akati - sezvakataurwa naAllah nezvake kuti: {Akati: Imi vanhu vangu, namatai Allah, hamuna mumwe Mwari kunze kwavo. Zvirokwazvo humbowo huri pachena hwakasvika kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Iyi ingamera yaAllah sechiratidzo kwamuri. Nokudaro, isiyei idye munyika yaAllah, uye musaiitira zvakaipa, kuti murege kuzobatwa nemurango unorwadza.} [Al-A'raaf:73]. Uye Shuaib, rugare ngarwuve naye, - sezvakaziviswa naAllah nezvake - akati: {Imi vanhu vangu, namatai Allah, hamuna mumwe Mwari kunze kwavo. Zvirokwazvo humbowo huri pachena hwakasvika kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Nokudaro zadzisai chiyero nechikero, uye musabiridzire vanhu pazvinhu zvavo, uye musaite huori panyika mushure mekugadziriswa kwayo. Izvozvo ndizvo zvakanaka kwamuri kana muri vatendi.} [Al-A'raaf:85].
Uye kekutanga Allah pavakataura kuna Musa (Mozisi) (rugare ngaruve kwaari), vakataura kwaari kuti: {Uye Ini Ndini ndakusarudza, naizvozvo teerera kune zvinozarurwa 13} {Zvirokwazvo ndini Allah, hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwangu, saka ndinamate uye oita munamato kuti undirangarire 14} [Twaahaa:13-14]. Uye Allah vakataura vachirondedzera pamusoro paMusa (Mozisi) (rugare ngarwuve kwaari) kuti akatsvaga dziviriro kuna Allah, akati: {Zvirokwazvo ini ndinokumbira kudzivirirwa naTenzi wangu uye Tenzi wenyu kubva kune wese anozvikudza asingatendi muZuva reKutongwa.} [Ghaafir:27]. Uye Allah vakataura vachizivisa pamusoro paMesiya, rugare ngaruve kwavari, kuti akati: {Zvirokwazvo Allah ndiTenzi vangu uye Tenzi venyu, saka vanamatei. Iyi inzira yakatwasuka.} [Aal-Imraan:51]. Uye Allah vane simba nehukuru vakataura vachizivisa pamusoro paMesiya, rugare ngaruve kwaari, -zvakare- kuti akati: {Imi vana vaIsraeri, namatai Allah, Tenzi vangu naTenzi venyu. Zvirokwazvo, uyo anobatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukuvanamata, Allah vakamurambidza Jannah (Paradhiso), uye moto uchave nzvimbo yake yokugara. Uye vanoita zvakaipa havana vabatsiri.} [Al-Ma'idah:72].
MuTaurat nemuInjil makatsinhirwa kunamata Allah vari vega. MuDheuteronomio makataurwa mashoko aMusa (rugare ngaruve kwaari) ekuti: (Inzwa iwe Isiraeri, Tenzi Mwari wedu ndiTenzi mumwechete) Uye kutsinhirwa kwehumwechete kwakauya muVhangeri raMako apo Mesiya, rugare ngaruve pavari, akati: "(Zvirokwazvo murairo wekutanga ndeuyu: Inzwa iwe Israeri, Tenzi Mwari wedu ndiTenzi vamwechete) ."
Uye Allah vane simba nehukuru vakajekesa kuti maporofita vose vakatumwa nebasa iri guru rinove: kudana kuhumwechete hwaAllah. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo takatumira kurudzi rwese mutumwa, achiti: "Namatai Allah, mova munosiya vanamwari venhema."ۖ Saka pakati pavo pane avo vakatungamirwa naAllah, uye pakati pavo pane avo vakakodzerwa nekurasika.ۚ} [An-Nahl:36]. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: “Munoona here avo vamunodana (kuva vanamwari venyu) kunze kwaAllah )? Ndiratidzei zvavakasika panyika. Kana kuti vane mugove kumatenga here? Ndiunzirei Gwaro riri mumashure meiri, kana chero ruzivo rwakasaririra, kana muchitaura chokwadi.”} [Al-Ahqaaf:4] Sheikh As-Sa'di (Allah ngavamunzwire tsitsi) akati: (Saka zvinozivikanwa kuti kupokana kwevanhu vanosanganisa anamwari mukusanganisa kwavo hakuna kuvakirwa pahumbowo kana uchapupu, asi zvirokwazvo vakavimba nekufungidzira kwenhema, nemaonero asina maturo; nepfungwa dzakashata izvo zvinoratidzwa kwauri kushata kwazvo nekuongorora mamiriro avo, nekutevera ruzivo rwavo nezviito zvavo, uye nekutarisa mamiriro eavo vavakapedzera hupenyu hwavo vachivanamata, kuti zvakaunza batsiro kwavari here (kureva izvi zvinonamatwa kunze kwaAllah) pane chimwechete zvacho panyika pano kana kuHupenyu Hunotevera?) Taysir Al-Karim Al-Mannan: 779.
6- Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro ndivo Musiki uye ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega, uye hapana mumwe anofanirwa kunamatwa pamwechete navo.
Allah ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega, uye hapana mumwe anofanirwa kunamatwa pamwechete navo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Imi vanhu, namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vaivepo musati mavepo, zvimwe mungave vanotya.} 21 Avo vakakusikirai nyika ive nzvimbo yenyu yekuzororera, uye nedenga rive chivakwa, uye vanonaisa mvura kubva kudenga, uye kubva mairi vakaita kuti michero ibereke sekudya kwenyu; saka musabatanidza Allah nevamwe anamwari mukunamata, imi muchiziva (kuti ndivo voga vanokodzera kunamatwa). 22} [Al-Baqarah:21-22]. Saka avo vakatisika pamwe nezvizvarwa zvakauya tisati tavepo, uye vakatisikira nyika senzvimbo yedu yekuzororera, uye vakatinayisira mvura kubva kudenga, uye kubva mairi (mvura) vakaita kuti michero ibereke sekudya kwedu; ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega. Uye ivo vekumusorosoro vakati: {Imi vanhu, rangarirai makomborero aAllah pamuri. Pane mumwe musiki here kunze kwaAllah anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Hapana anokodzera kunamatwa kunze kwavo. Saka munotsaudziswa sei?} [Fatir:3]. Saka avo vanosika, uye vanopa chouviri, ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega, uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Avo Ndivo Allah, Tenzi venyu; hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, Musiki wezvinhu zvese, saka vanamatai; uye ndivo Mutariri wezvinhu zvese.} [Al-An’aam:102].
Uye chose chinonamatwa kunze kwaAllah hachikodzeri kunamatwa, nokuti hachina zvachinazvo kunyangwe zvakaenzana netsanga kumatenga kana panyika, uye hachisi chinhu chinobata naAllah mune chero chinhu, kana mubatsiri, kana mutsigiri waAllah. Saka chingadanwa sei pamwechete naAllah kana kuitwa mubatsiri wavo? Allah vari kumusoro-soro vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: “Danai avo vamunofungidzira (kuva vanamwari venyu) kunze kwaAllah. Havana kana chavanacho chakaenzana nehuremu hwekanhu kadiki kumatenga kana pasi, uye havana mugove mazviri (kumatenga nepanyika), uye (Allah) havana kana mubatsiri anobva kwavari.”} [Saba:22].
Uye Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro, ndivo vakasika zvisikwa izvi uye vakazviita kuti zvivepo kubva pasina, uye kuvepo kwazvo kunoratidza kuvepo kwavo, nehutenzi hwavo, nehumwari hwavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye chimwe chezviratidzo zvavo ndechekuti vakakusikai kubva kuivhu, zvino mave vanhu vanopararira. 20} {Uye pakati pezviratidzo zvavo pane kuti vakakusikirai vakadzi kubva mamuri pachenyu, kuti muwane rugare kwavari, uye vakaisa pakati penyu rudo netsitsi. Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kuvanhu vanofungisisa. 21} {Uye zvimwe zvezviratidzo zvavo: kusikwa kwematenga nenyika, nekusiyana kwemitauro yenyu nemavara enyu. Zvirokwazvo, mune izvozvo mune zviratidzo kune avo vane ruzivo. 22} "Uye pakati pezviratidzo zvavo pane kurara kwenyu husiku nemasikati, uye nekutsvaga kwenyu zvimwe zvezvipo zvavo. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune vanhu vanoteerera. 23" {Uye chimwe chezviratidzo zvavo ndechekuti vanokuratidzai mheni, kuti mutye uye muve netariro, uye vanodzikisa mvura kubva kudenga, zvadaro vopa hupenyu nayo kunyika mushure mekufa kwayo. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune vanhu vanonzwisisa. 24} {Uye chimwe chezviratidzo zvavo ndechekuti denga nenyika zvinomira nemurairo wavo. Kuzoti kana vakakudaidzai nekudaidza kumwe chete kubva panyika, ipapo muchabuda (kubva mumakuva muchienda kunotongwa). 25} {Uye ndivo muridzi wezvese zviri kumatenga nepanyika; zvese zvinovateerera. 26} {Uye ndivo vakasika zvisikwa kekutanga, uye vachazvisika zvekare (mushure mekuparadzwa kwazvo), uye izvi zviri nyore kwavari} [Ar-Rum: 20 - 27].
Uye Nimrodhi akaramba kuvapo kwaTenzi vake, saka Abrahamu, rugare ngaruve paari, akati kwaari sezvakaziviswa naAllah pamusoro pake: {Abrahamu akati: “Zvirokwazvo, Allah vanounza zuva kubva kumabvazuva, saka iwe uya naro kubva kumadokero.” Uyo asingatendi akabva apererwa. Uye Allah havatungamiriri vanhu vanoita zvakaipa.} [Al-Baqarah: 258]. Uye saizvozvowo Abrahamu, rugare ngaruve paari, akapa humbowo kuvanhu vake kuti Allah ndivo vakamutungamirira, uye vakamupa chokudya nechokunwa, uye kana arwara ndivo vanomuporesa, uye ndivo vanomupa rufu nekumumutsa, nokudaro akataura sezvakataura Allah pamusoro pake kuti: {Avo vakandisika, uye ndivo vanonditungamira 78} {Uye ndivo vanondipa kudya, uye vanondipa zvekunwa {79} {Uye pandinorwara, ndivo vanondiporesa {80} Uye vachandiita kuti ndife, uye vachandiita kuti ndive mupenyu zvekare {81} [Ash-Shu'araa: 78 -81] Uye Allah vakataura vachirondedzera pamusoro paMusa (Mozisi) (rugare ngaruve kwaari) kuti akaita nharo naFarawo achiti kwaari: Zvirokwazvo Tenzi vake ndivo: {Ndivo vakapa chinhu chose kusikwa kwacho, uye vakachitungamira.} [Twahaa: 50].
Uye Allah vakaisa zvese zviri mumatenga nepasi pasi pemunhu, uye vakamukomberedza nemakomborero; kuti anamate Allah uye arege kuramba kutenda mavari. Allah vari kumusoro-soro vakati: Ko hamuoni here kuti Allah vakakuisirai pasi penyu zvose zviri kumatenga nezvose zviri panyika, uye vakakudururirai makomborero avo ari pachena neakavanzika? Uye kubva muvanhu pane vanoita nharo maererano naAllah vasina ruzivo, kana nhungamiro, kana gwaro rinojekesa. [Luqman:20]. Uye sekuita kwakaita Allah kuti zvese zviri kumatenga nepasi pano zvishandire munhu, vakamusika ndokumugadzirira nezvese zvaanoda pakunzwa, kuona, nemoyo, kuti adzidze ruzivo runomubatsira uye runomutungamirira kuna Tenzi vake neMusiki wake. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye Allah ndivo vakakubudisai kubva mumatumbu evanaamai venyu musingazivi chinhu, uye vakakupai kunzwa, nekuona, nemoyo kuti pamwe mungatende.} [An-Nahl:78].
Saka Allah, vanorumbidzwa, varikumusoro-soro, ndivo vakasika nyika dzose idzi, uye vakasika munhu vakamugadzirira nezvose zvaanoda zvinoti nhengo dzemuviri nesimba, ndokubva vamupa zvose zvinomubatsira pakuita basa rekunamata Allah nekuvaka nyika, uye vakarerutsa kwaari zvose zviri mumatenga nenyika.
Uye Allah vakashandisa kusika kwavo zvisikwa zvikuru izvi sehumbowo hwehutenzi hwavo izvo zvinoratidza kuti ndivo chete vanofanira kunamatwa. Naizvozvo, Allah vanorumbidzwa vari kumusoro-soro vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: “Ndiani anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa mupenyu kubva kumufi uye achiburitsa mufi kubva kumupenyu? Uye ndiani anoronga zvinhu zvese?” Vachataura kuti: “Allah.” Saka taura kuti: “Ko hamutyi here?”} [Yunus:31]. Uye Allah vechokwadi vanorumbidzwa vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: “Munoona here avo vamunodaidza kunze kwaAllah? Ndiratidzei chavakasika panyika, kana kuti vane mugove kumatenga? Huyai kwandiri neGwaro rakatangira iri, kana chidimbu cheruzivo chakasara, kana muri pachokwadi.”} "[Al-Ahqaaf: 4]." Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Vakasika matenga asina mbiru dzamunoona, uye vakaisa panyika makomo akasimba kuitira kuti isakuzunungusai, uye vakaparadzira mairi zvisikwa zvese zvinofamba, uye takanaisa mvura kubva kudenga tikaita kuti mairi mumere marudzi ose ezvinomera zvakanaka. Uku ndiko kusika kwaAllah, saka ndiratidzei izvo zvakasikwa neavo vari kunze kwavo. Asi vaiti vezvakaipa vari mukurasika kuri pachena.} [Luqman:10 11]. Uye Allah vechokwadi vanorumbidzwa vakati: {Kana kuti vakasikwa pasina musiki, kana kuti ivo ndivo vasiki?} 35 Kana kuti vakasika matenga nenyika here? Asi havana chokwadi chekutenda. {36} {Kana kuti vane matura aTenzi vako here? Kana kuti ndivo vadzvanyiriri vanoita zvavanoda nemutemo? 37} [At-Tur:35 37 ]. Sheikh As-Sa'di akati: (Uye uhu humbowo hwavanopikiswa navo nenzira inovasiya vasina maitiro kunze kwekubvuma chokwadi kana kubuda munzira inorayirwa nepfungwa (dzakarurama) nechitendero (chechokwadi).) Tafsir yaIbn Sa'di: peji 816.
7- Allah ndivo Musiki wezvinhu zvese zviri pasi pose zvatinoona nezvatisingaoni, uye zvose zvisiri ivo zvimwe zvezvisikwa zvavo, uye Allah vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu.
Allah vanorumbidzwa, ndivo Musiki wezvose zviri munyika, zvatinoona nezvatisingaone, uye zvose zvisiri ivo zvisikwa zvavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: “Ndiani Tenzi vematenga nenyika?” Taura kuti: “NdiAllah.” Taura kuti: “Saka makatora here kunze kwavo vadziviriri vasina kana chavanacho chekuzviunzira batsiro kana njodzi?” Taura kuti: “Ko bofu neanoona zvakaenzana here? Kana kuti rima nechiedza zvakaenzana here? Kana kuti vakaitira Allah vabatsiri vakasika zvakafanana nekusika kwavo, zvekuti kusika kwacho kwakafanana kwavari?” Taura kuti: “Allah ndivo Musiki wezvinhu zvose, uye ivo ndivo Mumwechete, Mukundi wazvose.”} [Ar-Ra'd:16]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye vanosika zvamusingazivi} [An-Nahl:8].
Uye Allah vakasika matenga nepasi mumazuva matanhatu. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Ndivo avo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakaenda pamusoro peChigaro cheHumambo. Vanoziva zvinopinda munyika nezvinobuda kubva mairi, nezvinodzika kubva kudenga nezvinokwira kwariri. Uye vari pamwe nemi kwese kwamunenge muri. Uye Allah vanoona zvese zvamunoita.} [Al-Hadid:4]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo takasika matenga nenyika nezviri pakati pazvo mumazuva matanhatu, uye hatina kubatwa nekuneta} [Qaf:38].
8- Uye Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro havana mubatsiri muhumambo hwavo, kana mukusika kwavo, kana mukufambisa kwavo kwezvinhu, kana mukunamatwa kwavo.
Uye Allah vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, ndivo muridzi wehumambo, havana mubatsiri mukusika kwavo, kana muhumambo hwavo, kana mukufambisa kwavo kwezvinhu. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti: "{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Munoona here izvo zvamunodana kunze kwaAllah? Ndiratidzei kuti chii chavakasika panyika, kana kuti vane mugove kumatenga here? Huyai kwandiri negwaro rakauya pamberi peiri, kana zvisaririra zveruzivo, kana muri pachokwadi.”}" [Al-Ahqaaf:4]. Sheikh As-Sa'di (Allah ngavamunzwire tsitsi) akati: (Kureva kuti: {Taura (iwe Muhammad)} kune avo vanosanganisa Allah nezvidhori nevamwe vanamwari vasina simba rekuunza batsiro kana kukuvadza, uye vasina simba rekukonzera rufu, kana kupa hupenyu, kana kumutsa vakafa. Taura kwavari - uchijekesa kusava nesimba kwezvidhori zvavo uye kuti hazvina kodzero yekunamatwa kana nepadiki zvapo: {Ndiratidzei kuti chii chavasika panyika, kana kuti vane mugove here kumatenga?} Ko vakasika chimwe chinhu here muzvisikwa zvematenga nepanyika? Ko vakasika makomo here? Ko vakaita kuti nzizi dzierere here? Ko vakaparadzira mhuka here? Ko vakameresa miti here? Ko pakava nerubatsiro runobva kwavari here mukusika chero chinhu pazvinhu izvozvo? Hapana kana chimwechete pane izvozvo zvavakaita, uye vanozvibvuma ivo pachavo tisingatombotauri nezvevamwe. Saka uhu humbowo hwakajeka hwenjere hunoratidza kuti chero ani zvake asiri Allah, kunamatwa kwake hakuna maturo.)
Zvadaro vakataura nezvekushaikwa kwehumbowo hwezvinyorwa, vakati: {Uyai kwandiri neBhuku pamberi peiri} Bhuku rinodaidza kukubatanidza Allah nevamwe {kana zvisaririra zveruzivo} rwakagarwa nhaka kubva kuvatumwa runoraira izvozvo. Zvinozivikanwa kuti ivavo vanokundikana kuunza humbowo kubva kune chero wevatumwa hunoratidza izvozvo, asi tine chokwadi chizere uye kugutsikana kuti vatumwa vese vakadaidza kuhumwechete hwaTenzi vavo, vakarambidza kuvabatanidza nevamwe, uye ndirwo ruzivo rukuru rwavakasiya kuvanhu. Tafsir yaIbn Sa'di: peji 779.
Uye Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro ndivo muridzi wehumambo, havana mubatsiri muhumambo hwavo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Taura (iwe Muhammad) kuti: "Imi Allah, Muridzi wehumambo, munopa humambo kune uyo wamunoda, uye munobvisa humambo kubva kune uyo wamunoda, uye munokudza uyo wamunoda, uye munoderedza uyo wamunoda. Muruoko rwenyu mune zvakanaka. Zvirokwazvo, mune masimba pamusoro pezvinhu zvese."} [Aal-Imraan:26]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakataura vachijekesa kuti humambo hwakakwana ndehwavo pazuva rekumutswa: {Zuva ravachabuda pachena, hapana chipi zvacho kubva kwavari chichavanzika kuna Allah. Hushe ndehwaani nhasi? Ndehwa Allah Mumwechete, Mukundi wezvose.} [Ghafir:16].
Uye Allah vanorumbidzwa uye vekumusoro-soro havana mubatsiri muhumambo hwavo, kana mukusika kwavo, kana mukufambisa kwavo kwezvinhu, kana mukunamatwa kwavo. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti: {Uye Iti: Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, avo vasina mwana, uye havana mubatsiri muhushe, uye havana mudziviriri nekuda kwekushaya simba. Uye vakudzei nekukudza kukuru} [Al-Isra:111]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Avo ndivo muridzi wehushe hwematenga nenyika, uye havana mwana, uye havana mubatsiri muhushe, uye vakasika chinhu chose, vachiera chiyero chacho chakafanira.} [Al-Furqaan:2]. Saka ndivo Muridzi, uye zvose zvisiri ivo ndezvavo, vanorumbidzwa. Uye ndivo Musiki, uye zvose zvisiri ivo zvisikwa zvavo. Uye ndivo vanoronga nekufambisa zvinhu zvose. Uye avo vane chinzvimbo chakadai, ndivo vanofanirwa kunamatwa. Uye kunamatwa kwechimwe chinhu kunze kwavo kushomeka kwenjere uye ishirk inoparadza hupenyu hwepasi pano nehwemangwana. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti: {Uye vakati: “Ivayi maJuda kana maKristu, kuti mutungamirirwe.” Iti: “Kwete, asi (tinotevera) nzira yaIbrahim, aive pachitendero chechokwadi, uye aive asiri mumwe weavo vanosanganisa Allah nevamwe anamwari.”} [Al-Baqarah:135]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye ndiani ane chitendero chakanaka kudarika uyo anozvipira chiso chake (hupenyu hwake)kuna Allah, uye ari muiti wezvakanaka, uye achitevera nzira yaIbrahim yechokwadi? Uye Allah vakatora Ibrahim seshamwari yepedyo.} [An-Nisaa:125]. Uye Allah vanorumbidzwa vakatsanangura chokwadi kuti ani naani anotevera nzira isiri yaIbrahim Al-Khalil (rugare ngaruve kwaari), zvirokwazvo anenge azviita benzi. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye ndiani anofuratira chitendero chaIbrahîm kunze kweiye anozvipusisa. Uye zvirokwazvo, Isu takamusarudza panyika, uye zvirokwazvo kuhupenyu hwemangwana, achange ari pakati pevakarurama.} [Al-Baqarah:130].
9- Uye Allah (Mwari) vanorumbidzwa havana kubereka uye havana kuberekwa, uye havana akaenzana navo kana akafanana navo.
Uye Allah vanorumbidzwa havana kubereka uye havana kuberekwa uye hakuna akaenzana navo kana akafanana navo. Allah vechokwadi vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro vakati: {Iti: Ndiye Allah, Mumwechete ﴿1} Allah ndivo vanodiwa nezvisikwa zvose (asi ivo hapana chavanoda) {2} {Havana kubereka uye havana kuberekwa. 3} {Uye hakuna akafanana navo kana kuenzaniswa navo. 4} [Al-Ikhlaas:1-4]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Tenzi vematenga nenyika nezvose zviri pakati pazvo, saka vanamate, uye tsungirira mukuvanamata. Pane waunoziva here akafanana navo?} [Maryam:65]. Uye Mwari weChokwadi, ane mbiri huru, akati: {Allah ndiye Musiki wematenga nepasi, akakusikirai vakadzi kubva kwamuri pachenyu (kuti muwane zororo nerugare muwanano), uye vakakusikirai mhuka (dzakaita semombe, mbudzi, nedzimwe) dziri hadzi nedzirume, kuburikidza neizvi (wanano nekuberekana), anokuparadzirai pasi, hapana chinhu chakafanana naAllah, uye vanonzwa zvose, uye vanoona zvose...} [Ash-Shura:11].
10- Uye Allah, vanorumbidzwa vari kumusoro-soro, havapindi muchinhu chero chipi zvacho kana kutora muviri wechinhu chero chipi zvacho chezvisikwa zvavo:
Uye Allah vanorumbidzwa uye varikumusoro-soro, havapindi muchinhu chero chipi zvacho uye havatore muviri chero wechii zvacho pane zvavakasika, uye havabatani nechinhu chero chipi zvacho. Izvi zviri pamusana pekuti Allah ndive Musiki uye zvimwe zvese kunze kwavo zvisikwa. Uye ndivo vasingaperi uye zvimwe zvese kunze kwake zvichaguma nekuparara, uye zvinhu zvese ndezvavo uye ndivo muridzi wazvo. Saka Allah havapindi muchinhu chero chipi zvacho pane zvavakasika uye hapana chinhu pane zvavakasika chinopinda mavari. Uye Allah, vakarumbidzwa uye varikumusoro-soro, vakuru kudarika zvinhu zvese uye vakurusa kudarika zvinhu zvese. Allah vekumusoro-soro, vachishora avo vaiti Allah (Mwari) vakapinda muna Mesiyavakati: {Zvirokwazvo, vakapanduka (vakaita kufr) avo vanoti: "Allah ndiye Masih (Jesu), mwanakomana waMariya". Iti, ndiani angadzivisa Allah kana vakada kuparadza Masi (Jesu), mwanakomana waMariya, uye vanhu vose pasi pawo, Umambo hwese kumatenga nepasi nezvese zviri pakati pacho ndehwaAllah, vanosika zvavanoda, uye Allah vane simba pamusoro pezvinhu zvese...} [Al-Ma'idah:17]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Kumabvazuva nekumadokero zvese ndezvaAllah, kwese kwamunotendeukira kunenge kuina Allah. Zvirokwazvo, havana magumo, vane ruzivo rwese.....} {Vanoti, 'Allah vakatora mwanakomana.' Allah vakakwirira zvikuru kupfuura mashoko akadaro! Kwete, asi zvinhu zvose zviri kumatenga nepanyika ndezvaAllah, uye zvisikwa zvose zvinoteerera uye zvinozviisa pasi pechido nemurairo wavo." 116} {Allah ndivo Musiki akatanga matenga nenyika pasina chakambofanana nazvo. Kana vachida kuti chinhu chiitike, vanongochirayira vachiti, 'Iva,' uye pakarepo chinobva chava sezvavada [Al-Baqarah:115-117]. Uye Allah vekumusorosoro vakati: {Uye vanoti: "(Allah) vane Ngoni zhinji vane mwanakomana....} {Zvirokwazvo, mauya nechinhu chakashata kwazvo 89} {Apo matenga atove pedyo pedyo nekubvaruka, nenyika yavakutsemuka, uye makomo avakuda kutowondomoka kuti ave anoparara. 90} {Nekuti vanonemera mwana kuna Ar-Rahman (vane ngoni zhinji). 91} {Uye hazvikodzeri kune vane ngoni zhinji kuti vave nemwana. 92} {Hapana ari mumatenga nepasi kunze kwekuti achauya kune vane tsitsi zhinji semuranda. 93} Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva mumwe nemumwe pakati pavo, zvakare (Allah) vave vanonyatsovaverengera verengo (yakazara). 94} {Uye vese vachauya kwavari pazuva reQiyamah mumwe nemumwe ari ega. 95} [Maryam :88-95]. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Allah, hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo, vane hupenyu husingagume uye muchengetedzi wezvese, havabatwe nekutsumwaira kana kurara. Ndivo muridzi wezvese zviri kumatenga uye nezvese zviri pasi. Ndiyani uyo angaita murevereri kuna ivo kunze nekuda kwavo, Vanoziva zviri kuitira kwavari (zvisikwa zvavo) pano pasi, uye zvichaiktika kwavari mune remangwana, uye havakwanise kuziva (kuunganidza) chipi zvacho kubva muruzivo rwavo kunze kweizvo zvavada. Chigaro chavo chakakura kudarika matenga nepasi rose, uye kuzvichengetedza hazvivaremere. Uye ndivo vekumusoro-soro, vahombe zvikuru...} [Al-Baqarah:255]. Saka uyo ane mamiriro akadai, uye aya ari mamiriro ezvisikwa zvake, angagara sei mune chimwe chezvisikwa zvavo? Kana kumutora semwanakomana wavo? Kana kumuita mwari pamwe chete navo?
11- Allah (Mwari) vanorumbidzwa vekumusoro-soro vane tsitsi nengoni kuvaranda vavo, ndokusaka vakatuma vatumwa uye vakaburutsa magwaro.
Uye Allah vanorumbidzwa uye vekumusoro-soro ndivo vane tsitsi, vane ngoni kuvaranda vavo. Saka kubva mutsitsi dzavo kuvaranda vavo, vakavatumira maporofita uye vakavadzikisira Mabhuku Matsvene; kuti vavaburitse murima rekusatenda nekusanganisa Mwari nezvimwe kuenda kuchiedza chekutenda muna Mwari mumwechete nenhungamiro. Allah vekumusoro-soro vakati: {Ndivo vanodzikisa kune muranda wavo (Muhammad) zviratidzo zviri pachena kuti vakuburitsei kubva murima muchienda kuchiedza, Uye Allah vane chido nemi, uye netsitsi...} [Al-Hadid:9].
Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye hatina kukutumira kunze kwekuti uve tsitsi (nyasha) kunyika yose...} [Al-Ambiya:107]. Uye Allah vakaraira Muporofita wavo kuti audze varanda kuti ivo ndivo Muregereri, Vane tsitsi. Saka Allah vekumusoro-soro vakati: {Udza varanda vangu kuti, zvirokwazvo Ini ndiri Muregereri zvikuru, ane tsitsi zhinji...} [Al-Hijr:49]. Uye kubva mutsitsi dzavo nengoni dzavo, ndivo vanobvisa matambudziko uye vanodzikisa zvakanaka pavaranda vavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye kana Allah vakakubata nemarwadzo hakuna anokwanisa kumabvisa kunze kwavo, uye kana vakakushuvirai zvakanaka, hakuna anokwanisa kudzivirira chido chavo icho chavanenge vaita kuti chisvike kuna ani naani wevaranda vavo wavanenge vashuvira. Uye ndivo vane ruregerero rwose, nengoni dzose ...} [Yunus:107].
12- Allah ndivo Ishe vane ngoni, ndivo voga vachatonga zvisikwa pazuva rekutongwa pavachavamutsa vese kubva mumakuva avo, vachapa mubairo kumunhu wese pane zvaakaita zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Saka uyo anoita mabasa akanaka ari mutendi achawana mufaro usingaperi, uye uyo asingatendi achiita zvakaipa achawana murango mukuru muhupenyu hunotevera.
Allah ndivo Ishe vane ngoni, ndivo vega vachazotonga zvisikwa pazuva rekutongwa pavachavamutsa vese kubva mumakuva avo, apo vachapa munhu wese mubairo zvichienderana nezvaakaita, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Saka uyo anoita mabasa akanaka ari mutendi, achawana mufaro usingaperi, uye uyo asingatendi achiita mabasa akaipa, achawana murango mukuru pazuva rekutongwa. Saka kubva mukukwana kweruramisiro yaAllah, uchenjeri hwavo, netsitsi dzavo kuzvisikwa zvavo, vakaita kuti nyika ino ive nzvimbo yekuita mabasa, uye vakaita imwe nzvimbo yechipiri inozova nemuripo, kutongwa, nemubairo; kuitira kuti uyo anoita zvakanaka awane mubairo wezvakanaka zvake, uye uyo anoita zvakaipa, mudzvanyiriri, nemutadzi vawane murango wekutadza nekudzvanyirira kwavo. Uye nekuti vamwe vanhu vanogona kuona nyaya iyi seisingabviri, Allah vakaisa humbowo hwakawanda hunoratidza kuti kumutswa kwevakafa ichokwadi chisina kupokana nacho. Allah, vekumusoro-soro vakati: {Uye kubva muzviratidzo zvavo, ndezvekuti munoona nyika isina chainacho, asi kana tichinge tatumira mvura kwairi inodzorwa kuhupenyu nekukura (kwezvinhu). Zvirokwazvo, avo vanoipa hupenyu, muzvokwadi vanokwanisa kupa hupenyu kune vakafa (pazuva rekutongwa), Zvirokwazvo, vanokwanisa kuita zvinhu zvose. } [Fussilat:39]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Imi vanhu! Kana musingabvumi zvekuti muchamutswa (pazuva rekutongwa) zvirokwazvo takakusikai kubva kivu (Adam), uye kubva kumbeu yemunhurume nemukadzi (Nutfah), uye kubva kuchigodo cheropa, uye kubva kuchidimbu chenyama, chimwe chakaumbika uye chimwe chisina kuumbika, kuti tizvijekese kwamuri, Uye tinoita kuti uyo watinoda arambe ari mudumbu (maamai vake) kwenguva yakatarwa (mwedzi mipfumbamwe). Uye pakati penyu pane uyo anofa achiri mudiki, uye pakati penyu pane uyo anodzoserwa kuzera rehucheche, kusvikira pakuti anokanganwa zvose zvaaiziva. Uye unoona nyika (ivhu) yakaoma, asi tikaita kuti mvura ive inonaya pairi, inodzoswa kuhupenyu, uye yokura, uye yobuditsa mbeu yese yakanaka...} [Al-Hajj:5]. Nokudaro Allah vakataura muvhes iyi humbowo hutatu hunobva mupfungwa hunoratidza kumutswa kwevakafa, hunova uhwu:
1- Kuti zvirokwazvo munhu, Allah vakamusika kekutanga kubva muvhu, uye avo vakamusika kubva muvhu vane masimba ekumudzorera kuhupenyu apo anenge ava ivhu.
2- Kuti uyo akasika munhu kubva padonhwe rembeu anokwanisa kudzorera munhu kuhupenyu mushure pekufa kwake.
3- Kuti uyo anomutsa nyika nemvura pashure pokufa kwayo anokwanisa kumutsa vanhu pashure pokufa kwavo, uye mundima iyi mune humbowo hukuru hwekushamisa kweQur'an. Saka ndima iyi yakaunganidza sei – uye haina kureba – humbowo hutatu hwenjere hunoshamisa panyaya huru.
Uye Mwari vekumusoro-soro vakati: {Uye (rangarirai) zuva iro tichapeta denga semapetero anoitwa mabhuku. Sematangiro atakaita chisikwa chekutanga tichazvidzokorodza. Ichi chivimbiso chechokwadi kwatiri. Zvirokwazvo, tichazviita...} [Al-Ambiyaa:104]. Uye Mwari vekumusoro-soro vakati: {Anotipa muenzaniso achikanganwa kusikwa kwake. Anoti, 'Ndiani angamutsazve mapfupa aya kana aora zvachose?” 78} {Iti (Iwe Muhammad): "Achapihwa hupenyu (mapfupa) neavo vakaasika pakutanga! Uye vane ruzivo pamusoro pezvisikwa zvose...} [Ya-Sin:78 - 79]. Uye Mwari vekumusoro-soro vakati: {Ko imi munonetsa kusika here, kana kuti denga ravakavaka ...27} {Vakasimudza denga rayo ndokurienzanisa ...28} {Husiku hwaro vakahufukidza nerima, uye vakaburitsamo chiedza ... 29} {Uye mushure mezvo ndokubva vatambanudza nyika... 30} {Vakaunza kubvamo mvura nemafuro ...31} {Uye nemakomo, vakaaisa zvakasimba... 32} [An-Naziat:27-32]. Saka ivo vechokwadi vakajekesa kuti kusikwa kwemunhu hakuna kuoma kudarika kusikwa kwedenga nenyika nezvese zviri mazviri, saka uyo anokwanisa kusika matenga nenyika haangatadzi kudzorera (kusika) munhu kechipiri.
13- Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakasika Adhamu kubva muvhu ndokuita kuti vana vake vawande shure kwake, saka vanhu vese pamavambo avo vakaenzana, uye hapana rudzi rwuri nani pane rumwe rudzi, kana dzinza riri nani pane rimwe dzinza, kunze kwepakutya Mwari.
Allah vanorumbidzwa vari kumusoro-soro vakasika Adhamu kubva muvhu uye vakaita kuti zvizvarwa zvake zviwande mushure make. Saka vanhu vese pakusikwa kwavo vakaenzana, uye hapana hukuru hwerudzi rumwe pamusoro perumwe, kana hwedzinza rimwe pamusoro perimwe, kunze kwekutya Allah. Allah vari kumusoro-soro vakati: { Imi vanhu! Takakusikai kubva kumunhurume nemunhukadzi, uye tikakuitai marudzi nemhuri dzakasiyana-siyana kuti mugozivana. Zvirokwazvo, uyo anoremekedzeka pakati penyu pamberi paAllah ndeuyo anovatya zvakanyanya pakati penyu. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoziva zvose...} [Al-Hujurat:13] Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye Allah vakakusikai kubva muvhu, uye kubva mumvura yemurume nemukadzi yakasangana (nutfah), uye vakakuisai muhuviri (murume nemukadzi). Hapana mukadzi anozvitakura kana kuzvara mwana kusiya kwekuti ivo vanenge vachizviziva. Hapana kana munhu anowedzerwa (pamakore) kana kudimburirwa hupenyu hwake kunze kwekuti zvinenge zvakanyorwa mugwaro, Zvirokwazvo, izvozvo pamberi pavo Allah zvinhu zviri nyore...} [Faatwir:11]. Uye Allah vekumusoro-soro vakatti: {Ndivo (Allah) vakakusikai kubva muvhu, pedzezvo kubva kumbeu yababa naamai dzakasanganiswa (Nutfah), pedzezvo kubva pagoda reropa, pedzezvo vakakuunzai panyika muri vacheche, pedzezvo vanokuitai kuti musvike zera rehujaya, uye mushure meizvozvo kukwegura (kuchembera), kunyange vamwe venyu vachifa mumashure, uye kuti mova munosvika nguva yakatarwa, uye kuti mungave munonzwisisa...} [Ghafir:67]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura vachijekesa kuti ndivo vakasika Mesiya nemurairo wechisiko sekusika kwavakaita Adhamu kubva muguruva nemurairo wechisiko. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, muenzaniso waJesu kuna Allah (Mwari) wakaita semuenzaniso waAdhamu. Vakamusika kubva muvhu, ndokubva vati kwaari: "Iva," ndokubva ava.} [Aal Imran:59]. Ndakambotaura mundima nhamba (2) kuti Muporofita, rugare ngaruve kwaari, akajekesa kuti vanhu vakaenzana uye hapana ane hukuru pamusoro pomumwe kunze kwekutya Mwari.
14- Uye mwana wese anozvarwa ari mumamiriro echisikirwo.
Uye mwana wese anozvarwa ari pachisikirwo chakachena Mwarivekumusoro-soro vakati: {Saka ruramisa chiso chako kuchitendero wakatwasanuka, chisikirwo chaAllah icho chavakasikira vanhu pachiri. Hakuna kushandurwa pakusika kwaAllah. Ichocho ndicho chitendero chakatwasanuka, asi ruzhinji rwevanhu haruzivi.} [Ar-Rum: 30]. Uye Hanifiyyah ndicho chitendero chaIbrahim shamwari yaAllah(Al-Khalil), rugare ngaruve kwaari. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvadaro, Isu takazarura kwauri (iwe Muhammad), (zvekuti): “Tevera nzira yaIbrahim (ari pachitendero chechokwadi), uye aive asiri mumwe weavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari.”} [An-Nahl:123]. Uye Mutumwa waAllah ( Allah ndavamuropafadze uye vamupe rugare), akati: «Hapana mwana anozvarwa kunze kwekunge azvarwa ari pafitrah (hunhu hwekusikwa naAllah hwekugamuchira chokwadi, asi vabereki vake vanomuita muJudha, kana muKristu, kana muMajia, sezvinongoita mhuka inobereka mhuka yakakwana (isina hurema), munoona chero chakachekwa pairi here?» Abu Hurairah, Allah ngaafadzwe naye, akaba ati: {Ichi ndicho chisikirwo chaAllah icho chavakasika vanhu nacho. Hakuna kushandurwa mukusika kwaAllah, Ichocho ndicho chitendero chakarurama, asi vanhu vazhinji havazivi.} [Ar-Rum: 30] Sahih al-Bukhari 4775. Uye Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) vakati: «Tarirai, zvirokwazvo Ishe vangu vakandirayira kuti ndikudzidzisei zvamusingazivi kubva pane zvavandidzidzisa nhasi uno: Pfuma yose yandakapa muranda inotenderwa. Uye zvirokwazvo ndakasika varanda vangu vose vari pachokwadi, uye zvirokwazvo madhiyabhorosi akauya kwavari ndokuvatsausa kubva kuchitendero chavo, ndokuvarambidza zvandakanga ndavabvumidza kuti vazviite, uye ndokuvarayira kuti vandisanganise nezvimwe zvinhu zvandisina kuburitsira humbowo.» Yakarondedzerwa naMuslim 2865.
15- Uye hapana munhu anozvarwa aine chivi kana kugara nhaka yechivi chomumwe:
Hapana munhu anozvarwa ari mutadzi kana kugara nhaka yechivi chemumwe munhu, uye Allah vekumusoro-soro vakatiudza kuti apo Adhamu, rugare ngaruve kwaari, paakatyora murairo waMwari uye iye nemukadzi wake Evha vakadya (muchero) wemuti, akazvidemba, akatendeuka, ndokukumbira ruregerero kubva kuna Allah. Saka Allah akamufemera kuti ataure mashoko akanaka, uye akaataura. Naizvozvo Allah vakagamuchira kutendeuka kwavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye tikati, "Iwe Adhamu! Iva unogara nemukadzi wako muparadhiso, uye mova munodya mose (michero) makasununguka muine mufaro imomo, zvose zvemo nemadiro enyu, asi musava munosvika pedyo nemuti uyu, uye mukadaro muchava vatadzi ... 35} {Uye Dhiyabhorosi akaita kuti mutsauke mugwara vari imomo (muParadhiso), akakonzera kubuda kwavo kubva mavakange vari. Takati: "Dzikai pasi, mose, muneruvengo pakati penyu. Nyika ichava nzvimbo yenyu yekugara uye yekufara kwekanguvana ... 36} {Nokudaro Adhamu akagamuchira mashoko kubva kuna Tenzi vake, uye Tenzi vake vakamuregerera (vakatambira kureurura kwake). Zvirokwazvo, ndivo vega (Allah) vane ruregerero rukuru, vane tsitsi dzose (nenyasha zhinji) ... 37} {Takati: "Dzikai pasi mose kubva munzvimbo ino (Paradhiso). Zvino kana nhungamiro ikauya kwamuri ichibva kwandiri, ani naani anotevera nhungamiro yangu haazovi nekutya, uye havazosuwi."... 38} [Al-Baqarah:35-38]. Uye sezvo Allah vakagashira kutendeuka kwaAdhamu (runyararo ngaruve kwaari), haana kuzoramba akatakura chitadzo, naizvozvo vana vake havagari nhaka yechitadzo chakadzimwa nekutendeuka. Nheyo huru muIslam ndeyekuti munhu haatakuri mutoro wezvivi zvemumwe. Allah vekumusoro-soro vakatti: {Munhu wese anongotakura mhedzisiro yezvaanoita iye pachake, uye hapana anotakura mutoro wezvivi zvemumwe. Mushure mezvo, mose muchadzokera kuna Tenzi wenyu, uye vachakuudzai chokwadi pamusoro pezvinhu zvamaipokana nazvo.....} [Al-An'am:164].
Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Wese anozvitungamirira, zvirokwazvo anozvitungamirira kuti abatsirike iye pachezvake, Uye wese anorasika, zvirokwazvo anozvirasisa iye pachake. Hapana munhu anotakura zvivi zvemumwe, Uye hatirangi vanhu kusvikira tatumira mutumwa...} [Al-Isra:15]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye hapana kana munhu achatakura mutoro wemumwe. Uye kana ane mutoro wezvivi akakumbira kuti abatsirwe kuitakura, hapana angamutakurire, kunyange ari hama yake yepedyo. Zvirokwazvo, unokwanisa (iwe Muhammad) kuyambira avo vanotya Tenzi wavo vasingaoneki uye vanoita munamato, uye uyo anozvichenura (kubva kuzvitadzo), anenge achizvichenura nekuzvibatsira pachake. Uye zvirokwazvo kuna Allah ndiko kwatichadzokera ...} [Faatwir:18].
16- Uye chinangwa chekusikwa kwevanhu ndeichi: kunamata Allah voga:
Uye chinangwa chekusika vanhu ndeichi: kunamata Allah voga. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye handina kusika maJinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate} [Adh-Dhaariyaat:56].
17- Islam yakakudza munhu—murumenemukadzi—uye yakamupa kodzero dzake dzose. Inoitawo kuti munhu wese ave nemutoro wezvisarudzo zvake, mabasa ake, nezviito zvake, uye inomuita kuti azvidavirire pane chero chinhu chaanoita chinokuvadza iye pachake kana kukuvadza vamwe.
Islam yakakudza munhu—murume nemukadzi. Allah vekumusoro-soro vakasika munhu kuti ave mumiriri wavo(muchengeti uye anotarisira) panyika. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakataura kungirozi dzavo vachiti: "Zvirokwazvo, ndichava ndinoisa mumiriri panyika ...} [Al-Baqarah:30].
Uye rukudzo urwu runosanganisira vana vese vaAdhamu. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo takaremekedza vana vaAdhamu, uye tinovatakura panyika nemugungwa, uye tinovapa zvinhu zvakanaka, uye takavaisa pamusoro pezhinji zvatakasika...} [Al-Isra:70]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Chokwadi takasika munhu aine chimiro chakanaka ...} [At-Tin:4].
Uye Allah vakarambidza munhu kuti azviite muteveri anozvininipisa kune chinonamatwa, kana chinoteverwa, kana chinoteererwa kunze kwaAllah. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye pakati pevanhu pane avo vanotora vamwe kunze kwaAllah sevamwe vakaenzana navo, vachivada sekuda kwavanoita Allah. Asi avo vanotenda vane rudo rwakanyanya kuna Allah. Uye dai avo vanoita zvisakarurama vaikwanisa kuona pavanenge vachiona murango, kuti simba rese nderaAllah, uye kuti Allah vane murango wakaomarara. Apo avo vaiteverwa vachazviparadzanisa kubva kune avo vaivatevera, uye vachaona murango, uye hukama hwese pakati pavo huchadambuka.} [Al-Baqarah: 165 166]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura vachitsanangura mamiriro evateveri nevanoteverwa munhema pazuva rekutongwa: {Avo vakazvitutumadza vakataura kune avo vaive vasina simba vachiti: “Asi isu ndisu here takakudzivisai kubva kunhungamiro mushure mekunge yasvika kwamuri? Kwete, asi kuti maive vatadzi.” 32} {Uye avo vakange vasina masimba vachataura kune avo vaizvitutumadza vachiti: "Kwete, asi kwaiva kuronga kwenyu kwehusiku nemasikati, apo makatiraira kusatenda muna Allah uye kuti timuise pamwechete nevamwe anamwari," Uye vachaviga kudemba kwavo (nekusateerera kwavo Mwari panyika ) apo vachaona marwadzo. Uye tichasunga ngetani dzesimbi pamitsipa yevaya vakanga vasingatendi. Ko vacharipwa nechimwe chinhu here kunze kwezvavaiita?. 33} [Saba:32 - 33].
Uye mukukwana kweruenzaniso rwaAllah vanorumbidzwa uye vekumusoro-soro, pazuva rekutongwa, ndechekuti vacharemedza vaparidzi nevatungamiri vanorasisa vanhu nezvivi zvavo pamwe chete nezvivi zveavo vavanorasisa vasina ruzivo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Vachatakura mutoro wavo zvizere musi wekutongwa, uye nemutoro weavo vavakarasisavasina ruzivo. Zvirokwazvo, uipi ndeizvo zvavachatakura ...} [An-Nahl:25].
Uye Islam yakavimbisa munhu kodzero dzake dzakakwana panyika pano uye muhupenyu hunotevera, uye kodzero huru pane dzose dzakavimbiswa neIslam uye ikadzitsanangura kuvanhu ndeidzi: kodzero yaAllah pamusoro pevanhu nekodzero yevanhu kuna Allah. Mu'adh, Allah ngavafadzwe naye, akati: Ndaiva ndakatasva mhuka kumashure kweMuporofita (Allah ngavavakomborere nekumupa rugare), vakabva vati: «Iwe Mu'adh!» Ini Ndikati: "Ndiri pano ndiri kuteererai." Vakabva vataura zvakafanana neizvozvo katatu, vakazoti: «Unoziva here kuti kodzero yaAllah pavaranda vavo ndeipi?» Ndikati: "Kwete." Vakati: «Kodzero yaAllah pavaranda vavo ndeyekuti vavanamate uye vasamusanganise nechimwe chinhu zvacho pakunamata (Shirk).» Vakabva vaenderera mberi nerwendo kwenguva, vakazobva vati: «Iwe Mu'adh!» Ndikati: "Ndiri pano ndiri kuteererai." Vakati: "Unoziva here kuti kodzero yevaranda kuna Allah kana vakaita izvozvo ndeipi? Ndeyekuti havazovarangi.» Sahih al-Bukhari (6840).
Uye chitendero cheIslam chakachengetedzera munhu chitendero chake chechokwadi, vana zvake, nepfuma yake, uye nechiremera chake. Muporofita rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari vakati: «Zvirokwazvo Allah varambidza kwamuri kudeura ropa renyu, nepfuma hwenyu, nechiremera chenyu, sezvakaita hutsvene wezuva renyu rino, mumwedzi wenyu uno, muguta renyu rino» Sahih al-Bukhari . (6501) Uye zvirokwazvo Mutumwa (rugare rwaMwari ngaruve kwaari) vakazivisa chibvumirano chikuru ichi paHajj yekuonekana, iyo yakapindwa nemaSwahaabah vanopfuura zviuru zana , uye vakadzokorora zvinoreva izvi nekuzvitsinhira paZuva reChibayiro muHajj yekuonekana.
Uye chitendero cheIslam chakaita kuti munhu azvidavirire pamusoro pesarudzo dzake dzese, mabasa ake nemaitiro ake. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye takava tinosungirira mabasa emunhu wese pahuro yake, uye musi wekutongwa tichava tinoburitsa kwaari gwaro raachaona rakavhurwa. (Zvichanzi kwaari): "Verenga gwaro rako. Pachezvako wakakwana pakuzvibvunzurudza zuva nhasi...} [Al-Israa:13]. Zvinoreva kuti chero basa rakaitwa nemunhu, ringava rakanaka kana rakaipa, Allah (Mwari) vanorisungirira paari haripfuuri kuenda kune mumwe munhu, saka haatongerwi mabasa emumwe munhu, uye mumwe munhu haatongerwi mabasa ake. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti: {Iwe munhu! Zvirokwazvo uchadzokera kuna Tenzi vako nemabasa ako (akanaka neakaipa) kudzokera kwechokwadi, uye uchasangana nawo (mabasa awaiita), ...} [Al-Inshiqaq:6]. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uyo anoita basa rakanaka, anenge azviitira iye pachake; uye uyo anoita zvakaipa, zvinenge zvakanangana naye. Uye Tenzi vako havasi mudzvinyiriri kuvaranda vavo...} [Fussilat:46]
Islam inoita kuti munhu ave nemutoro wechero chiito chinokuvadza iye pachake kana kukuvadza vamwe. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye ani naani anoita chivi, zvirokwazvo anenge azviitira iye pachake. Uye Allah ndivo Muzivi wezvose, vakachenjera kwazvo...} [An-Nisaa:111]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Nokuda kwaizvozvo, takava tinoraira vana vaIzirairi kuti munhu anenge auraya munhu kunze kwekuti murango wehumhondi, kana kukonzeresa zvakaipa munyika, zvinoita sokunge auraya vanhu vese, uye uyo anoponesa munhu kuti ararame, zvinoita sekunge araramisa vanhu vose. [Al-Maaidah:32]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Hakuna munhu anourayiwa zvisiri pamutemo kunze kwekuti mwanakomana wekutanga waĀdamu anotakura chikamu chemhosva yeropa rake, nokuti ndiye akatanga tsika yekuuraya.» Sahih Muslim (5150).
18- Islam yakaita kuti murume nemukadzi vave vakaenzana panyaya dzemabasa, dzekuve nemutoro, kupiwa mubairo nekurangwa.
Islam yakaita kuti varume nevakadzi vave vakaenzana panyaya dzemabasa, dzekuve nemutoro, kupiwa mubairo nekurangwa. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye uyo anoita mabasa akanaka, angava murume kana mukadzi uye iye ari mutendi (muhumwechete hwaAllah}, vanhu vakadaro vachapinda kuParadhiso, uye havambodzvinyirirwe zvachose...} [An-Nisaa:124]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: { Ani naani anoita basa rakanaka, angave murume kana mukadzi, uye ari mutendi, zvirokwazvo tichamupa hupenyu hwakanaka; uye zvirokwazvo tichavapa mubairo wavo zvinoenderana nezvakanakisisa zvezvavaiita } [An-Nahl:97]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uyo anenge aita basa rakaipa, haapuhwe mumwe mubairo kunze kwewakafanana nezvaanenge aita, uye uyo anenge aita basa rakanaka, angave murume kana mukadzi uye ari mutendi wechokwadi, ivavo vachapinda muParadhiso umo mavachapihwa raramo isina magumo... } [Ghaafir:40]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, varume nevakadzi vechiMuslim, varume nevakadzi vanotenda, varume nevakadzi vanoteerera (Allah), varume nevakadzi vari pachokwadi, varume nevakadzi vanotsungirira, varume nevakadzi vanozvidzikisira (pamberi paTenzi wavo Allah), varume nevakadzi vanopa zvipo, varume nevakadzi vanotsanya, varume nevakadzi vanochengetedza nhengo dzavo dzakavanzika (kubva kuhupombwe), varume nevakadzi vanorangarira Allah zvakanyanya, Allah vakavagadzirira ruregerero uye mubairo mukuru (Paradhiso) ...} [Al-Ahzaab:35].
19- Chitendero cheIslam chakapa ruremekedzo kumukadzi uye chakaona vakadzi sevakaenzana nevarume, uye chakasungira murume kuriritira kana achikwanisa. Naizvozvo zvinosungirwa kuna baba kuriritira mwanasikana wavo, kumwana kuriritira amai vake kana abva zera uye achikwanisa, uye kumurume kuriritira mudzimai wake.
Islam inoona vakadzi sevakaenzana nevarume. Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvirokwazvo, vakadzi vakaenzana nevarume» Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi 113.
Uye sechikamu cheruremekedzo rwechitendero cheIslam kuvakadzi, chakaita kuti zvive zvinosungirwa kumwana kuriritira amai vake kana achikwanisa. Mutumwa waAllah, rugare ngaruve kwaari, vakati: «Ruoko rwemupi ndirwo rwepamusoro-soro; ipa amai vako, nababa vako, nehanzvadzi yako, namukoma wako, kozoti hama dzepedyo zvichienderana nekuve pedyo kwavo newe» Yakarondedzerwa naImam Ahmad Tsananguro yechinzvimbo chevabereki ichauya, kana Mwari achida, mundima nhamba (29).
Uye mukupa ruremekedzo kumudzimai muIslam, yakasungira murume kuti ariritire mudzimai wake kana achikwanisa. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Mupfumi ngaachengete zvichienderana nekuwana kwake, uye uyo anowana zvishoma ngaachengete nezvaakapihwa naAllah. Allah havaise mutoro pamunhu kudarika izvo zvavakamupa. Allah vachaunza rugare mushure mematambudziko...} [At-Talaaq:7]. Mumwe murume akabvunza Muporofita, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari kuti: Ndeipi kodzero yemukadzi pamurume wake? Akati: «Unomupa chikafu paunodya, uye unomupa zvipfeko paunozvipa zvipfeko, uye usamurova kumeso, uye usamutuka» Yakarondedzerwa naImam Ahmad, Uye Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vachitsanangura dzimwe kodzero dzevakadzi kuvarume vavo vakati: «Uye vane kodzero pamusoro penyu yekuwana zvokudya zvavo nenhumbi dzavo nenzira yakanaka» Sahih Muslim. Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvinokwana kuva chitadzo kumunhu kuti aregeredze (kuriritira) avo vaanofanira kuriritira» Yakarondedzerwa naImam Ahmad Uye Al-Khattabi akati: (Mashoko ake ekuti: "uyo waanoriritira" anoreva uyo waanosungirwa kupa zvinodiwa pakurarama, uye zvinoreva sokunge ati kune anopa ruyamuro: ‘Usapa ruyamuro nezvinhu zvisingazokusiya une zvinodiwa pakuriritira mhuri yako uchitsvaga mubairo nazvo; nokuti izvozvo zvinoshanduka kuva chitadzo kana iwe ukavaregedza’).
Uye chimwe chikamu chekupa ruremekedzo kweIslam kumukadzi ndechekuti yakaita kuti kuriritirwa kwemwanasikana kuve mutoro pana baba vake. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye vanaamai ngavayamwise vana vavo kwemakore maviri akazara, kune avo vanoda kupedzisa nguva yekuyamwisa; uye baba vemwana vanofanira kuvapa chikafu chavo nezvipfeko zvavo zvakanaka.} [Al-Baqarah:233]. Saka Allah vakajekesa kuti ibasa rababa anozvarirwa mwana kudyisa mwana wake nekumupfekedza nenzira yakanaka. Uye pane shoko ravo Ivo vekumusoro-soro rekuti: {Uye kana vakayamwisa vana venyu, vapei mugove wavo ...} [At-Talaaq:6]. Naizvozvo Allah vakaita kuti mubhadharo wekuyamwisa mwana uve wakasungira kuna baba; izvo zvinoratidza kuti kuriritirwa kwemwana kuri kuna baba, uye mwana anosanganisira mukomana nemusikana. Uye muHadith inotevera mune humbowo hwekuti zvinosungirwa kuti baba variritire mudzimai nevana vake. Aisha, Allah ngavafadzwe naye, akati: Hind akati kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari: “Zvirokwazvo Abu Sufyan murume anonyima, saka ndinofanira kutora kubva papfuma yake.” Ivo vakati: «Tora zvinokukwanira iwe nevana vako nenzira yakanaka» Yakarondedzerwa naAl-Bukhari. Uye Muporofita anoremekedzwa akatsanangura kunaka kwekuchengeta vanasikana nehanzvadzi. Naizvozvo, Mutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakati: "«Uyo anochengeta vanasikana vaviri kana vanasikana vatatu, kana hanzvadzi mbiri kana hanzvadzi nhatu, kudzamara vazvimirira kana kuti afa achivasiya, ini naiye tichava seizvi. Uye akanongedza neminwe yake miviri, munwe wekunongedza newepakati.»" As-Silsilah As-Sahihah 296.
20- Uye rufu harusi kuparara kwekusingaperi asi ndiko kutama kubva panzvimbo yemabasa kuenda kunzvimbo yemubairo. Uye rufu runobata muviri nemweya. Uye rufu rwemweya ndiko kupatsanurana kwawo nemuviri, wozodzoka kwauri mushure mekumutswa pazuva rekumutswa. Uye mweya hautamiswi mushure merufu kuenda kune mumwe muviri, uye hauumbwi patsva mune mumwe muviri.
Kufa hakusi kuparara kwekusingaperi. Allah vekumusoro-soro vakati: {۞ Iti (iwe Muhammad): "Ngirozi yerufu, iyo yamakatarirwa, ichatora mweya yenyu. Zvadaro, muchadzoserwa kuna Tenzi venyu."} [As-Sajdah:11]. Uye rufu runobata muviri nemweya. Uye rufu rwemweya kuparadzana kwawo nemuviri, wozodzokera kwauri mushure mekumutswa pazuva rekutongwa. Allah vekumusoro-soro vakati: {NdiAllah vanotora mweya yevanhu panguva yerufu rwavo, uye vanotorawo mweya yavo pavanenge vakarara, (Allah) vanochengeta mweya yeavo vavakarongera (vavakatarira) rufu, uye vanosiya vamwe vose kusvikira panguva yakatarwa.Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kuvanhu vanofunga zvakanyanya ...} [Az-Zumar:42]. Uye Mutumwa waAllah maropafadzo nemakomborero aAllah ngazvive pavari vakati: «Zvirokwazvo, kana mweya watorwa, maziso anoutevera.» Yakarondedzerwa naMuslim 920, Uye mushure merufu munhu anotama kubva kunzvimbo yemabasa kuenda kunzvimbo yemubairo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Kwavari ivo ndiko kwamuchadzokera mose. Chivimbiso chaAllah ndechechokwadi. Zvirokwazvo, ndivo vakasika zvisikwa kekutanga, uye vachazvisika zvekare kuti vazopa mubairo neruramisiro kune avo vakatenda uye vanoita mabasa akanaka. Uye avo vasingatendi, vachawana chinwiwa chemvura inopisa zvikuru nechirango chinorwadza maererano nekusatenda kwavo.} [Yunus:4].
Uye mweya hautamiri kune mumwe muviri mushure merufu, uye hauende kune imwe mhuka. Naizvozvo kutenda kuti mweya unoenda pane imwe mhuka hakuna humbowo kubva kupfungwa dzakanaka kana zvinobatika. Uye hapana humbowo hwakabva kumaporofita (rugare ngaruve pamusoro pavo) hunotsigira kutenda uku.
21- Chitendero cheIslam chinokurudzira kutenda munheyo huru dzekutenda, idzo dzinoti kutenda muna Allah, mungirozi dzavo, nekutenda mumabhuku ehuMwari akafanana neTorah, Vhangeri uye neZabur – asati ashandurwa – pamwe neQur'an, nekutenda muvaporofita vose nevatumwa vose, rugare ngaruve kwavari, uye kuti utende kune wekupedzisira wavo anova Muhammad mutumwa waAllah, ndiye wekupedzisira wemaporofita nevatumwa, nekutenda muzuva rekupedzisira. Uye tinoziva kuti kana hupenyu hwepanyika pano ndihwo hwaiva hwekupedzisira; hupenyu nekuvapo zvingadai zviri zvisina maturo zvachose, uye nekutenda mune zvakatarwa naAllah (Qadar).
Islam inodaidza (vanhu kuti) vatende munheyo huru dzekutenda, idzo maPorofita ose neVatumwa, (rugare ngarwuve kwavari), vakadaidzira kwadziri, dzinoti:
Yekutanga: Kutenda muna Allah saTenzi, Musiki, Mupi weRaramo, neMurongi wezvakasikwa izvi, uye kuti ndivo vega vakakodzera kunamatwa, uye kuti kunamatwa kwezvese zvisiri ivo, kunamata kwacho ndekwenhema, uye chose chinonamatwa kunze kwavo ndechenhema, saka kunamata hakukodzeri kunze kwekuna ivo, uye kunamata hakusi kwechokwadi kunze kwekuna ivo. Uye tsananguro yehumbowo hwenyaya iyi yakatsanangurwa kare mundima nhamba (8).
Uye Allah vanorumbidzwa, uye vekumusoro-soro vakataura nheyo huru idzi mundima zhinji dzakasiyana siyana muQur'an Huru. Pakati padzo pane shoko ravo rinoti: {Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi (vakatenda). Mumwe nemumwe wavo akatenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo. Uye vakati: ‘Tanzwa uye tateerera. Tinokumbira ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kumagumo.’} [Al-Baqarah:285]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Hakusi kururuma kana kunatsa (Al-birr) kuti munotendeutsa zviso zvenyu kutarisa kudivi rekumabvazuva kana kumadokero (pakunamata), asi chinonzi kururama (Al-birr) ndeuyo anotenda muna Allah, muzuva rekupedzisira, mungirozi, mumabhuku, mumaporofita, uye anopa hupfumi zvisinei nemadiro hwaanouita, kuhama dzepedyo, kunherera, uye kune varombo, kuvafambi venzira, uye kune avo vanokumbira rubatsiro, uye kusunungura nhapwa, uye kuita munamato (Swalah), uye achipa zvipo kuvarombo (Zakaah), uye avo vanozadzikisa chibvumirano mushure mekubvumirana, uye avo vanotsungirira munguva yematambudziko, nemumarwadzo, uye munguva yehondo. Ivavo ndivo vanhu vari pachokwadi, uye ivavo ndivo vatsvene...} [Al-Baqarah:177]. Uye Allah vekumusoro-soro vakadaidzira vanhu kuti vave vanotenda munheyo idzi, uye vakajekesa kuti uyo anoramba kutenda madziri zvirokwazvo anenge akarasika zvakanyanya. Allah vekumusoro-soro vakati: { Imi makatenda, tendai muna Allah nemuna Mutumwa wavo, uye nemuBhuku iro ravakadzikisa kuna Mutumwa wavo, uye nemuBhuku iro ravakadzikisa kare. Uye ani naani anoramba kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira, zvirokwazvo anenge akarasika, kurasika kuri kure .} [An-Nisaa :136]. Uye munhaurwa kubva kuna Umar bin al-Khattab, Allah (Mwari) ngavafare naye, akati: (Patakange tiri naMutumwa waAllah (Allah ngavamukomborere nekumupa rugare) rimwe zuva, pakabva pauya kwatiri murume, aive akapfeka nguwo chena kwazvo, aine vhudzi dema kwazvo, pasingaonekwe paari zviratidzo zverwendo, uye pasina kana mumwe pakati pedu aimuziva, kusvikira agara pasi pedyo neMuporofita (Allah ngavamukomborere nekumupa rugare) ndokubatanidza mabvi ake pamabvi avo, ndokuisa zvanza zvake pazvidya zvake, ndokuti: "Iwe Muhammad! Ndiudze nezveIslam." Zvino Mutumwa waAllah (Allah ngavamukomborere nekuvapa rugare) vakati: «Islam ndiko: kupupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah (Allah ngavamukomborere nekumupa rugare), uye kuti uite munamato (Swalaah), uye kuti upe chipo kuvarombo (Zakaah), uye kuti utsanye (mumwedzi we) Ramadhan, uye kuti ushanyire Imba yaAllah (Hajj) kana uine zvikwanisiro.» Akati: "Wataura chokwadi." Akati: Zvino takashamiswa naye, kuti anomubvunza uye obva atsinhira kupindura kwake. Akati: "Chindiudza nezvekutenda?" Akati: «Kuva utende muna Allah, nengirozi dzavo, nemabhuku avo, nevatumwa vavo, nezuva rekupedzisira, uye kuti utende mukutara kwaAllah (Qadar) zvakanaka zvacho nezvakaipa zvacho.» Akati: "Wataura chokwadi." Akati: "Chindiudza nezveIhsan?" Akati: «Kuti unamate Allah sekunge uri kuvaona, nokuti kana usingavaone, zvirokwazvo vanokuona.») Sahih Muslim 8. Saka muHadith iyi Jibril (rugare ngaruve kwaari) akauya kuna Mutumwa Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) uye akavabvunza nezvematanho echitendero ayo anoti: Islam, kutenda, nekunatsa pamabasa. Mutumwa Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakamupindura, mushure mezvo Mutumwa Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakaudza vatevedzeri vavo (Allah ngavafadzwe navo) kuti uyu ndiJibril (rugare ngaruve kwaari) akange auya kwavari kuzovadzidzisa chitendero chavo. Naizvozvo iyi ndiyo Islam, shoko rehuMwari rakaunzwa naJibril (rugare ngaruve kwaari) uye rikasvitswa kuvanhu neMutumwa Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), uye rakachengetedzwa nevatevedzeri vavo (Allah ngavafadzwe navo) vakarisvitsa kuvanhu mushure mavo.
Chechipiri: Kutenda mungirozi, idzo dzinova zvisikwa zvisingaonekwi zvakasikwa naAllah nechimiro chadzo, ndokudzipa mabasa makuru, uye akakosha. Uye pakati pemabasa adzo makuru kudarika ose kusvitsa mharidzo dzehumwari kuvatumwa nevaporofita, rugare ngaruve kwavari. Uye ngirozi huru kudarika dzose ndiJibril, rugare ngaruve kwaari. Uye zvinoratidza kudzika kwaJibril, rugare ngaruve kwaari, nezaruriro kuvatumwa, rugare nemaropafadzo ngazvive kwavari, kutaura kwavo ivo vekumusoro-soro kuti: {Vanotumidzira ngirozi neRuh (Mashoko avo) nemurawo wavo kune wavada kubva kune varanda vavo (vachiti): "Yambirai (vanhu) kuti: Hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwangu, saka ndityei (nekusaita mabasa akaipa)...} [An-Nahl:2]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo iro rakadzikiswa naTenzi wezvisikwa zvese 192} {Akadzika naro (Quran), Mweya wakatendeka (Jibril)193} {Mumoyo mako (Iwe Muhammad rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti ugova muyambiri ...} {Mururimi rwechiArab rwakajeka ...195} {Uye zvirokwazvo, rakataurwa (Quran) mumagwaro (Torah ne Vhangeri) evanhu vekutanga ... 196} [Ash-Shu'araa:192-196].
Chechitatu: Kutenda mumaBhuku aAllah seTorah neInjil neZabur – asati ashandurwa – neQur'an, Allah Vekumusoro-soro vakati: { Imi makatenda, tendai muna Allah nemutumwa wavo, nebhuku iro ravakadzikisa kumutumwa wavo, uye nebhuku iro ravakadzikisa kubva kare. Uye ani naani anoramba kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira, zvirokwazvo anenge arasika kurasika kuri kure...} [An-Nisaa:136]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Vakadzikisa kwauri Gwaro nechokwadi, richitsigira izvo zvakaritangira, uye vakadzikisa Torah neInjil ... 3} {Kare, sehutungamiri kuvanhu, uye vakadzikisa chipatsanuro (chezvakanaka nezvakaipa). Zvirokwazvo, avo vasina kutenda mundima dzaAllah vachava nemurango chakaomarara. Uye Allah ndivo vane masimba ose, vane kutsiva. 4} [Aal-Imraan:3-4]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi (vakatenda). Mumwe nemumwe wavo akatenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo. Uye vakati: ‘Tanzwa uye tateerera. Tinokumbira ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kune magumo.’} [Al-Baqarah:285]. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Iti: “Tinotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri, uye izvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, naIshumaîri, naIsaka, naJakobho uye kumadzinza, uye kune izvo zvakapiwa Mosesi na Jesu, uye vaporofita vose kubva kuna Tenzi wavo. Hatisiyanisi pakati paani naani zvake wavo, uye isu takazvipira kwavari.” 95} [Al Imran:84]
Chechina: Kutenda muvaporofita nevatumwa vose, rugare ngarwuve pavari: naizvozvo, zvinosungirwa kutenda muvaporofita nevatumwa vose, rugare ngarwuve pavari, nekutenda kuti vose vatumwa vanobva kuna Allah vachisvitsa kumarudzi avo mharidzo dzaAllah, chitendero chavo nemitemo yavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Itiyi: “Tinotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri, uye izvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, naIshumaîri, naIsaka, naJakobho uye kumadzinza, uye izvo zvakapiwa Mosesi na Jesu, uye izvo zvakapiwa vaporofita kubva kuna Tenzi wavo. Hatisiyanisi pakati paani nani zvake wavo, uye isu takazvipira kwavari.”...} [Al-Baqarah:136]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi (vakatenda). Mumwe nemumwe wavo akatenda muna Allah nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo. Uye vakati: ‘Tanzwa uye tateerera. Tinokumbira ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kune magumo.’} [Al-Baqarah:285]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti: “Tinotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri, uye izvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, naIshumaîri, naIsaka, naJakobho uye kumadzinza, uye kune izvo zvakapiwa Mosesi na Jesu, uye vaporofita vose kubva kuna Tenzi wavo. Hatisiyanisi pakati paani naani zvake wavo, uye isu takazvipira kwavari.” } [Aal-Imraan:84].
Uye kuti atende mune wekupedzisira wavo, uye ndiye Muhammad Mutumwa waAllah, wekupedzisira pavaporofita nevatumwa (makomborero nerugare rwaAllah ngazvive pavari). Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye (rangarirai) apo Allah vakatora chitsidzo kubva kumaporofita (vachiti): "Zvirokwazvo pamusoro pezvandakakupai kubva muGwaro nehungwaru, mushure mezvo Mutumwa akauya kwamuri achitsinhira izvo zvamuinazvo, munofanira kutenda maari uye nekumubatsira." Vakati: "Munobvuma here, uye magamuchira chitsidzo changu pane izvi here?" Vakati: "Tinobvuma." Vakati: "Saka ivai zvapupu, uye neni ndiri pamwe chete nemi muzvapupu."} [Aal Imran:81]
Nokudaro chitendero CheIslam chinosungira kutenda mumaporofita vese nemuvatumwa vose zvavo, uye chinosungira kutenda kune wekupedzisira wavo, anova Mutumwa Muhammad (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari). Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti (Iwe Muhammad): Imi vanhu vegwaro (maJudha nemaKristu!), Hapana chamuinacho (pakutungamirwa mugwara) kusvikira matevedzera zviri muTorah neInjil (Vhangeri), uye neizvo zvinodzikiswa pasi kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Quran) ...} [Al-Ma'idah:68]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti (Iwe Muhammad), imi vanhu veGwaro, huyai kumashoko akafanana pakati pedu nemi, kuti tisanamate vamwe kunze ķwaAllah, uye kuti tisavasanganise pakunamata nechimwe chinhu, uye kuti hapana anofanira kutora mumwe saTenzi vake achisiya Allah. Kana vakafuratira (kuramba) taurai kuti: Pupurai kuti tiri maMuslim (vanoteerera Allah). [Al Imran:64].
Uye ani naani anoramba kutenda mumuporofita mumwe chete, anenge aramba kutenda mumaporofita nevatumwa vose, rugare ngaruve pavari. Naizvozvo, Allah vakataura vachizivisa nezvemutongo wavo pamusoro pevanhu vaNuh, rugare ngaruve paari vakati: {Vanhu vaNuh vakaramba vatumwa} [Ash-Shu'araa:105]. Zvinozivikanwa kuti Nuh, rugare ngaruve kwaari, haana kutangirwa nemutumwa, asi kunyange zvakadaro apo vanhu vake vakamuramba, kuramba kwavo uku kwavakamuita kwaiva kuramba maporofita ese nevatumwa; nekuti shoko ravo rimwechete uye chinangwa chavo chimwechete.
Chechishanu: Kutenda muZuva reKupedzisira, rinova Zuva reKutongwa. Uye kumagumo kwehupenyu hwepasi pano, Allah vacharaira Ngirozi Israfil, rugare ngaruve kwaari, achabva aridza hwamanda, uye vese vachanenge vachidiwa naAllah ( kuti izvi zviitike kwavari) vachafenda vobva vafa. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye hwamanda icharidzwa, avo vose vari kumatenga nevari panyika vachafa, kunze kweavo Allah vanenge vada. Zvadaro icharidzwa zvakare, ipapo vachamira vakatarisa.} [Az-Zumar:68]. Uye kana vese vari kumatenga nevari panyika vaparara kunze kweavo Allah (vanoda, zvirokwazvo Allah vachapeta matenga nenyika sekutaura kwavo ivo vekumusoro-soro kuti: {Zuva ratichapeta denga sekupetwa kwegwaro rezvinyorwa, sematangiro atakaita chisikwa chekutanga tichachidzokorodza. Ichi chivimbiso chiri kwatiri. Zvirokwazvo, isu tichazviita.} [Al-Anbiya:104]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye havana kupa Allah kodzero yavo yakakwana. Uye pazuva rekutongwa pasi rose richabatwa muruoko rwavo, uye matenga akapetwa ari muruoko rwavo rwerudyi. Kurumbidzwa ngakuve kwavari, uye vari pamusoro pezvavanovasanganisa nazvo...} [Az-Zumar:67]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Allah (Samasimba neHukuru) vachapeta matenga pazuva rekutongwa, voatora neruoko rwavo rwerudyi, vobva vati: ‘Ini Ndini Mambo, vari kupi vadzvanyiriri? vari kupi vanozvikudza?’ Vozopeta pasi rose muruoko rwavo rweruboshwe, vobva vati: ‘Ini ndini Mambo. Vari kupi vadzvanyiriri? Vari kupi vanozvikudza?’» Yakarondedzerwa naMuslim.
Zvadaro Allah vacharaira ngirozi, yobva yaridza hwamanda zvakare, ivo (vanhu) vanobva vamuka vomira vachitarisa. Allah vari kumusoro-soro vakati: { Zvadaro panofuridzwa hwamanda zvakare, pakarepo vachabva vamira vachitarisa } [Az-Zumar:68]. Kana Allah vamutsa zvisikwa, vachavaunganidza kuti vatongwe. Allah vekumusoro-soro vakati: {Pazuva iro nyika ichatsemuka kubva pavari, vachabuda vachikurumidza. Uku ndiko kuchava kuunganidzwa kuri nyore kwatiri.} [Qaf:44]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Zuva ravachabuda pachena, hapana chero chinhu kubva kwavari chinovanzika kuna Allah. Hushe ndehwaani nhasi? NdehwaAllah, Mumwechete, Mukundi wezvose.} [Ghafir:16]. Uye pazuva iri Allah vachatonga vanhu vese, uye vachatsiva kune wese akadzvinyirirwa kubva kune akamudzvinyirira, uye munhu wese achapiwa mubairo zvichienderana nezvaakaita. Allah vekumusoro-soro vakati: {Nhasi munhu wose achapihwa mubairo kana murango maererano nezvaakaita. Hapana kudzvinyirirwa pazuva ranhasi. Zvirokwazvo, Allah vanokurumidza pakutonga.} [Ghafir:17]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah havadzvinyiriri kunyangwe nehuremu hwekanhu kadiki diki, asi kana chiri chakanaka (chakaitwa) vanochipeta kaviri, uye vanopa kubva kwavari mubairo mukuru ...} [An-Nisaa:40]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Saka uyo anoita zvakanaka zvakaenzana nehuremu hwechinhu chidiki-diki, achazviona (7) {Uye uyo anoita zvakaipa zvine huremu hwekatsanga, achazviona. 8} [Al-Zalzalah:7 - 8]. Uye Mwari vekumusoro-soro vakati: {Uye tichaisa zvikero zvakarurama pazuva rekutongwa, saka hapana munhu achazodzvinyirirwa kana napadiki pose. Uye kunyangwe chiri chehuremu hwetsanga yemasitadhi, tichauya nacho. Tisu tinokwanisa kutonga.} [Maporofita:47].
Uye mushure mekumutswa kuvakafa nekubvunzwa pachazova nekupiwa kwemubairo kana murango, saka uyo akaita zvakanaka achawana mufaro unogara zvachose usingaperi, uye uyo akaita zvakaipa nekusatenda achawana murango. Allah Vekumusoro-soro vakati: { Zuva iro hutongi huchava huri hwaAllah. Vachatonga pakati pavo. Saka avo vakatenda (muIslam) nekuita mabasa akanaka, vachapinda mumapindu emufaro (Paradhiso) ...} {Uye avo vasina kutenda uye vakaramba zviratidzo zvedu, avo ndivo vane murango unodzikisira.} 57 [Al-Hajj:56-57]. Uye tinoziva kuti dai hupenyu huno hwepasi pano hwaiva ndiwo magumo; hupenyu nekuvapo zvaizova zvisina maturo zvachose. Allah vekumusoro-soro vakati : {Saka munofunga here kuti takakusikai sedambe zvisina maturo, uye kuti kwatiri hamuzodzorwi here?} [Al-Muʿminuun:115].
Chetanhatu: Kutenda mukutara nezvakatemerwa naAllah, zvinoreva kuti zvinosungirwa kutenda kuti Allah vanoziva zvese zvakaitika kare, nezviri kuitika, nezvichauya mune ramangwana munyika ino, uye kuti Allah vakanyora zvese izvozvo vasati vasika matenga nepasi. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye kwavari ndiko kune svumbunuro dzezvose zvakavandika. Hapana kana ani anoziva nezvadzo kusara kwavo . Uye vanoziva zviri panyika uye nezviri mumvura. Uye hapana kana shizha rinodonha kusara kwekuti vanenge vachizviziva, Uye hapana kana mhodzi inenge iri murima nenyika kana zvimwe zvidyarwa zvinyoro kana zvakaoma, kunze kwekuti zvakanyorwa mubhuku riri pachena ...} [Al-An’aam:59]. Uye kuti zvirokwazvo Allah (Mwari) vanoziva zvinhu zvose zvizere. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Allah ndivo vakasika matenga manomwe, nenyika dzakafanana nawo. Murairo unodzika pakati pazvo, kuti muzive kuti Allah vane simba pamusoro pezvinhu zvese, uye kuti zvirokwazvo Allah vakakomberedza zvinhu zvese neruzivo.} [At-Talaaq:12]. Uye kuti hapana chinhu chinoitika muchadenga chino kunze kwekuti Allah vakachida, vakachitendera, vakachisika, uye vakarerutsa zvikonzero zvacho. Allah vekumusoro-soro vakati: {Avo vane humambo hwematenga nepasi, uye havana kutora mwana, uye havana mubatsiri muhumambo hwavo, uye vakasika chinhu chose, vakachiera nechiyero chacho chakafanira.} [Al-Furqaan:2]. Uye mune izvi vane huchenjeri hwakadzama husinganzwisiswi nevanhu. Allah vekumusoro-soro vakati: {Huchenjeri hwakakwana, asi yambiro hadzibatsiri...} [Al-Qamar:5]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye ndivo vakasika zvisikwa kwekutanga, uye vachazvisika zvakare (mushure mekuparara), uye izvi zviri nyore kwavari. Ndivo vane mucherechedzo hwepamusoro kumatenga nenyika, uye ndivo Samasimba, vane hungwaru hwese...} [Ar-Rum:27]. Uye Allah vekumusoro-soro vakazvitsanangura nehuchenjeri uye akazvitumidza zita rekuti Muchenjeri. Allah vekumusoro-soro vakati: {Allah vanopupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, uye ngirozi, neavo vane ruzivo vanopupurawo. Allah vanochengeta zvisikwa zvavo mukururama. Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, samasimba, vazere nehungwaru} [Aal ‘Imraan: 18]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati vachizivisa nezvaJesu, rugare ngaruve naye, kuti achataura naMwari pazuva rekutongwa achiti: {"Kana mukavatongera marwadzo, zvirokwazvo varanda venyu; uye mukavaregerera, zvirokwazvo ndimi chete mune masimba ose nehungwaru hwese..." [Al-Ma'idah:118]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati kuna Mozisi, rugare ngaruve kwaari, pavakamudana ari parutivi peGomo reTur: {Iwe Mozisi, zvirokwazvo ini Ndini Allah Samasimba vane Hungwaru...} [An-Naml: 9].
Uye Allah vakarondedzera kuti Qur'an rinokudzwa rizere nehuchenjeri. Nokudaro Allah vekumusoro-soro vakati: {Alif, Laam, Raa. (Iri) Gwaro rakanatsurudzwa ndima dzaro, dzikazotsanangurwa zvizere neavo vane huchenjeri hwese, vanoziva zvose.} [Hud:1]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Izvozvo ndizvo zvimwe zvezvinhu zvezvawakaziviswa naTenzi wako kubva muhuchenjeri, uye usaite umwe mwari pamwechete naAllah, zvikasadaro uchakandwa muGehena uchizvidzwa uye wadzingwa ...} [Al-Isra:39].
22- Uye maporofita – rugare ngarwuve kwavari – vakachengetedzwa mune izvo zvavanosvitsa kubva kuna Allah, uye vakachengetedzwa kubva kune zvese zvinopesana nepfungwa dzakanaka kana zvinorambwa nehunhu hwakanaka. Uye maporofita ndivo vakapihwa basa rekusvitsa mirairo yaAllah kuvaranda vavo, uye vaporofita havana chero chinhu chemaitiro ehuTenzi kana huMwari pavari; asi ivo vanhuwo zvavo sevamwe vanhu vese, avo Allah Varikumusoro-soro vanotumira shoko ravo kwavari.
Uye maporofita vakachengetedzwa kubva mukukanganisa, rugare ngaruve kwavari, mune zvavanosvitsa kubva kuna Allah, nekuti Allah vanosarudza vakanakisisa kubva muzvisikwa zvavo kuti vasvitse mharidzo dzavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Allah vanosarudza vatumwa kubva kungirozi uye kubva kuvanhu. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, uye vanoona zvose...} [Al-Hajj:75]. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah vakasarudza Adamu, Nowa, mhuri yaAbraham, uye nemhuri yaImraan pamusoro pezvisikwa zvose...} [Aal-Imraan:33]. Uye vekumusoro-soro vakati: {Vakati: “Iwe Musa! Zvirokwazvo Ini ndakakusarudza pamusoro pevanhu nemashoko angu uye nekutaura kwangu. Saka tora izvo zvandakakupa uye uve pakati pevanotenda.”} [Al-A'raaf:144]. Uye vatumwa, rugare nemaropafadzo ngazvive pavari, vanoziva kuti zvinodzika pavari izaruriro yehumwari uye vanoona ngirozi dzichidzika nezaruriro. Allah vekumusoro-soro vakati: {Ivo Ndivo muzivi wezvakavanzika, saka hapana kana munhu wavanozivisa zvakavanzika zvavo.} 26 {Kunze kwekune uyo wavanosarudza pakati pevatumwa, zvirokwazvo, vanomuitira varindi pamberi pake uye shure kwake ...} {Kuti (zvionekwe pachena) kuti maporofita vasvitsa mashoko aTenzi wavo, uye Ivo (Allah) vanoziva zvose zvavanazvo, uye Ivo (Allah) vanoziva huwandu wezvinhu zvese...} [Al-Jinn:26-28]. Uye Allah vakavaraira kuti vasvitse mashoko avo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Iwe Mutumwa (Muhammad)! Svitsva shoko rakatumirwa kwauri kubva Tenzi wako, Uye kana ukasadaro, unenge usina kusvitsa shoko ravo (ivo Allah). Uye Allah vachakuchengetedza kubva kuvanhu vose. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi....} [Al-Ma'idah:67]. Uye vekumusoro-soro vakati: {Vatumwa ndivo vatakuri vemashoko akanaka, uye vayambiri kuvanhu kuti vasava nemashoko ekupokana naAllah mushure mekuuya kwevatumwa. Uye Allah ndivo vane simba rose, nehuchenjeri hwose ....} [An-Nissa:165].
Uye vatumwa – makomborero aAllah nerugare ngazvive pavari – vanotya Allah kutya kukuru kwazvo uye vanovatya, saka havawedzeri pamashoko avo kana kuderedza kubva maari. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye dai (Muhammad) akataura mamwe mashoko enhema pamusoro pedu... 44} {Zvirokwazvo taimubata neruoko rwake rwerudyi ...45} {Uye tomudambura tsinga dzake dzeupenyu...46} {Uye hapana mumwechete wenyu aikwanisa kutitadzisa kumuuraya... 47} [Al-Haaqqa:44-47]. Ibn Kathir, Allah ngavamunzwire tsitsi, akati: (Allah vekumusoro-soro vanoti: {Uye dai aitaura nhema pamusoro pedu} kureva kuti: Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) dai aive murevi wenhema pamusoro pedu sezvavanofungidzira, akawedzera mumharidzo kana kubvisa mairi, kana kutaura chimwe chinhu chinobva kwaari achichiti chinobva kwatiri - asi hazvina kudaro - dai takakurumidza kumupa murango, uye nekuda kwaizvozvo vakati: {Chokwadi, taizomubata neruoko rwerudyi} zvinonzi: zvinoreva kuti dai takamuranga neruoko rwerudyi; nekuti ndirwo rwune simba rakanyanya pakuranga, uye zvinonzi: dai takamubata neruoko rwake rwerudyi.) Allah varikumusoro-soro vakati: {Uye (rangarirai) apo Allah vachiti (pazuva rekutongwa): "Iwe Jesu, mwana waMariya! Ndiwe here wakataura kuvanhu uchiti: Namatai ini naamai vangu savana mwari maviri kusiya Allah?", Achave anopindura achiti: "Rukudzo rose ngaruve kwamuri! Hazvaibvira kwandiri kuti nditaure zvandisina kodzero nazvo (yekuzvitaura). Dai ndakataura zvakadaro, zvechokwadi mungadai makazviziva. Munoziva zviri mandiri kunyangwe ndisingazivi zviri mamuri. Zvirokwazvo imi ndimi chete munoziva zvakavandika." "Handina kubvira ndavaudza kunze kweizvo imi (Allah) makave munondikomekedza kuti ndive ndinovaudza kuti: 'Namatai Allah, Tenzi vangu uye Tenzi venyu. ' Uye ndakanga ndiri kupupura kwavari apo pandakange ndiri mavari. Asi pamakanditora, ndimi chete maiona zvose kubva mavari. Uye munoona zvose (muri mupupuri wezvose)." [Al-Ma'idah:116-117].
Chimwe chezvipo zvikuru zvaAllah kumaporofita nevatumwa vavo (rugare ngaruve pamusoro pavo) ndechekuti vanovasimbisa mukuzivisa nekusvitsa mashoko avo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Iye akati: "Ndinodana Allah kuti vave mufakazi, uye ndimi imi vafakazi kuti handina chokuita nazvo izvo zvamunosanganisa nazvo Allah mukuvanamata. Kusiya ivo. Nokudaro rongai kupokana neni, mose zvenyu, uye musandipe zororo...} {Zvirokwazvo, ini ndakavimba naAllah, Tenzi wangu uye Tenzi wenyu. Hakuna chisikwa chinofamba kunze kwekuti chiri mumaoko avo. Zvirokwazvo, Tenzi wangu vari panzira yakatwasuka.} [Hud 54-56]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, vakange vave pedyo kukuedza kubva kune zvatakadzikisa kwauri (iwe Muhammad - rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), kuti uve unogadzira uchipokana nesu zvimwe zvakasiyana nazvo, uye naizvozvo vangadai zvirokwazvo vakakutora seshamwari ...73} {Uye dai tisina kukusimbisa, ungadai wakarerekera kwavari zvishoma...} {Kudai zvaive zvakadaro, zvirokwazvo taizokuravisa (murango) wakapetwa kaviri muhupenyu, uye wakapetwa kaviri pakufa. Zvadaro waishaya mubatsiri pakupokana nesu... 75} [Al-Isra:73-75]. Uye mavhesi aya pamwechete neapfuura, zvinopupura uye humbowo hwekuti Qur'an ishoko rakadzikiswa naTenzi wezvisikwa zvose; nekuti dai raibva kuna Mutumwa Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari), haangadai akasanganisira mariri mashoko akadai akanangana naye.
Uye Allah vekumusoro-soro vanodzivirira vatumwa vavo kubva kuvanhu. Allah vekumusoro-soro vakati: {Iwe Mutumwa! Svitsa shoko rakatumirwa kwauri kubva kuna Tenzi vako. Uye kana ukasadaro, unenge usina kusvitsa shoko ravo (ivo Allah). Uye Allah vachakuchengetedza kubva kuvanhu. Zvirokwazvo, Allah havatungamiri vanhu vasingatendi....} [Al-Ma'idah:67]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye Verenga kwavari nhau dzaNowa (Nuh). Rangarirai apo akataura kuvanhu vake achiti: "Imi vanhu vangu! Kana kugara kwangu nemi, uye yeuchidzo yangu kwamuri yezviratidzo zvaAllah yakakuomerai, nokudaro ndinoisa vimbo yangu muna Allah. Nokudaro pananai hurongwa hwenyu imimi nevabatsiri venyu, uye musaita kuti hurongwa hwenyu huve nekusagutsikana kwamuri. Nokudaro ndipei mutongo wenyu uye musave munondipa zororo...} [Yunus:71]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura vachizivisa nezvemashoko aMusa, rugare ngaruve kwaari vachiti: {Vakati: "Ishe wedu, zvirokwazvo tinotya kuti (Farawo) angatikurumidzira kutiitira zvakaipa kana kuti angapfuura mwero." - Vakati: "Musatya, zvirokwazvo ndinemi mose, ndinonzwa uye ndinoona."} [Twaahaa:45-46]. Naizvozvo Allah Samasimba vakajekesa kuti vanochengetedza vatumwa vavo, rugare ngaruve kwavari, kubva kuvavengi vavo saka havavasvikire nezvakaipa. Uye Allah, vane chokwadi, vari kumusoro-soro vakazivisa kuti vanochengetedza zvakazarurwa zvavo, kuitira kuti pasawedzerwe chero chinhu mazviri kana kubviswa chero chinhu pazviri. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Quran), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa)....} [Al-Hijr:9].
Maporofita – rugare ngarwuve kwavari – vakachengetedzwa kubva kune zvese zvinopesana nepfungwa dzakanaka kana hunhu. Allah Varikumusoro-soro vakataura vachirumbidza Muporofita wavo Muhammad vachiti: {Uye zvirokwazvo, ndiwe une tsika dzepamusoro-soro ...} [Al-Qalam :4]. Uye vakati nezvake zvakare: {Uye (imi vanhu) mumwe wenyu haapengi...} [At-Takwir:22]. Izvi ndezvekuti vagone kuita basa rekuparidza shoko nenzira yakanakisisa, uye maporofita, rugare ngaruve kwavari, ndivo vakapiwa basa rekuzivisa mirairo yaAllah ) kuvaranda vavo. Havana chero hunhu hweuIshe kana hwehuMwari, asi, vanhuwo zvavo vakafanana nevamwe vanhu vose. Allah vanozarura kwavari mashoko avo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Vatumwa vavo vakataura kuti: "Zvirokwazvo, tiri vanhu vakafanana nemi, asi Allah vanopa nyasha dzavo kuna ani naani wavanoda kuvaranda vavo. Hazvisi kwatiri kuti tikuunzirei humboo kunze kwekuda kwaAllah. Uye regai vatendi vavimbe naAllah" ...} [Ibrahim:11]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura vachirayira Mutumwa wavo Muhammad, Allah ngavavakomborere uye nekuvapa rugare, kuti vataure kuvanhu vavo vachiti: {Iti: “Chokwadi ini ndingori munhu semi, zvinozarurwa kwandiri kuti chokwadi Mwari wenyu ndiye Mwari mumwe chete. Saka ani naani anotarisira kusangana naTenzi vake, ngaaite mabasa akanaka, uye ngaasabatanidze ani zvake mukunamata Tenzi vake.”} [Al-Kahf:110].
23- Uye Islam inokurudzira kunamata Allah (Mwari) vari voga, kuburikidza nenheyo huru dzekunamata dzinoti: munamato (Swalaah), unova kumira, kukotama, kupfugama, kurangarira Allah, kuvarumbidza, uye kunyengetera. Unonamatwa nemunhu kashanu pazuva. Mauri kusiyana kwevanhu kunopera. Naizvozvo, mupfumi nemurombo, mutungamiri neanotongwa vanova mumutsara mumwe chete pamunamato. NeZakah, inova chidimbu chidiki chemari - zvichienderana nemitemo nezviyero zvakatemerwa naAllah - inosungirwa papfuma yevapfumi ichipihwa kuvarombo nevamwe, kamwechete pagore. Nekutsanya, kunova: kuzvidzora pane zvinotyora kutsanya masikati emwedzi weRamadhan. Kunokudziridza kusimba kwechido nemoyo murefu. NeHajj, inova: kushanyira imba yaAllah iri kuMakkah inoera kamwe chete muhupenyu kune uyo anokwanisa. Uye paHajj iyi vese vanova vakaenzana mukutendeukira kuMusiki, vanorumbidzwa, uye misiyano nekuzvibatanidza nemapoka zvinopera mairi.
Islam inodana vanhu kuti vave vanonamata Allah kuburikidza nemabasa ekunamata makuru nemamwewo mabasa ekunamata. Uye mabasa ekunamata makuru aya akarairwa naAllah kumaporofita nevatumwa vose, runyararo nemaropafadzo ngazvive pavari. Uye mabasa makuru ekunamata anoti:
Chekutanga: Munamato wakasungirwa naAllah kumaMuslim sekuusungira kwavakaita kune mamwe maporofita nevatumwa vose, rugare nemaropafadzo ngazvive pavari. Uye Allah vakaraira muporofita wavo, shamwari yavo yepedyo Abraham, rugare ngaruve paari, kuti achenese Imba yavo kune avo vanoitenderera, nevanonamata, vanokotama nevanopfugama (imomo). Allah vanorumbidzwa vakati: {Uye (rangarirai) apo takaita Imba (Ka'bah) kuti ive nzvimbo yekuzororera yevanhu nenzvimbo ine runyararo. Uye torai nzvimbo yekumira yaAbrahamu senzvimbo yekunamatira. Uye takaraira Abrahamu naIshumairi (tichiti): "Chenesai Imba (Ka'bah) yangu kune avo vanotenderera (kuita Tawaf), neavo vanogara imomo (kuita I'tikaf), neavo vanokotama vachiisa zviso zvavo pasi (pakunamata)."} [Al-Baqarah:125]. Uye Allah vakasungira munamato kuna Musa (Mozisi) mukudana kwokutanga kuna Musa, rugare ngarwuve pavari. Allah varikumusoro-soro vakati: {"Zvirokwazvo, Ndini Tenzi vako, naizvozvo kurura shangu dzako, zvirokwazvo uri mumupata unoyera weTuwa "...12} {Uye ini ndakusarudza, saka teerera kune zviri kuzarurwa ....13} {"Zvirokwazvo, ndini Allah! Hakuna mumwe mwari anofanira kunamatwa kunze kwangu, naizvozvo iva unondinamata, uye iva unoita munamato (Swalah) senzira yekundiyeuka"......14} [Taha:12-14]. Uye Al-Masih Isa, rugare ngaruve paari, akazivisa kuti Allah vakamuraira kuita Swalah neZakah. Saka vakati sekuzivisa kwakaita Allah Vekumusoro-soro: {Uye vakandiita akaropafadzwa kwese kwandinenge ndiri, uye vakandiraira kuita Swalaah nekupa Zakaah chero bedzi ndiri mupenyu...} [Maryam:31]. Uye Swalaah muIslam kumira, nekukotama, nekugwadama, nekurangarira Allah, nekumurumbidza, nekukumbira (kuita du'a). Inonamatwa nemunhu kashanu zuva nezuva. Allah vekumusorosoro vakati: {Chengetedzai zvakanaka minamato, kanyanya munamato hwepakati(Swalah yeAsr), uyezve ivai munomira pamberi paAllah makazvininipisa, uye nemoyo wese...} [Al-Baqarah:238]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Ita munamato (Swalaah) kubva pakudzikira kwezuva kusvika parima rehusiku, uye nekuverengwa kweQur'aan paFajr (nguva yemambakwedza). Zvirokwazvo, kuverengwa kweQur'aan paFajr kunopupurirwa.} [Al-Isra:78]. Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: (Kana muri muruku, kudzai Ishe Samasimba uye Mukuru ipapo, uye kana muri musujud, shingairai mukunyengetera (mukuita du'a), nokuti zvakakodzera kuti mupindurwe.) Sahih Muslim.
Chechipiri: Zakaah yakasungirwa naAllah kumaMuslim sekusungirwa kwayakaitwa naAllah kumaporofita nevatumwa vakapfuura, rugare nemaropafadzo ngazvive pavari. Uye (Zakaah) chikamu chishoma kubva pahupfumi - zvichienderana nezviga nezviyero zvakatarwa naAllah- inosungirwa papfuma yevapfumi, inopihwa kuvarombo nevamwewo kamwechete pagore. Allah varikumusoro-soro vakati: {Torai kubva mupfuma yavo chipo (swadaqah) kuti uvachenese uye uvanatse nacho, uye uvanamatire. Zvirokwazvo minamato yako runyararo kwavari. Uye Allah vanonzwa zvose, vanoziva zvose.} [At-Tawbah:103]. Uye apo Muporofita, Allah ngavamuropafadze nekumupa rugare, akatuma Mu'adh, Mwari ngavafadzwe naye, kuYemen, vakati kwaari: «Uri kuenda kuvanhu veBhuku, saka vakoke kuti vapupure kuti hakuna akakonzera kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti ini ndiri Mutumwa waAllah. Kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti Allah, Samasimba, vakuru, vakavasungira minamato mishanu pazuva nehusiku hwega hwega. Kana vakateerera pane izvozvo, vazivise kuti Allah vane simba nehukuru, vakavasungira kupa zvipo kubva mupfuma yavo, unotorwa kubva kuvapfumi vavo opihwa kuvarombo vavo. Kana vakakuteerera pane izvozvo, zvino chenjera kutora pfuma yavo yakanakisisa, uye itya munyengetero weanodzvinyirirwa, nokuti hakuna chinoudzivirira pakati pawo naAllah, Samasimba vane hukuru.» Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi 625.
Chechitatu: Kutsanya kwakasungirwa naAllah vekumusoro-soro kumaMuslim sekukusungira kwavakaita ivo Allah vekumusoro-soro kumaporofita nevatumwa vakapfuura, rugare nemaropafadzo ngazvive pavari. Allah vekumusoro-soro vakati: { Imi Vatendi! Kutsanya kwakamanikidzirwa kwamuri sekumanikidzirwa kwakanga kwakaitwa kune vaivapo imi musati mavepo, kuti zvimwe mungatye Allah...} [Al-Baqarah:183]. Ndiko: kuzvidzora kubva pane zvinoputsa kutsanya masikati emumwedzi weRamadan, uye kutsanya kunodzidzisa mweya kusimba kwechido nekutsungirira. Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Allah Samasimba vanoti: Kutsanya ndekwangu uye ndini ndinopa mubairo pazviri, munhu anosiya chido chake, chikafu chake nechinwiwa chake nekuda kwangu, uye kutsanya inhovo (dziviriro), uye anotsanya anowana mifaro miviri: mufaro paanogura kutsanya kwake uye mufaro paanosangana naTenzi vake.» Sahih al-Bukhari 7492.
Chechina: Hajj yakasungirwa naAllah kumaMuslim sekusungira kwavakaiita kumaporofita nevatumwa vakapfuura, rugare nemaropafadzo ngazvive pavari. Uye Allah vakaraira Muporofita wavo Abraham shamwari yavo, rugare ngaruve paari, kuti adanidzire Hajj. Allah Vekumusoro-soro vakati: {Uye zivisa vanhu nezveHajj (kushanyira Ka'bah kuMakkah) vachauya kwauri vachifamba netsoka, uye vachauya nengamera dzakatetepa, vachibva nenzira dzose dzemumakomo dziri kure (kuti vaita hajj)....} [Hajj:27]. Uye Allah vakamuraira kuti achenese Imba Yekare kuitira vanhu vanouta kuHajj. Naizvozvo, Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye (rangarirai) patakaratidza Abraham nzvimbo yekuvaka Imba (Ka'bah) yekunamatira tichiti: "Musasanganise zvimwe zvinhu neni mukunamata, uye chenurai Imba yangu (Ka'bah) kune avo vanoitenderera (Tawwaf), uye kune avo vanonamatiramo, uye avo vanokotama (kuita ruku'), uye avo nevanopfugama (kuita sajdah)...."} [Al-Hajj:26].
Uye Hajj: kuenda kuImba yaAllah kuMakkah inoremekedzwa kunoita mabasa anozivikanwa kamwe chete muhupenyu kune uyo anokwanisa uye ane simba. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye vanhu vakasungirwa naAllah kuita Hajj kuimba yavo, kune ani naani anokwanisa kuenda ikoko. Uye uyo anoramba (kutenda muhajj), zvirokwazvo, Allah havana chavanoda kubva kuzvisikwa zvose.﴾ [Al Imran:97]. Uye muHajj, vashanyi vechiMuslim vanoungana panzvimbo imwe chete vachizvipira pakunamata kwavo kuMusiki vanorumbidzwa. Uye vashanyi vese vanoita tsika dzeHajj nenzira yakafanana inoita kuti misiyano yenharaunda, tsika, nemararamiro ive inonyangarika.
24- Uye chimwe chezvinhu zvikuru zvinosiyanisa zviito zvekunamata muchitendero cheIslam ndechekuti maitirwo azvo, nguva dzazvo, nezvisungo zvazvo zvakaiswa pamutemo naAllah, vanorumbidzwa vekumusoro-soro. Uye zvakasvitswa neMutumwa wavo, rugare nemaropafadzo aAllah zviwe paari, uye vanhu havana kupindira mazviri nekuwedzera kana kuderedza kusvika nanhasi. Uye zviito zvekunamata zvikuru izvi zvese zvakadaidzirwa kwazviri nemaporofita vese, rugare ngaruve pavari.
Uye chimwe chezvinhu zvikuru zvinosiyanisa zviito zvekunamata muIslam ndechokuti nzira dzazvo, nguva dzazvo, nemitemo yazvo zvakatemerwa naAllah (Mwari), Vanorumbidzwa uye vekumusoro-soro, uye zvakasvitswa neMutumwa wavo, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari, uye vanhu havana kupindira mazviri nekuwedzera kana kuderedza kusvika nanhasi. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zuva ranhasi, ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndave ndinokusarudzirai Islam sechitendero chenyu...} [Al-Ma'idah:3]. Uye Allah vanorumbidzwa vakati: {Naizvozvo batisisa (Muhammad) izvo zvirikudzikiswa kwauri. Zvirokwazvo, uri panzira yakaswatuka...} [Az-Zukhruf:43]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura maererano nezvemunamato vachiti: {Kana mapedza munamato (Swalaah), rangarirai Allah makamira, makagara uye nepamativi enyu. Zvino kana mava pakuchengetedzeka, itai munamato (Swalaah). Zvirokwazvo, munamato (Swalaah) kune vatendi yakasungirwa panguva dzakatarwa.} [An-Nisaa:103]. Uye vekumusoro-soro vakataura nezvevanogamuchira Zakat vachiti: { ۞ Zvirokwazvo zvipo ndezevarombo, nevanoshaiwa, nevanopihwa basa rekuzviunganidza, neavo vari kuyananiswa moyo yavo, nemukusungunura varanda, nevane zvikwereti, nemunzira yaAllah, pamwe nemufambi ari parwendo; chisungo chinobva kuna Allah. Uye Allah ndivo Muzivi wazvose, vane huchenjeri hwose.} [At-Tawbah:60]. Uye vekumusoro-soro vakataura nezvekutsanya vachiti: Mwedzi weRamadhan ndiwo mwedzi wakadzikiswa Quran segwara revanhu, uye humbowo huri pachena hwegwara, uye musiyaniso (wepakati pezvakanaka nezvakaipa). Nokudaro, ani naani wenyu anoona mwedzi (weRamadhan) uchigara anofanira kutsanya mwedzi iwowo. Uye ani naani anenge achirwara kana kuti ari parwendo, ngaatsanye mazuva akafanana (neayo aanenge asina kutsanya anofanira kutsiviwa) nemamwe mazuva. Allah vanokushuvirai zviri nyore, uye havadi kuti zvinhu zvikuomerei imi. (Vanoda kuti imi) mupedzise (mazuva) akafanana, uye kuti muve munorumbidza Allah nekukuratidzai gwara, zvimwe mungave kutenda kwavari....} [Al-Baqarah:185]. Uye vekumusoro-soro vakataura nezveHajj vachiti: {Hajj iri mumwedzi inonyatsozivikanwa (mwedzi wegumi nemwedzi weģumi, nemwedzi wegumi neumwechete nemazuva gumi ekutanga mumwedzi wegumi nemiviri maererano nekutenda yeIslam.) (Zvichireva kuti mwedzi miviri nemazuva gumi), Nokudaro, ani naani anotanga kuita Hajj mumwedzi iyoyo, haafanire kuita bonde (nemukadzi wake,), kana kuita chitadzo, kana kukavadzana zvisina maturo panguva yeHajj, uye chakanaka chose chamunoita, (zivai kuti ) Allah vanochiziva, uye fambai nembuva yeparwendo, asi mbuva yakanakisa kutya Allah. Nokudaro ityai ini, imi vane nzwisiso (njere) } [Al-Baqarah:197]. Uye zviito zvese izvi zvikuru zvekunamata zvakadaidzirwa nemaporofita vese, rugare ngaruve kwavari.
25- Mutumwa weIslam ndiMuhammad mwanakomana waAbdullah wemudzinza aIshumairi mwanakomana waAbraham, rugare ngaruve kwavari. Akaberekerwa kuMakkah mugore ra571 CE uye akatumwa (seMuporofita) imomo muMakkah, uye akazotamira kuMadinah. Haana kubatana nevanhu vake muzvinhu zvekunamata zvidhori, asi aibatana navo mumabasa akanaka. Aive nehunhu hwepamusoro asati atumwa, uye vanhu vake vaimuti Al-Amin (Akatendeka). Allah vakamutuma paakasvitsa makore makumi mana, uye Allah (vakamutsigira nezviratidzo (zvishamiso) zvikuru, chikuru chazvo iQur'an inoera, chinova chiratidzo chikuru pane zviratidzo zvemaaporofita ese, uye ndicho chiratidzo chakasara pazviratidzo zvemaporofita nanhasi. Uye Allah pavakazadzisa chitendero kwaari, Mutumwa, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari, akachisvitsa zvizere, akashaya aine makore makumi matanhatu nematatu, ndokuvigwa muGuta raMuporofita (Madinah), rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari. Uye Mutumwa Muhammad, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari, ndiye wekupedzisira wemaporofita nevatumwa. Allah vakamutuma negwara rechokwadi nechitendero chechokwadi kuti aburitse vanhu murima rekunamata zvidhori, kusatenda, nekusaziva, kuenda kuchiedza chekutenda muna Allah mumwechete nekutenda, uye Allah vakapupura kwaari kuti vakamutuma semudani kwavari nemvumo yavo.
Mutumwa wechitendero cheIslam ndiMuhammad mwanakomana waAbdullah, akabva mudzinza raIshumairi mwanakomana waAbrahamu (rugare ngarwuve pavari). Vakazvarirwa kuMakkah mugore ra571 A.D., vakapiwa hutumwa imomo uye vakatamira kuMadinah an-Nabawiyyah. Vanhu vedunhu ravo vaivadeedza kuti al-Amīn (munhu wekutendeka), uye vaisabatsirana nevanhu vedunhu ravo mumaitiro ekunamata zvifananidzo asi vaibatsirana navo mumabasa anokudzwa. Vaive nehunhu hwakanakisisa vasati vapiwa hutumwa hwavo. Ishe wavo vakamurondedzera semunhu ane hunhu hwakanakisisa, uye Allah vekumusoro-soro vakataura nezvavo vachiti: {Uye zvirokwazvo, (Iwe Muhammad) ndiwe une tsika dzepamusoro-soro...} [Al-Qalam :4]. Uye Allah vakamutuma (seMuporofita) paakasvitsa makore makumi mana, uye Allah vakamutsigira nezviratidzo (zvishamiso) zvikuru uye chikuru chazvo iQuran rinokudzwa. Mutumwa wavo (Allah), rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari, vakati: «Hakuna muporofita pakati pavaporofita asina kupiwa zviratidzo zvakaita kuti vanhu vatende, asi izvo zvandakapiwa ini izaruriro yakazarurwa naAllah kwandiri, saka ndinotarisira kuti ndichava uyo ane vateveri vakawanda kupfuura vamwe vose pazuva rekutongwa.» Sahih al-Bukhari. Uye Qur'an rinoera chizaruro chaAllah kuna Mutumwa wavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare). Allah (Mwari) vakataura pamusoro paro vachiti: {Iri ndiro gwaro (Quran) risina kupokana mariri, nhungamiro yeavo vanotya Allah...} [Al-Baqarah:2]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura maererano nezvaro vachiti: {Ko havafungisisi pamusoro peQur'aan here? Uye dai raibva kune vamwe kunze kwaAllah, vangadai vakawana mariri kupokana kuzhinji...} [An-Nisaa:82]. Uye Allah vakaudza majinn nevanhu kuti vauye nechinhu chakafanana neQur'an. Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti: " Kunyangwe vanhu nemajinn vakaungana kuti vagadzire zvakafanana neQuran iri, havagadzire zvakafanana naro, kunyangwe vamwe vavo vakavabatsira ..."} [Al-Israa:88]. Uye Allah vakavaomesera kuti vauye nezvitsauko gumi zvakafanana naro. Allah vekumusoro-soro vakataura kuti: {Kana kuti vanoti: “Akarigadzira (iye pachake).” Iti: “Huyai nemaSurah (zvitsauko) gumi zvakafanana nayo akagadzirwa (enhema), uye danai ani naani wamunokwanisa kunze kwaAllah, kana muri pachokwadi.”} [Hud:13]. Zvekare Allah vakavati vaunze chitsauko chimwe chete chakafanana naro. Allah vekumusoro-soro vakati: { Uye kana muine kupokana pane zvatakaburutsa kumuranda wedu, uyai nechitsauko chakafanana nacho uye mudane zvapupu zvenyu kunze kwaAllah, kana muchitaura chokwadi. } [Al-Baqarah:23].
Uye Quran huru ndicho chishamiso chega chasara pazvishamiso zvemaporofita kusvika nhasi. Uye apo Allah ) vakazadzisa chitendero kuMutumwa, rugare nemaropafadzo ngazvive kwavari, vakachisvitsa zvizere, Mutumwa, rugare nemaropafadzo ngazvive kwaari, akafa aine makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa ndokuvigwa muguta reMuporofita.
Uye Mutumwa Muhammad, Mwari ngavamuropafadze nekumupa rugare, ndivo wekupedzisira wemaporofita nevatumwa. Allah vekumusoro-soro vakati: { Muhammad haasi baba veumwe wevarume venyu, asi kuti Mutumwa waAllah uye wekupedzisira wemaporofita. Uye Allah ndivo muzivi wezvinhu zvese. } [Al-Ahzab:40]. Kuna Abu Hurayrah, Allah (Mwari) ngavafadzwe naye, kwakabva nhurwa yekuti Mutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive paari, vakati: «Zvirokwazvo, mufananidzo wangu nemufananidzo wemaporofita vakanditangira wakaita semurume akavaka imba, akainakisa uye akaiita kuti ive inoyevedza, kunze kwenzvimbo yechidhinha chimwechete pakona yayo. Vanhu vakatanga kuitenderera vachiyemura, uye vachiti: Sei chidhinha ichi chisina kuiswa? Akati: Saka Ini ndini chidhinha chacho, uye ndini wekupedzisira wemaporofita.» Sahih al-Bukhari. Uye muVhangeri, Mesiya (rugare ngaruve paari) akataura achipa mashoko anofadza pamusoro peMutumwa Muhammad, Allah (Mwari) ngavavakomborere uye nekuvapa rugarevachiti: "(Dombo rakarambwa nevavaki ndiro rakazova musoro wekona, hamuna kumborava here mumagwaro: Jesu akati kwavari izvi zvakabva kuna Ishe uye zvinoshamisa pameso edu). Uye muBhuku reTorah riripo nhasi, munowanikwa mashoko aAllah akataurwa kuna Mosesi - rugare ngaruve kwaari - anoti: (Ndichavamutsira muporofita anobva pakati pehama dzavo akafanana newe, uye ndichaisa mashoko angu mumuromo make, zvino achataura kwavari zvose zvandinomurayira nazvo)."
Allah vakatume Mutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) nenhungamiro pamwe nechitendero chechokwadi. Uye Allah vakamupupurira kuti ari pachokwadi, uye kuti vakamutuma kuti adane kwavari nemvumo yavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Asi Allah vanopupura kune izvo zvavakadzikisa kwauri (Iwe Muhammad); vakazvidzikisa neruzivo rwavo, uye ngirozi dzinopupurawo. Uye Allah vakakwana semupupuri...} [An-Nisaa:166]. Uye Allah Vekumusoro-soro vakati: {Ivo Ndivo vakatuma Mutumwa wavo (Muhammad - rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) nenhungamiro uye nechitendero chechokwadi (Islam), kuti chigokunda zvitendero zvese, uye Allah vakakwana semufakazi.} [Al-Fath:28]. Allah vakavatuma nenhungamiro kuti vaburitse vanhu kubva murima rekunamata zvifananidzo, kusatenda, nekusaziva vachienda kuchiedza chehumwechete hwaAllah nekutenda. Allah vekumusoro-soro vakati: {Kuburikidza nayo (Quran), Allah vanotungamirira avo vanotevera rufaro rwavo kunzira dzerugare, uye vanovaburitsa kubva murima kuenda kuchiedza nemvumo yavo, uye vanovatungamirira kugwara rakatwasuka.} [Al-Ma'idah:16]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Alif - Laam - Raa (Aya mashoko ndemamwe ezvishamiso zviri muQur'an, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). (Iri i) Bhuku ratadzikisa kwauri (iwe Muhammad) kuti uve unobuditsa vanhu kubva murima (kusatenda) uchivaisa muchiedza (Islam) nemvumo yaTenzi vavo, munzira yemukuru wezvose, muridzi wezvose...} [Ibrahim:1].
26- Uye mutemo weIslam wakaunzwa naMutumwa Muhammad, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari, ndiwo wekupedzisira pamharidzo dzaAllah nemitemo yaAlllah. Uye ndiwo mutemo wakakwana, uye mauri mune kunaka kwechitendero chevanhu nehupenyu hwavo hwepanyika. Uye unochengetedza zvikuru: zvitendero zvevanhu, ropa ravo, hupfumi hwavo, njere dzavo, nevana vavo. Uye unotsiva mutemo wese wakapfuura sekutsiva kwaiita mitemo yekare ichitsiva mimwe mitemo.
Mitemo yeIslam yakaunzwa naMutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) ndivo mashoko aMwari nemitemo yavo yekupedzisira. Uye Allah vakaita kuti chitendero chive chakanyatsokwana neshoko iri, uye nyasha dzakazadzikiswa pavanhu nekutumwa kwaMutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare). Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero chenyu} [Al-Ma'idah:3].
Uye mitemo yeIslam ndiyo mitemo yakakwana, uye mairi mune kunaka kwechitendero chevanhu pamwe nehupenyu hwavo hwepasi rino; nekuti yakaunganidza zvese zviri mumitemo yakauya kare ikaikwanisa nekuizadzikisa. Allah vari kumusoro-soro vakati: { Zvirokwazvo, Qur'aan iyi inotungamirira kune izvo zvakarurama kwazvo, uye inopa mashoko anofadza kuvatendi avo vanoita mabasa akanaka kuti vachawana mubairo mukuru. } [Al-Isra:9]. Uye mutemo weIslam wakabvisira vanhu mitoro inorema yaive mumarudzi akapfuura. Allah vekumusoro-soro vakati: {Avo vanotevera Mutumwa, Muporofita asina kudzidza, uyo wavanowana akanyorwa nezvake kwavari muTorah nemuInjil; anovarayira kuita zvakarurama uye achivarambidza zvakaipa, anovabvumidza zvinhu zvakanaka uye achivarambidza zvinhu zvakasviba, uye anovabvisa mitoro yavo nezvisungo zvaive pavari. Naizvozvo, avo vakatenda maari, vakamuremekedza, vakamubatsira uye vakatevera chiedza chakadzikiswa pamwe naye, ivavo ndivo vakabudirira.} [Al-A'raaf:157].
Uye mitemo yeIslam inotsiva mitemo yese yakauya kare. Allah varikumusoro-soro vakati: {Uye takava tinodzikisa kwauri (Muhammad) Gwaro (Quran iri) muhuchokwadi richisimbisa magwaro akauya mushure maro, uye richitonga pamusoro pawo (magwaro ekare). Saka tonga pakati pavo kuburikidza nezvakadzikiswa naAllah usatevedzere zvido zvavo uchisiya chokwadi chakauya kwauri. Kune mumwe nemumwe takava tinomunyorera mutemo uye nenzira yakanaka. Dai Allah vaida, vaikuitai vanhu vamwe, asi (hatina kudaro ne) kuti tikuedzei mune izvo takakupai. Saka mhanyidzanai mukuita mabasa akanaka, kuna Allah ndiko kwamuchadzokera mose; uye vachava vanokuudzai izvo pamusoro pazvo maipokana...} [Al-Ma'idah:48]. Saka Qur'an Tsvene, iyo inosanganisira mutemo, yakauya ichitsinhira mabhuku aAllah akaitangira, ichiva mutongi paari, uye ichiatsiva.
27- Uye Allah vanorumbidzwa uye varikumusoro-soro, havagamuchire chimwe chitendero kunze kwechitendero cheIslam, icho chakauya neMutumwa Muhammad (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari). Uye ani naani anotora chimwe chitendero kunze kweIslam, hachizombogamuchirwi kubva kwaari.
Allah Vanorumbidzwa uye vekumusoro-soro havagamuchiri mushure mekutumwa kwaMuhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazive kwavari) chimwe chitendero chisiri cheIslam chakaunzwa naMutumwa Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazive kwavari). Uye ani naani anotsvaga chitendero chisiri cheIslam hachimbofi chakagamuchirwa kubva kwaari. Allah Vekumusoro-soro vakati: {Uye uyo munhu anotsvaga chimwe chitendero chisiri cheIslam, hachifi chakatambirwa kubva kwaari, uye muhupenyu hwemangwana achave pakati peavo vakarasikirwa...} [Al Imran:85]. Uyea Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, chitendero (chechokwadi) kuna Allah chitendero cheIslam. Uye avo vakapihwa Gwaro havana kupokana kunze kwemushure mekunge ruzivo rwasvika kwavari, nekuda kweruvengo pakati pavo. Uye uyo anoramba kutenda muzviratidzo zvaAllah, zvirokwazvo Allah vanokurumidza mukutonga.} [Āli-‘Imrān:19]. Uye chitendero cheIslam ichi ndicho chitendero chaAbraham, shamwari yepedyo (yaAllah), rugare ngaruve kwaari. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye ndiani anofuratira chitendero chaAbrahamu kunze kweuyo anozviita benzi? Uye zvirokwazvo, Isu takamusarudza pasi rino, uye zvirokwazvo iye muhupenyu hwemangwana anenge ari pakati pevakarurama (vaiita zvakanaka).} [Al-Baqarah:130]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye Ndiani ane chitendero chakanaka kudarika uyo anozvipira chiso chake (hupenyu hwake) kuna Allah, uye anoita mabasa, Uye vanotevera chitendero chaAbraham, chitendero chekunamatà Aĺlah voga . Uye Allah vakaita Abrahamu shamwari yavo yepedyo! ...} [An-Nisaa:125]. Uye Allah vakaraira Mutumwa Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vataure kuti: {Iti: “Zvirokwazvo, Tenzi wangu vakanditungamirira kunzira yakatwasuka, chitendero chakarurama, inzira yaAbraham akazvipira pachitendero chechokwadi; uye anga asiri mumwe weavo vanosanganisa Allah nevamwe anamwari...”} [Al-An'am:161].
28- Qur'an rinoera, ibhuku rakazarurwa naAllah kuna Mutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uye ishoko raTenzi wezvisikwa zvese. Allah vakaudza vanhu nemajinn kuti vauye nerimwe Qur'an rakangofanana neravo, kana chitsauko (Surah) chimwechete chakafanana nechitsauko chemuQur'an uye zvavakataura izvi zvichiriko nanhasi (asi hapana akakwanisa kuunza bhuku rakafanana neQur'an). Qur'an rinoera rinopindura mibvunzo yakawanda yakakosha inovhiringidza mamiriyoni evanhu. Uyezve Qur'an rinoera rakachengetedzwa kusvika nanhasi mururimi rwechiArabhu rwarakadzikiswa narwo. Hapana kana vara rimwechete rakabviswa mariri, uye rakadhindwa rikatekeshera. Ibhuku guru rinoshamisa, rakakodzera kuverengwa kana kuverenga dudziro yezvarinoreva. Zvakare, Sunnah yaMutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) nedzidziso dzavo, nenhoroondo yehupenyu hwake, zvakachengetedzwa uye zvinopfuudzwa mberi zvichipihwa vanhu vanotevera kuburikidza nevarondedzeri vakavimbika vanopana ruzivo nguva dzakasiyana siyana. Izvi zvakadhindwa nemutauro wechiArabhu waitaurwa naMutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uyezve zvakashandurwa mumitauro mizhinji. MuQur'an rinoera neSunnah yaMutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) ndimo mega munotorwa mitemo nemirairo yeIslam. Saka Islam haitorwi kubva pane zviito zvevanhu vanozviti vanoitevera; asi inotorwa kubva muchizarurirwo chitsvene (Wahyi): Qur'an rinoera neSunnah yeHuporofita.
Korani Tsvene ndiro bhuku rakazarurwa naAllah kuMutumwa wechiArabhu, Muhammad, Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare, mumutauro wechiArabhu. Uye ishoko raIshe wezvisikwa zvose. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo iro rakadzikiswa naTenzi vezvisikwa zvese 192...} {Iro rakauya nemweya unovimbika (Jibril - Gabrieri). 193 ... } {Mumoyo mako (Muhammad - rugare ngaruve kwaari) kuti ugova muyambiri ...194} {Mururimi rwechiArabhu rwuri pachena....195} [Ash-Shu'araa:192-195]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye iwe (Muhammad) uri kudzidziswa Quran kubva kune uyo ane hungwaru hwose, ane ruzivo zvikuru...} [An-Naml:6]. Uye Qur'an iri chizarurirwo chinobva kuna Allah uye rinotsinhira zvakaritangira pamabhuku aAllah. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye iri Quran harisi rokuti ringagadzirwe nani zvake kunze kwaAllah, asi rinozadzisa izvo zvakauya mushure maro (Torah neInjil - ) [Yunus:37]. Uye Qur'an rinoera rinogadzirisa nyaya dzakawanda idzo maJuda nemaKirisito vakapokana madziri muchitendero chavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Quran iri rinotaura kuvana veIzirairi maererano nezve zvinhu zvakawanda zvavanopesana mazviri...} [An-naml :76]. Uye Qur'an huru rinosanganisira humbowo nezviratidzo zvinopa humbowo hwakakwana kuvanhu vese mukuziva chokwadi chine chekuita naAllah anorumbidzwa uye vekumusoro-soro, nechitendero chavo, nemuripo wavo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo, takava tinoisira vanhu mhando yese yeenzaniso muQur'an iri kuti vave vanorangarira. [Az-Zumar:27]. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye takadzikisa kwauri Gwaro richitsanangura chinhu chose, uye riri nhungamiro, nyasha nemashoko akanaka kune maMuslim.} [An-Nahl:89].
Uye Qur'an Tsvene rinopindura mibvunzo mizhinji yakakosha inovhiringidza mamiriyoni evanhu, nokuti Qur'an Tsvene rinojekesa kuti Allah vakasika sei matenga nepasi. (Allah) vekumusoro-soro vakati: {Avo vasingatendi havaone here kuti denga nepasi zvakange zvakabatana kuva chinhu chimwechete tikazvipatsanura? Uye takagadzira kubva mumvura chinhu chese chinorarama, havangatendi zvino here?...} [Al-Ambiyaa - Vaporofita:30]. Uye kuti Allah vakasika sei munhu. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Imi vanhu! Kana muchikahadzika nezvekumutswa kwevakafa, zvirokwazvo takakusikai kubva muivhu, uye kubva kudonhwe (rehurume), uye kubva kuchigodo cheropa, uye kubva kuchidimbu chenyama chakaumbwa nechisina kuumbwa zvizere, kuitira kuti tikujekeserei (simba redu kwamuri). Uye tinoita kuti watinoda arambe ari mudumbu (maamai vake) kwenguva yakatarwa, uye tinokuburitsai muri vacheche, uye tinokukudzai kuti musvike pazera rekusimba kwenyu kuzere. Uye pakati penyu pane i vai vanotorwa mweya yavo (vanofa vachiri vadiki), uye pakati penyu pane vanodzorerwa kuzera rehuchembere hwekushaya simba, kuitira kuti asave nechaanoziva mushure mekunge ambove neruzivo. Uye unoona nyika yakafa (yakaoma), asi kana tikanayisa mvura pairi, inodzoswa kuhupenyu, uye yokura, yobereka mhando dzose dzezvirimwa dzinoyevedza.} [Al-Hajj:5]. Uye magumo ake achava api, uye mubairo weanoita zvakanaka neanoita zvakaipa ndeupi mushure mehupenyu huno? Uye humbowo hwenyaya iyi hwakatotaurwa mundima nhamba (20), saka kuvapo uku kwakauya netsaona here, kana kuti kwakasikirwa chinangwa chinokudzwa? Allah vekumusoro-soro vakati: {Havana kutarisa here muhumambo hwematenga nenyika nezvose zvakasikwa naAllah, uye kuti pamwe nguva yavo yaswedera? Saka ishoko ripi ravachatenda mariri mushure meizvi?} [Al-A'raf:185]. Uye vekumusoro-soro vakati: {Saka munofunga here kuti takakusikai sedambe zvisina maturo, uye kuti kwatiri hamuzodzorwi?...} [Al-Muʿminuun:115].
Uye Qur'an rinoera rakachengetedzwa kusvika nanhasi mururimi rwarakadzikiswa narwo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Quran), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa)...} [Al-Hijr:9]. Hapana kana vara rimwe chete rakabviswa mariri, uye hazvibviri kuti muve nekupesana, kushomeka, kana kushandurwa mariri. Allah vekumusoro-soro vakati: {Saka havafungisisi nezveQur'aan here? Uye dai raibva kune mumwe kunze kwaAllah, muzvokwadi, vangadai vakawana mariri kupokana kuzhinji.} [ An-Nisaa:82]. Iri bhuku rakadhindwa uye rakaburitswa, uye ibhuku guru rinoshamisa rakakodzera kuverengwa, kana kuteererwa, kana kuverenga dudziro yezvarinoreva. Saizvozvowo, Sunnah yaMutumwa Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), dzidziso dzake, nenhoroondo yeupenyu hwake zvakachengetedzwa uye zvakapfuudzwa zvichitevedza nhevedzano yevatauri vakavimbika, uye zvakadhindwa mumutauro wechiArab waitaurwa neMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) uye yakashandurwa ichiiswa mumitauro yakawanda. Uye Quran Tsvene pamwe neSunnah yeMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavar) ndizvo chete zvinyorwa zvinotorwa mitemo nemirairo yeIslam kubva mazviri. Saka Islam haitorwi kubva muzviito zvevanhu vanozviti maMuslim; asi inotorwa kubva kune zvakazarurwa zvaAllah zvisingakanganisi: Qur'an Huru pamwe neSunnah yeHuporofita. Ivo Vekumusoro-soro vakataura maererano neQuran vachiti: {Zvirokwazvo, avo vaisatenda murangaridzo (Quran) mushure mekunge yauya kwavari (vachawana mutongo). Uye zvirokwazvo, iGwaro rinoremekedzwa. Manyepo haakwanise kuuya kwariri kubva kumberi, kana kumashure kwaro; rakatumirwa nevane hungwaru hwose, vanekodzero yekurumbidzwa...} [Fussilat:41 42]. Uye vekumusoro-soro vakataura maererano neSunnah yeMuporofita uye kuti izaruriro inobva kuna Allah vachiti: {Uye chose chamunopiwa naMutumwa chibatisisei, uye izvo zvaanokurambidzai, siyai. Uye ityai Allah, zvirokwazvo, Allah vanoranga zvakaoma...} [Al-Hashr:7].
29- Uye Islam inorayira kuitira vabereki zvakanaka kunyangwe kana vasiri maMuslim, uye nekuchengeta vana zvakanaka.
Chitendero cheIslam chinorayira kuitira zvakanaka vabereki. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye Tenzi vako vakakomekedza kuti musanamate umwe mwari kunze kwavo. Uye moitira vabereki venyu zvakanaka. Kana mumwechete wavo, kana kuti vose vachembera (iwe uri mupenyu), usava unovataurira mashoko akaipa kana kuvatuka, asi iva unotaura navo mashoko ane ruremekedzo ...} [Al-Israa:23]. Uye Allah vVekumusoro-soro vakati: {Uye takarayira munhu (kuitira zvakanaka) vabereki vake; amai vake vakamutakura mukutambudzika pamusoro pekutambudzika, uye kurumurwa kwake kuri mumakore maviri, (tichiti): Tendai ini, pamwe nevabereki vako; kwandiri ndiko kwekudzokera.} [Luqman:14]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye takakomekedza munhu kuti ave anoremekedza vabereki vake, nekuva nemoyo munyoro kwavari. Amai vake vakamutakura mumatambudziko uye vakamubereka vachitambudzika. Uye kumutakura nekumuyamwisa kwakatora mwedzi makumi katatu. Kusvikira apo paanenge anesimba rakakwana, uye asvitsa makore makumi mana, obva ati: "Tenzi vangu! Ndipeiwo simba kuti ndikwanise kutenda makomborero amakandipa nevabereki vangu. Uye kuti ndikwanise kuita mabasa akanaka ayo amunofarira, uye mhuri yangu muiita yakanaka. Chokwadi, ndatarisa kwamuri ndichikumbira ruregerero rwenyu, uye chokwadi ndiri mumwe nevatendi (maMuslim)" ...} [Al-Ahqaf:15]. Nhaurwa yakabva kuna Abu Hurairah, Allah ngaafadzwe naye, yakati: Mumwe murume akauya kuMutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo ngazvive pavari, akati: Imi Mutumwa waAllah, ndiani pavanhu anonyanya kukodzera kuti ndigare naye zvakanaka? Akati: «Amai vako» Akati: Kozotevera ani? Akati: «Kozotevera amai vako» Akati: Kozotevera ani? Akati: «Kozotevera amai vako» Akati: Kozotevera ndiani? Akati: «Kozotevera baba vako» Sahih Muslim.
Uye murairo uyu wekuchengeta nekuremekedza vabereki unosungirwa kunyangwe vari vaMuslim kana vasiri vaMuslim. Nhaurwa yakabva kuna Asma bint Abi Bakr yakati: (Amai vangu vakauya kwandiri vasiri mutendi panguva yechibvumirano cherunyararo pakati peQuraysh neMutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo zvaAllah ngazvive kwavari, pamwe chete nomwanakomana wavo. Saka ndakabvunza Muporofita, rugare nemaropafadzo zvaAllah ngazvive kwavari, ndikati: "Zvirokwazvo amai vangu vauya uye vari kutarisira rubatsiro, ndochengetedza hukama navo here?" Akati: «Hongu, chengetedza hukama naamai vako» Sahih al-Bukhari. Asi kunyange kana vabereki vakaedza nekushanda nesimba kuti mwana ashanduke kubva muIslam kuenda mukusatenda, Islam inomurayira - mumamiriro ezvinhu aya - kusavateerera, uye kuramba ari mutendi muna Allah, nekuvabata zvakanaka, nekugara navo nenzira yakanaka. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Asi kana vakakumanikidza kusanganisa zvimwe zvinamatwa neni izvo zvisina ruzivo nazvo, usave unovateedzera, asi gara navo mune zvakanaka panyika, zvakare wotevedzera nzira yeuyo anokumbira ruregerero rwangu murukudzo. Uye kwandiri muchadzokera, love ndinokuudzai izvo zvamaiita...} [Luqman:15].
Islam hairambidzi muMuslim kuitira zvakanaka uye kuva nemoyo munyoro kuhama dzake dzisiri vaMuslim (vanamati vezvimwe zvitendero), kana kune vamwe vasiri hama, chero bedzi vasiri kurwisana naye. Allah vekumusoro-soro vakati: {Allah havakurambidzei kushanda (zvakafanira uye zvakanaka) neavo vasingakurwisei maererano nechitendero kana kukudzingai kubva mudzimba dzenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoshanda zvakafanira uye zvakanaka...} [Al-Mumtahinah:8].
Uye chitendero cheIslam chinorayira kuchengetwa kwevana, uye chikuru chinorayirwa mubereki nechitendero cheIslam kudzidzisa vana vake kodzero dzaTenzi wavo pavari, sezvakataurwa neMuporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari) kumwana wababamunini vake Abdullah bin Abbas (Allah ngavafadzwe navo vose): «Iwe mukomana kana kuti iwe kakomana ndingakudzidzise here mashoko ayo ekuti Allah vachakubatsira nawo? Ndakati: Hongu. Akati: "Chengetedza Allah vachakuchengetedza, chengetedza Allah uchavawana pamberi pako, vazive munguva yekugadzikana vachakuziva munguva yenhamo, uye kana uchikumbira kumbira kuna Allah, uye kana uchitsvaga rubatsiro tsvaga rubatsiro kuna Allah.» Yakarondedzerwa naAhmad 4/287.
Uye Allah vakarayira vabereki kuti vadzidzise vana vavo izvo zvinovabatsira munyaya dzechitendero chavo nehupenyu hwavo hwepasi pano. Allah vekumusoro-soro vakati: { Imi vatendi! Zvinunurei imi nemhuri dzenyu kubva kumoto uyo huni dzacho dzichava vanhu nematombo, pamusoro pawo pachange paine ngirozi dzinehasha, dzakasimba, hadzipikise Allah pane zvadzinorairwa, uye dzinoita zvadzinenge dzarairwa... [Sura At-Tahrim: 6] Uye kuna Ali, Allah ngavafare naye, kwakabva nhaurwa maererano nemashoko aAllah vekumusoro-soro anoti: {Zvidzivirirei imi, nemhuri yenyu kubva kumoto...} Akati: "Varayirei, vadzidzisei." Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakaraira mubereki kuti adzidzise mwana wake munamato (Swalaah); kuitira kuti vakure vakajaira uye vakasimbiswa pairi. Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: (Rairai vana venyu kuti vanamate vaine makore manomwe) Yakarondedzerwa naAbu Dawud, Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Mese imimi muri vafudzi uye mumwe nemumwe wenyu achazvidavirira paboka rake. Mutungamiri mufudzi uye achazvidavirira paboka rake. Uye murume mufudzi wemhuri yake uye achazvidavirira paboka rake. Uye mukadzi mufudzi mumba memurume wake uye achazvidavirira paboka rake. Uye muranda mufudzi wepfuma yatenzi wake uye achazvidavirira paboka rake. Uye mese muri vafudzi uye mumwe nemumwe wenyu achazvidavirira paboka rake.» Sahih Ibn Hibban 4490.
Uye Islam yakarayira baba kuriritira vana vavo neveimba yavo, uye zvimwe zveizvi zvakambotaurwa mundima nhamba (18). Uye Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) vakatsanangura kunaka kwekuriritira vana, vakataura kuti: «Mari (Dhinari) yakanakisisa inoshandiswa nemurume: ndiyo mari yaanoshandisa kumhuri yake, nemari inoshandiswa nemurume pamhuka yake munzira yaAllah, nemari yaanoshandisa kushamwari dzake munzira yaAllah». Abu Qilabah akati: "Mutumwa akatanga kutaura nezvemhuri." Zvadaro Abu Qilabah akati: Ndeupi murume ane mubairo mukuru kudarika murume anoshandisa pfuma kuvana vadiki, achivachengetedza kana kuti uyo Allah anovabatsira kubudikidza naye uye ovaita kuti vawane zvinovakwanira. Sahih Muslim 994.
30- Chitendero cheIslam chinorayira ruenzaniso mumashoko nemabasa kunyange nevavengi.
Allah vanorumbidzwa uye vekumusoro-soro, vane maitiro eruenzaniso nekuita zvakarurama muzviito zvavo nehurongwa hwavo pakati pevaranda vavo, uye vari panzira yakatwasuka mune zvavakarayira nezvavakarambidza, nemune zvavakasika nezvavakatara. Allah, vari kumusoro-soro, vakati: {Allah vanopupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, uye ngirozi, neavo vane ruzivo vanopupurawo. Allah vanochengeta zvisikwa zvavo mukururama. Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, samasimba, vazere nehungwaru } [Al Imran:18]. Uye Allah vanorayira ruenzaniso.Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti (iwe Muhammad): "Tenzi vangu vakava vanoraira ruenzaniso...} [Al-A’raaf:29]. Uye vatumwa nemaporofita vose, rugare nemakomborero ngazvive kwavari, vakaunza ruenzaniso. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, takatuma vatumwa vedu nezviratidzo zviri pachena, uye takadzikisa bhuku nechikero navo kuti vayere zvakafanira...} [Al-Hadid:25]. Uye chiyero ndicho ruenzaniso mumashoko nemabasa.
Uye chitendero cheIslam chinorayira kuita ruenzaniso mumashoko nemabasa kunyangwe nevavengi. Allah vekumusoro-soro vakati: {۞ Imi vatendi! mirai makasimba mukururama, muchipupura nekuda kwaAllah, kunyangwe zvichipesana nemi pachenyu, kana vabereki, nehama dzepedyo. Kunyangwe ari mupfumi kana murombo, Allah ndivo vane kodzero huru pavari vari vaviri. Saka musatevere zvido zvenyu kuti murege kuita zvakarurama. Uye kana mukachinja (uchapupu) kana kufuratira, zvirokwazvo, Allah vanoziva zvizere zvamunoita.} [An-Nisaa:135]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye musarege ruvengo rwevamwe vanhu nekukudzivirirai kushanyira Masjid Inoera (Al-masjid Al-haram), ruchikuitai kuti muve munopfuudzira mwero, uye batsiranai mukuita zvakanaka, asi musave munobatsirana kuita mabasa akaipa nekupfuudzira mwero. Uyezve ityai Allah, zvirokwazvo, Allah vanoranga zvakaoma......} [Al-Ma'idah:2]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Imi vatendi!, mirai zvakasimba pamberi paAllah (Mwari) sezvapupu mukururama, uye musarega ruvengo rwevanhu ruchikutadzisai kuita ruenzaniso. Itai ruenzaniso, ndizvo zviri pedyo nekutya Allah ...} [Al-Ma'idah:8]. Saka mungawana here mumitemo yemarudzi mazuva ano, kana muzvitendero zvevanhu, murairo wakadai wekupupurira zvakarurama nekutaura chokwadi, kunyange kana zvichipikisa munhu pachake, vabereki, pamwe nehama dzepedyo, uye murairo weruenzaniso kumuvengi neshamwari?
Uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakarayira kuita ruenzaniso pakati pevana. Amir akati: Ndakanzwa An-Nu'man bin Bashir (Allah ngaafadzwe navo vose) ari paparupiti achiti: Baba vangu vakandipa chipo, 'Amra bint Rawaha ndokuti: Handibvumi kusvikira waita Mutumwa waAllah (rugare ngaruve kwaari) chapupu. Saka vakaenda kuMutumwa waAllah (rugare ngaruve kwaari) ndokuti: Zvirokwazvo ndapa mwanakomana wangu wandakaita naye na'Amra bint Rawaha chipo, uye andirayira kuti ndikuitei chapupu, imi Mutumwa waAllah. Mutumwa vakati: "Wapa vana vako vose zvakafanana neizvi here?" Akati: Kwete. Vakati: "Saka ityai Allah uye ivai neruenzaniso pakati pevana venyu." Akati: Saka akadzoka ndokudzosa chipo chake. Sahih al-Bukhari 2587.
Izvi zvinodaro nekuti magariro evanhu nenyika haamiri zvakanaka kunze kwekunge paine ruenzaniso, uye vanhu havawane chengetedzo pazvitendero zvavo, upenyu hwavo, zvizvarwa zvavo, chiremera chavo, hupfumi hwavo nenyika dzavo kunze kwekunge paine ruenzaniso. Ndokusaka tichiwana kuti pakashungurudza vaisatenda vekuMakkah maMuslim, Muporofita (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare), vakavarayira kuti vatame kuenda kuAbyssinia; vachipa chikonzero chekuti ikoko kuna mambo akarurama, hapana munhu waanodzvinyirira.
31- Uye chitendero cheIslam chinoraira kuitira zvakanaka zvisikwa zvese, uye chinokurudzira hunhu hwakanaka kwazvo nemabasa akarurama.
Chitendero cheIslam chinoraira kuitira zvisikwa zvaAllah zvese zvakanaka. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah vanokurairai kuita zvakarurama nezvakanaka, uye nekubatsira hama dzepedyo ...} [An-Nahl:90]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Avo vanopa munguva dzekufara nedzekuomerwa, uye vanodzora hasha, uye avo vanoregerera vanhu. Uye Allah vanoda avo vanoita mabasa akanaka.} [Aal-Imraan:134]. Uye Mutumwa Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: « Zvirokwazvo, Allah vakarayira kuita zvakanaka pazvinhu zvose, saka kana muchiuraya, urayai zvakanaka, uye kana muchibaya, bayai zvakanaka, uye mumwe nomumwe wenyu ngaarodze banga rake, uye ngaarerutsire mhuka yake inobayiwa. » Sahih Muslim 1955.
Uye chitendero cheIslam chinokurudzira hunhu hwakanaka nemabasa akarurama. Allah (vekumusoro-soro vakataura vachitsanangura pamusoro paMutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) mumabhuku akapfuura vachiti: {Avo vanotevera Mutumwa, Muporofita asina kudzidza (kuverenga nekunyora), wavanowana akanyorwa kwavari muTorah nemuInjil, anovarayira kuita zvakanaka uye anovarambidza kuita zvakaipa, anovabvumidza zvinhu zvakanaka uye anovarambidza zvinhu zvakaipa, uye anovabvisa mitoro yavo nengetani dzaive pavari. Naizvozvo, avo vakatenda maari, vakamutsigira, vakamubatsira, uye vakatevera chiedza chaakatumwa nacho; ivavo ndivo vakabudirira.} [Al-A'raaf:157]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Iwe Aisha! Zvirokwazvo Allah vane hunyoro uye vanoda hunyoro. Vanopa nekuda kwehunyoro izvo zvavasingapi nekuda kwehasha kana kuomarara, uye zvavasingapi nekuda kwechimwe chinhu chisiri icho (hunyoro).» Sahih Muslim 2593. Uye Mutumwa waAllah (Mwari ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakati: «Zvirokwazvo, Allah vakarambidza kwamuri: kusateerera vanaamai, nekuviga vana vasikana vari vapenyu, nekunyima uye nekukumbira (zvisina kufanira), uye vanovenga kwamuri: kutaura-taura (makuhwa), nekubvunza-bvunza kwakanyanya, nekutambisa pfuma.» Sahih al-Bukhari 2408. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: “Hamungapindi muJannah kusvikira matenda, uye hamungatendi kusvikira madanana. Ko handikuratidzei here chinhu chokuti kana mukachiita muchadanana? Itai kuti kukwasizana neAs-salaam kutekeshera pakati penyu.” Sahih Muslim 54.
32- Uye chitendero cheIslam chinoraira hunhu hwakanaka hwakadai sekutaura chokwadi, kuvimbika, kuzvibata, kunyara, hushingi, kupa, nerupo; pamwe nekubatsira vanoshaya, kununura vanotambudzika, kupa zvekudya kune vane nzara, kugarisana zvakanaka nevavakidzani, kuchengetedza hukama, nekunzwira mhuka tsitsi.
Uye chitendero cheIslam chinoraira hunhu hwakanaka, Mutumwa waAllah (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakati: (Zvirokwazvo, ndakatumwa kuzadzikisa hunhu hwakanaka.) Sahih Al-Adab Al-Mufrad 207. Uye Mutumwa waAllah (Mwari), rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: (Zvirokwazvo vanonyanya kudiwa neni pakati penyu, nevachange vari pedyo neni pakugara pazuva rekutongwa, ndivo vane tsika dzakanakisisa. Uye zvirokwazvo vanonyanya kuvengwa neni pakati penyu, nevachange vari kure neni pakugara pazuva rekutongwa, ndivo vataurisi, nevanotaura vachidada, neuye vanozvikudza vachizviratidza sevakuru (al-Mutafayhiqun). Vakati: Tinoziva vataurisi nevanotaura vachidada, ko al-Mutafayhiqun ndivanaani? Akati: Ndivo vanozvikudza.) As-Silsilah As-Sahihah 791. Abdullah bin Amr, Allah ngavafare naye iye nababa vake, akati: "Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vaisave munhu anotaura zvinonyadzisa kana kuita zvinyadzi," uye vaiti: "(Zvirokwazvo, vakanakisisa pakati penyu ndevaya vane hunhu hwakanakisisa)." Sahih al-Bukhari 3559. Kune dzimwewo ndima nemahadith zvinoratidza kuti chitendero cheIslam chinokurudzira hunhu hwakanaka nemabasa akarurama zvakazara.
Uye pane izvo Islam inoraira pane: chokwadi. Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati: (Munofanira kuva vanhu vechokwadi, nokuti chokwadi chinotungamirira kukururama, uye kururama kunotungamirira kuParadhiso, uye munhu anoramba achitaura chokwadi nekutsvaga chokwadi kusvikira anyorwa naAllah semunhu wechokwadi.) Sahih Muslim 2607.
Uye pane zvinorairwa neIslam pane: kuchengetedza chivimbo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vanokurairai kuti mudzorere zvinhu zvamakapiwa kuchengeta kune varidzi vazvo ...} [An-Nisaa:58].
Uye zvinorairwa neIslam zvinosanganisira: kuzvibata. Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati: «Vanhu vatatu vane kodzero yekubatsirwa naAllah: uye akataura pakati pavo: munhu anoroora nekuda kuzvichengetedza» Sunan at-Tirmidhi 1655. Uye rimwe du'ā reMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nderekuti vaiti: «(Allahumma innii as'alukal-hudaa wat-tuqaa wal-afaafa wal-ghinaa) O Allah, zvirokwazvo ndinokumbira kwamuri kutungamirirwa (kugwara rakanaka), kutya Allahi, kuzvibata, uye kuzvikwanira.» Sahih Muslim 2721.
Uye zvakarairwa nechitendero cheIslam zvinosanganisira kunyara. Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati: «Kunyara hakuunzi chinhu kunze kwezvakanaka.» Sahih al-Bukhari 6117. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Chitendero chese chine hunhu, uye hunhu hweIslam kunyara.» Yakarondedzerwa naAl-Bayhaqi muShu'ab al-Imaan 6/2619.
Uye pakati pezvinorairwa neIslam pane hushingi. Anas, Allah ngavafare naye, akati: «Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vaive munhu akanakisisa pavanhu vese, akashingisisa pavanhu vese, uye aive nerupo rwakanyanya pavanhu vese. Uye zvirokwazvo vanhu vemuMadinah vakavhunduka, saka Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakavatangira kusvika vari pabhiza» Sahih al-Bukhari 2820. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vaitsvaga dziviriro kuna Allah kubva kuhumbwende, saka vaiti: (Allahumma inni audhu bika minal hubn)«O Allah, ndinopotera kwamuri kubva kuhumbwende» Sahih al-Bukhari 6374.
Zvinorairwa neIslam zvinosanganisira kupa nekuva nerupo. Allah vekumusoro-soro vakati: {Muenzaniso weavo vanoshandisa pfuma yavo munzira yaAllah, wakafanana nemuenzaniso wetsanga (yechibage) inobereka miguri minomwe, uye pamuguri wega wega pane tsanga zana. Uye Allah vanowedzera (mubairo) kune uyo wavanoda. Uye Allah vanogutsa zvisikwa zvavo, vanoziva zvese.} [Al-Baqarah:261]. Uye hunhu hweMutumwa waAllah (Allah ngavavaropafadze nekuvapae rugare) hwaivehwekuva nerupo. Ibn Abbas (Mwari ngavafadzwe navo vose) akati: «Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaive nerupo rwakanyanya kupfuura vanhu vese mukuita zvakanaka, uye vaiwedzera kuve nerupo rwakanyanya mumwedzi weRamadhan pavaisangana naJibril. Uye Jibril (rugare ngaruve kwaari) aisangana navo husiku hwega hwega muRamadhan kusvikira mwedzi wapera, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachimuverengera Qur'an. Saka kana Jibril (rugare ngaruve kwaari) asangana navo, vaiita rupo mukuita zvakanaka kupfuura mhepo inotumirwa.» Sahih al-Bukhari 1902.
Uye pakati pezvinorairwa neIslam pane kubatsira vanoshaya, kununura vanotambudzika, kupa chikafu kune vane nzara, kugarisana zvakanaka nevavakidzani, kuchengetedza hukama, uye kuitira mhuka tsitsi. Abdullah bin Amr (Allah ngaafadzwe navo vese) akati mumwe murume akabvunza Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti: Ndezvipi zviito zveIslam zvakanakisa? Vakati: «Kupa chikafu, nekukwazisa kwerugare (Salaam) kune uyo waunoziva neuyo wausingazivi» Sahih al-Bukhari 12. Uye Mutumwa waAllah, Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare, vakati: «Mumwe murume paaifamba munzira, akanzwa nyota yakanyanya, akawana tsime, akadzika mariri, akanwa (mvura), ndokubuda, akaona imbwa ichifemereka ichidya ivhu nyoro nemhaka yenyota. Murume akati: Imbwa iyi yabatwa nenyota yakaita seyanga yandibata. Saka akadzika mutsime, akazadza shangu yake yedehwe nemvura, ndokuibata nemuromo wake, akapa imbwa (iya) mvura. Saka Allah vakamutenda ndokumukanganwira.» (MaSwahabah) Vakati: Imi Mutumwa waAllah, kune mubairo here kwatiri pamhuka? Vakati: «Hongu, kuitira chisikwa chose chipenyu kune mubairo.» Sahih Ibn Hibban 544. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "«Uyo anoshingairira kubatsira shirikadzi neanoshaya akafanana neuyo anorwa munzira yaAllah, kana uyo anomuka husiku achinamata uye achitsanya masikati.»" Sahih al-Bukhari 5353.
Uye chitendero cheIslam chinosimbisa kodzero dzehama uye chinosungira kuchengetedza hukama nehama.Allah vekumusoro-soro vakati: {Muporofita ane kodzero dzakanyanya kuvatendi kupfuura ivo pachavo, uye vadzimai vake ndivo vanaamai vavo. Uye vehukama hweropa vane kodzero dzakanyanya kudarika vamwe vavo muBhuku raAllah (maererano nenhaka) kupfuura vatendi nevakatama, kunze kwekunge maita zvakanaka kushamwari dzenyu. Izvozvo zvakanyorwa muBhuku.} [Al-Ahzaab:6]. Uye akayambira pamusoro pekudambura hukama uye akazvibatanidza nekuparadza panyika. Allah vekumusoro-soro vakati: {Ko zvino mungaita sei kana mukatendeuka (muchisiya kuteerera Mwari)? Hamungazoparadzi here panyika uye muchicheka hukama hwehukama (hwepedyo)?...} {Avo ndivo avo vakatukwa naAllah, vakavaita matsi (kuti vasanzwe chokwadi) uye vakapofumadza maziso avo (kuti vasaone chokwadi) ...23} [Muhammad:22-23]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari, vakati: «Haapindi muParadhiso munhu anodambura hukama» Sahih Muslim 2556. Uye hama dzepedyo dzinofanirwa kuchengetedzwa hukama nadzo dzinoti: vabereki, nevakoma nevanin'ina, nehanzvadzi, nevakoma nevanin'ina vababa (anababamukuru nanababamunini), nehanzvadzi dzababa (anatete), nehanzvadzi dzaamai (anasekuru), nevakoma nevanin'ina vaamai (anamaiguru nanamainini).
Uye Islam inosimbisa kodzero yemuvakidzani kunyange kana ari munhu asingatendi. Allah varikumusoro-soro vakati: {۞ Uye namatai Allah uye musavasanganise nechimwe chinhu, uye itirai zvakanaka vabereki, nehama dzepedyo, nenherera, nevarombo, nemuvakidzani ari hama yepedyo, nemuvakidzani asiri hama, neshamwari yepedyo, nemufambi, neavo vari pasi pesimba renyu. Zvirokwazvo, Allah havadi uyo anozvikudza uye anozvitutumadza.} [An-Nisaa:36]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "(Jibril akaramba achindirayira nezvemuvakidzani kusvika ndafunga kuti aizomuita mudyi wenhaka)" Sahih Abu Dawud 5152.
33- Chitendero cheIslam chakabvumidza zvinhu zvakanaka pazvekudya nekunwa, uye chakaraira kuchena kwemwoyo, muviri, nemba. Naizvozvo chakabvumidza kuroora, sekuraira kwakaita maporofita, rugare ngaruve pavari, nekuti ivo vanoraira zvinhu zvese zvakanaka.
Uye chitendero cheIslam chakatendera zvinhu zvakanaka zvekudya nezvekunwa. Mutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari, vakati: { Imi vanhu! zvirokwazvo Allah (Mwari) vakanaka uye havagamuchiri kunze kwezvakanaka, uye zvirokwazvo Allah vakaraira vatendi izvo zvavakaraira vatumwa. (Allah) vekumusoro-soro vakati: [Imi vatumwa, idyai kubva muzvinhu zvakanaka uye muite mabasa akanaka. Zvirokwazvo, Ini ndinoziva zvamunoita...] Uye vakataura ivo vekumusoro-soro vachiti: [Imi vakatenda! idyai kubva muzvinhu zvakanaka zvatakakupai, uye mutende Allah kana muchinamata Ivo chete...] ndima . Munhu akataura nhaura akati: (Mutumwa) vakabva vataura nezvemurume anofamba rwendo rurefu, ane bvudzi rakabvanganyuka uye aine huruva, achitambanudza maoko ake kudenga achiti: "Ishe wangu! Ishe wangu!", asi chikafu chake chiri chinorambidzwa, zvipfeko zvake zviri zvinorambidzwa, zvinwiwa zvake zviri zvinorambidzwa, uye muviri wake wakakuriswa nechikafu kana raramo yakawanikwa nezvinorambidzwa. Saka angapindurwa sei pane izvozvo?!...} Sahih Muslim 1015. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti: "Ndiani akarambidza zvishongo zvaAllah izvo zvavakaburitsira varanda vavo, uye zvinhu zvakanaka kubva mune zvavanopihwa?" Iti: "Izvi ndezveavo vanotenda muhupenyu hwenyika ino, uye zvichava zvavo chete pazuva rekutongwa." Saizvozvo tinotsanangura mavhesi zvizere kune vanhu vanoziva...} [Al-A'raaf:32].
Uye chitendero cheIslam chinoraira kuchena kwemoyo, muviri, nemusha, uye nekuda kwaizvozvo yakatendera kuroora, sekuraira kwakaitwa maporofita nevatumwa, runyararo ngaruve pavari, nekuti vanoraira zvese zvakanaka. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye Allah vakakusikirai madzimai kubva mamuri, uye vakakuitirai vana nevazukuru kubva kumadzimai enyu, uye vakakupai kudya kubva muzvinhu zvakanaka. Saka vanotenda kuzvinhu zvenhema here, uye vachiramba nyasha dzaAllah ?...} [An-Nahl:72]. Uye Allah Varikumusoro-soro vakati: {Zvakare iva unochenesa nhumbi dzako ...{4} } {Uye zvinonyangadza (zvidhori) zvisiye {5} } [Al-Muddathir:4 5]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: (Haapindi kuParadhiso uyo ane huremu hwetsanga hwekuzvikudza mumoyo make. Mumwe murume akataura kuti: ‘Zvirokwazvo murume anoda kuti nguwo yake ive yakanaka, uye shangu dzake dzive dzakanaka.’ (Mutumwa) akati: ‘Zvirokwazvo Allah vakanaka, uye vanoda runako. Kuzvikudza kuramba chokwadi, nekuzvidza vanhu.’) Sahih Muslim 91.
34- Uye Islam yakarambidza hwaro hwezvinhu zvinorambidzwa zvakaita sekusanganisa Allah nezvimwe, nekusatenda, nekunamata zvidhori, nekutaura pamusoro paAllah pasina ruzivo, nekuuraya vana, nekuuraya munhu asina mhosva, nekuita huori panyika, nehuroyi, nemabasa anonyangadza anoonekwa neakavanzika, nehupombwe, nehungochani. Uye yakarambidza chimbadzo (riba), uye yakarambidza kudya mhuka yakafa yega, neyakabayirwa zvidhori nezvifananidzo. Uye yakarambidza nyama yenguruve nezvimwe zvese zvetsvina nezvakaipa, uye yakarambidza kudya pfuma yenherera nekubiridzira pazviyero nepazvikero, uye yakarambidza kugura hukama. Uye maporofita vese (rugare ngaruve pavari) vakabvumirana pakurambidzwa kwezvinhu izvi zvinorambidzwa.
Islam yakarambidza nheyo dzezvinhu zvinorambidzwa sokusanganisa Allah nezvimwe, nekusatenda, nekunamata zvidhori, nekutaura pamusoro paAllah pasina ruzivo, nekuuraya vana. Allah vekumusoro-soro vakati: { Iti: “Uyai ndikuverengerei izvo Tenzi venyu vakarambidza kwamuri: kuti musavasanganise nechimwe chinhu, uye nekuita zvakanaka kuvabereki, uye musauraya vana venyu nekuda kwehurombo; Isu tinokupai raramo imi pamwechete navo; uye musaswedera kuhunhu hunonyadzisa, uhwo hwakabuda pachena pamwe nehwakavandika; uye musauraya mweya uyo wakarambidzwa naAllah, kunze kwekunge paine chokwadi (chakarurama). Izvi ndizvo zvavakakurairai, zvimwe mungave vanonzwisisa.”...} { Uye musave munoswedera pedyo nehupfumi wenherera, kunze kwekuti muchida kuhuwedzera mune zvakanaka, kusvikira abva zera, uye zadzikisai chikero mova munoyera mune zvakanaka. Hatipi munhu mutoro kunze kwewaanokwanisa kutakura. Uye kana muchitaura, muchiyananisa, taurai chokwadi, kunyangwe iri hama yepedyo, uye zadzisai chibvumirano chenyu naAllah. Izvozvo ndizvo zvavakakurairai kuti zvimwe mungarangarire ...} [Al-An'am:152]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Iti: “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakarambidza zvivi zvinonyadzisa, izvo zviri pachena pazviri neizvo zvakavanzika, nezvitadzo, nehudzvanyiriri husina kodzeo, uye kusanganisa Allah (mukunamata) nezvimwe zvisikwa zvavasina kupa mvumo, uye kuti mutaure pamusoro paAllah izvo zvamusingazivi.”} [Al-A'raf:33].
Islam inorambidza kuuraya munhu asina mhosva ane hupenyu hunokudzwa. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye musauraya munhu uyo Allah (Mwari) vakarambidza (kuurayiwa), kunze kwekuti pane chikonzero chechokwadi. Uye uyo anouraiwa zvisakarurama, zvirokwazvo takapa mugari wenhaka yake simba, saka ngaarege kupfuudza mwero mukuuraya. Zvirokwazvo iye anobatsirwa (nemutemo weIslam).} [Al-Israa:33]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye avo vasingadani vamwe vanamwari pamwechete naAllah, uye vasingaurayi munhu akarambidzwa naAllah kuurayiwa kunze kwekunge pane chikonzero chokwadi, uye havaite chehupombwe. Uye uyo anoita izvozvo achawana murango (unorwadza) ...} [Al-Furqaan:68].
Uye Islam yakarambidza huori nekuita zvakaipa panyika. Allah vekumusoro-soro vakati: {Musava munoita huori panyika, mushure mekunge pagadziridzwa} [Al-A'raaf:56]. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura vachizivisa maererano neMuporofita Shu'ayb (rugare ngaruve kwaari), kuti akataura kuvanhu vake achiti: {Imi vanhu vangu! namatai Allah (Mwari mumwechete), hamuna mumwe Mwari kunze kwavo. Chokwadi hwasvika kwamuri humbowo hwakajeka kubva kuna Tenzi venyu. Nokudaro ipai chiyero chakakwana uye nehuremu hwakakwana musabiridzire vanhu pazvinhu zvavo, uye musaite zvakaipa panyika ino mushure mekugadziriswa kwayo. Izvi ndizvo zvakanaka kwamuri kana muri vatendi.} [Al-A'raaf:85].
Uye chitendero cheIslam chakarambidza huroyi. Ivo Vechokwadi, Vanorumbidzwa, uye Vari kumusoro-soro vakati: {Uye kanda chiri muruoko rwako rwerudyi, chinomedza zvavakagadzira. Zvirokwazvo, zvavakagadzira hunyengeri hwemuroyi, uye muroyi haabudiriri kwose kwaanouya nako.} [Twaahaa:69]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza." MaSwahaabah vakati: "Imi Mutumwa waAllah, ndezvipi izvozvo?" Vakati: "Kusanganisa Allah nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva, mhosva yehupombwe." Sahih al-Bukhari 6857.
Uye Islam yakarambidza zvinonyangadza zviri pachena nezvakavanzika, nehupombwe, nehungochani. Uye pakutanga kwendima ino pataurwa ndima dzinanoratidza izvozvo. Uye Islam yakarambidza chimbadzo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Imi avo vakatenda, ityai Allah uye siyai zvakasara zvechimbadzo, kana muri vatendi ...278}.. {Uye mukasava munozviita, chitorai mucherechedzo wehondo kubva kuna Allah neMutumwa wavo. Asi mukakumbira ruregerero, muchawana mari yenyu yamakakweretesa musingadzvanyiriri (nekutora inopfuura yamakakweretesa), kana kudzvanyirirwa (nekuwana mari iri pasi peiyo yamakakweretesa)... [Al-Baqarah:278 279]. Uye Allah havana kutyisidzira uyo anoita chitadzo nehondo sekutyisidzira kwavakaita uyo anoita chimbadzo; nokuti muchimbadzo mune kuparadzwa kwezvitendero, nyika, hupfumi, nehupenyu.
Uye Islam yakarambidza kudya mhuka yafa yoga nemhuka dzakabairwa zvidhori nezvifananidzo, uye yakarambidza nyama yenguruve. Allah varikumusoro-soro vakati: {Makarambidzwa mhuka yafa yoga, neropa, nenyama yenguruve, nedzakaurayirwa muzita rezvimwe zvisiri Allah, nemhuka yakafa nekudzipwa, neyakafa nekurohwa, neyakafa nekuwa, neyakafa nekutungwa, nedzakadyiwa nezvikara kunze kweidzo dzamunenge macheka dziri mhenyu, nedzakabayirwa pazviumbwa zvinonamatwa, uye kutsvaga rombo nekukanda hakata. Izvozvo kutadza ....} [Al-Ma'idah:3].
Uye Islam yakarambidza kunwa doro, nezvimwe zvinhu zvose zvetsvina, uye nezvinhu zvakaipa. Allah vekumusoro-soro vakati: { Imi vanotenda! Zvirokwazvo zvinodhaka, nemitambo yekubheja, nezvidhori, nemiseve yekuuka, zvinonyangadza zvinobva mumabasa aSatani (Shaitwaan). Naizvozvo zvisiyei, kuti mugobudirira. 90} {Zvirokwazvo, Shaitwani (Satani) anoda kukonzera ruvengo nehutsinye pakati penyu kuburikidza nezvinodhaka nekubheja, uye nekukudzivisai kurangarira Allah nekuita Swalaah. Saka hamusi kuzorega here? 91} [Al-Ma'idah:90-91]. Mundima nhamba (31) mambotaurwa nezvekuzivisa kwaAllah vekumusoro-soro kuti chimwe chehunhu hweMutumwa, Mwari ngavamuropafadze nekumupa rugare, muTorah ndechekuti anovarambidza zvinhu zvakaipa. Allah vari kumusoro-soro vakati: {"Avo vanotevedzera Mutumwa, Muporofita asingakwanise kuverenga kana kunyora (Muhammad) uyo wavanoona akanyorwa nezvake muTorah uye neMuvhangeri (Injeel) mavo, anovakomekedza zvakanaka uye achivarambidza zvakaipa; uye anobvumidza zvinhu zvakachena, uye anorambidza zvakaipa, anovabvisa mitoro yavo inorema, uye ngetani dzakanga dziri pavari..."} [Al-A'raaf:157].
Uye chitendero cheIslam chakarambidza kudya pfuma yenherera. Allah (vekumusoro-soro vakati: {Uye ipai nherera pfuma yadzo, uye musachinjanisa chakaipa nechakanaka, uye musadya pfuma yadzo pamwe chete nepfuma yenyu. Zvirokwazvo, ichocho chivi chikuru...} [An-Nisaa:2]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, avo vanodya upfumi hwenherera zvisakarurama, zvirokwazvo, vari kudya moto vachiisa mumatumbu avo, uye vachapinda mumoto unopfuta (weGehena)....} "[An-Nisaa:10].
Uye Islam yakarambidza kubiridzira pazviyero nezvikero. Allah vari kumusoro-soro vakati: {"Matambudziko kune avo vanobiridzira (vanopa zvishoma pakuera nepahuremu..." 1} {Avo vanoti apo vanopimirwa kubva kuvanhu, vanotora zvakakwana ...2} {Asi kana vachivayerera kana kuvapimira, vanoita kuti varasikirwe..." 3} { "Havafunge here kuti vachazomutswa ..." 4} [Al-Mutaffifin:1-4].
Uye Islam yakarambidza kuparadzana nehama, uye ndima dzemuQur'an nemaHadith dzinoratidza izvi zvakambotaurwa muchikamu nhamba (31). Uye maporofita neVatumwa vese, runyararo ngaruve kwavari, vanobvumirana pakurambidzwa kwezvinhu izvi zvinorambidzwa.
35- Chitendero cheIslam chinorambidza hunhu hwakashata sekutaura nhema, nekubiridzira, nekunyengedza, nekusavimbika, nehunyengeri, negodo, kuronga zvakaipa, nekuba, nekudarika mwero, nekudzvinyirira, uye chinorambidza hunhu hwese hwakaipa.
Islam inorambidza hunhu hwakashata zvachose. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye usafuratira vanhu nechiso chako (uchivazvidza), uye usafamba panyika uchidada. Zvirokwazvo, Allah havadi munhu wese anozvikudza achizvitutumadza.} [Luqman:18]. Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvirokwazvo, pakati penyu vachanyanya kudiwa neni uye vachava pedyo neni pakugara pazuva rekutongwa ndevaya vane tsika dzakanakisisa. Uye zvirokwazvo, pakati penyu vachanyanya kuvengwa neni uye vachava kure neni pakugara pazuva rekutongwa ndevaya vanotaura zvakawandisa, nevanotaura vachizvitutumadza, nevanonzi Al-Mutafaihiqun. Vakati: ‘Imi Mutumwa waAllah, tinoziva vanotaura zvakawandisa nevanotaura vachizvitutumadza, saka ndevapi vanonzi Al-Mutafaihiqun?’ Vakati: ‘Ndeavo vanozvikudza.’» As-Silsilah As-Sahihah 791.
Islam inorambidza nhema. Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri uyo anopfurikidza mwero, murevi wenhema.} [Ghafir:28]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: "Uye chenjererai nhema, nekuti zvirokwazvo nhema dzinotungamira kune zvakaipa, uye zvirokwazvo zvakaipa zvinotungamira kumoto. Uye munhu anoramba achitaura nhema uye achitsvaga kutaura nhema kusvikira anyorwa kuna Allah semurevi wenhema." Sahih Muslim 2607. Uye Mutumwa waAllah, Allah ngavamuropafadze nekumupa rugare, vakati: «Zviratidzo zvemunyengedzi (Munaafiq) zvitatu: kana akataura anonyepa, uye kana akavimbisa haazadzisi, uye kana akambwa naye haavimbike.» Sahih al-Bukhari 6095.
Islam inorambidza kubiridzira. Uye zvataurwa muhadith kuti Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakapfuura nepaive nemurwi wezvekudya, ndokupinza ruoko rwavo mauri, minwe yavo ndokubata hunyoro, ndokubva vati: «Chii ichi, nhai iwe muridzi wezvekudya?» Akati: Zvanayiwa nemvura, Mutumwa waAllah. Vakati: "Sei usina kuzviisa pamusoro pezvekudya kuitira kuti vanhu vazvione? Uyo anobiridzira haasi wekwangu» Sahih Muslim 102.
Islam inorambidza kunyengedza, kutengesa uye kubiridzira. Allah varikumusoro-soro vakati: {Imi vanotenda, musanyengedze Allah neMutumwa, uye musanyengedze pane zvakavimbwa nemi, imi muchiziva ...} [Al-Anfaal:27]. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Avo vanozadzisa chibvumirano chaAllah uye havatyori mhiko...} [Ar-Ra'd:20]. Uye Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaitaura kumauto avo pavaibuda (kuenda kuhondo) vachiti: «Irwai, musaba pfuma yehondo, musatyora zvibvumirano, musacheka-cheka zvitunha, uye musauraya mwana mudiki» Sahih Muslim 1731. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvinhu zvina, uyo anenge anazvo anenge ari munyengedzi (munaafiq) chaiye, uye uyo anenge aine chimwechete chazvo anenge aine hunhu hwehunyengeri kusvikira achisiya: kana avimbwa naye anoputsa chivimbo, uye kana achitaura anonyepa, uye kana aita chibvumirano anochiputsa, uye kana achipokana anoita zvakaipa kwazvo.» Sahih al-Bukhari 34.
Islam inorambidza godo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Kana kuti vanoitira vanhu godo pane izvo zvavakapiwa naAllah kubva munyasha dzavo? Zvirokwazvo, Isu takapa mhuri yaAbrahamu Bhuku nehuchenjeri, uye takavapa humambo hukuru.} [An-Nisaa:54]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Vazhinji vevanhu vakapihwa magwaro vanoshuvira kuti dai vakudzoserai kuva vasingatendi mushure mekutenda kwenyu, negodo rinobva kwavari pachavo mushure mekunge chokwadi chabuda pachena kwavari. Saka varegererei, uye muvakanganwire, kudzamara Allah vauya nemurairo wavo. Zvirokwazvo, Allah vane simba pamusoro pezvinhu zvese...} [Al-Baqarah:109]. Uye Mutumwa waAllah, Allah ngavamuropafadze nekuvapa rugare, vakati: «Chirwere chemarudzi akakutangirai chakapinda mamuri: godo neruvengo. Ndicho chinoveura, handisi kuti chinoveura bvudzi, asi chinoveura chitendero. NaIye ane mweya wangu muruoko rwake, hamupindi kuParadhiso kudzamara matenda, uye hamutendi kudzamara madanana. Ko ndingakuzivisei here zvichakusimbisirai izvi? Itai kuti kukwazisana kukwazisana (salaam) kutekeshere pakati penyu.» Sunan At-Tirmidhi 2510.
Islam inorambidza manomano akaipa. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye saizvozvo takaisa muguta rega rega vakuru vevatadzi varo kuti varonge manomano mariri. Uye havarongi manomano (aya) asi kuti vanenge vachizvirongera ivo pachavo, asi havazvicherechedze...} [Al-An’aam:123]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakazivisa kuti maJudha akaedza kuuraya Mesiya (rugare ngaruve kwaari) uye vakaruka mazano, asi Allah vakavarukirawo mazano. Uye Allah vakajekesa kuti mazano akaipa haawiri pane vamwe kunze kwevaridzi vawo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {"Zvino apo Jesu paakaona kuramba kutenda kubva kwavari, akati: “Ndivanaani vabatsiri vangu kuna Allah?” Vadzidzi vakati: “Isu tiri vabatsiri vaAllah, tinotenda muna Allah, uye pupura kuti zvirokwazvo isu tiri maMuslim....” 52"} {Tenzi vedu, takatenda mune izvo zvamakadzikisa, uye takatevera Mutumwa, saka tinyorei pamwe chete nezvapupu...53} {Uye vakaronga, uye Allah vakarongawo. Uye Allah ndivo vakanakisisa pavarongi vose... 54} {(Rangarirai) apo Allah (Mwari) vakati: “Iwe Jesu! Zvirokwazvo ndichakutora, ndokusimudzira (kuuya) kwandiri, ndokukuchenesa kubva kune avo vasingatendi, uye ndichaita kuti avo vanokutevera vave pamusoro peavo vasingatendi kusvikira zuva rekutongwa. Zvadaro kudzokera kwenyu kuchava kwandiri, saka ndichatonga pakati penyu mune izvo zvamaipikisana mazviri.” 55} [Aal-Imraan:52-55]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakazivisa kuti vanhu vaMuporofita Swaalih, rugare ngaruve paari, vaida kumuuraya nerangano, saka vakaronga zano, uye Allah vakarongawo zano pamusoro pavo ndokuvaparadza pamwe chete nevanhu vavo vose. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Vakati: “Pikai naAllah kuti zvirokwazvo tichamurwisa husiku iye nemhuri yake, mushure mezvo tichati kumumiriri wake: ‘Hatina kuona kuparadzwa kwemhuri yake, uye zvirokwazvo tiri kutaura chokwadi ...” 49} {Uye vakaronga hurongwa, uye nesu takaronga hurongwa, ivo vasingazivi... 50} {Saka tarisa uone kuti mhedzisiro yemanomano avo yakava ipi, zvirokwazvo takavaparadza pamwechete nevanhu vavo vese 51} [An-Naml:49-51].
Islam inorambidza kuba. Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Mhombwe haiiti upombwe panguva yainoita upombwe iri mutendi, uye anoba haabi panguva yaanoba ari mutendi, uye anonwa hwahwa haanwi panguva yaanonwa ari mutendi. Asi musuwo wekutendeuka uchiri wakazaruka mushure mezvo.» Sahih al-Bukhari 6810.
Islam inorambidza hudzvanyiriri. Allah vari kumusoro-soro vakati: {۞ Zvirokwazvo, Allah vanokurairai kuita zvakarurama nezvakanaka, uye nekubatsira hama dzepedyo, uye vanorambidza hunhu hunonyadzisa, nezvakaipa, nehudzvanyiriri. Vanokurairai kuti mugorangarira uye mudzidze.} [An-Nahl:90]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvirokwazvo Allah vakazarurira kwandiri kuti muzvininipise, kuitira kuti pasave nemunhu anodzvinyirira mumwe, uye pasave nemunhu anozvikudza pamusoro pemumwe.» Sahih Abi Dawuud 4895.
Islam inorambidza hudzvanyiriri. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye Allah havadi avo vanoita mabasa akaipa...} [Aal-Imraan:57]. Uye ivo vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, vanoita zvakaipa havazombobudiriri...} [Al-An'am:21]. Allah varikumusoro-soro vakati: {Asi avo vasina kururama, vakavagadzirira murango unorwadza...} [Al-Insaan:31]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: “Vatatu vane madu'a asingarambwe: mutungamiri akarurama, munhu akatsanya kusvikira atyora kutsanya kwake, uye du'a reuyo ari kudzvanyirirwa. Rinotakurwa pamusoro pemakore uye rozarurirwa magonhi ematenga, uye Tenzi (vane simba nehukuru) vanoti: ‘Ndinopika nehukuru hwangu, zvirokwazvo ndichakubatsira kunyangwe mushure mechinguva.’” Yakarondedzerwa naMuslim (2749) muchidimbu nemusiyano mudiki, naAt-Tirmidhi (2526) nemusiyano mudiki, naAhmad (8043) uye mashoko acho ndeake. Uye apo Mutumwa Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakatuma Mu'adh kuYemen, pakati pezvaakataura kwaari paiva neizvi: «Uye ngwarira munamato weuyo akadzvanyirirwa, nekuti zvirokwazvo, hakuna dziviriro pakati pavo naAllah.» Sahih al-Bukhari 1496. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvirokwazvo, ani naani anodzvinyirira munhu ari pasi pechibvumirano chekuchengetedzwa (asiri muMuslim ane kodzero dzekuchengetedzwa muhurumende yechiIslam), kana kumutorera kodzero dzake, kana kumuremedza nebasa rinopfuura zvaanokwanisa, kana kutora chinhu chake pasina kubvuma kwake nemoyo wose, ini ndichava mupikisi wake pazuva rekutongwa.» Sunan Abu Dawud 3052. Naizvozvo, Islam, sezvawaona, inorambidza hunhu hwese hwakashata kana kudyidzana nevamwe kusina ruramisiro kana kwekudzvanyirira.
36- Islam inorambidza kudyidzana kwezvemari kune chimbadzo, kana kukuvadza, kana kusajeka, kana kudzvinyirira, kana kubiridzira, kana kunounza njodzi nekukuvadza kweruzhinji kunharaunda, kumarudzi, nekuvanhu mumwe nemumwe.
Islam inorambidza zvekudyidzana panyaya dzemari izvo zvine chimbadzo (riba), kana kukuvadza, kana kusajeka, kana kudzvinyirira, kana kubiridzira, kana zvinokonzera matambudziko nekukuvadzwa kweruzhinji kunharaunda, kumarudzi, nekuvanhu vamwe navamwe. Uye pakutanga pechikamu chino pambotaurwa ndima (dzeQur'an) nemaHadith zvinorambidza chimbadzo, kana kudzvinyirira, kana kubiridzira, kana kuita zvakaipa panyika. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye avo vanotsamwisa varume nemadzimai anotenda pasina chikonzero, zvirokwazvo, vazvitakurira mhosva yekupomera vamwe (ivo vasina kuipara), uye chitadzo chiri pachena....} [Al-Ahzab:58]. Uye Allah varikumusoro-soro vakati: {Uyo anoita basa rakanaka, anenge azviitira iye pachake; uye uyo anoita zvakaipa, zvinenge zvakanangana naye. Uye Tenzi vako havasi mudzvinyiriri kuvaranda vavo...} [Fussilat:46]. Uye zvakataurwa muSunnah kuti: «Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakatonga kuti hakufanirwe kuva nekukuvadza kana kutsiva nekukuvadza» Sunan Abu Dawud, Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakatti: “Ani naani anotenda muna Allah, nezuva rekupedzisira, ngaarege kushungurudza muvakidzani wake, uye ani naani anotenda muna Allah nezuva rekupedzisira, ngaaremekedze muenzi wake, uye ani naani anotenda muna Allah, nezuva rekupedzisira, ngaataure zvakanaka, kana kuti anyarare. Uye mune imwe nhoroondo: ngaaitire zvakanaka muvakidzani wake.” Sahih Muslim 47, Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngaave pavari, vakati: “Mukadzi akarangwa nekuda kwekatsi yaakavharira kusvika yafa, ndokupinda muMoto nekuda kwayo. Haana kuipa chikafu kana mvura paakaivharira, uye haana kuiregedza kuti idye tupukanana twepanyika.” Sahih al-Bukhari 3482. Izvi ndezveuyo akakuvadza katsi, ko zvakadini kune uyo kukuvadza kwake kunosvika kuvanhu. Ibn Umar akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakakwira paMinbar, ndokudanidzira nezwi rakakwirira vakati: {"(Imi boka revaya vakagamuchira Islam nendimi dzavo asi kutenda kusati kwasvika mumwoyo mavo, musakuvadza maMuslim, uye musavazvidza, uye musatsvaga zvikanganiso zvavo zvakavandika, nokuti zvirokwazvo uyo anotsvaga zvikanganiso zvehama yake yechiMuslim, Allah vanotsvagawo zvikanganiso zvake, uye uyo Allah wavanotsvagira zvikanganiso, vanomufumura kunyangwe ari mukati memba yake. Akati: Uye Ibn Umar akatarisa rimwe zuva kuImba tsvene kana kuti kuKaaba ndokuti: Uri mukuru kwazvo uye hutsvene hwako hwakakura kwazvo, asi mutendi ane hutsvene hwakakura zvikuru pamberi paAllah kukunda iwe.)"....} Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi (2032), uye Ibn Hibbaan (5763). Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: (Ani naani anotenda muna Allah nezuva rekupedzisira ngaasakuvadze muvakidzani wake, uye ani naani anotenda muna Allah nezuva rekupedzisira ngaaremekedze muenzi wake, uye ani naani anotenda muna Allah nezuva rekupedzisira ngaataure zvakanaka kana kuti ngaanyarare.) Sahih al-Bukhari 6018, Nhaurwa yaAbu Huraira, kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) vakati: "Munoziva here kuti munhu murombo (munhu akabhuroka) ndiani?" Vakati: "Munhu murombo pakati pedu, Mutumwa waAllah, ndiye uyo asina mari kana pfuma." Vakati: "Zvirokwazvo, munhu murombo werudzi rwangu ndiye uyo achauya pazuva rekutongwa aine kutsanya, minamato, nezakaat, uye achauya akatuka chiremera cheuyu, akapomera uyu nhema, uye akadya pfuma yeuyu, saka achagadzwa pasi uye uyu achapihwa kubva pamabasa ake akanaka, uye uyu kubva pamabasa ake akanaka. Kana mabasa ake akanaka akapera asati abhadhara zvaane mhosva nazvo, zvimwe zvivi zvavo zvichatorwa zvokandwa paari, obva akandwa muMoto. Yakarondedzerwa naMuslim (2581), naAt-Tirmidhi (2418), naAhmad (8029) uye aya ndiwo mashoko ake.
Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: (Paive nebazi remuti munzira raikuvadza vanhu, saka mumwe murume akaribvisa, akabva apinzwa muParadhiso.) Yakarondedzerwa naAl-Bukhari (652) nezvarinoreva, uye naMuslim (1914) nenzira inenge yakafanana, naIbn Majah (3682), naAhmad (10432) uye mashoko ndeavo. Saka kana kubvisa chinokuvadza munzira kuchipinza kuParadhiso (Jannah), ko uyo anokuvadza vanhu uye achikanganisa hupenyu hwavo anenge akamira sei?.
37- Islam yakauya nechinangwa chekuchengetedza njere nekurambidza zvese zvinodzikanganisa sekunwa doro, uye yakasimudzira kukosha kwenjere, ikadziita hwaro hwekuti munhu apihwe mabasa nemitemo yechitendero. Uyezve yakanunura pfungwa kubva mungetani dzekutenda zvinhu zvisina hwaro nekunamata zvifananidzo. Uye muIslam hamuna zvakavanzika kana mitemo yakanangana neboka rimwe chete kusiya rimwe, uye mitemo yayo yese inowirirana nepfungwa dzakatwasuka, uyezve zvinoenderana nekururamisira nehungwaru.
Islam yakauya nechinangwa chekuchengetedza njere nekusimudzira kukosha kwadzo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo kunzwa, nekuona, nemoyo, zvese izvi zvichabvunzwa nezvazvo.} [Al-Israa:36]. Saka zvinosungirwa kumunhu kuti achengetedze njere dzake, ndokusaka Islam yakarambidza doro nezvinodhaka - uye ndakataura nezvekurambidzwa kwedoro mundima nhamba (34) uye mavhesi mazhinji eQur'an inoera anopera nemashoko aAllah (vari kumusoro-soro) ekuti: {Dzimwe dzenguva munganzwisise...} [Al-Baqarah:242]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye hupenyu huno hwepasi pano hungori kutamba nekuvaraidzwa chete, uye zvirokwazvo musha wehupenyu hwemangwana wakanakira kune avo vanotya Allah. Saka hamushandisi njere here?....} [Al-An’aam:32]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Isu takaridzikisa riri Quran rechiArabhu kuti dzimwe dzenguva munganzwisise...} [Yusuf:2]. Uye Allah vekumusoro-soro vakajekesa kuti nhungamiro nehuchenjeri hapana anobatsirikana nazvo kunze kwevanhu vane pfungwa, uye ndivo vane njere dzakadzama. Allah vekumusoro-soro vakati: {Vanopa huchenjeri kune uyo wavanonoda, uye uyo anopihwa huchenjeri zvirokwazvo akapihwa zvakanaka zvakawanda. Uye hapana anorangarira kunze kweavo vane njere dzakadzama....} [Al-Baqarah:269].
Nekuda kweizvi, Islam yakaita njere hwaro hwekuti munhu akwanise kupihwa mabasa nemitemo yechitendero. Mutumwa waAllah, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare, vakati: «Chinyoreso chakasimudzwa kubva kune vatatu (mabasa avo haanyorwe nengirozi): kumunhu akarara kudzamara amuka, nekumwana mudiki kudzamara ayaruka, nekumunhu anopenga kudzamara ave nenjere» Yakashumwa naAl-Bukhari iri Mu'allaq (kureva kuti haana kutaura nhevedzano yakazara yevatauri vayo) achishandisa mashoko anoratidza kuti ndeyechokwadi (ṣīghat al-jazm) pamberi pehadith (5269) nezvakafanana nayo, uye yakarondedzerwa iri Mawsul (nhevedzano yakazara yevatauri isina kusiyiwa) naAbu Dawuud (4402) uye aya ndiwo mashoko ake, nat-Tirmidhi (1423), uye An-Nasaa’i mu (Sunan Al-Kubra) (7346), naAhmad (956) nekusiyana kudiki, uye Ibn Maajah (2042) muchidimbu. Uye (Islam) yakamusunungura kubva mungetani dzezvitendero zvenhema uye kunamata zvidhori. Allah vekumusoro-soro vanoti, vachitsanangura mamiriro evanhu vemarudzi akasiyana avo vakaramba vakabatirira pazvitendero zvavo zvenhema uye vakaramba chokwadi chakauya kwavari kubva kuna Allah vakati: {Uye zvakadarowo, hatina kutuma pamberi pako muyambiri mune ripi zvaro guta, kunze kwekuti vapfumi varo vakati: "Zvirokwazvo takawana madzibaba edu ari pane imwe nzira (chitendero), uye zvirokwazvo isu tiri kuvatevera mutsoka dzavo."...} [Az-Zukhruf:23]. Uye Allah varikumusoro-soro vakataura vachizivisa maererano naAbrahamu shamwari yavo (rugare ngaruve kwaari), kuti akataura kuvanhu vake achiti: {"Zviumbwa izvi, zviyi izvo munoperera pakuzvinamata ...52} {Vakati: Takawana madzibaba edu achizvinamata ...53} [Al-Anbiyaa:52 53]. Saka Islam yakauya ikarayira vanhu kusiya kunamata zvidhori, nekuramba zvitendero zvavakasiyirwa nanababa nanasekuru vavo, uye nekutevera nzira yevatumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari).
MuIslam hamuna zvakavanzika kana mitemo yakanangana nerimwe boka revanhu zvichisiya rimwe. Ali bin Abi Talib, Allah ngavafare naye, iye ari mwana wababamunini vaMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngaave pavari, uye murume wemwanasikana wavo, akabvunzwa kuti: "Pane chinhu here chamakapihwa imi mega naMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngaave pavari?" Akati: "Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngaave pavari, havana kutipa chinhu isu tega chinhu chisina kupihwa kuvanhu vese zvavo, kunze kweizvi zviri muhomwe yebakatwa rangu iri." (Munhu akataura nhaurwa) akati: "Ndokubva aburitsa gwaro rakanga rakanyorwa mukati maro kuti: "Allah vakatuka munhu anobaira (chibayiro) kune asiri Allah; Allah vakatuka munhu anoba zviratidzo zvinotaridza miganhu yenyika; Allah vakatuka munhu anotuka vabereki vake; uye Allah vakatuka munhu anopa pekuhwanda kana dziviriro kumunhu anounza zvinhu zvitsva munyika (bid'ah)." Sahih Muslim 1978 . Mitemo yose yeIslam nezviga zvayo zvinoenderana nenjere dzakanaka, uye zvinowirirana nezvinodiwa nekururamisira nehungwaru.
38- Uye zvitendero zvenhema kana vateveri vazvo vasinganzwisisi kupokana kurimo nezvinhu zvinorambwa nepfungwa, vatungamiri vezvitendero vanonyengera vateveri kuti chitendero chiri pamusoro pepfungwa uye kuti pfungwa hadzina nzvimbo mukunzwisisa chitendero. Asi Islam iona chitendero sechiedza chinovhenekera nzira yepfungwa; saka vatungamiri vezvitendero zvenhema vanoda kuti munhu asiye pfungwa dzake avatevere uye iIslam chinoda kuti munhu amutse pfungwa dzake; kuti azive chokwadi chezvinhu sezvazviri.
Uye zvitendero zvenhema, kana vateveri vazvo vakatadza kunzwisisa kupesana nezvinhu zvinorambwa nepfungwa zvirimo, vatungamiri vezvitendero vanonyengedza vateveri kuti chitendero chiri pamusoro penjere, uye kuti njere hadzina nzvimbo mukunzwisisa chitendero nekuchiziva zvizere. Asi Islam yakaona chitendero sechiedza chinovhenekera nzira yenjere; saka vatsigiri vezvitendero zvenhema vanoda kuti munhu asiye njere dzake agovatevera, apo Islam inoda kuti munhu amutse njere dzake; kuitira kuti afungisise nekuongorora, uye kuti azive chokwadi chezvinhu semamiriro azviri. Allah vari kumusoro-soro vakati: { Uye saizvozvo takazarura kwauri Ruh (shoko uye tsitsi) kubva pamurairo wedu. Wakanga usingazivi kuti Gwaro chii kana kutenda, asi takariita chiedza chatinotungamirira nacho watinoda kubva muvaranda vedu. Uye zvirokwazvo, iwe (Muhammad) unotungamirira kunzira yakatwasuka.... } [Ash-Shuuraa:52]. Naizvozvo zvakazarurwa zvinobva kuna Allah zvinosanganisira humbowo nehuchapupu zvinotungamira pfungwa dzakarurama kuzvokwadi zvadzinoshuvira kuziva nekutenda mazviri. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Imi vanhu! zvirokwazvo kwasvika kwamuri humbowo hunobva kuna Tenzi venyu, uye takadzikisa kwamuri chiedza chakajeka...} [An-Nisaa:174]. Saka Allah vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, vanoda kuti munhu ararame muchiedza chenhungamiro, ruzivo nechokwadi, asi vana Shaitwani (Satani) nevanamwari venhema vanoda kuti munhu arambe ari murima rekusatenda, kusaziva nekurasika. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati: {Allah ndivo Mudziviriri weavo vakatenda, vanovaburitsa kubva murima kuenda kuchiedza. Uye avo vasingatendi, vadziviriri vavo ndiTaghut (zvimwari zvenhema), vanovaburitsa kubva kuchiedza kuenda murima....} [Al-Baqarah:257].
39- Islam inokudza ruzivo rwechokwadi, ichikurudzira tsvakurudzo yezivo isingatungamirwe nezvido zvemunhu kana pfungwa dzinotsaudzira. Uyezve inodaidzira kunyaya yekucherechedza nekufungisisa maererano nesu pachedu pamwe nezviri panyika zvakatipoteredza. Uye mhedzisiro dzezivo dzechokwadi hadzipokane neIslam.
Islam inokudza ruzivo rwechokwadi. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Allah vanokwidziridza avo vakatenda pakati penyu, neavo vakapihwa ruzivo kuzvidanho. Uye Allah vanoziva zvamunoita...} [Al-Mujadila:11]. Uye Allah vakabatanidza huchapupu hwenyanzvi nehuchapupu hwavo nehuchapupu hwengirozi dzavo pachinhu chikuru chinopupurirwa. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Allah vanopa huchapupu kuti; hakuna ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo, uye ngirozi, uye neavo vane ruzivo (vanopawo huchapupu). Vanochengetedza zvisikwa zvavo mune zvakanaka. Hakuna anekodzero yekunamatwa kunze kwavo, Samasimba, Muchenjeri mukuru....} [Aal ‘Imraan: 18]. Uye izvi zvinoratidza chinzvimbo chevanhu veruzivo muIslam uye Allah havana kuraira Muporofita wavo Muhammad, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari, kuti akumbire kuwedzerwa kwechero chinhu kunze kweruzivo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Ita: "Tenzi vangu (Allah)! Ndiwedzereiwo ruzivo..."} [Taha:114]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti: “Uyo anofamba munzira achitsvaga ruzivo, Allah vanomurerutsira nzira inoenda kuParadhiso, uye zvirokwazvo ngirozi dzinodzikisa mapapiro adzo nekufarira uyo anotsvaga ruzivo. Uye zvirokwazvo, uyo anotsvaga ruzivo anokumbirirwa ruregerero nevari kudenga nepanyika, kusanganisira hove dziri mumvura. Uye zvirokwazvo hukuru hwemudzidzi pamusoro pemunamati hwakafanana nehukuru hwemwedzi pamusoro pedzimwe nyeredzi dzese. Zvirokwazvo vadzidzi ndivo vagari venhaka yevaporofita. Zvirokwazvo vaporofita havana kusiya nhaka yedhinari kana dhirihamu, asi kuti vakasiya ruzivo senhaka. Saka uyo anorutora, anenge atora mugove wakakura kwazvo.” Yakarondedzerwa naAbu Dawud (3641), naat-Tirmidhi (2682), naIbn Maajah (223) uye aya ndiwo mashoko ake, naAhmad (21715).
Uye Islam inokurudzira tsvakurudzo yezivo isingatungamirwe nezvido zvevanhu kana pfungwa dzinotsaudzira, uye inodaidzira kunyaya yekucherechedza nekufungisisa maererano nesu pachedu pamwe nezviri panyika zvakatipoteredza. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Tichavaratidza zviratidzo zvedu kumativi ose uye mavari pachavo, kusvikira zvava pachena kwavari kuti ndicho chokwadi. Hazvina kukwana here kuti Tenzi vako Mupupuri pamusoro pechinhu chose?.....} [Fussilat:53]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Ko havana kutarisa muhumambo hwematenga nenyika, uye mune chinhu chose chakasikwa naAllah, uye kuti pamwe nguva yavo inogona kunge yaswedera pedyo here? Saka ishoko ripi ravachatenda mushure maro?} [Al-A'raaf:185]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Ko havana kufamba panyika here kuti vaone kuti magumo eavo vaivapo mumashure mavo akava akaita sei? Vaive nesimba rakakura kuvapfuura, uye vakarima panyika nekuivaka zvakanyanya kupfuura zvavakaita, uye vatumwa vavo vakauya kwavari nehumbowo huri pachena. Saka Allah havana kuvadzvanyirira, asi ivo ndivo vega vakazvidzvanyirira ...} [Ar-Rum:9].
Zvakawanikwa nesainzi zvechokwadi hazvipesani neIslam. Tichapa muenzaniso mumwe chete wakatsanangurwa neQur'an nemashoko akanyatsojeka makore anopfuura chiuru nemazana mana apfuura, asi sainzi yemazuva ano yakazozviziva gare gare. Nokudaro, zvakawanikwa nesainzi zvakawirirana nezviri muQur'an Tsvene. Muenzaniso wacho kusikwa nekukura kwemwana ari mudumbu ramai vake. Allah vekumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo, takava tinosika munhu (Adam) kubva muvhu remutapo (mvura nevhu)...12} {Zvadaro takamuita donhwe munzvimbo yekugara yakachengetedzeka zvakasimba ...13} {Zvadaro takasika donhwe reurume kuva bumbu reropa, ndokubva tasika bumbu reropa kuva chimedu chenyama, ndokubva tasika chimedu chenyama kuva mapfupa, ndokubva tapfekedza mapfupa nyama, zvadaro ndokubva tamusika kuva chimwe chisikwa. Naizvozvo makomborero neaAllah musiki akanakisisa.14} [Al-Muʿminuun:12-14].
40- Uye Allah havagamuchiri mabasa kana kupa mubairo pamusoro pawo kuhupenyu hwemangwana kunze kwekune uyo anotenda muna Allah nekuvateerera, uye nekutenda muvatumwa vavo (rugare nemakomborero ngazvive kwavari). Uye Allah havagamuchiri minamato kunze kweiyo yavakaraira. Saka seiko munhu asingatendi muna Allah otarisira kuti vachamupa mubairo? Uye Allah havagamuchiri kutenda (Imān) kwechero munhu upi zvake, kunze kwekunge atenda muvaporofita vese (rugare ngaruve kwavari) uye nekutenda mukutumwa kwaMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari).
Uye Allah vari kumusoro-soro havagamuchiri basa, uye havapi mubairo pariri kuhupenyu hwemangwana, kunze kwekubva kune uyo akatenda muna Allah, akavateerera, uye akatenda muvatumwa vavo (rugare nemakomborero aAllah ngaave kwavari). Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uyo anoda hupenyu hunokurumidza (hwepano pasi), tinomukasiridzira mahuri izvo zvatinoda kune uyo watinoda. Uye takamugadzirira Gehena raachaenda, achadzikisirwa pamwe nekurambwa (ari kure netsitsi dzaAllah). 18} {Uye ani naani anoda hupenyu hunotevera, uye achihushandira nekushanda kwahwo kwakakodzera, uye ari mutendi, ivavo ndivo vachava nekushanda kunotendwa 19} [Al-Isra:18-19]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Asi uyo anoita mabasa akanaka uye ari mutendi (muhumwechete hwaAllah), mabasa ake haamborambwi. Zvirokwazvo, takamanyora pasi ( Mubhuku rake nemabasa...} [Al-Anbiyaa:94]. Uye Allah vari kumusoro-soro havagamuchire minamato kunze kweiyo yavakaraira. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Saka ani naani anotarisira kusangana naTenzi vake, ngaaite mabasa akanaka, uye ngaasabatanidze ani zvake mukunamata Tenzi vake...} [Al-Kahf:110]. Saka vakaburitsa pachena kuti basa harive rakarurama kunze kwekunge riri kubva pane izvo zvakarairwa naAllah, uye munhu anoriita akazvipira kuna Allah mubasa rake, uye ari mutendi muna Allah, achitenda mumaporofita vavo nevatumwa vavo, rugare ngaruve pavari. Asi ani naani ane basa rakasiyana neizvi, Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye tichatendeukira kune chero basa ravakaita, toriita guruva rakapararira...} [Al-Furqaan:23]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zviso pazuva iro zvinenge zvakazvininipisa... 2} {Vachishanda zvakaoma, vakaneta... 3} {Vachapinda muMoto unopisa zvikuru... {4} } "[Al-Ghaashiyah:2-4]." Naizvozvo zviso izvi zvakaderedzwa uye zvakaneta kubva kumabasa, asi sezvo vaiita mabasa pasina gwara rinobva kuna Allah; Allah vakaita kuti magumo avo ave mumoto; nekuti havana kuita mabasa zvichienderana nezvakarairwa naAllah, asi vakaita manamatiro enhema uye vakatevedzera vatungamiri vekurasika avo vakavagadzirira zvitendero zvenhema. Naizvozvo, basa rakanaka rinotambirwa naAllah ndiro rinoenderana nezvakauyiwa nazvo neMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari). Saka munhu angaramba sei kutenda muna Allah, obva atarisira kuti vamupe mubairo??
Uye Allah havatambiri kutenda kwechero munhu kunze kwekunge atenda mumaporofita vose (rugare ngaruve kwavari) uye atenda mushoko raMuhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) - ndambotaura humwe humbowo pane izvi mundima nhamba (20). Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi(vakatenda). Mumwe nemumwe wavo akatenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo. Uye vakati: ‘Tanzwa uye tateerera. Tinokumbira ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kune magumo.’} [Al-Baqarah:285]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Imi avo vakatenda! tendai muna Allah nemutumwa wavo, nemubhuku iro ravakadzikisa kumutumwa wavo, uye nebhuku iro ravakadzikisa kubva kare. Uye ani naani anoramba kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira, zvirokwazvo anenge arasika kurasika zvakanyanya...} [An-Nisaa:136]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye (rangarirai) panguva iyo Allah vakatora chitsidzo chemaporofita (vachiti): “Zvirokwazvo, izvo zvandakupai kubva muGwaro nehungwaru, kozoti kwozouya kwamuri Mutumwa anosimbisa izvo zvamuinazvo, chokwadi munofanira kutenda maari uye nekumutsigira.” Vakati (Allah): “Mabvuma here, uye nekugamuchira chitsidzo changu pane izvi?” Vakati: “Tabvuma.” Vakati: “Saka ivai zvapupu, uye Ini ndiri pamwe chete nemi muzvapupu.”} [Aal-Imraan:81].
41- Zvirokwazvo, chinangwa chemashoko ese aAllah ndechekuti: chitendero chechokwadi chisimudzire munhu kuti agove muranda akazvipira kuna Allah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye kuti chimusunungure kubva mukuitwa muranda nemunhu, zvinhu zvenyika, kana kutenda muzvinhu zvisina hwaro. Saka Islam - sezvauri kuona - haiyeresi vanhu nekuvasimudzira kupfuura chinzvimbo chavo, uye hachivaiti madzitenzi kana vanamwari.
Zvirokwazvo, chinangwa chemashoko ese aAllah ndechekuti: chitendero chechokwadi chisimudzire munhu kuti agove muranda akazvipira kuna Allah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye Islam inosunungura munhu kubva mukuitwa muranda nezvinhu zvenyika, kana kutenda muzvinhu zvisina hwaro. Mutumwa waAllah, tsitsi nerunyararo zvaAllah ngazvive kwaari, vakati: «Nhamo kune muranda wedhinari nedhiramu (mari), neqatifah nekhamisah (nguvo dzakanaka), kana akapihwa anogutsikana, uye kana asina kupihwa haagutsikani» Sahih al-Bukhari 6435. Saka munhu akarurama haazviise pasi pechimwe chinhu kunze kwaAllah. Naizvozvo, haaitwe muranda nehupfumi, kana chiremera, kana chinzvimbo, kana dzinza. Uye munyaya iyi mune zvinoburitsa pachena kumuverengi mamiriro akanga akaita vanhu mharidzo isati yasvika, uye kuti vakazova nechimiro chipi mushure mayo?
Apo maMuslim ekutanga vakatamira kuAbyssinia uye mambo weAbyssinia panguva iyoyo – Najashi – akavabvunza, akati kwavari: "Ndechipi chitendero ichi chamakapatsanurana nevanhu venyu machiri, uye hamuna kupinda muchitendero changu kana muchitendero chemumwe kubva mundudzi idzi?" Ja'far bin Abi Talib akati kwaari: "Imi Mambo, taiva vanhu vari mukusaziva, tichinamata zvidhori, tichidya mhuka dzakafa dzega, tichiita zvinhu zvinonyadzisa, tichidimbura hukama, uye tichiitira zvakaipa vavakidzani vedu, ane simba pakati pedu aidzvanyirira asina simba. Saka takaramba tiri pane izvozvo kusvikira Allah vatumira kwatiri Mutumwa anobva pakati pedu, uyo watinoziva dzinza rake, kutaura chokwadi kwake, kuvimbika kwake, uye kuchena kwake. Saka akatikoka kuna Allah kuti tivanamate vari vamwe chete uye tivanamate ivo voga, uye tisiye izvo zvainamatwa nesu nemadzitateguru edu kunze kwavo, sematombo nezvidhori. Uye akatiraira kutaura chokwadi, kuchengetedza zvakavimbiswa, kusimbisa hukama, kuva vakanaka kuvavakidzani, uye kurega zvinhu zvinorambidzwa nekudeura ropa. Uye akatirambidza zvinhu zvinonyadzisa, kutaura nhema, kudya pfuma yenherera, uye kupomera madzimai akachena (mhosva dzeupombwe). Akatiraira kuti tinamate Allah chete tisingavasanganisi nechimwe chinhu, uye akatiraira kuita munamato, kubvisa Zakah, nekutsanya." (Mutauri wenhaurwa) akati: Ndokubva amurondedzerera nyaya (dzidziso) dzeIslam, "Naizvozvo takabvuma kuti ari kutaura chokwadi, uye takatenda maari, ndokumutevera pane izvo zvaakauya nazvo. Saka takanamata Allah voga uye hatina kuvasanganisa nechimwe chinhu, uye takaramba izvo zvavakarambidza kwatiri ndokutendera izvo zvavakatitendera..." Yakarondedzerwa naAhmad (1740) nemusiyano mudiki, naAbu Nu'aym muHilyat Al-Awliya' (1/115) muchidimbu. Naizvozvo, Islam, sezvauri kuona, haiyeresi vanhu nekuvasimudzira pamusoro pechinzvimbo chavo, uyezve haivaiti madzishe navanamwari. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Iti: “Imi vanhu vakapihwa magwaro! Uyai kushoko rakaenzana pakati pedu nemi, rekuti tisanamate ani zvake kunze kwaAllah, uye kuti tisavasanganise nechimwe chinhu, uye kuti vamwe vedu vasatore vamwe sevanatenzi kunze kwaAllah (Mwari).” Zvino kana vakafuratira, itiyi: “Pupurai kuti zvirokwazvo isu tiri maMuslim.”...} [Aal Imraan:64]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye haangakurayireyi kuti mutore ngirozi nemaporofita sevanatenzi. Angakurayireyi kusatenda here mushure mekunge mave maMuslim...?} [Aal-Imraan:80]. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Musandirumbidza zvakapfuura mwero sekurumbidza kwakaita maKristu mwanakomana waMariya, chokwadi ini ndingori muranda wavo, saka taurai kuti: Muranda waAllah neMutumwa wavo» Sahih al-Bukhari 3445.
42- Allah vakaisa kutendeuka (Tawbah) muIslam, kunova kudzokera kwemunhu kuna Tenzi vake nekusiya chitadzo. Islam inodzima zvitadzo zvakaitwa nemunhu asati aigashira. Kutendeuka kunodzima zvitadzo zvakaitwa mumashure. Naizvozvo, hapana chikonzero chekureurura zvitadzo pamberi pemumwe munhu.
Allah vakaisa kutendeuka (Tawbah) muIslam, kunova kudzokera kwemunhu kuna Tenzi vake nekusiya chitadzo. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye tendeukirai kuna Allah mose, imi vatendi, kuti mubudirire.} [An-Nur:31]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Ko, havazivi here kuti Allah ndivo vanogamuchira kutendeuka kubva kuvaranda vavo, uye vanotambira zvipo zverudo, uye kuti Allah ndivo vanoregerera, vane tsitsi dzose?} [At-Tawbah:104]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye ndivo vanogamuchira kutendeuka kubva kuvaranda vavo, uye vanoregerera zvitadzo, uye vanoziva zvamunoita...} [Ash-Shuuraa:25] Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati: «Zvirokwazvo, Allah vanofara zvikuru nekutendeuka kwemuranda wavo mutendi kudarika murume ari mugwenga rine ngozi, aine mhuka yake yekufambisa yakatakura chikafu chake nezvekunwa zvake, ndokurara, zvino paakamuka akawana yaenda. Ndokuitsvaga kusvikira abatwa nenyota, ndokuzoti: ‘Ndichadzokera panzvimbo yangu yandaiva ndorara kusvikira ndafa.’ Ndokuisa musoro wake paruoko rwake kuti afe, zvino paakamuka akawana mhuka yake yekufambisa iri paari, yakatakura mbuva yake nechikafu chake nezvekunwa zvake. Naizvozvo, Allah vanofara zvikuru nekutendeuka kwemuranda mutendi kudarika (mufaro we)murume uyu nemhuka yake yekufambisa pamwe nembuva yake.» Sahih Muslim 2744.
Islam inodzima zvitadzo zvakaitwa nemunhu asati aigashira, uye kutendeuka kunodzima zvitadzo zvakaitwa mumashure. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Iti (iwe Muhammad) kune avo vasingatendi: Kana vakarega (kusatenda kwavo), vacharegererwa pane izvo zvakapfuura. Uye kana vakadzokerazve (mukusatenda), zvino muenzaniso weavo (vakarangwa) mushure mavo wakatodarika (seyambiro)....} [Al-Anfaal:38]. Uye Allah vakadaidza maKristu kuti vatendeuke, ndokubva (kukudzwa ngakuve kwavari) vati: {Saka havatendeuki here kuna Allah uye vokumbira ruregerero kwavari? Uye Allah vanoregerera, vane tsitsi...} [Al-Maaidah:74]. Uye Allah vakakurudzira vose vasingateereri nevatadzi kuti vatendeuke, nokudaro Allah vari kumusoro-soro vakati: {۞ Iti: “Imi varanda vangu avo vakapfuuridza mwero pakuzvitadzira, musarasikirwe netariro mutsitsi dzaAllah. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvitadzo zvese. Zvirokwazvo, ivo ndivo Muregereri, vane tsitsi....”} [Az-Zumar:53]. Uye apo 'Amr bin Al-Aas akatsunga kupinda muIslam, akatya kuti zvivi zvake zvaakaita asati apinda muIslam hazvingaregererwi. 'Amr akati achirondedzera chiitiko ichi: "(Apo Allah Samasimba uye Mukurukuru pavakaisa Islam mumoyo mangu, akati: Ndakaenda kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngaave paari) kuti aite mhiko yekuvimbika neni, akabva atambanudza ruoko rwake kwandiri, ndikati: 'Handikupi mhiko yekuvimbika, iwe Mutumwa waAllah, kusvikira wandiregerera zvitadzo zvangu zvakapfuura.' Akati: Zvino Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) akabva ati kwandiri: 'Iwe 'Amr! Hauzivi here kuti Hijrah (kutama nekuda kwaAllah) inodzima zvitadzo zvakapfuura? Iwe 'Amr! Hauzivi here kuti Islam inodzima zvitadzo zvakapfuura?')" Yakarondedzerwa naMuslim (121) nenzira yakareba zvakafanana nazvo, naAhmad (17827) uye aya ndiwo mashoko ake.
43- MuIslam, hukama huri pakati pemunhu naAllah hauna anopindira. Saka haudi munhu anozoita murevereri pakati pako naAllah . Nokudaro, Islam inorambidza kuti titore vanhu savanamwari kana vabatsiri vaAllah muhuTenzi hwavo kana mukunamatwa kwavo.
MuIslam, hapana chikonzero chekureurura zvitadzo pamberi pemumwe munhu, nekuti muIslam, hukama huri pakati pemunhu naAllah hauna anopindira. Saka haudi munhu anozoita murevereri pakati pako naAllah. Sekutaura kwandamboita mundima nhamba (36) kuti Allah varìkumusoro-soro vakakoka vanhu vese kukutendeuka nekudzokera kwavari, saizvozvo vakarambidza vanhu kuti vatore maporofita kana ngirozi sevarevereri pakati pavo nevaranda vavo. Naizvozvo, Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye haangakurayirei kuti mutore ngirozi nemaporofita savanatenzi. Angakurayirai here kusatenda mushure mekunge mava maMuslim?...} [Aal-Imraan:80]. Saka Islam - sezvauri kuona - inorambidza kuti tiite vanhu vanamwari venhema kana kuvabatanidza naAllah muhutenzi hwavo kana mukunamatwa kwavo. Uye Allah vari kumusoro-soro vakataura nezvemaKirisitu kuti: {Vakatora vadzidzisi vavo nemamongi avo sevanatenzi vachisiya Allah, uye naMesiya mwanakomana waMaria. Uye havana kurairwa kunze kwekunamata Mwari mumwechete, hapana chakakonzera kunamatwa kunze kwavo. Vakachena kubva kune izvo zvavanovasanganisa nazvo...} [At-Tawbah:31]. Uye Allah vakashora vasingatendi pakutora kwavo vanhu vavakaisa pakati pavo naAllah. Naizvozvo, Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, chitendero chakachena ndechaAllah. Uye avo vanotora vabatsiri kunze kwavo (vachiti): “Hativanamati kunze kwekuti vatiswededze pedyo zvikuru kuna Allah (Mwari).” Zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo pane izvo zvavanopesana mazviri. Zvirokwazvo, Allah (Mwari) havatungamiriri uyo anonyepa,uye asingatendi.} [Az-Zumar:3]. Uye Allah vakajekesa kuti avo vainamata zvifananidzo - vanhu venguva yekusaziva - vaitora vamiririri pakati pavo naAllah uye vaiti: zvinovaswededza pedyo naAllah .
Uye kana Allah vakarambidza vanhu kutora Maporofita kana ngirozi sevamiriri vavo nevaranda vavo; saka kune vamwe vasiri ivo zvinotonyanya kurambidzwa, zvikuru sei apo Maporofita nevatumwa, runyararo ngaruve kwavari, vanomhanyidzana mukuswedera pedyo naAllah. Allah vari kumusoro-soro vakati vachizivisa nezvemamiriro emaporofita nevatumwa, runyararo ngaruve kwavari: {Zvirokwazvo, vaikurumidza mumabasa akanaka uye vaitidana netariro, nekutya; uye vaive vanozvininipisa kwatiri...} [Al-Ambiyaa:90]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati: {Avo vavanodana vanotsvaga nzira yekuswedera kuna Tenzi vavo, kuti ndiani wavo ari pedyo zvikuru, uye vanotarisira tsitsi dzavo uye vanotya murango wavo. Zvirokwazvo, murango waTenzi vako unofanira kutyiwa...} [Al-Isra: 57]. Kureva kuti avo vamunodana kunze kwaAllah - semaporofita nevanhu vakarurama - ivo pachavo vanotsvaga kuswedera pedyo naAllah, vachishuvira tsitsi dzavo, uye vachitya chirango chavo; saka vangadanwa sei kunze kwaAllah.
44- Pakupedzisira kwegwaro iri, tinorangarira kuti vanhu mukusiyana kwenguva dzavo, marudzi avo, nenyika dzavo, kutoti nharaunda yese yevanhu vakasiyana mupfungwa dzayo nezvinangwa zvayo, uye vakasiyana munzvimbo dzavo nemabasa avo. Naizvozvo, vanoda kwazvo mutungamiri anovatungamirira, hurongwa hunovabatanidza, nemutongi anovachengetedza. Uye vatumwa vanoremekedzwa - makomborero nerugare ngazvive kwavari - ndivo vaiita izvi kuburikidza neshoko (Wahyi) kubva kuna Allah - kukudzwa ngakuve kwavari - vachitungamirira vanhu kugwara rezvakanaka nerechokwadi, vachivabatanidza pamutemo waAllah, uye vachitonga pakati pavo nechokwadi. Saka zvinhu zvavo zvaitwasuka zvichienderana nekugamuchira kwavo vatumwa ava, uye nekuva pedyo kwenguva yavo kumharidzo dzehuMwari. Uye Allah vakapedzisa mharidzo dzose nemharidzo yaMutumwa Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), uye vakavimbisa kuti icharamba iripo nekusingaperi, vachiiita nhungamiro kuvanhu, tsitsi, chiedza, nenongedzo kugwara rinosvitsa kwavari, kukudzwa ngakuve kwavari.
Pakupera kwegwaro iri, tinorangarira kuti vanhu pakuve kwavo vakasiyana munguva dzavo, marudzi avo, nenyika dzavo, asi kuti nharaunda yese yevanhu vanosiyana mupfungwa dzavo nezvinangwa zvavo, uyewo vakasiyana munzvimbo dzavo nezviito zvavo. Saka vanoda zvikuru mutungamiriri anovatungamirira, hurongwa hunovabatanidza, nemutongi anovadzivirira. Uye vatumwa vanokudzwa - maropafadzo nerugare ngazvive pavari - vaiita basa iri kuburikidza nezvakazarurwa kubva kuna Allah, vane rumbidzo, vachitungamirira vanhu kugwara rezvakanaka nekururama, nekuvabatanidza pamutemo waAllah, pamwe nekutonga pakati pavo nechokwadi. Saka zvinhu zvavo zvaitwasuka zvichienderana nekudavira kwavo kuvatumwa ivavo, uye nekuva pedyo kwenguva yavo kuhutumwa hwehuMwari. Uye pakanyanya kurasika vanhu, kusaziva kukatekeshera, uye zvifananidzo zvikanamatwa; Allah vakatumira Muporofita wavo Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) nenhungamiro pamwe nechitendero chechokwadi kuti vaburitse vanhu kubva murima rekusatenda, kusaziva, nekunamata zvifananidzo vachienda kukutenda nenhungamiro.
45- Naizvozvo ndinokukoka iwe munhu kuti umire pamberi paAllah kumira kwechokwadi, wakasununguka kubva mukutevedzera maonero evamwe pasina kuongorora, netsika. Uye kuti uzive kuti mushure mekufa kwako uchadzokera kuna Tenzi wako, uye kuti uzvitarise iwe pachako nemunzvimbo dzakakupoteredza. Saka pinda muIslam uwane mufaro paupenyu hwako hwepanyika nehunotevera. Uye kana uchida kupinda muIslam, hapana chaunofanirwa kuita kunze kwekuti upupure kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah. Uye nekuramba nekuva kure nezvose zvinonamatwa kunze kwaAllah, uye nekutenda kuti Allah vachamutsa avo vari mumakuva, uye kuti kuvhunzwa pamusoro pemabasa, nemubairo nekurangwa ichokwadi. Saka kana wapa huchapupu uhu unobva wava muMuslim. Zvadaro unofanirwa kunamata Allah nezvavakatara seSwalaah, nekupa Zakaah, nekutsanya, nekuita Hajj kana uine zvikwanisiro.
Saka ndinokudana iwe munhu kuti umire pamberi paAllah kumira kwechokwadi, wakazvichenesa kubva mukutevedzera vanhu netsika, sekudanwa kwawakaitwa naAllah vari pamusoro-soro mukutaura kwavo vachiti: {Iti: Ndinokukurudzirai chinhu chimwechete: chekuti mumire nekuda kwaAllah muri vaviri-vaviri nemumwe-mumwe, mugofungisisa. Shamwari yenyu (Muhammad) haapenge. Anongova muyambiri chete kwamuri pamberi pemurango wakaomarara...} [Saba:46]. Uye unoziva kuti mushure mekufa kwako uchadzokera kuna Tenzi vako. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye kuti munhu hapana chaanowana kunze kweizvo zvaakashandira... 39} {Uye kuti mabasa ake achazoonekwa ...40} {Zvadaro achazopihwa mubairo wake wakakwana ...41} {Uye kuti kuna Tenzi vako ndiko kumagumo ...42 } [An-Najm:39-42]. Uye kuti utarise mauri iwe pachako nekumativi ese akakukomberedza.Allah vari kumusoro-soro vakati: {Ko havana kutarisa here muhumambo hwematenga nenyika nezvinhu zvose zvakasikwa naAllah, uye kuti zvimwe nguva yavo yaswedera padyo? Saka ishoko ripi mushure maizvi ravachatenda?} [Al-A'raaf:185].
Saka pinda muIslam kuti uwane mufaro muhupenyu hwako hwepanyika nehunotevera. Uye kana uchida kupinda muIslam hapana chimwe chaunofanirwa kuita kunze kwekupupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah. Uye apo Mutumwa (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) pavakatuma Mu'adh kuYemen achidaidza kuIslam, vakataura kwaari vachiti: «Zvirokwazvo, uri kuenda kune vanhu vakapihwa magwaro, saka vakokere mukupupura kwekuti hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah, uye kuti ini ndiri Mutumwa waAllah. Zvino kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti zvirokwazvo Allah vakatara kwavari munamato (Swalaah) kashanu pazuva rega rega nehusiku. Zvino kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti zvirokwazvo Allah vakatara kwavari Swadaqah (Zakaah) inotorwa kubva kuvapfumi vavo yopihwa kuvarombo vavo. Zvino kana vakakuteerera pane izvozvo, chenjerera kutora hupfumi hwavo hwepamusoro-soro.» Sahih Muslim 19. Uye kuti uzvibvise pachose chinonamatwa kunze kwaAllah. Uye kuzvibvisa pachose chinonamatwa kunze kwaAllah ndicho chitendero chechokwadi – inzira yaAbraham, rugare ngaruve paari. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo mune muenzaniso wakanaka muna Abraham neavo vaive naye, apo vakati kuvanhu vavo: “Zvirokwazvo, isu hatipo pamuri nepane zvamunonamata kunze kwaAllah (Mwari). Takurambai, uye ruvengo nekuvengana zvabuda pachena pakati pedu nemi zvachose, kusvikira matenda muna Allah chete....”} [Al-Mumtahanah:4]. Uye unotenda kuti Allah vachamutsa avo vari mumakuva. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Nokuti Allah ndivo chokwadi, uye vanomutsa vakafa, uye zvirokwazvo, vanokwanisa kuita zvinhu zvese... 6} {Uye kuti Nguva iri kuuya, hapana kupokana pairi, uye kuti Allah vachamutsa avo vari mumakuva ...7 } [Al-Hajj:6-7]. Uye kuti kubvunzwa pamusoro pemabasa uye kupihwa mubairo kana murango ichokwadi. Allah vari kumusoro-soro vakati: {Uye Allah vakasika matenga nenyika muchokwadi, kuti munhu wese awane mubairo pane izvo zvaakaita, uye havasi kuzodzvinyirirwa ...} [Al-Jathiyah:22].
Saka kana ukapupura huchapupu uhwu, unobva wava muMuslim; zvadaro unofanirwa kunamata Allah maererano nezvavakatara, zvakaita seSwalah (munamato), Zakaah (chipo kuvarombo ), Swawm (kutsanya), neHajj (kushanyira Imba yaAllah) kana uine zvikwanisiro, nezvimwewo.
Kopi yemusi wa 19-11-1441
Rakanyorwa naMudzidzisi Doctor Muhammad ibn Abdullah as-Suhaim
Aimbova mudzidzisi wezvidzidzo zvekutenda (Aqidah) mubazi rezvidzidzo zveIslam (kare)
Koreji yezvedzidzo, Yunivhesiti yaMambo Saud (King Saud University).
Riyadh, Humambo hweSaudi Arabia
Related books
All books
Pfupiso yeKutenda kweIslam47 languagesPfupiso yeKutenda kweIslam
Bhuku iri rinotsanangura mbiru dzeKutenda, dzinosanganisira kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, nemuvatumwa vavo, nemuZuva Rekupedzisira, uye nezvakatarwa. Bhuku racho rinoburitsawo misimboti yehwaro iyo muMuslim anofanira kutenda mairi nekushanda maererano nayo, richisimbisa kukosha kwekusimbisa hukama naAllah kuburikidza nekunzwisisa zvakadzama dzidziso dzekutenda kwechiIslam.
Islam chitendero chevatumwa vaAllah.85 languagesIslam chitendero chevatumwa vaAllah.
Islam kuzvipira kuzere kuna Allah, Musiki wenyika yese neMurongi wayo, uye kuvateerera nerudo nekuvakudza. Hwaro hweIslam kutenda muna Allah, kuti ndivo Musiki, uye zvese zvisiri Ivo zvakasikwa, uye kuti Ndivo vega vanofanirwa kunamatwa, vasina mubatsiri. Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vane mazita akanakisisa nemaitiro epamusorosoro. Vane kukwana kuzere, pasina chakaperevedza. Havana kubereka uye havana kuberekwa, uye hakuna akaenzana navo kana anofananidzwa navo. Havagari mukati mechinhu uye havapindi mumuviri wechimwe chinhu chiri pazvisikwa zvavo. Islam…
Zvidzidzo Zvakakosha Kune Ruzhinji rweUmmah40 languagesZvidzidzo Zvakakosha Kune Ruzhinji rweUmmah
Bhuku rinonzi “Zvidzidzo Zvakakosha Kune Ruzhinji rweUmmah” raSheikh Abdul Aziz bin Baz (Mwari vavanzwire tsitsi) itsamba pfupi ine rubatsiro rukuru, yakanyorwa naImam (muzvinafundo wechitendero) kuti ive mbuva yeruzivo kune ruzhinji rwemaMuslim. Mariri vakatsanangura hwaro hwechitendero nemapango acho, kubvira paTawheed (humwechete hwaAllah), kutenda, neIslam, kusvika kumitemo yeTwahara (kuchena) neSwalaah (munamato), netsika dzakanaka dzechitendero cheIslam, uye kujekeswa kwengozi dzeShirk (kusanganisa Allah nezvimwe zvisikwa) nezvivi, vachishandisa nzira yakareruka uye yakajeka, uye…
Nzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza62 languagesNzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza
Bhuku ra Sheikh Abdurrahman bin Nasir al-Sa'di rinonzi, "Nzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza," rinotsanangura zvikonzero zvemufaro hwechokwadi zvichibva pamaonero akadzama ekutenda, richitungamirira muverengi mukugadzikana kwemoyo kuburikidza nekutendo nemabasa akarurama,kurangarira Allah, kugutsikana, kufungisisa pamusoro pemakomborero, kunatsa mabasa, kuvimba naAllah, kutsungirira, pamwe nekuronga zvinhu, nemanyorero anoyevedza. Rinoisa pamberi pako (muverengi) gwara rehupenyu hwakagadzikana, hwakadzikama, uye hwemufaro, zvisinei nekushanduka-shanduka kwehupenyu.