Pfupiso yenhoroondo yehupenyu hweMutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare)
Kugadzirwa Nhanganyaya Muzita raAllah (Mwari), uye kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), uye makomborero nerugare ngazvive kune wekupedzisira wemaporofita. Mushure meizvi: Iyi inhoroondo pfupi yemutungamiri wemaporofita nevatumwa, muporofita wekupedzisira, uye mutungamiri wevana vaAdhamu vese; saka ivavo (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) ndivo muenzaniso wakakwana, uye gwara rakanaka, avo nyika isati yamboona mukuru anofananidzwa navo, nokuti hunhu hwavo hwaive Qur'an, zvirokwazvo Amai vevatendi Aisha (Allah ngavafare navo) vakabvunzwa pamusoro pehunhu hweMutumwa waAllah (Allah…
These files are generated automatically from the book's text; their layout may differ from the printed edition.
Pfupiso yenhoroondo yehupenyu hweMutumwa Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare)
Kugadzirwa
Dare rezvedzidzo resangano rekushandira zvinyorwa zvechiIslam mumitauro yakasiyana-siyana.
Nhanganyaya
Muzita raAllah (Mwari), uye kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), uye makomborero nerugare ngazvive kune wekupedzisira wemaporofita. Mushure meizvi:
Iyi inhoroondo pfupi yemutungamiri wemaporofita nevatumwa, muporofita wekupedzisira, uye mutungamiri wevana vaAdhamu vese; saka ivavo (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) ndivo muenzaniso wakakwana, uye gwara rakanaka, avo nyika isati yamboona mukuru anofananidzwa navo, nokuti hunhu hwavo hwaive Qur'an, zvirokwazvo Amai vevatendi Aisha (Allah ngavafare navo) vakabvunzwa pamusoro pehunhu hweMutumwa waAllah (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakati: "«Hauverengi Qur'aan here?» Ndakati: Hongu ndinoverenga. Akati: «Zvirokwazvo hunhu hwaMuporofita waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) hwaiva Qur'aan»." [Yakarondedzerwa naMuslim]. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {"Uye zvirokwazvo, (iwe Muhammad (SAW) ndiwe une tsika dzepamusoro-soro...4"} [Al-Qalam: 4].
Zvirokwazvo tinoverenga nhoroondo yeupenyu hwake hwakaropafadzwa kuitira kuti titore kubva mairi zvidzidzo neyeuchidzo; nekuti iye ndiye mutungamiri wedu uyo watinotevedzera mukutenda, muzviito, nemumashoko; tichitevedzera shoko raAllah (Mwari) Varikumusoro-soro rekuti: Zvirokwazvo, pamutumwa waAllah (Muhammad (SAW)) mune muenzaniso wakanaka wekutevedzera kune uyo anotarisira kuzosangana naAllah (Mwari) neZuva rekupedzisira, uyezve achirangarira Allah (Mwari) kakawanda. [Surah Al-Ahzaab: 21].
Takanyora nhoroondo yeupenyu hwaMutumwa (Siirah) iyi nenzira iri nyore uye inonzwisisika, inokodzera kune vanhu vakuru, uye zvakare yakakodzera kudzidzisa vana vadiki. Takashandisa nzira yekurondedzera inobatanidza zviitiko zveSīrah pamwe nekutsanangura zvidzidzo nezvibatsiro zvinowanikwa kubva muzviitiko izvozvo. Takaiisa muchimiro chezvidzidzo zvakarongwa zvakanaka kuitira kuti zvive nyore kunzwisisa nekuchengetedza mupfungwa.
Takanangana zvakanyanya mairi panheyo dzenhoroondo yehupenyu hwaMutumwa(Sirah) nezviitiko zvayo zvinonyanya kukosha, tisina kuongorora zvizere udzame hwayo hwose, uye inotanga kubva pakuzvarwa kwake, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kusvika pakushaya kwake, maropafadzo nerunyararo ngazvive paari.
Tinokumbira Allah (Mwari) vakuru kuti rive rinobatsira, uye kuti vaite kuti rive rinogamuchirwa (nevanhu), uye kuti vatiregerere isu nemi.
Chidzidzo cheKutanga: Zvinangwa Zvemharidzo:
Mashoko ese aAllah (Mwari) anowirirana pazvinangwa zvikuru; uye zvinogona kupfupikiswa sezvinotevera:
Chekutanga: Kudaidza zvisikwa kuti zvive zvinonamata Allah (Mwari) vari vega uye kusiya kunamata zvese zvisiri ivo. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Hapana mutumwa atakatumira usati wavapo (Iwe Muhammad (SAW)) kunze kwekuti takamuudza kuti: Hapana ane kodzero yekunamatwa kusara kwangu (Allah)), saka ndinamatei (Ini ndoga)...} [Surah Al-Anbiyaa:25].
Chechipiri: kuburitsa vanhu kubva murima rekusatenda nekubatanidza Allah (Mwari) nevamwe vachienda kuchiedza chehumwechete hwaAllah (Mwari). Allah Varikumusoro-soro vakati: {Allah (Mwari) ndivo muchengeti weavo vanotenda. Vanovabuditsa murima vachivapinza muchiedza. Asi kune avo vasingatendi, vachengeti vavo ndivana mwari vemanyepo, vanovabuditsa kubva muchiedza vachivapinza murima (mhando dzakasiyana-siyana dzekusatenda). Avo ndivo vagari vekumoto, umo vachave vanogara nokusingaperi...} [Surah Al-Baqarah:257]، Uye Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Naro Allah (Mwari) vanotungamira avo vanotsvaga rufaro rwavo kunzira dzerunyararo, uye (Allah) vanovabvisa murima nemvumo yavo vovaisa muchiedza, uye vanovatungamirira kugwara rakatwasuka (Islaam)...} [Al-Maaidah:16].
Chechitatu: Kuti zvisikwa zvisatora zvimwe zvazvo sevanatenzi vavo kunze kwaAllah (Mwari). Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Iti (Muhammad (SAW)): “Imi makapihwa Gwaro (maJudha nemaKristu)! Huyai kushoko rine ruenzaniso pakati pedu nemi, kuti tisave tinonamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah (vamwe chete), uye hatifaniri kuvasanganisa (Allah) nezvimwe zvinhu (pakunamata), uye pakati pedu hapana achatora vamwe vanhu saanamwari kunze kwaAllah (Mwari)...” Kana vakafuratira, vaudzei kuti: “Ivai zvapupu kuti zvirokwazvo tiri maMuslim (vanhu vakazvipira kuna Tenzi vavo)...64”} [Surah Aal Imraan:64], Uye Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye haakwanisi kukukomekedzai kutora ngirozi nemaporofita sevanatenzi. Anokukomekedzai here kusatenda mushure mekunge mazvipira kuna Allah (semaMuslim)?...80} [Surah Aal-Imraan:80].
Chechina: Kusatenda muvanamwari venhema (Twaghuut). Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakataura kuti: {Wese asingatendi muTwaaghuut (mifananidzo) uye anotenda muna Allah (Mwari), anenge abatirira mubato unovimbika wakasimba usingadambuki zvachose. Uye Allah (Mwari) vanonzwa zvose, vanoziva zvakanyanya...} "[Surah Al-Baqarah:256]," Saka muMuslim anofanirwa kutenda kuti chose chinonamatwa kunze kwaAllah (Mwari) chinonamatwa zvemanyepo.
Chechishanu: Kuzvibvisa kubva kuShirk nevanhu vayo. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, pane muenzaniso wakanaka kwamuri pana Ibrahim (Abrahamu) neavo vakange vainaye, apo pavakati kune vanhu vavo: “Chokwadi, takasununguka kubva kwamuri uye neizvo zvamunonamata zvisiri Allah (Mwari). Isu takurambai, uye pakati pedu nemi pave neruvengo uye kutsamwirana zvachose kusvikira imi matenda muna Allah (Mwari) mumwechete...} [Surah Al-Mumtahanah:4].
Saka maporofita vese, rugare ngaruve kwavari, vakadaidza vanhu vavo kumisimboti iyi mikuru.
Chechitanhatu: kuti chitendero chese chive chaAllah (Mwari), vakataura ivo Varikumusoro-soro kuti: {Uye varwisei kusvikira pasisina Fitnah (kusatenda) uye chitendero chova chaAllah chete (pasi rese). Asi kana vakasiya (kusatenda kwavo), zvino, muzvokwadi Allah (Mwari) ndivo vanoona zvizere zvavanoita...} [Surah Al-Anfaal:39], Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Ndivo vakatuma mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nechengetedzo uye chitendero chechokwadi (Islaam), kuti chigova pamusoro pezvitendero zvose. Uye Allah (Mwari) ndivo chete vakakwana kuva chapupu...} [Surah Al-Fath:28]. Saka zvisikwa hazvifanire kunamata kunze kwekubirikidza nechitendero cheIslam; Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye uyo munhu achava anotsvaga chimwe chitendero kunze kweIslaam, hachimbofa chakatambirwa kubva kwaari, uye muhupenyu hwemangwana achave pakati peavo vakarasikirwa...} [Surah Aal-Imraan:85].
Chechinomwe: Kutevedzera mutemo waAllah (Mwari) munyaya dzese dzine chekuita nehupenyu hwechitendero nehwenyika, uye kuti vanhu vasatevere mumwe mutemo usiri mutemo waAllah (Mwari). Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Kana kuti vane vabatsiri vakavagadzirira chitendero chisina mvumo kubva kuna Allah (Mwari)? Uye dai rakanga risiri shoko rechokwadi (rakataurwa kare naAllah), iyi nyaya ingadai yakatongwa pakati pavo. Uye zvirokwazvo vatadzi vachange vaine mutongo unorwadza...} [Surah Ash-Shuura:21]
Chidzidzo cheChipiri: Nhanganyaya kuNhoroondo yeHupenyu hwaMuporofita
Chekutanga: Zvinoreva Nhoroondo yeHupenyu hwaMuporofita (Siirah):
Ndiyo ruzivo rwunobata zvose zvakasvitswa kwatiri nezvenhoroondo yehupenyu hwaMutumwa, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, neSunnah yavo, nechimiro chavo, nehunhu hwavo, nehondo dzavo, pamwe nemauto avakatumira, kubvira pakuzvarwa kwavo kuzosvikira pakudzokera kwavo kune shamwari yekumusoro-soro.
Chechipiri: Zvibereko zvekudzidza Siirah uye kukosha kwayo:
1- Kuzadzikisa huchapupu hwaHutumwa: sezvo kuburikidza nekuziva nhoroondo yaMutumwa, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari nekunzwisisa mamiriro avo, nekutevera gwara ravo, muranda anowedzerwa kutenda, kusimbisa, nekuzadzikisa huchapupu hwekuti "Muhammad Mutumwa waAllah (Mwari)".
2- Muenzaniso wakanaka negwara rinotevedzwa: Kuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vave chiedza chatinotungamirirwa nacho, uye muenzaniso watinotevedzera munhau dzese dzehupenyu hwedu. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, pamutumwa waAllah (Muhammad (SAW)) mune muenzaniso wakanaka wekutevedzera kune uyo anotarisira kuzosangana naAllah (Mwari) nezuva rekupedzisira, uyezve achirangarira Allah (Mwari) kakawanda...} [Surah Al-Ahzaab: 21].
3- Kunzwisisa Qur'an Tsvene: Nekuti Siirah ndiko kuratidzwa mukuita kwendima dzeGwaro Rinoremekedzwa; sezvo hunhu hwavo Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) hwaive Qur'an (vaiita zvinodiwa neQur'an), uye kuburikidza mayo (Siirah) ndipo panozivikanwa mamiriro ezvinhu pakadzika ndima nezvinangwa zvendima dzakazarurwa.
4- Kunzwisisa Sunnah yaMuporofita: Nokuti kuburikidza nematanho avaitora nezviito zvavo, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, zvinojeka kwatiri zvinorehwa nemaHadith avo pamwe nemashandisirwo awo muhupenyu chaihwo.
5- Kudyara rudo rwavo Mutumwa (rugare nemakomborero ngazvive pavari): Nokuti rudo runouya kubudikidza neruzivo, uye hapana nzira yekuziva nayo hukuru hwavo nechinzvimbo chavo chakakwirira kunze kwekuongorora zvakadzama zvehupenyu hwavo nekuzvipira kwavo.
7- Kufungisisa nenzwisiso: kuitira kuwana zvidzidzo neyeuchidzo kubva muhupenyu hwavo, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari; nokuti ndivo muenzaniso mukutsungirira panguva yematambudziko, nekutenda panguva yemakomborero, nekusimbarara mumamiriro ezvinhu ose.
7- Kuwana mufaro wepanyika pano newemuhupenyu hwemangwana: hapana kubudirira panyika pano kana kukunda muhupenyu hwemangwana kunze kwekuburikidza nekutevera matsimba avo uye nekutora muenzaniso pagwara ravo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
Chechitatu: Zviri munhungamiro yemaSalaf (maMuslim emazuva ekutanga) pakudzidza Siirah:
Zvirokwazvo maSalaf vakarurama vakanzwisisa kukosha kweruzivo urwu, saka vairwupa nguva semapiro avaiita Quran Inokudzwa:
Zain al-Abidin Ali bin Al-Hussein bin Ali, Allah (Mwari) ngavafare navo, akati: {"Taidzidziswa nhoroondo dzehondo dzaMutumwa waAllah (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) nenzendo dzake dzehondo, sezvataidzidzisirwo eSurah kubva muQur'aan..."}
Uye Ismail bin Muhammad bin Sa'd bin Abi Waqqaas (Allah vafadzwe navo) akati: Baba vangu vaitidzidzisa nhoroondo dzehondo dzaMutumwa waAllah (Mwari), rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, uye vachiti: "Iwe mwana wangu, aya ndiwo mabasa makuru emadzibaba enyu, saka musaregedze kumataura." [Tarisa bhuku rinonzi: Al-Jaami' li Akhlaaq al-Raawi wa Aadaab as-Saami' raAl-Khatwib Al-Baghdaadii 2/287-288].
Chidzidzo Chechitatu: Dzinza Rinoremekedzwa raMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
Chekutanga: Dzinza rake kudivi rababa vake:
Ndiye tsitsi dzakapiwa sechipo, neropafadzo yakagoverwa: Abu Al-Qasim Muhammad mwanakomana waAbdullah, mwanakomana waAbdul Mut-twalib, mwanakomana waHaashim, mwanakomana waAbdu Manaf, mwanakomana waQuswayy, mwanakomana waKilaab, mwanakomana waMurrah, mwanakomana waKa'b, mwanakomana waLu'ayy, mwanakomana waGhaalib, mwanakomana waFihr, mwanakomana waMaalik, mwanakomana waAn-Nadr, mwanakomana waKinaanah, mwanakomana waKhuzaimah, mwanakomana waMudrikah, mwanakomana waIlyaas, mwanakomana waMudar, mwanakomana waNizaar, mwanakomana waMa'ad, mwanakomana waAdnaan.
Uye dzinza iri rinokudzwa rinogumira kuna Muporofita waAllah (Mwari), Isma'il mwanakomana waIbrahim, rugare nerunyararo ngaruve pavari vari vaviri.
Chechipiri: Dzinza rake kudivi raamai vake:
Ndiye: Āminah bint Wahb, bin 'Abd Manāf, bin Zuhrah, bin Kilāb bin Murrah, uye dzinza ramai vaMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) rinosangana nedzinza rababa vake pana Sekuru vainzi "Kilāb bin Murrah", izvo zvinoratidza kuti mavambo avo aibva mudzimba dzinoremekedzwa uye dzakachena zvikuru dzemaQuraysh kubva kumativi ose maviri.
Zvidzidzo Zvinowanikwa:
1- Dzinza ravo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) rinobatana nababa vemaporofita, Ibrahiim (Runyararo ngaruve kwaari), izvo zvinotsinhira kuenderera mberi kweHuporofita mumuti uyu wakaropafadzwa.
2- Dzinza ravo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndiro dzinza rinokudzwa kupfuura madzinza ose zvachose, uye ndiro rakachena zvikuru pachimiro charo, uye rakanakisisa pane ose, uye zvirokwazvo Allah (Mwari) vakamusarudza kubva kumarudzi akanakisisa nemudzimba dzinoremekedzwa zvikuru. Pakati paizvozvo pane shoko raMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) rekuti: «Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vakasarudza Kinaanah kubva kuvana vaIshumaeri, uye vakasarudza Quraish kubva kuna Kinaanah, uye vakasarudza vana vaHaashim kubva kumaQuraish, uye vakandisarudza kubva kuvana vaHaashim.» [Yakarondedzerwa naMuslim].
Chidzidzo Chechitatu: Kuzvarwa kwavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nekukura kwavo:
Kufa kwababa vavo: Baba vavo vakashaya ivo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachiri mudumbu raamai vavo.
Kuzvarwa kwavo: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakazvarwa kuMakkah mugore reNzou, musi weMuvhuro, uye pane kusawirirana pakutara zuva chairo nemwedzi wacho. Vamwe vakati: pazuva rechipiri reRabi' al-Awwal, vamwe vakati pazuva rechitatu rawo, vamwe vakati pazuva repfumbamwe, vamwe vakati pazuva regumi, vamwe vakati pazuva regumi nembiri, vamwe vakati vakazvarwa muna Safar, uye vamwe vakati muna Rabi' al-Akhir.
Madzimai akamuyamwisa: Akayamwiswa naHalimah as-Sa'diyah, naThuwaybah murandakadzi wababamukuru vake Abu Lahab, uye ndiye akava wekutanga kumuyamwisa mushure maamai vake. Akarerwa naUmm Ayman Barakah al-Habashiyah, murandakadzi wababa vake.
Chiitiko chekuvhurwa kwechipfuva: Chakaitika pavaive vadiki (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vari murenje reBani Sa'd; Jibreel (rugare ngarwuve kwaari) akauya kwavari pavaive vachitamba nevamwe vakomana, uye vaive nemakore angangoita mana ekuberekwa, akabva avhura chipfuva chavo ndokuburitsa machiri bundu reropa, akati: «Uyu ndiwo mugove waShaitwani mauri», ndokubva ashambidza mwoyo wake mumudziyo wegoridhe nemvura yeZamzam. [Yakarondedzerwa naMuslim].
Kushaya kwamai vake nasekuru vake: Mai vake vakashaya aine makore matanhatu okuberekwa, ndokubva achengetwa nasekuru vake Abdul Muttalib. Zvino sekuru vake vashaya ava nemakore masere okuberekwa, akabva achengetwa nababamukuru vake Abu Talib.
Zvidzidzo zvinowanikwa:
1- Muporofita (rugare ngarwuve pavari) vakazvarwa vari nherera, uye amai vavo vakazoshaya vachiri vadiki, uye mune izvi mune nyaradzo kune uyo akashayikirwa nababa vake kana amai vake achiri mudiki, zvikurusei kune uyo akashayikirwa navo vose ave mukuru.
2- Kuchengeta kwaAllah (Mwari) muporofita wavo kubva pahudiki hwake; uye izvi zvinosanganisira mazwi aAllah (Mwari) Varikumusoro-soro ekuti: {Havana here kukuwana (Iwe Muhammad (SAW)) uri nherera ndokubva vakuchengetedza?...} [Ad-Duha: 6]. Kureva kuti: Vakakuwana usina amai kana baba, vabereki vako vakanga vashaya uye iwe usina simba rekuzviriritira pachezvako, saka Allah (Mwari) vakakupa pekupotera ndokukuchengetedza, uye vakaita kuti sekuru vako Abdul Muttalib vakuchengete, zvino sekuru vako pavakashaya; babamukuru vako Abu Talib vakabva vatora mutoro wekukuchengeta.
3- Tinofanira kuziva kuti Allah (Mwari) ndivo Muchengeti neMuriritiri wechokwadi wemuranda; nokuti Muporofita uyu (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) akakura ari nherera, Allah (Mwari) ndokumugadzirira uyo akamuchengeta, ndokuzomutumira kuvanhu, uye vakamuita kuti ave akanakisisa pavana vaAdhamu vose, uye muenzaniso wakanaka kune zvisikwa zvose.
4) Kuchena kwemoyo waMuporofita ﷺ uye kudzivirirwa kwake kubva pakufurira kwaShaitani kubvira pahudiki hwake, nekuti Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakamugadzirira huporofita nekuchenesa moyo wake panyama nepamweya.
5- Chidzidzo: Hapana chinhu chechokwadi kubva kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) kana kubva kumaSwahaaba vavo (Allah ngavafadzwe navo) chekutsaura husiku hwekuzvarwa kwavo kana zuva racho nemhemberero kana nechimwe chinhu chekunamata chakatarwa; naizvozvo, zvakanaka zvese zviri mukutevedzera gwara ravo nekusiya izvo zvavasina kuita.
Chidzidzo Chechina: Hupenyu hwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vasati vatumwa. Iyi inhanho yakatangira kudzika kwechizaruro (Wahy), uye panguva iyi aive asati ava Muporofita kana Mutumwa.
Kuchengetedzwa kwaMuporofita naAllah (Mwari): Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakakura vari kure netsika dzekusaziva nemaitiro evanhu ekunamata zvifananidzo; havana kumbobvira vapfugamira chifananidzo, uye havana kumbonwa doro, uye havana kumbobvira vaita zvinyadzi zvachose. Vaive nehunhu hwakanakisisa kupfuura vanhu vese, uye vachitaura chokwadi zvikuru, kusvikira vazivikanwa nekuti "as-Sādiq al-Amīn" (munhu wechokwadi nekutendeka). Vaichengetedza hukama, vairemekedza vaenzi, uye vaibatsira varombo.
Rwendo rwekutanga kuSham: Vakafamba nababamukuru vavo Abu Twaalib kuenda kuSham, uye vaive nemakore gumi nemaviri ekuberekwa.
Hondo yeFijaar: Akapinda mairi aine makore makumi maviri ekuberekwa, uye yakanga iri pakati pemaQuraysh neKinanah vachirwisana neQays 'Aylan, uye basa raMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) mairi raiva rekuva "yanbul" kumadzibabamunini vake, zvichireva kuvatambidza miseve yekuti vapfure nayo.
Chibvumirano cheal-Fudul: Akava chapupu chechibvumirano ichi, umo madzinza eMakkah akabvumirana kubatsira munhu upi zvake akanga adzvinyirirwa, kusvikira kodzero yake yaakange atorerwa yadzorerwa kwaari.
Basa neRaramo: Vaifudza hwayi dzevanhu vekuMakkah vachiwana mubhadharo. Vakazofamba rwendo rwechipiri kuenda kuShaam semutengesi vachishandisa pfuma yaKhadijah, Allah (Mwari) ngavafadzwe naye.
Kuroora kwavo: Khadijah (Allah ngavafare naye) paakaona kuvimbika kwavo nemakomborero akanga auya pakutengeserana kwavo, akava nechido chekuroorwa navo, vakabva vamuroora pavainge vava nemakore makumi maviri nemashanu.
Kuzvitsaura kwake uye kunamata kwake: Aifarira kuzvitsaura uye nekunamata Allah (Mwari) vari mubako reHira, kwaaienda nembuva yechikafu nezvekunwa, zvadaro aigarako achinamata kwemazuva akati wandei, kusvikira chizaruro chauya kwaari.
Kuvakwa Patsva kweKa'bah: Paakanga asvitsa makore makumi matatu nemashanu ekuberekwa, maQuraysh vakavaka patsva Kaaba uye vakakakavadzana pakuti ndiani aifanira kuisa Dombo Dema panzvimbo yaro, kusvikira vava pedyo nekurwisana. Saka vakazowirirana kuti munhu wekutanga kupinda pavari ndiye aizoita mutongi pakati pavo, uyo akazova Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari). Pavakamuona, vakati: "Uyu ndiye Al-Amin (Muvimbiki), tagutsikana naye." Saka akariisa pajira ndokuraira vatungamiri vemadzinza kuti vabate micheto yaro, akabva arisimudza neruoko rwake runokudzwa ndokuriisa panzvimbo yaro.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Allah (Mwari) vakachengetedza Muporofita wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kubva kuShirk nezvitadzo asati atumwa, uye izvi ndezvimwe zvezviratidzo zvakafanotangira huporofita nehumbowo hwahwo.
2- Vaizivikanwa (rugare nemakomborero ngazvive pavari) sekuti as-Sādiq al-Amīn (munhu wechokwadi nekutendeka), uye hunhu uhwu hwaive humbowo hwakasimbisisa hwechokwadi chavo; nekuti uyo anozvichengetedza kubva mukunyepera vanhu, hazvigone kuti anyepe nezvaAllah (Mwari) .
3- Kukosha kwekutendeseka nekuvimbika: Ndidzo tsika hurusa dzemutendi, uye kuburikidza nadzo munhu anowana chivimbo chevanhu nerudo rwavo.
4- Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) vaishingaira pakutsvaga raramo inobvumirwa nekushanda nemaoko avo. Naizvozvo vakafudza makwai uye vakaita zvekutengesa. Uye izvi zvinotidzidzisa kushingaira nekutora matanho akakodzera.
5- Kuzvininipisa: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) havana kunyara kutaura nezvebasa ravo rekufudza makwai mushure mekunge vava Muporofita, kuti atidzidzise kuti basa rukudzo. Vakati (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari): ""Hapana muporofita akatumwa naAllah (Mwari) kunze kwekuti akafudza makwai."" [Yakarondedzerwa naBukhari].
6- Kuve nepfungwa dzakadzama: Danho ravakatora pakuisa Dombo Dema rakaratidza njere dzinoshamisa nehungwaru mukudzivirira kudeuka kweropa nekugutsa vese, rinova zano rakanga risina kufungwa nevatungamiri vakuru vemadzinza eQuraysh.
Chidzidzo cheChishanu: Kutanga kwezaruro nekudzika kwaro kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
Kutanga kwechizaruro: Zviratidzo zvekutanga kwechizaruro neHuporofita zvakatanga apo Muporofita (rugare neropafadzo dzaAllah ngazvive kwavari) vakasvitsa makore makumi mana ekuberekwa.
Zviroto Zvechokwadi: Zviratidzo zvokutanga kwezaruro zvaive "Zviroto Zvechokwadi"; zvokuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaisaona chiroto muhope dzavo kunze kwekuti chaizozadziswa muchokwadi sekujeka kwemambakwedza.
Mubako reHira: Pavaive ivo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vachigara vari vega nechinangwa chekunamata mubako reHira, Ngirozi yainzi Gabrieri (rugare ngarwuve kwaari) yakauya kwavari nezaruro kubva kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro.
Kuuya kweNgirozi Jibril (Runyararo ngaruve kwaari) ndokuti kwaari: "Verenga", Muporofita akati: "Handigoni kuverenga", uye izvi zvakadzokororwa katatu, panguva yechitatu Jibril akamuverengera mavambo echitsauko (Surah) chinonzi Al-Alaq: {Verenga! Muzita raTenzi vako avo vakasika (zvinhu zvese)...} Vakasika munhu kubva mubumbu reropa 2 Verenga! Uye Tenzi vako ndivo mukomboreri mukuru. Avo vakadzidzisa (kunyora) nechinyoreso 4 Vakadzidzisa munhu izvo zvaakanga asingazivi.5} [Al-Alaq: 1-5]. Saka idzi ndidzo dzakava ndima dzekutanga dzeQur'aan dzakadzikiswa.
Kutsigira kwaKhadijah (Allah ngavafare naye) Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare): Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakadzokera kumudzimai wavo Khadijah vachidedera nekutyisa kwechiitiko chacho, vakamurondedzera zvakanga zvaitika, iye ndokuvasimbisa achiti: "«Kwete! naAllah (Mwari), Allah (Mwari) havangambokunyadzisi zvachose; zvirokwazvo, iwe unochengetedza hukama, uye unotaura chokwadi, uye unotakura mitoro (unobatsira vasina simba), uye unopa vanoshaya (unopa varombo), uye unogamuchira vaenzi (unovakudza), uye unobatsira pamatambudziko echokwadi (zvinhu zvinorema zvinowira vanhu).»"
Kumbomira kwezaruro nekudzoka kwayo: Zaruro yakambomira kwenguva pfupi, ndokuzodzika mushure mezvo nemavambo eSurah Al-Muddaththir: {Iwe (Muhammad (SAW)) akaputirirwa mumachira1 Muka uyambire!2 Uyezve kudza Tenzi vako (Allah)!3 Zvekare iva unochenesa nhumbi dzako! Uyezve iva unoswedera kure neAr-Rujz (zvidhori/zviumbwa)!5 [Al-Muddathir: 1-5].
Zvidzidzo zvinowanikwa muizvi:
1- Zera remakumi mana: Allah (Mwari) vakasarudza zera iri kuitira kudzika kwezaruro nokuti rinomiririra kukwana kwenjere nesimba rekunzwisisa, sekutaura kwavakaita Ivo Varikumusoro-soro vachiti: {...kusvikira apo paanenge anesimba rakakwana uye asvika makore makumi mana...} [Al-Ahqaf: 15].
2- Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakagara pakati pevanhu vavo kwemakore makumi mana vasati vapihwa huporofita. Nokudaro nhoroondo yehupenyu hwavo hwakanaka kwazvo pakati pavo ndiyo yakava humbowo hukuru hunoratidza chokwadi chehuporofita hwavo nemharidzo (da'wah) yavo.
3- Allah (Mwari) vakagadzirira Muporofita wavo kuti aite basa guru rekutambira zaruro kuburikidza nezviroto zvechokwadi, uye vakaita kuti vade kugara vega.
4- Kukosha kwekuti muMuslim atsaure nguva yaanova ega naTenzi vake kuitira kurangarira Allah (Mwari) nekufungisisa nezveushe hwavo.
5- Kukosha kwemudzimai akarurama: kunoonekwa zvakajeka pane zvakaitwa naKhadijah (Allah ngavafadzwe naye) mukunyaradza kwake murume wake, uye iye akave muenzaniso wakanaka pakutsigira nekubatsira panguva dzakaoma.
6- Kutora kwaKhadija (Allah ngavafadzwe naye) tsika dzeMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) sehumbowo hwekuti Allah (Mwari) vachamuchengetedza; nokuti hunhu hwakanaka ndicho chikonzero chekununurwa kubva kune zvakaipa.
7- Chinhu chekutanga chakarairwa Muporofita muSurah Al-Muddaththir kukoka vanhu vatenda muhumwechete hwaAllah (Mwari) nekuvayambira pamusoro pekunamata Allah (Mwari) nevamwe anamwari; nekuti kutenda muhumwechete hwaAllah (Mwari) ndiyo nheyo yechitendero, uye ndicho chinhu chakanyanya kukosha pane zvinosungirwa.
Imam At-Twabari (Allah Varikumusoro-soro ngavamunzwire tsitsi) akati mutsanangudzo (Tafsir) yake pamusoro pendima iyi: "Uye kutaura kwavo kuti: {Simuka, uyambire 2} Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vanotaura kuMuporofita wavo Muhammad, Allah ngavavakomborere uye nekuvapa rugare, vachiti: Simuka kubva muhope dzako woyambira vanhu vako nezvemurango waAllah (Mwari), avo vakasanganisa Allah (Mwari) nezvimwe, uye vakanamata zvimwe kunze kwavo."
Chidzidzo cheChitanhatu: Mharidzo (Da'wah) yaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuMakkah:
Kuparidzira muchivande: Kuparidzira kwakatanga kuMakkah muchivande kwemakore angangoita matatu. Naizvozvo wekutanga kupinda muIslam kuvakadzi aive mudzimai wavo Khadijah bint Khuwaylid, uye kuvarume aive Abu Bakr as-Swiddiq, kuvakomana aive Ali bin Abi Twaalib, kuvaranda vakasunungurwa aive Zayd bin Haarithah, uye kuvaranda aive Bilaal al-Habashi (Allah ngavafare navo vose).
Mamwe maSwahaaba aive nemukurumbira vakatenda kuburikidza nekukoka kwaAbu Bakr, vaisanganisira: Uthman bin Affan, naAbdur-Rahman bin Awf, naSa'd bin Abi Waqqas, naSa'id bin Zayd, naAbu Ubaydah bin Al-Jarrah.
Dar Al-Arqam: MaMuslim vekutanga vaiungana naMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) mumba ma"Al-Arqam bin Abi Al-Arqam" kuti vadzidze nyaya dzechitendero chavo uye vachinamata Allah (Mwari) vari kure nemaziso eavo vainamata zvidhori.
Kukoka vanhu pachena: Zvadaro Allah (Mwari) vakaraira Muporofita wavo kuti vazivise chokwadi pachena, saka Allah (Mwari) varikumusoro-soro vakati: {Naizvozvo paridza pachena zvawakakomekedzwa (Islaam), ova unosiyana neavo vasingatendi...} [Al-Hijr: 94]. Zvadaro Allah (Mwari) Samasimba uye vanokudzwa vakamuraira kuti akoke mhuri yake nedzinza rake. Naizvozvo Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakataura vachiti: {Uye yambira rudzi rwako (Iwe Muhammad (SAW)) hama dzako dzepadyo...} [Ash-Shu'araa: 214], Saka Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) vakadaidzira muvanhu, vachivakoka kuhumwechete hwaAllah (Mwari), uye vachipa mashoko anofadza eParadhiso kune avo vakatenda, uye vachiyambira nezveMoto kune avo vakaramba kutenda.
Kushungurudzwa nevasingatendi uye kutama kwekutanga: Apo maMuslim vakazivisa chitendero chavo pachena, kushungurudzwa kwavo nevasingatendi kwakawedzera kuburikidza nekusekwa nekutambudzwa; saka Muporofita (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakapa vateedzeri vavo mvumo wekutama kuenda kunyika yeAbyssinia vachitiza nechitendero chavo.
Dziviriro yaAllah (Mwari) kuMuporofita wavo: Vanamati vezvidhori vaida kuuraya Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nokudaro Allah (Mwari) vakamudzivirira kuburikidza nababamunini vake Abu Talib; uyo aidzivirira Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kunyange zvazvo akaramba ari pachitendero cherudzi rwake.
Kupinda muIslam kwaHamza naUmar: Simba remaMuslim rakawedzera nekupinda muIslam kwababamunini veMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, Hamza bin Abdul Muttalib, naUmar bin Al-Khattab, Allah ngavafadzwe navo vese. Ibn Mas'ud, Allah ngavafadzwe naye, akati: ""Takaramba tiri vane simba kubva pakagamuchira Umar Islam.""
Kugurwa Kwehukama Nekukombwa: MaQuraysh vakatenderana kugura hukama neBanu Hashim neBanu Mut-twalib; kuti havatengesi kwavari kana kutenga kubva kwavari, uye havaroorerani navo kana kugarisana navo. Kukombwa kunorwadza uku kwakaenderera mberi mu"Mupata waAbu Talib" kwemakore matatu, kudzamara boka revarume vakachenjera vemaQuraysh rasimuka kuzoparadza chibvumirano chegwaro iroro rekudzvinyirira uye nekugumisa kukombwa uku, ndokuwana kuti mujuru wakanga wadya gwaro racho kusiya chete pakange pakanyorwa kuti "Muzita Renyu Veduwe-e Allah", uye pose paiva nezita raAllah (Mwari) mujuru hauna kupadya.
Kuzivisa nezveIslam: Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakaramba vachizivisa madzinza nezveIslam mumwaka yeHajj, kusvikira vasangana nemaAnswaar kubva muvanhu vekuMadinah, vakatenda mavari uye vakaita chitsidzo chekuvatsigira.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvi:
1- Kukoka vanhu kuIslam (da'wah) kwakatanga muchivande senzira yekuunza shanduko zvishoma nezvishoma, kudzivirira maMuslim ekutanga, uye nekuunganidza vatsigiri nevabatsiri.
2- Khadijah naAbu Bakr nevatendi vekutanga vane chinzvimbo chikuru; nokuti vakazvipira hupenyu hwavo nepfuma yavo, uye vakatsungirira mukushungurudzwa kwavo panguva yekuomerwa.
3- Muporofita (SAW) akatanga nekukoka mhuri yake nemudzimai wake, naizvozvo muparidzi haafanire kuregerera veimba yake pakuvakoka kuna Allah (Mwari), kuvadzidzisa, nekuvapa mazano.
4- Kumhanyira kuita zvakanaka: Tinotora kubva munhoroondo yavo kukosha kwekukurumidza kupinda muchokwadi nekuita maererano nacho pasina kuzeza.
5- Nzira yemharidzo (da'wah) inoda moyo murefu; nokuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatsunga kwemakore akawanda uye hapana vakatenda pamwe navo pakutanga kunze kwevashoma.
6- Kugamuchira Islam kwaUmar bin Al-Khattab naHamzah (Allah ngaafadzwe navo) kwakava kukunda nerukudzo kumaMuslim, zvichiratidza kuti mharidzo (Da'wah) inoda simba rekuidzivirira.
7- Kuungana kwemaSwahaba paimba yaAl-Arqam kwaive humbowo hwekukosha kwekubatana, kudyidzana nekubatsirana mukuita zvakanaka nekutya Allah (Mwari), uye kukosha kwehushamwari hwakanaka.
8- Kukosha kweTawhid: Uye ndicho chinhu chekutanga pane zvinosungirwa; saka "La ilaha illa Allah" ndiro shoko rekutanga rakaziviswa pachena naMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) muda'wah ravo.
9- Zvinosungirwa kumuMuslim kuti asanyara nechitendero chake, asi kuti achiburitse pachena zvakajeka uye nehuchenjeri, achitsvaga kufadza Allah (Mwari) chete.
10- Kutambudzwa, kutsvinyirwa nekudzvanyirirwa inzira dzekare dzakasangana nemaporofita nevateveri vavo, uye muenzaniso kwatiri uri mukumira zvakasimba kwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nemaSwahaabah vavo.
11- Kutenderwa kwekutama (Hijrah): Kusiya nyika nehupfumi munzira yekutenda chinhu chinotenderwa kune uyo anotadza kuita chitendero chake zvakasununguka, nokuti chitendero ndicho chinhu chakanyanya kukosha pane zvose zvine munhu.
12 – Chisungo chekutenda ndicho hwaro muchitendero, kwete chisungo cherudzi kana chedzinza. Saka sekuparidza pachena kwakaita Muporofita ﷺ shoko rake, achikoka vanhu kuti vanamate Allah (Mwari) Mumwechete, saizvozvo Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakamuraira kuti akoke mhuri yake nedzinza rake, kuitira kuti izvi zvive humbowo hwakajeka pamberi pevanhu pamusoro pechinangwa nedonzvo reshoko kubva panguva yekutanga chaiyo.
13- Kukoka vanhu kuna Allah (Mwari) mutoro wemuMuslim wese: Saka uyu muSwahābi anoremekedzwa, Al-Arqam bin Abi Al-Arqam Al-Makhzumi (Allah ngavafare naye), uyo Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakashandisa imba yake senzvimbo yekuparidzira pakutanga, aive mukomana wechidiki akapinda muIslam aine makore angangoita gumi nematanhatu ekuberekwa. Uye akazopinda muhondo pamwechete naMuporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) mushure mezvo, uye hudiki hwake panguva iyoyo hahuna kumutadzisa kutora chikamu mukudaidza vanhu kuna Allah (Mwari) nepese paaigona.
Chidzidzo Chechinomwe: Kushaya kwaKhadijah naAbu Talib, nekukoka vanhu vekuTa'if:
Gore reKusuwa: Mugore regumi rekutumwa, Amai veVatendi Khadijah, Allah (Mwari) ngavafare naye, akashaya, uye Abu Twaalib babamukuru vaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakashayawo, avo vaivachengetedza nekuvadzivirira, asi vakafa vasiri mutendi. Nekushaya kwavo vaviri, kushungurudzwa kwaiitwa Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari ) nemaQuraysh kwakanyanya kudarika zvazvakanga zvakaita kare.
Da'wah kuvanhu vekuTa'if: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) vakabuda vachienda kuTa'if vachitarisira kuwana mavari rutsigiro rwechitendero chavo, asi vakapindurwa kukoka kwavo uku nekuramba nekutsvinya, uye vakatokurudzira mapenzi avo kuti avapandukire, ndokuvatema nematombo kusvika tsoka dzavo dzinoera dzabuda ropa.
Chiitiko cheTsitsi: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakabva kuTa'if vaine kusuwa kukuru, uye munzira yavo kudzoka, Allah (Mwari) vakatuma Jibril kwavari aine ngirozi yemakomo, ichivapa sarudzo yekuti, kana vachida, inowisira makomo maviri (al-Akhshabayn) pamusoro pevanhu vekuTaif kuti ivaparadze.
Mhinduro yavo inoremekedzwa: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakapindura ngirozi yemakomo netsitsi dzeanotsungirira vachiti: «Asi ndinovimba kuti Allah (Mwari) vachaburitsa kubva muzviuno zvavo avo vachanamata Allah (Mwari) chete, vasingavabatanidze nechimwe chinhu.» [Yakarondedzerwa naBukhari naMuslim].
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvi:
1- Kusimba nekusazununguka kwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari): Kutsungirira kwavo kwakabuda pachena pakutakura marwadzo ekufirwa nevatsigiri vavo vakuru (saKhadijah naAbu Twaalib) mugore rimwe chete, asi kunyange zvakadaro, dambudziko iri harina kuvadzora pakuenderera mberi neda'wah ravo.
2- Kudzivirira Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) kwakaitwa naAbu Talib hakuna kumubatsira pakununurwa kubva mumoto nekuti akafa ari mukusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe (shirk); naizvozvo, basa haribatsiri muridzi waro kuhupenyu hwemangwana kunze kwekunge rakavakirwa panheyo yekutenda muna Allah (Mwari) nekuzvipira kwavari.
3- Zvakaitika kuna Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) kuTa'if zvekurwadziswa panyama uye mupfungwa, chidzidzo kumaMuslim mukuzvipira nekutsungirira kuitira kusimudzira shoko raAllah (Mwari).
4- Kukwana kweruregerero panguva yekuva nesimba: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakaramba kuparadza avo vakamutambudza, vachisarudza kutsungirira navo netariro yekuti Allah (Mwari) vangatungamira vana vavo.
5- Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vaive netsitsi kuvanhu, vachivashuvira kutungamirirwa kwete kuparadzwa, zvichitsinhira mashoko aAllah (Mwari) Varikumusoro-soro ekuti: {Uye takava tinokutumira (Iwe Muhammad (SAW)) uri nyasha kune vanhu vose (nemaJinn nezvose zviripo pasi)...} [Al-Ambiya: 107].
6- Kuita mabasa anosungirwa uye kutora matanho anodiwa: MuMuslim anofanira kuvavarira nguva dzose kuzadzisa chinangwa chake chinotenderwa achivimba muna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, uye anofanira kuita zviito zvese zviripo; kuti azadzise chinangwa ichi, uye hazvifaniri kumukonesa kana akashaya chimwe chezviito izvi kana kuti vatsigiri vake vari vashoma.
Chidzidzo cheChisere: Al-Israa (rwendo rehusiku kuenda kuJerusalem) wal-Mi'raaj (rwendo rwekuenda kudenga) nechishamiso chekutsemuka kwemwedzi:
Rwendo rweIsra (kuenda kuBaytul Maqdis) neMi’rāj (kuenda kudenga): Chishamiso chikuru ichi chakaitika mushure mekunge Mutumwa vasvitsa makore makumi mashanu ekuberekwa kwavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari).
Kutsemurwa kwepachipfuva chaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari): Abu Dharr (Allah ngavafadzwe naye) airondedzera kuti Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati: «Denga remba yangu rakavhurwa apo ndaive kuMakkah, Jibril (rugare ngarwuve paari) ndokuburuka achibva avhura chipfuva changu, ndokuchigeza nemvura yeZamzam, ndokuuya nemudziyo wegoridhe wakazara nehungwaru nekutenda, ndokuudururira muchipfuva changu, ndokubva achivhara.» [Yakarondedzerwa naBukhari naMuslim].
Al-Isra: Ndirwo rwendo rwake Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) rwehusiku kubva kuMasjid Al-Haram kuMakkah kuenda kuMasjid Al-Aqsa kuBaitul Maqdis (Jerusarema).
Mi’rāj: ndiko kukwira kwavo kubva kuMasjid Al-Aqsa kuenda kumatenga ekumusoro-soro, kusvika ku"Sidrat al-Muntaha", unova muti mukuru kwazvo kudenga rechinomwe.
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah (Mwari) avo vakafamba nemuranda wavo (Muhammad (SAW)) nehusiku kubva kuAl-Masjid Al-Haraam (kuMakkah) kuenda kuAl-Masjid Al-Aqsa (kuJerusarema), iyo yatakakomborera nzvimbo yayo, kuti tive tinomuratidza kubva muzviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvikuru...} [Al-Isra: 1].
Zviitiko zvetsitsi nesimba: Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakaona muhusiku uhwu zviratidzo zvikuru zvaTenzi wavo; vakaona Paradhiso (Jannah) neMoto, uye vakasangana nemaporofita (rugare ngaruve pavari) ndokunamata navo muMasjid Al-Aqsa, uye Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakataura navo kuseri kwechidzitiro pasina murevereri, uye vakaita kuti minamato mishanu (Swalāh) ive yakasungirwa kwavari.
Maitiro evanhu: Apo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) pakwakaedza vari kuMakkah ndokuudza vanhu zvakanga zvaitika, vatendi vakawedzera kutenda nekubvuma kwavo, asi vasingatendi vakawedzera kusindimara nekuramba kwavo.
Kutsemuka kwemwedzi: Avo vainamata Allah (Mwari) nevamwe anamwari venhema (mamushrikīn) vakakumbira kubva kuna Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) chiratidzo chinobatika chinoratidza chokwadi chavo, Allah (Mwari) vakabva vavatsemurira mwedzi kuita zvikamu zviviri zvekuti vanhu vakauona nemaziso avo, asi kunyangwe zvakadaro vasingatendi vemaQuraish vakafuratira vachiti: 'Aya mapipi.'
Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Nguva yaswedera, uye mwedzi wapatsanurwa...1} {Uye kana vakaona humboo vanofuratira, vachiti: “Aya ndivo mapipi asingaperi.”...} [Al-Qamar: 1-2].
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Allah (Mwari), Vanorumbidzwa vanokwanisa kuita zvinhu zvose, uye zvishamiso zveAl-Israa neMi'raaj nekutsemuka kwemwedzi humwe hwehumbowo hwekukwana kwesimba ravo, vanorumbudzwa.
2- Rwendo urwu rwakaitika mushure meGore reKusuwa, rakaita kunge kukudzwa kukuru kweMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nekusimbiswa kwemoyo wavo nekunyaradzwa kwavo mushure memakore marefu ekutambura nekushungurudzwa munzira yeDa'wah.
3- Swalaah ndiro basa rekunamata rega rakarairwa kudenga, kubva kuna Allah (Mwari) kuenda kuna Mutumwa wavo pasina mupindipakati inova Ngirozi Jibril, runyararo ngaruve paari, izvo zvinoratidza hukuru hwechimiro chayo nekukosha kwayo muhupenyu hwemuMuslim.
4- Allah (Mwari) vakaita kuti minana (mu'jizaat) iyi ive humbowo huri pachena hwechokwadi chehutumwa, asi uyo anovhara mwoyo wake kuchokwadi, zviratidzo hazvimubatsiri kunyangwe zvingave zvikuru zvakadini.
5- Chidzidzo chinobatsira: Hapana chinhu chechokwadi kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) kana kubva kumaSwahaaba avo (Allah ngavafadzwe navo) maererano nekutsaura husiku hweIsra neMi'raj nemhemberero kana imwe mhando yekunamata yakatarwa; naizvozvo, zvinhu zvakanaka zvese zviri mukutevera gwara ravo nekusiya izvo zvavasina kuita.
6- Rwendo rweIsra (kuenda kuBaytul Maqdis) neMi’rāj (kuenda kudenga) rwaive rwemweya nemuviri pamwechete, uye Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) vaive vakasvinura, uye izvi ndizvo zvinoratidza hukuru hwechishamiso nekukwana kwesimba raAllah (Mwari) Varikumusoro-soro.
7- Zvirokwazvo, mushure mekuomerwa mune kurerukirwa: MuMuslim anofanira kuramba achienderera mberi munzira yake, asingadziviswi nematambudziko aachasangana nawo, oisa chivimbo chake kuna Allah (Mwari) Samasimba, Mukuru-kuru, uye achiziva kuti kukunda kunouya pamwe nekutsungirira, kuti kusunungurwa kunouya pamwe nedambudziko, uye kuti mushure mekuomerwa mune kurerukirwa.
Chidzidzo Chechipfumbamwe: MaAnswaar Nemhiko ye'Aqabah Yekutanga Neyechipiri:
Kusangana nemaAnswaar: Mugore regumi nerimwe chete rekutumwa kwavo, Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakasangana neboka remaAnswaar (vanhu vekuMadinah) panzvimbo ye'Aqabah kuMinā pedyo neMakkah. Saka vakagara navo ndokuvakoka kuIslam, vakavadavira uye vakatenda mavari. Uye pavakadzokera kuMadinah, vakazivisa vanhu vavo nezvavo uye nekuparidzira kwavo, kusvikira Islam yatekeshera pakati pavo, uye hakuna kusara imba mudzimba dzemaAnswaar maive musingataurwi nezveMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare).
Mhiko Yekutanga yeAqabah: Mugore regumi nembiri rehuporofita, boka renhumwa kubva kumaAws nemaKhazraj (maAnswaar) rakauya, ndokuita mhiko kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) inonzi "Mhiko Yekutanga yeAqabah". Akavadzidzisa Islam ndokuvakoka kuti vaite mhiko kwavari, vakabva vaita mhiko kwavari yekuti: vasasanganise Allah nechinhu chero chipi zvacho pakunamata, uye vasabe, uye vasaite hupombwe, uye vasauraye vana vavo, uye vasaunze nhema dzavakangogadzira pakati vega zvachose, uye vasarambe kuteerera Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, mune zvakanaka.
Pashure pezvo akavajekesera mubairo ndokuti: «Saka uyo anozadzikisa (mhiko iyi) pakati penyu, mubairo wake uri kuna Allah (Mwari), uye uyo anopara chimwe cheizvi obva arangwa panyika pano, (kurangwa uku) kunova rudzikinuro kwaari, uye uyo anopara chimwe cheizvi Allah (Mwari) vochivanza, nyaya yake iri kuna Allah (Mwari); kana vachida vachamuregerera, uye kana vachida vachamuranga.» [Yakarondedzerwa naBukhari naMuslim].
Mumiriri wekutanga muIslam: Mushure mekunge mhiko yaitwa uye mwaka weHajj wapera, Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatuma, pamwe chete neavo vakaita mhiko iyi, mumiriri wekutanga muIslam; kuti adzidzise maMuslim matsva kuMadinah mitemo yeIslam, nekuvapa nzwisiso muchitendero. Uye vakasarudzira basa iri rimwe jaya kubva muvechidiki veIslam kune avo vakatanga kutenda, uyo ainzi Musw'ab mwanakomana wa'Umair (Allah ngavafare naye).
Mhiko Yechipiri yeAqabah: Mugore regumi nematatu rekutumwa kwake, boka rakakura rakabuda kunosangana naMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndokuvapa mhiko inonzi "Mhiko Yechipiri yeAqabah" yekuvadzivirira (kubva kuvavengi) nekuvatsigira kana vakatamira kwavari, uye kuti vachamudzivirira pane zvose zvavano zvidzivirira pazviri ivo pachavo, mhuri dzavo, nevana vavo.
Mubairo Mukuru: MaAnswaar akabvunza Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari: "«Tichawanei kana tikazadzisa mhiko yekuzvipira iyi, Veduwe-e Mutumwa waAllah?», ndokubva avapindura (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) neshoko rimwe chete rekuti: «Jannah ndeyenyu», saka vakaita mhiko kwaari nekutendeseka kwese nerufaro."
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Kupfuurira kweMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) mukuzivisa Islam kuvanhu vose vasinganeti kana kufinhwa, muenzaniso mukuru kune vanokoka kuIslam; nokuti kutsiga uye kutenda kwakasimba ndiyo kiyi yebudiriro.
2. Kukosha kwemaAnswaar: Chinzvimbo chevanhu vekuMadinah chinobuda pachena mukukurumidza kwavo kugamuchira chokwadi, nekushingaira kwavo kuti Islam itekeshere pakati pehama dzavo nevavakidzani vavo kusvikira makomborero atekeshera munzvimbo dzavo.
3- Mhiko mbiri dzeAl-Aqabah dzaive hwaro pakumiswa kwenyika yeIslam; sezvo dzaisanganisira chitsidzo chekuteerera, kudzivirira Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nekutsigira chitendero chake.
4- Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, haana kuvimbisa maAnswaar zvinzvimbo kana hupfumi semubairo wekumutsigira kwavo, asi vakavavimbisa Paradhiso (Jannah); kuitira kutidzidzisa kuti pundutso yechokwadi kumutendi ndiko kufarirwa naAllah (Mwari) nemakomborero avo asingaperi.
5- MaAnswaar (Allah ngavafadzwe navo) vakaita mhiko yekuvimbika kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachizvipira nehupenyu hwavo nehupfumi hwavo nekuda kwerudo kuna Allah (Mwari) neMutumwa wavo. Naizvozvo vakakodzera kuti mubairo wavo uve Jannah.
6- Chidzidzo: Aqabah inzvimbo iri ku "Mina" pedyo neMakkah, iyo yakasarudzwa neMuporofita, rugare nemakomboreor aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kuti vasangane nemaAnswaar pachivande; nokuti yaive nzvimbo yakavandika pakati pemakomo, kure nemeso emaQuraish.
Chidzidzo Chegumi: Kutama KweMuporofita Kuenda KuMadinah
Ndirwo rwendo rwenhoroondo rwakakosha zvikuru rwakachinja gwara renhoroondo, uye ndirwo rwakaparura danho rekuvaka nyika yeIslam:
Mvumo yekutama nekutanga kwerwendo: Mushure mekunge mhiko yechipiri yeAqabah yapera kuitwa uye Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vave nechokwadi nerutsigiro rwevanhu vekuMadinah, vakapa maSwahaabah avo mvumo yekutama kuitira kuti vave murunyararo nekuchengetedzeka. Nokudaro, maSwahaaba vakabuda vachishuvira zviri kuna Allah (Mwari), vakasiya dzimba dzavo, pfuma yavo nemhuri dzavo, vakaenda vari mapoka akaparadzana, vachivanda kubva kumaQuraysh, vamwe vavo vachifamba netsoka uye vamwe vakatasva (mhuka dzekufambisa). Uye Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakasara kuMakkah vakamirira kuti Tenzi vavo vavape mvumo yekubuda, pamwechete neshamwari yavo Abu Bakr, naAli bin Abi Talib (Allah ngavafarire ivo vaviri).
Zano rekurangana reDār al-Nadwah uye kuchengetedzwa kweMuporofita naAllah (Mwari): Apo maQuraysh vakaona kuti maSwahaabah aMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakange vave nedziviriro nesimba kuMadinah, vakatya kutekeshera kwechitendero chavo. Naizvozvo vakuru veavo vakange vasingatendi vakaungana pa"Dar Al-Nadwah" kuti vapanane mazano, ndokubvumirana kuuraya Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, murume mumwe chete kubva mudzinza rega rega vachimurova panguva imwechete kuitira kuti ropa rake ripararire pakati pemadzinza; asi Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakazivisa Muporofita wavo pamusoro pezano ravo rakaipa ndokumupa mvumo yekutama (Hijrah). Saka Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakaraira Ali bin Abi Twaalib (Allah ngavafadzwe naye) kuti arare pamubhedha wavo; kuitira kunyengera avo vakange vasingatendi kuti vafunge kuti vachirimo mumba, uye kuti azodzorere zvinhu zvavakanga vakachengeteswa kuvaridzi vazvo, ndokubuda (rugare nemakomborero ngazvive pavari) pakati pavo ivo vasingavaone, sezvo Allah (Mwari) vakanga vapofumadza maziso avo kwaari.
MuBako reThawr nekuvepo kwaAllah pamwechete (nemuranda Wavo): Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakasimuka neshamwari yavo Abu Bakr As-Swiddiiq, vakananga ku "Bako reThawr" kuti vanohwanda imomo, uye vakagaramo kwemazuva matatu. Munguva iyoyo, maQuraysh akaedza nepaaigona napo kuvatsvaga ndokuisa mubairo mukuru (wengamera zana) kune uyo aizovauraya kana kuvabata achiuya navo. Uye apo maMushrik (vanosanganisa Allah nezvimwe pakutenda) vakamira pamusiwo webako, Abu Bakr akatyira hupenyu hwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndokuti: «Dai mumwe wavo atarisa pasi petsoka dzake, aitiona». Saka Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakamusimbisa nechivimbo chikuru vachiti: «Veduwe-e Abu Bakr, unofungei nezve vaviri ivo Allah vari wechitatu wavo?». Naizvozvo Allah (Mwari) vakatsausa maMushrik kubva kwavari, pasinei nekuva kwavo pedyo zvikuru.
Kuvakwa kweMasjid Qubaa nekupinda muMadinah: Mushure mekubuda mubako, Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakatora nzira iri kure nemeso evasingatendi kudzamara vasvika kudunhu re"Qubaa", uye ikoko ndiko kwavakavaka masjid wekutanga muIslam unova "Masjid Qubaa", ndokuenderera mberi vachienda kuMadinah pashure pemazuva. Vanhu vemo vakavatambira nemufaro mukuru usingarondedzereki, uye dzimba dzakatinhira nemanzwi eTakbiir neTahmiid mukufarira kusvika kwavo kunokudzwa.
Kuvambwa kwenyika nekutarwa kweJihad: Pakangogadzikana Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuMadinah, vakatanga kuvaka "Masjid yaMuporofita" kuti uve muzinda wenyika, uye vakaita kuti maMuhajiruun nemaAnswaar vave hama kuitira kuti vabatane kuva chinhu chimwe chete. Uye pakagadzikana zvinhu, maMuslim vakave nesimba nedziviriro, Allah (Mwari) vakavapa mvumo yekuita Jihad munzira yavo kuitira kudzivisa hudzvanyiriri. Nokudaro Allah (Mwari) vakadzikisa shoko ravo rinoti: {Kurwisa (vasingatendi) kwakabvumidzwa kune avo (vatendi) varikuriswa, nokuti ndivo vaitadzirwa; uye zvirokwazvo, Allah (Mwari) vanokwanisa kuti vatendi vakunde (mukurwisa vasingatendi)...} [Al-Hajj: 39].
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Hukuru hwekuzvipira: Kutama kwaMuporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, nemaSwahaaba vavo nekusiya kwavakaita nyika dzavo dzekuberekwa nepfuma yavo, kwaiva kwakachena kuitira Allah (Mwari) Varikumusoro-soro bedzi, uye izvi zvinotidzidzisa kuti chitendero chinokosha kudarika zvinhu zvese.
2- Kukosha kwaAbu Bakr Asw-Swiddiiq: nekuti akawana rukudzo rwekufambidzana naMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, murwendo rwakakurisa, pamwe nekusimbiswa kwechinzvimbo chake chepamusoro semunhu wepedyo zvikuru kuna Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
3- Kuti Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakavimbisa kuchengetedza Muporofita wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nekudzivisa manomano eavo vakange vasingatendi kubva kwavari. Naizvozvo uyo anenge aina Allah (Mwari) hapana anomukunda.
4- Kuvimba kwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, naTenzi vavo kwakabuda pachena munguva dzakaomesesa ari mukati mebako, izvo zvinotidzidzisa kuti kusununguka kubva mumatambudziko kunouya pamwe chete nekutsungirira uye kuva nechokwadi chizere chekuvapo kwaAllah (Mwari) nesu.
5- Kukosha kwemaAnswaar: nekuti pakabuda pachena rudo rwevanhu vekuMadinah kune Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nemufaro wavo naye; izvo zvakaratidza hunhu hwavo hwakanaka, uye kuti vakatsigira sei Allah (Mwari) neMutumwa wavo nechokwadi.
6- Jihad yakatarwa panguva yakakodzera mushure mekuvambwa kwenyika uye pava nesimba rekuiita, uye izvi zvinobva mungoni dzaAllah (Mwari) neuchenjeri hwavo pakutarisa mamiriro emaMuslim.
7- Kukosha kwemasjid muhupenyu hwemaMuslim: Nemhaka yechinzvimbo nekukosha kwemasjid muhupenyu hwemaMuslim, chinhu chekutanga chakaitwa naMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vari munzira yavo yekuenda kuMadinah kwaive kuvaka masjid yeQuba. Zvadaro, pavakapinda muMadinah, vakavaka Masjid yaMuporofita panzvimbo yayo inozivikanwa iye zvino.
Chidzidzo Chegumi nerimwe: Kutanga kweJihad munzira yaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, nehondo yeBadr Huru:
Kutanga kwehondo dzaMuporofita uye nemapoka emauto avaituma:
Mutumwa waAllah (Mwari), rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakatungamirira hondo makumi maviri neimwe. Yekutanga yacho yaiva hondo yeAl-Abwa' (Waddan) mugore rechipiri reHijrah, uye yekupedzisira yacho yaiva hondo yeTabuk (Al-'Usrah) mumwedzi waRajab mugore repfumbamwe reHijrah, uye vaitumawo zvikwata zvemauto.
Ghazwah: zvinoreva rwendo rwehondo urwo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakabuda vachitungamirira maMuslim ivo pachavo, zvingave kuti kwakaitika Korea parwendo irworwo kana kuti hakuna kuitika.
Uye Sariyyah: irwendo rwehondo irwo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vasina kubuda marwuri, uye kurwa kwaigona kuitika marwuri, kana kuti kusaitika. Uye kazhinji huwandu hweSariyyah hunenge huri hushoma.
Hondo Huru yeBadr mugore rechipiri reHijrah:
Chikonzero chehondo iyi ndechekuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakanzwa shoko rekuuya kwekaravhani huru yemaQuraish yaibva kuSham, yaiva nehupfumi hwakawanda. Saka vakatuma vanhu kuti vanoivharira, ndokubuda nevarume mazana matatu negumi nevanoverengeka, semurango kumaQuraish sezvo vakanga vadzinga maMuhajirun munyika yavo, vakatora dzimba dzavo nezvinhu zvavo, ndokupamba hupfumi hwavo. Shoko iri rakazosvika kumaQuraish, avo vakabva vaunganidza varwi vane churu chimwe chete nemazana matatu (1,300) kana kudarika. Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, vakatsvaga mazano kumaSwahaabah avo, ndokutsunga kurwisana navo (maQuraish). Hondo iyi yakaitika mumwedzi weRamadan, umo uto reIslam rakasangana neuto reavo vakange vasingatenda, uye kurwa kwakakomba zvikuru. Saka Allah (Mwari) vakapa Muporofita wavo kukunda kukuru kwakasimba. MaMuslim gumi nevana vakafira Islam, ukuwo vasingatendi makumi manomwe vakaurayiwa uye vamwe makumi manomwe vakatorwa sevasungwa, avo ruzhinji rwavo vaiva vakuru nevatungamiri vevasingatendi vemaQuraish. Naizvozvo, Allah (Mwari) vakakudza Islam nevaMuslim, ndokudukupisa kutenda mune vamwe vanamwari nemaMushrik. Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), Tenzi wezvisikwa zvose.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Kuve pamutemo kweJihad munzira yaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro kuitira kusimudzira shoko raAllah (Mwari), nekuita kuti Islam itekeshere, nekuita kuti ruramisiro ivepo, nekupedza hudzvanyiriri nekusaruramisira.
2- Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, ndivo mutungamiri ari muenzaniso wakanaka uye mhare inotevedzerwa: uyo vaibuda ivo pachavo kunorwisa avo vakange vasingatendi.
3- Kutenderwa kwekutora pfuma yeavo vakange vasingatendi vakange vari muhondo, nekugura nzira yekutengeserana yemaQuraish nekuvashaisa simba mune zvehupfumi; uye ichi ndicho chaive chikonzero chikuru chehondo yeBadr Huru.
4- Kupangana zano kwaMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) nemaSwahaabah vavo panyaya yekubuda nekusangana nemuvengi: uye mune izvozvo mune kutenderwa kwekupangana mazano munyaya dzese, kunyanya idzo dzakakosha dzacho.
5- Allah (Mwari) vanokundisa boka diki revatendi pamusoro peboka guru revasingatendi: sekukundisa kwavakaita Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, nemaSwahaabah avo kune vasingatendi vemaQuraish, kunyange zvazvo huwandu hwavo hwaive hwakapetwa kakawanda kudarika huwandu hwemaMuslim.
6- Hushingi hwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nemaSwahaabah avo: nokuti vakatarisana nevavengi vaivakunda zvakapetwa kakawanda pahuwandu hwavo nezvombo zvavo.
7- Allah (Mwari) ndivo vanokudza uyo wavanoda, uye vanodzikisira uyo wavanoda: zvirokwazvo vakakudza vanhu veIslam paBadr, uye vakadzikisira vanhu veShirk.
8- Humwe huchenjeri hwekutarwa kweJihad munzira yaAllah (Mwari):
A- Kukoka vanhu kuIslam nekuvabvisa mukunamata zvisikwa kuenda mukunamata Tenzi wezvisikwa. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye varwisei kusvika pasisina Fitnah (kusatenda uye kunamata vamwe vachisanganiswa naAllah) uye [dzose mhando] dzokunamata dzova dzaAllah (Mwari). Asi kana vamisa (kurwa), ngapasave nokurwa (kuvengana), kunze kwekune maDhaalimuun (vaiti vezvakaipa neavo vanonamata vanamwari vakawanda) 193...} [Al-Baqarah: 193].
B- Kudzivirira kurwiswa kwemaMuslim. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye rwisai munzira yaAllah avo vanokurwisai, asi musave munopfuurira miganhu. Zvirokwazvo, Allah havadi avo vanopfuurira miganhu (vanotadza) 190...} [Al-Baqarah: 190].
Chidzidzo Chegumi Nembiri: Hondo yeUhud Nezvakatevera:
Uye iyi ndiyo hondo yakabudisa pachena zvidzidzo zvikuru zvekuteerera, uye makaratidzwa kutendeseka kwerudo rwemaSwahaabah kuna Muporofita wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nekuzvipira kwavo nehupenyu hwavo.
Zvikonzero zvehondo nekugadzirirwa kwayo: Hondo yeUhud mugore retatu reHijrah yaive nezvikonzero; chikuru chazvo: chido chemaMushrik chekutsiva kuurayiwa kwevanhu vavo nekukundwa kwavo pazuva reBadr. Naizvozvo maQuraysh vakaunganidza varwi zviuru zvitatu vachitungamirirwa naAbu Sufyan, kune rimwe divi, Muporofita , rugare nemakomborero ngazvive pavari, vakabuda nechiuru chemaSwahaabah avo kunosangana navo. Uye apo mauto aive munzira, mutungamiri wevanyengeri Abdullah bin Ubayy bin Saluul akadzokera nechikamu chimwe muzvitatu chemauto, uye havana kupinda muhondo.
Zviitiko zvehondo nemhedzisiro yakaipa yekusateerera: Mauto maviri akasangana paUhud, ndokubva kwaitika hondo inotyisa iyo yakatanga nekukundwa kwemaMushrik. Kubva ipapo, vapfuri veuta vechiMuslim vakaburuka kubva mugomo, kunyangwe zvazvo Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, aive avarayira kuti vasaburuka zvisinei nemamiriro ezvinhu. Uye nekuda kwekusateerera kwevapfuri veuta murayiro uyu, uto revasingatendi rakapoterera maMuslim, zvichikonzera kuti nhamba huru yemaMuslim iurayiwe. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye zvirokwazvo Allah (Mwari) vakazadzisa chitsidzo chavo kwamuri pamaivauraya (vavengi venyu) nekuda kwavo (Allah); kusvikira pamakarasa moyo mukasvika pakupokana nekuda kwezvanga zvarongwa, uye mukaramba kuteerera mushure mekunge maratidzwa zvamaida (mhimbiri, hupfumi hwamunotora mushure mekunge mapedza kurwa hondo pamwe nekukurira vavengi). Pakati penyu pane avo vanodisisa nyika uye nevamwe vanodisisa hupenyu hwemangwana. Nekudaro (Allah) vakaita kuti muvatize (vavengi venyu), kuti vave vanokuedzai. Asi chokwadi, vakave vanokuregererai, uye Allah (Mwari) vazere nemakomborero kuvatendi 152...} [Surah Al-'Imraan:152].
Kuoma kwematambudziko nekuzvipira kwemaSwahaabah: Hondo yeUhud yaive imwe yehondo dzakaoma zvikuru dzakasangana neMuporofita rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari; apo zino rake repamberi rakatyoka, uye mhete mbiri dzenguwani yesimbi - chinova chidziviriro chemusoro - dzakapinda muchiso chake chinokudzwa. Mamiriro ezvinhu akavaomera zvikuru, asi Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakavadzivirira. Muhondo iyi makafa vanhu makumi manomwe kubva kumaSwahaabah (Allah ngavafadzwe navo), uye pakati pavo paiva nemutungamiri weavo vakafira Islam (mashahiid), Hamza bin Abdul Mut-twalib, babamunini vaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari). Rudo rwechokwadi rwemaSwahaabah kune Muporofita wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) rwakabuda pachena, sezvo vakazvipira hupenyu hwavo munzira yekumudzivirira. Mushure mekupera kwehondo nekuvigwa kwemashahiid, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nemaSwahaabah avo vakadzokera kuMadinah.
Uye chimwe chezviitiko ndechekuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakamira paive nevakafira chitendero paUhud ndokuchema, vakataura vachiti: "«Ini ndichava mupupuri pamusoro peava pazuva rekutongwa»," Uye vakaraira kuti vavigwe neropa ravo uye nembatya dzavo vasina kushambidzwa, uye vaisanganisa varume vaviri muguva rimwe chete, vachiisa mberi uyo aive akachengetedza chikamu chikuru cheQur'an mumusoro kuitira kusimudzira chiremera chavo. Pedzezvo, vakaongorora vaive vapenyu, vachipukuta maronda avo nekusimbisa kushinga kwavo. Vakarumbidza hushingi hwemudzimai ainzi Umm 'Ammara nemhuri yake, ndokuvanamatira kuti vave pamwe chete navo kuJannah pamusana pekuona kusimba kwavo kukuru nekuvadzivirira kwavakaita. Uye pavakapedza kuviga, vakaronga vatevedzeri vavo vese mumutsara kuseri kwavo, vakabva varumbidza Allah (Mwari) nekuvakudza, vachizvipira kumurairo wavo, vachivatenda pamusoro penyasha dzekutsungirira neJihad.
Hondo yeHamraa al-Asad: Hondo iyi yakaitika papera zuva rimwe chete chete mushure meUhud, uye chikonzero chayo inyaya yakasvika kuna Mutumwa waAllah (Mwari), rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, yekuti Abu Sufyaan bin Harb aida kudzoka nemaQuraysh kuMadinah kuti vaparadze zvachose MaSwahaaba aMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, akanga asara. Saka Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakarayira vanhu kuti vabude, uye vakaisa chisungo chekuti hapana anobuda navo kunze kweavo chete vaive varwa pazuva reUhud. Naizvozvo vakabuda kunyangwe zvazvo vaitambura nemaronda avo. Zvino Abu Sufyaan paakanzwa nezvavo, akatya ndokudzokera kuMakkah pamwechete nevaakange ainavo.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Mhedzisiro yakaipa yezvivi nekusateerera: Nokuti zvirokwazvo izvo zvakaitwa nevapfuri veuta pakusateerera Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, zvakakonzera dambudziko guru zvakanyanya kumaMuslim.
2- Chinzvimbo chaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, neushingi hwake: Zvirokwazvo vakarwa ivo pachavo uye vakakuvadzwa munzira yaAllah (Mwari), rugare nemakomborero ngazvive kwaari.
3- Kukosha kwemaSwahaabah (Allah ngavafadzwe navo): nekuzvipira kwavo nehupenyu hwavo munzira yaAllah (Mwari), uye nekudzivirira kwavo Mutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
4- Kusiyanisa mutendi nemunyengeri: Nokuti vanhu veunyengeri vakadzokera shure uye havana kurwa muhondo yeUhud, vachitungamirirwa naIbn Salul, mukuru wevanyengeri.
5- Mhedzisiro yekuzvipira kwemaSwahaaba: Dai pasina Allah (Mwari), uye kuzvipira kwavo, Allah (Mwari) ngavafadzwe navo, Islam ingadai isina kusvika kuna chero ani zvake. Allah (Mwari) vakavaita chikonzero chekuchengetedzwa kweIslam. Imam Ibn Al-Qayyim, Allah (Mwari) Varikumusoro-soro ngavamunzwire tsitsi, akati:
Ivavo ndivo vateveri vaMuporofita neboka rake.. uye dai pasinai ivo, pangadai pasina muMuslim panyika.
6- Kubuda kwemaSwahaaba kuenda ku"Hamraa al-Asad" vaine maronda avo aibuda ropa zuva rimwe chete mushure mehondo ye"Uhud", nekudavira kwavo kudanwa neMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kwaive humbowo hukuru hwesimba rekutenda nekutsunga kwepamusoro kusingakundwi nemarwadzo.
Chidzidzo chegumi netatu: Hondo yeKhandaq (Al-Ahzab) mugore rechishanu reHijrah:
Zviitiko zvehondo iyi zvakatanga apo maJuda vakaputsa chibvumirano chavakange vaita neMutumwa, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, ndokukurudzira marudzi akasiyana-siyana emaArabhu nekuvaunganidza kuti varwise Madinah, nechinangwa chekuparadza maMuslim nenyika yavo yakanga ichiri kusimukira. Naizvozvo, pakaungana uto rakakura kwazvo kubva kumarudzi emaMushrik raisvika varwi zviuru gumi raitungamirirwa naAbu Sufyan bin Harb, panguva iyo uto raMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, raingova nevarwi zviuru zvitatu chete.
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) pavakaziva nezvekuuya kwavo, vakabvunza mazano kumaSwahaaba avo, ndokubva muSwahaabi anoremekedzwa ainzi Salman Al-Farsi (Allah ngavafare naye) avapa zano rekuchera "mugero" kutenderedza (guta re) Madinah kuti uve dziviriro yakasimba inoichengetedza kubva pakupinda kwevavengi. Saka Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakafadzwa nezano rake ndokurayira kuti riitwe, uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) havana kugumira pakupa mirayiro chete, asi vakaratidza mienzaniso yakanakisisa yekuzvininipisa uye kuva gwara rakanaka kuburikidza nekuita basa nemaoko pamwe chete nemaSwahaaba pakuchera mugero nekutsungirira matambudziko pamwechete navo.
Mapoka akaungana kuMadinah ndokukomba guta racho kusvikira kutambudzika kwanyanyisa kumaMuslim nekuda kwenguva refu yekukombwa uku, uye kutya kwakasangana nenzara yakaipisisa pavari. Qur'aan rakatsanangura mamiriro ezvinhu aya akaoma mumashoko avo Allah (Mwari) Varikumusoro-soro anoti: {Apo vakauya kwamuri vachibva kumusoro kwenyu uye vachibva nechekuzasi kwenyu, uye apo maziso akave anokura achitya, moyo ikava inosvika mumitsipa, uye imi mukatanga kufunga pamusoro paAllah mafungiro akasiyana-siyana 10...} {Ipapo vatendi vakave vanoedzwa uye vakave vanondengendeswa zvakaomarara 11...} "[Al-Ahzab: 10-11]."
Uye mukati medambudziko iri, zvishamiso zvaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) zvakaonekwa. Allah (Mwari) vakakomborera chekudya chishoma kusvikira chagutsa uto rese. Uye Mutumwa vakapa mashoko anofadza kune vateveri vavo (Swahaaba) ekukundwa kwenyika dzeFaris (Persia) neRome kunyangwe zvinhu zvaive zvakaoma, kuitira kusimudzira ushingi hwavo. Uye apo zvinhu pazvakazonyanya kuoma, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatendeukira kuna Tenzi vavo vachinyengetera nemoyo wepachokwadi kuti vasunungure maMuslim. Saka Allah (Mwari) vakavapindura ndokutumira mhepo ine simba guru pamauto emapoka akabatana (Ahzab) iyo yakadzura matende avo, uye vakaburutsa ngirozi dzichiisa kutya mumoyo mavo, saka gungano ravo rakaparara ndokuenda vakakundikana, uye kuchengetedzeka kwakadzokera muguta reMadinah. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Veduwe-e, Imi vatendi! Rangarirai chipo chaAllah (Mwari) kwamuri, apo chikwata chaipokana nemi chakauya kwamuri, tikave tinotumira mhepo pamwe nemauto (ngirozi pahondo yeAhzaab) amusina kumboona. Uye Allah (Mwari) vanoona zvose zvamunoita...} [Al-Ahzaab: 9].
Uye Allah (Mwari) Vanorumbidzwa vakati: {Uye Allah (Mwari) vakadzorera mumashure avo vanhu vasingatendi vakatsamwa. Havana kana chitsvene chavakawana. Allah (Mwari) vakabatsira vatendi mukurwa (nekutumira mhepo nengirozi). Uye Allah (Mwari) ndivo samasimba vane masimba 25...} [Al-Ahzaab: 25].
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Kuti vavengi veIslam vanogona kubatana zvisinei nekusiyana kwezvitendero zvavo kuti varwise maMuslim. Iyi ndiyo imwe yemitemo yaAllah (Mwari) muzvisikwa zvavo yekuenderera mberi kwekurwisana pakati pechokwadi nenhema, izvo zvinoda kungwarira kwenguva dzose nekugadzirira kwakanaka.
2- Hondo iyi yakaburitsa pachena hukuru hwaSalmaan al-Faarisi, Allah (Mwari) ngavafadzwe naye, nekukosha kwekupangana mazano muIslam.
3- Kuvepo kwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, pamwe nema Swahaaba vavo mukutambudzika kunotsinhira kuti mutungamiri anobudirira ndiye uyo anotungamira pakuita basa, anozvininipisa kuvateveri vake, uye anova muenzaniso wakanaka kwavari.
4- Kuchera mugero kunotidzidzisa kukosha kwekukushandisa simba redu rose ratinokwanisa, nekushandisa nzira dziripo dzinotenderwa uye kutora matanho akafanira, pamwe nekubatsirana mune zvakanaka nekutya Allah (Taqwa).
5- Kukosha kwechivimbo nekutsungirira: Zvirokwazvo maSwahaaba akaratidza kumira akasimba zvikuru zvisinei nekukombwa, naizvozvo kukunda kwakava kune vatsungiriri vaive vechokwadi nevimbiso yaAllah (Mwari). Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Kubva muvatendi mune varume vaiva pachokwadi muzvitsidzo zvavo naAllah (vakatsungirira kurwa munzira yaAllah). Mavari mune vamwe vakazadzisa zvirevo zvavo (vakauraiwa kuhondo), uye vamwe vachakangomirira, asi havana kumbobvira vashandura (chitsidzirano chavo naAllah) kana zvishoma 23...} [Surah Al-Ahzaab:23].
6- Nyasha dzaAllah (Mwari) kuvaranda vavo, apo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakapa maSwaahaba avo mashoko anofadza munguva dzakaomesesa pamusoro pekukunda kwaizouya.
7- Munyengetero (du'a) ndiwo kiyi yekukunda, sezvo mamiriro ehondo akashanduka nekuda kwekutendeukira nechokwadi kweMuporofita, rugare netsitsi zvaAllaah ngazvive paari, kuna Tenzi vake, uye mune izvozvo mune kukosha kwekuita du'a.
8- Kukunda kunobva kuna Allah (Mwari): zvisinei kuti simba revavengi nekuwanda kwavo zvakakura zvakadii. Zvirokwazvo Allah (Mwari) ndivo vane simba, vane masimba ose, vanopa kukunda kuvaranda vavo.
Chidzidzo Chegumi Nechina: Chibvumirano cheHudaibiya, Hondo yeKhaibar neUmrah yekutsiva [Qadaa] (Kukunda Kuri Pachena):
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakarota vachipinda ivo nemaSwahaaba avo muMasjid al-Haram vakachengetedzeka, vakaveura misoro yavo nekudimburira bvudzi ravo, uye hope dzemaporofita izaruro. Naizvozvo vakaudza maSwahaaba avo uye vakabva vafara nemashoko akanaka aya.
Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakabuda mumwedzi waDhul-Qa'dah mugore rechitanhatu reHijrah vaine vanhu vanosvika chiuru chimwe chete nemazana mana kubva kumaMuhajirun nemaAnsar, vachitinha mhuka dzechibayiro senzira yekukudza Imba inoera, uye vasina kutakura zvombo kunze kwezvombo zvemufambi (minondo iri mumahombodo ayo) kuitira kuratidza kumaQuraysh kuti vaive vaiti veUmrah kwete varwisi.
Kudziviswa neMhiko yeRidhwan: MaQuraysh pavakaziva nezverwendo rwavo, akasarudza kuvadzivisa nechisimba ndokumisa musasa pa "Dhi Twuwa". Saka Muporofita,rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakachinja nzira yavo kusvikira vadzika paAl-Hudaybiyyah, uye kwakava nenhaurirano refu ikoko, apo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakatuma Uthman bin Affan (Allah ngavafadzwe naye) kunoita nhaurirano navo. Ndipo pakabva patekeshera mashoko ekuti aurayiwa. Ipapo, Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakadaidza maSwahaabah avo kuti vaite mhiko yekuti havazotizi muhondo. Vakabva vaita mhiko kwavari vari pasi pemuti weSamurah, uye iyi ndiyo "Mhiko yeRidhwan" iyo Allah (Mwari) vakadzikisa mashoko pamusoro payo anoti: {Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vakafadzwa nevatendi apo ivo vakapika kwauri (iwe Muhammad (SAW) kuti vacharwa) pavakanga vari pasi pemuti...} [Al-Fath:18].
Zvisungo zveChibvumirano cheRunyararo: Suhayl bin Amr akauya semumiriri weQuraysh, ndokubvumiranwa pachibvumirano cherunyararo chaisanganisira zvisungo zvaiita sezvakaoma pakuonekwa kwazvo, zvinoti: kumiswa kwehondo kwemakore gumi, uye kuti maMuslim vadzokere mugore iroro vasina kuita Umrah, asi kuti vachadzoka mugore rinotevera kuzoita Umrah yavo vachigara muMakkah kwemazuva matatu chete, uye kuti uyo anouya kuna Muhammad kubva kumaQuraysh asina mvumo yemuchengeti wake (waliy) anofanira kudzorerwa kwavari. Kunyange zvazvo vamwe vemaSwahaabah vakashungurudzika nezvisungo izvi, Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakazvitambira mukuteerera murairo waTenzi wavo, ndokubaya mhuka yavo yechibairo ndokubuda muIhram, maMuslim ndokubva vamutevera. Allah (Mwari) ndokubva vadzikisa mushure mezvo, ivo vari munzira yekudzokera kuMadinah, mashoko avo, ivo Varikumusoro-soro anoti: {Zvirokwazvo, takakuita (iwe Muhammad (SAW)) kuti ukunde zviri pachena...} {Kuitira kuti Allah (Mwari) vagokuregerera zvitadzo zvako zvekare uye zvemberi, uye kuti vagozadzisa makomborero avo kwauri, uye kukutungamirira kunzira yakatwasuka...} {Uyezve kuti Allah (Mwari) vagokubetsera nerubetsero rwakasimba...} [Surah Al-Fath:1-3]
Hondo yeKhaybar (Zvibereko zvinokurumidza zveChibvumirano): Chimwe chezvibereko zvikuru zvechibvumirano ichi kwaiva kudzikama kwedivi rekumaodzanyemba nemaQuraysh uye kuchengetedzwa kwenzvimbo yaiva kumashure kweMadinah. Nokudaro, Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakananga kurutivi rwekumaodzanyemba mumwedzi weMuharram mugore rechinomwe reHijrah; iyo yaiva nhare yemaJudha eKhaybar, avo vakanga vakurudzira mapoka eAl-Ahzaab ndokuruka mazano akaipa ekurwisa maMuslim. Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, havana kubvumidza chero munhu kubuda naye kunze kweavo vakapupurira paHudaybiyyah (vanhu veBay'at ar-Ridwan) semubairo kwavari. MaMuslim akakomba nhare dzeKhaybar dzaiva dzakadzivirirwa zvakasimba imwe mushure meimwe, uye Allah (Mwari) vakavaita kuti vakunde panhare idzi ndokukanda kutya mumwoyo memaJudha. Saka vakakumbira chibvumirano cherunyararo kuti vachengetedze hupenyu hwavo, vachisiya hupfumi hwavo neminda yavo kumaMuslim, pachibvumirano chekuti vachairima vowana chidimbu chezvibereko zvezvirimwa zvacho. Naizvozvo, mashoko akanaka aAllah (Mwari) maererano nekukunda akazadzikiswa mu "pfuma zhinji dzehondo" dzakawanikwa nekukurumidza.
Umrah yeQadaa (Kuzadziswa Kwechiroto): Mugore rakatevera (mumwedzi weDhul-Qa'dah mugore rechinomwe reHijrah), Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive kwavari, vakabuda pamwe chete nemaSwahaaba avo vaivepo paHudaibiyah kuzozadzisa Umrah yavo iyo yavakarambidzwa kuita. Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakapinda muguta reMakkah vachiita Talbiyah, ukuwo maMuslim aive akavakomberedza aiita Tahlil neTakbir, ndokuzadzisa mirairo yavo yeUmrah murunyararo nedzikamo. Uye maQuraish vakabuda vachienda kumakomo vachivatarisa neruremekedzo rwakadzama nekuyemura, saka Umrah iyi yaive kuzadziswa kwekurota kwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, uye yakazivikanwa ichinzi "Umrah al-Qadaa" kana kuti "Umrah al-Qadiyyah".
1- Chibvumirano cherunyararo ichi chakagonesa maMuslim kuti mharidzo yavo itekeshere vakachengetedzeka, saka vanhu vakapinda muchitendero chaAllah (Mwari) vakawanda zvakapetwa kudarika pakutanga, nokudaro kukunda hakuna kugara kuchiuya nebakatwa nguva dzose.
2- Hondo yakaratidza kuti kubudirira kuri mukutevedzera murairo waAllah (Mwari) neMutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kunyangwe kana huchenjeri hwacho husina kuonekera mupfungwa pakutanga (sezvakaitika muzvisungo zvechibvumirano cherunyararo).
3- Chinzvimbo chevanhu vemhiko: maSwahaaba vakawana rukudzo rukuru apo Allah (Mwari) vakafadzwa navo, uye mhiko iyi yakatumidzwa kunzi "Mhiko yeRidhwan (Mhiko yekufadza Allah)", uhwu huri huchapupu hwouMwari hunobva pamusoro pematenga manomwe hwechokwadi chekutenda kwavo.
4- Kutenderwa kwezvibvumirano: naizvozvo zvinotenderwa kumaMuslim kuita chibvumirano cherunyararo nemuvengi kana zvichibatsira, uye izvi zviri muchikamu chehungwaru nematongerwo enyika anoenderana nemutemo weIslam.
5- Kudzoka kwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, ku"Umrah al-Qada" mugore rakatevera kwakatsinhira chokwadi chechiroto chavo, kwakaputsa kudada kwemaQuraish, uye kwakaratidza hukuru hweIslam mukati meMakkah.
6- Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakaratidza mienzaniso yakanakisisa pakuchengetedza nekuzadzisa zvivimbiso nezvibvumirano, izvo zvakaita kuti vanhu vade hunhu hweIslam nechitendero chacho.
7- Makomborero ekutevedzera mirairo yaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari): Sezvatakatsanangura panyaya yehondo yeUhud, kusateerera kune mhedzisiro yakaipa inogona kuunza kukundwa kumaMuslim pavanotarisana nevavengi vavo, zvirokwazvo, kuteerera Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nekutevedzera mirairo yavo kune makomborero anounza kukunda kumaMuslim. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {...Uye kana mukamuteerera, muchange makatungamirirwa...} [An-Nuur: 54].
Kutumira tsamba kwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kumadzimambo nevatungamiri mushure mechibvumirano cheHudaybiyyah.
Apo nyaya yechibvumirano cheHudaybiyyah yakagadzikana uye hondo yamira, Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakave murunyararo rwakakwana kubva kumaQuraysh, vakabva vaisa pfungwa dzavo mukuzadzisa kutekeshera kweda'wah pasi rose nekuti risvike kumativi ose enyika. Saka vakatsunga kunyorera matsamba kumadzimambo enyika nemadzishe emaArabu nevasiri maArabu vachivakoka kuIslam. Uye kubva mutsitsi dzavo kuUmmah yavo pamwe nehurongwa hwavo hwakanaka, Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakagadzira chidhindo chesirivha chakanyorwa kuti «Muhammad Mutumwa waAllah» chekudhinda nacho matsamba, sezvo yaive tsika yemadzimambo uye mutemo wavo wekuti havaiverenga tsamba kunze kwekunge yakadhindwa. Vakabva vasarudza vatumwa kubva kune vakanakisa mumaSwahābah avo (Allah ngavafare navo) avo vaibatanidza kugona kutaura zvakanaka, ushingi hwemoyo, nehungwaru hwepfungwa, kuitira kuti vazadzise basa iri hombe rakavimbwa navo.
Saka Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatuma Dihyah bin Khalifah Al-Kalbi (Allah ngavafare naye) kuna Hiraql mutungamiri mukuru weRoma, uye vakatuma Abdullah bin Hudhafah As-Sahmi (Allah ngavafare naye) kuna Kisra mambo wePezhiya, naAmr bin Umayyah Ad-Damri (Allah ngavafare naye) kuna Najashi mambo weHabasha, naHatib bin Abi Balta'ah (Allah ngavafare naye) kuna Muqawqis mutungamiri mukuru wemaCopt kuEgypt, uyezve avakanyorerawo vatongi vekuSham nevekuYamamah vakaita saAl-Harith bin Abi Shamir Al-Ghassani naHawdhah bin Ali Al-Hanafi. Saka nhumwa idzi dzakaropafadzwa dzakaenda nemagwaro etungamiro akatakura mukati mawo mharidzo yakachena yeIslam, nemashoko ehuchenjeri anotaura kupfungwa nemumwoyo, achivadaidza kushoko rakaenzana rekuti vasanamata mumwe kunze kwaAllah (Mwari), uye achivayambira pamusoro pemigumisiro yekudzivisa marudzi avo kuchiedza chechokwadi nenhungamiro.
Zvirokwazvo maonero emadzimambo akasiyana maererano netsamba idzi nezvinyorwa zvinokudzwa; pakati pavo paiva neavo vane mwoyo yakapfava, uye mhinduro dzavo dzakava dzakanaka; vakaita saMuqawqis, Najashi, uye Heraclius uyo akabvunza nezvehunhu hwaMuporofita kuna Abu Sufyan ndokugutsikana nechokwadi chehuporofita hwavo, kunyangwe hazvo humambo hwake hwakamutadzisa kutevera chokwadi. Uye pakati pavo pane vamwe vakapanduka, vakazvikudza ndokubvarura-bvarura tsamba yavo, vakaita saKhosrau. Saka Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakateterera kuti humambo hwake hubvarurwe-bvarurwe zvachose, uye Allah (Mwari) vakapindura munyengetero wavo ndokubva humambo hwake hwaparara nekukurumidza. Kuburikidza nekutumirana tsamba uku, Mharidzo yeIslam yakasvika kumadzimambo epasi rose nevatungamiri vacho, uye Madzimambo makuru akaziva nezvechitendero chechokwadi. Danho iri rakave mavambo echikamu chekuti Islam iparidzirwe pasi rose, nekubuda kwayo kubva mumiganhu yechitsuwa cheArabia kuenda kune dzimwe nyika dzepasi rose.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
8- Humbowo hwakasimba hwekuti shoko raMuhammad ishoko rakazara uye rinosanganisira maArabhu nevasiri maArabhu, uye harina kugumira kuvanhu vekuArabhiya chete, kuzadzisa zvakataurwa naAllah (Mwari) Varikumusoro-soro kuti: {Uye hatina kukutuma (Iwe Muhammad (SAW)) kunze kwekuti uve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri kune vanhu vose...} [Saba: 28].
9 - Kushandiswa kwegwara reShari'ah mune zvematongerwo enyika: Izvi zvinoonekwa mukushandiswa zvakanaka kwenguva dzerunyararo nezvibvumirano zvekumbomira kurwa kuitira kuti chitendero neDa'wah zvitekeshere; sezvo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakashandisa Chibvumirano cheHudaybiyyah pamwe nerunyararo rwemukati menyika kuti vawane mukana wakakwana wekutaurirana nekukoka madzimambo enyika nevatungamiri vayo.
10- Kubvumirwa kwekutevedzera tsika dzenyika mukunyorerana nekutaurirana chero bedzi zvisingapikisani neShari'ah, nehumbowo hwekutora kwavo, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, chidhindo pavakaudzwa kuti madzimambo havaverengi tsamba kunze kwekunge yaiswa chidhindo, kuitira kurerutsa kusvika kwehumbowo nekufambiswa kweDa'wah.
Chidzidzo chegumi neshanu: Hondo yekukundwa kweMakkah mugore rechisere kubva paHijrah:
Kukunda Kukuru Kwazvo: Uku ndiko kukunda kukuru uye kwakaropafadzwa, kukundwa kweMakkah; zuva iro Allah (Mwari) vakasimudzira chitendero chavo uye vakapa kukunda kuMutumwa wavo, nekuchenesa guta ravo dzvene neImba Yavo yekare kubva muShirk.
Kugadzirirwa kweuto: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakagadzirira hondo ndokuraira maSwahaaba avo kuti vagadzirire, uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakafamba ari pamwe chete nemaSwahaaba avo (Allah ngavafadzwe navo) vari muuto revarwi zviuru gumi, kusvikira vasvika kumucheto kweMakkah; uye Abu Sufyaan paakaona simba reuto revaMuslim nehuwandu hwaro hwakasvika kuvarwi zviuru gumi, akaziva zvizere kuti vanhu veMakkah vakanga vasina simba rekurwisana navo, saka akabvuma kuzvipira, ndokubva Allah (Mwari) vamuitira nyasha neIslam akabva apinda muIslam.
Kupinda muMakkah: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakapinda muMakkah vachibva nechekumusoro kwayo muchiitiko chine chiremerera chikuru, uye vaive vakakotamisa musoro wavo mukuzvininipisa nekuzviisa pasi paAllah (Mwari) pamwe nekutenda kwavari, vakakomberedzwa nemaMuhajirun nemaAnswaar avo vakanga vazadza jengachenga.
Kucheneswa kweKa'bah: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakakurumidza kupa rairo yekuputswa kwezvidhori nekubviswa kwemifananidzo yaive mukati meKa'bah nekuitenderera; kuitira kuti (Tawhid) kunamata Allah (Mwari) mumwechete kuve kwakachena kuna Allah (Mwari).
Kupa mhiko kwevanhu paZuva reKukundwa kweMakkah: Mushure mekunge Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vavimbisa kuchengetedzwa kuvanhu veMakkah, vakawanda vavo vakauya nekuzvipira kugomo reSwaafa ndokupa mhiko kwaari paIslam nekuteerera, ukuwo vamwe vakasara kumashure ndokutiza nekutya, zvadaro Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive kwavari, vakavavimbisa kuchengetedzwa, zvakaita kuti vagamuchire Islam gare gare; nokudaro kupinda kwavo muchitendero hakuna kuve kwekumanikidzwa, asi kuti kwakauya mushure meruregerero rwaMuporofita rwakakudzwa urwo rwakashandura mwoyo yavo.
Mhedzisiro yeKukunda: Kukunda uku kwakava nemhedzisiro huru kwazvo; nokuti mushure mekunge Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakunda maQuraysh (avo vaive vatungamiri vemaArabhu) pamwe nekumwe kukunda kwakatevera mushure mezvo, vanhu vose vakava nechokwadi chizere chekuti huporofita hwake hwakange huri hwechokwadi, zvakaita kuti nhume dzitange kuuya dzichibva mativi ose kuzopinda muchitendero chaAllah (Mwari) vari mapoka nemapoka.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vakarerutsira Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nemaSwahaaba avo pakukundwa nekuvhurwa kweMakkah pasina kudikanwa kwekurwa, uye idzi dzaive nyasha dzoga kubva kuna Allah (Mwari) mukudzivirira kudeuka kweropa ravo, nekuvapa kukunda murunyararo.
2- Tsika yekuzvininipisa panguva yekukunda: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakapinda muMakkah vari padanho repamusoro rekuzvidukupisa nekuzviisa pasi paAllah (Mwari), kuti vatidzidzise kuti nyasha dzese ndedzaAllah (Mwari) chete, nekuti ndivo Mupi wekukunda uye Mubatsiri, uye kuti mutendi, kunyangwe simba rake ringasvika papi, anowedzera kuzvininipisa kuna Tenzi vake.
3- Kukosha kweTawhid (Humwechete hwaAllah): Basa rekutanga rakaitwa naMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, nderekupwanya zvidhori, uye izvi zvinosimbisa kuti nheyo yechitendero ichi nesimba racho zviri mu"Tawhid" nekuchenesa mwoyo nedzimba kubva kune chinhu chese chinonamatwa kunze kwaAllah (Mwari).
4- Madzinza emaArabhu aive akamirira kuona mhedzisiro yekurwisana uku, saka pavakaona kukunda kwakapiwa naAllah (Mwari) kuna Muporofita wavo kuvanhu vake, mapoka enhume akateverana achizivisa kupinda kwawo muIslam. Naizvozvo kukundwa kweMakkah ndiyo yakava kiyi yakavhura moyo yose yenharaunda yeArabia kune kutenda.
5- Mashoko akanaka eQur'an: Allah (Mwari) vakachengetedza chiitiko ichi chikuru mubhuku ravo rinoera vachiti: {Kana rubatsiro rwaAllah (Mwari) rwauya nekukunda...} {Uye kana ukaona vanhu vachipinda vakawanda muchitendero chaAllah (Islaam) ...} {Nokudaro kudza kurumbidzwa kwaTenzi vako, uye vakumbire ruregerero, Zvirokwazvo Ivo ndivo vanoregerera...} [An-Nasr 1-3].
Chidzidzo Chechigumi Nenhanhatu: Hondo yeHunayn:
Chikonzero cheHondo: Mushure mekutorwa kweMakkah, mashoko akasvika kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, ekuti madzinza e"Hawazin" (vanhu vekuTwa'if) aiunganidza uto guru kwazvo kuzorwa navo. Naizvozvo, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakasarudza kuti vabude vaende kwavari kunzvimbo yavo ivo vasati vauya kuMakkah.
Simba remauto maviri: Kwakaungana varwi vangangosvika zviuru makumi maviri kubva kudzinza reHawaazin, vakabva vabuda vaine pfuma yavo, madzimai avo, nevana vavo (kuitira kuzvikurudzira kuti vasatiza). KumaMuslim, vakabva vabuda vari muuto guru rine varwi zviuru gumi nezviviri; pakati pavo paine zviuru zviviri zvevanhu vekuMakkah avo vakanga vachangobva kugamuchira Islam.
Chidzidzo chekuwanda: Apo mamwe maMuslimu vakaona kuwanda kwenhamba yavo, vakataura nekudada vachiti: "Hatimbokundwi nhasi nekuda kwehushoma", naizvozvo kuzvifarira uku ndiko kwakava mavambo emuedzo wakaoma.
Dambudziko risingatarisirwe: Apo maMuslim vakatanga kupinda mumupata we "Hunayn", varwi veHawazin vakange vakavateya vakahwandira munzvimbo dzakavanzika, uye pakarepo vakarwisa uto remaMuslim pamwe chete semunhu mumwe ndokuvanayisira miseve, izvo zvakakonzera kuti vazhinji vavo vadzokere shure nekutiza nekuda kwekurwiswa kwavakaitwa vasina kutarisira.
Kumira zvakasimba kwemutungamiri: Panguva iyoyo yakaoma, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakaramba vakamira panzvimbo yavo nekushinga kusingawanzoitiki, vaine nhamba shoma yemaMuhajirun nemaAnsar, vamwe vavo vaive Abu Bakr, Umar, naAli, Allah (Mwari) ngavafadzwe navo.
Hushingi hweMuporofita: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakamhanyira mberi nenyurusi yavo vakananga kuuto remaMushrik, vachidanidzira neizwi repamusoro-soro kuti vadzorere chivimbo mumoyo yemaSwahaaba avo: «Ini Ndini Muporofita pasina nhema, Ini ndini mwanakomana waAbdul Mut-twalib», Uye kurwa kwakabva kwanyanya zvakare.
Kukunda kwaAllah (Mwari) nengirozi: Apo maSwahaabah vakadzoka ndokuunganira Muporofita wavo, uye kurwisana pakwakanyanya, Allah vakatsigira vatendi nekudzika kwengirozi, idzo dzakakanda kutya mumoyo yevasingatendi, ndokuita kuti tsoka dzavo dzidedere.
Mhedzisiro Nepfuma yemuhondo: Vasingatendi vakakundwa ndokutiza vachimhanya, uye maMuslim akavadzingirira. Vasingatendi vakasiya shure kwavo zvinhu zvavo (zvakave pfuma yemuhondo yemaMuslim) nepfuma huru izvo zvakava zvemaMuslim nenyasha dzaAllah (Mwari), Uye sechikamu chekukwezva mwoyo kwakaita Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kumaHawazin, havana kukurumidza kugova pfuma yavo kusvika papera chinguva nokuti vakange vaine tariro yekuti zvimwe vangadzoka vogamuchira Islam, vagoenda kwaari vachikumbira kuti vavadzorere pfuma yavo, asi pavakanonoka kudzoka, vakabva vaigova.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Kuvimba naAllah (Mwari) kwete nehuwandu: Zvirokwazvo maMuslim akadzidza paHunayn kuti kukunda kunobva kuna Allah (Mwari) chete, uye kuti huwandu hahubatsiri kana kuzvikudza kwapinda mumoyo.
2- Muhondo yeBadr, maMuslim akadzidza kuti "kuva vashoma" hakukanganisi kana paine kutsungirira nekutya Allah (Mwari), uye pahundo yeHunayn vakadzidza kuti "kuva vazhinji" hakubatsiri kana pasina kutsungirira nekuvimba naAllah (Mwari).
3- Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, neavo vavaiva navo vakaramba vakatsiga pamusana pekutenda kwavo kwakasimba, uye izvi zvinotidzidzisa kuti Allah (Mwari) vanosimbisa moyo yechokwadi mumamiriro ezvinhu akaomesesa.
4- Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive kwavari, vakaratidza ushingi hukuru muhondo iyi, kunyangwe zvazvo mauto akadzokera shure, ivo pachavo vakamhanyira mberi vakatarisana nemuvengi vachishevedzera zita ravo nekudada nechivimbo chizere.
5- Allah (Mwari) vakapa kukunda kuna Mutumwa wavo nevatendi nemauto engirozi avasina kuona, uye izvi zvinotsinhira kuti Allah (Mwari) vari pamwechete nevaranda vavo vanovatya .
6- Mushure mekuomerwa nekutambudzika, Allah (Mwari) vakakomborera maMuslim nekukunda uye nepfuma zhinji yehondo semubairo wekutsungirira kwavo nekutsiga kwavo.
7- Mavhesi anoremekedzwa akachengetedza chiyeuchidzo ichi zvachose: Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vakakupai budiriro muhondo zhinji, uye pazuva re(Hondo) yeHunain apo kuwanda kwenyu kwakaita kuti muzvitutumadze, asi hazvina kukubatsirai uye nyika nekukura kwayo yakaita idiki kwamuri, naizvozvo makadzokera shure makundikana (muchitiza) ...} {Nokudaro Allah (Mwari) vakadzikisa runyararo (kugadzikana) kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye nekuvatendi, uye vakatumira pasi mauto (ngirozi) amusina kuona, uye vakaranga avo vasingatendi. Uye uyu ndiwo mugove wevasingatendi ...} {Zvino mushure mezvo Allah (Mwari) vachatambira kukumbira ruregerero kweuyo wavanoda. Uye Allah (Mwari) ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji ...} [At-Tawbah 25-27].
8- Mubairo unofambirana nezviito: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, pavakaramba vakasimba muhondo pamwe chete nevashoma vemaSwahaaba avo anoremekedzwa, kukunda kwakauya kwavari sezvakavimbiswa naAllah (Mwari) Samasimba, vakuru. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Veduwe-e Imi vanotenda! Kana mukabetsera (munzira ya) Allah (Mwari), ivo vachakubetseraiwo, uye vachaita kuti makumbo enyu agwinye ...} [Muhammad: 7]. Uye izvi zvinoshanda kune munhu wese; nokuti muMuslim akavimbiswa naAllah (Samasimba, vakuru) kukunda nerutsigiro kana akasimuka achitsigira chitendero chaAllah (Mwari), nekudana vanhu kwachiri, nekushingirira munzira yavo, achitsvaga kuburikidza neizvozvo kufadza Allah (Samasimba, vakuru uye).
Chidzidzo chegumi nenomwe: Kugamuchirwa kwenhumwa neHajj yekuonekana:
Mushure mekutora Makkah uye kukunda kwemaMuslim, madzinza emaArabhu akauya kubva kumativi ose akananga kuMadinah kuzozivisa kupinda kwavo muIslam, uye gore rechipfumbamwe reHijrah rakazivikanwa se "Gore reMapoka eNhume". Nokudaro, Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatambira mapoka enhume akawanda, pakati peanonyanya kukosha paive neboka renhume dzeBani Tamim, boka renhume dzekuNajran, uye boka renhume dzemaTwayy (avo vaisanganisira 'Adiy bin Hatim). Uye mapoka enhume aya akava nemhedzisiro huru mukubatanidza nharaunda yeArabia pasi pemureza weIslam, sezvo vakadzidza mbiru dzechitendero vakadzokera kunokoka vanhu vavo kuIslam, izvo zvakagadzira nzira yekutekeshera kweIslam.
Uye mugore regumi reHijrah, kwakaziviswa pakati pevanhu kuti Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vaiva nechinangwa chekuita Hajj mugore iroro. Nokudaro, kwakauya kuMadinah nhamba huru kwazvo yevanhu kubva kunzvimbo dzose, vose vachida kuperekedza Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuti vadzidze kubva kwavari uye nekuvatevedzera pamaitiro eHajj.
Chikonzero chekupiwa zita: Yakatumidzwa kuti "Hajj yekuonekana"; nekuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akaonekana nevanhu mairi nemashoko ake, uye nekuti iye (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) haana kuzomboita Hajj pashure payo zvachose.
Mhomho yeavo vainoita Hajj: Vanhu vaida kunoita Hajj vanopfuura zviuru zana vakabuda pamwe chete naMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, parwendo urwu rwakaropafadzwa. Uye Mutumwa vakafamba pamwe chete nemadzimai avo mapfumbamwe, Allah (Mwari) ngavavafarire vose ivavo.
Kukwana kwenyasha: Panguva iyo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vaive vachiita mabasa eHajj, pakadzikiswa kwavari pazuva reArafah mashoko aAllah (Mwari) Varikumusoro-soro ekuti: {Zuva ranhasi, ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu, uye ndikazadzisa nyasha Dzangu kwamuri, uye ndave ndinokusarudzirai Islaam sechitendero chenyu ...} [Al-Maaidah: 3]. Naizvozvo ndima (Aya) iyi yaive chiziviso chekupedziswa kweshoko.
Rairo Huru: Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari ) vakapa mharidzo huru kuvanhu pazuva reArafah nepaZuva reChibayiro, umo vakatsinhira madziri misimboti inokosha yemuMuslim, neHumwechete hwaAllah (Tawhid), nekutevera Sunnah, nekusiyana nemaMushrikin, nekujekesa kodzero dzemaMuslim nekodzero dzevakaroorana. Pane zvavakataura vakati: "«Chokwadi, ropa renyu, pfuma yenyu, uye kukudzwa kwenyu zvinoyera uye hazvifaniri kutyorwa, sekuyera kwezuva renyu iri, mumwedzi wenyu uyu, munyika yenyu ino. Chokwadi, ndasvitsa shoko here?." Vakazviitira kutsinhira kuyera kwehupenyu hwemuMuslim, pfuma yake, nechiremerera chake.
Uye vakapa rairo inodzivirira pakurasika vachiti: «Uye zvirokwazvo ndakasiya pakati penyu chinhu chamusingazomborasiki mushure macho kana mukachibatisisa: Gwaro raAllah (Mwari)...» [Yakarondedzerwa naMuslim].
Kudzoka: Mushure mekunge Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vapedza kuita mabasa eHajj uye vadzidzisa vanhu chitendero chavo, vakadzokera kuMadinah.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Kugamuchira nhumwa kunotidzidzisa kuti simba reIslam riri mukuungana nekubatana pachokwadi, nekuita kuti ruzivo rwutekeshere, uye kuti mutungamiriri akabudirira ndiye anovaka nzira dzekutaurirana kuti aparadzire zvakanaka.
2- Rairo yaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, yekubatisisa Qur'an neSunnah ndiyo nzira yeruponeso kumuMuslim, nokuti mazviri mune nhungamiro nedziviriro kubva mukutsauka nekurasika munguva dzose nenzvimbo dzose.
3- Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive kwavari, vakabuda ivo pachavo kuti vanoita mabasa eHajj uye kuti vanoadzidzisa kuvanhu "nezviito" kwete nemashoko chete, kuti vave muenzaniso mupenyu unoonekwa nevose uye vachiutevera, vakataura (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) kuti: «Dzidzai kubva kwandiri mabasa nemaitiro eHajj yenyu» [Yakarondedzerwa naAl-Bayhaqi naAbu Dawud naNasaa’i], Uye imwe nhaurwa iri muSahih Muslim inoti: «Kuti mudzidze mabasa nemaitiro eHajj yenyu».
4- Allah (Mwari) vakatiudza kuti vakazadzisa chitendero kwatiri uye vakazadzikisa nyasha; saka hazvibvumirwi kune chero munhu kuti awedzere muchitendero "bid'ah" (zvinhu zvitsva) zvichibva kwaari, kana kutapudza kubva kwachiri. Nekuti chitendero cheIslam machiri mune zvese zvinoita kuti hupenyu hwevanhu huve hwakanaka panyika nekune ramangwana (Aakhirah), uye mutemo wakazadziswa nekushaya kwaMuporofita, Allah (Mwari) ngavavakomborere nekuvapa rugare, uye nekuguma kwezvakazarurwa.
5- Ruremekedzo rwemuMuslim: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakasimbisa zvikuru pamusoro pekuchengetedzwa kwehupenyu hwemaMuslim, chiremera chavo, nepfuma yavo, uye kuti hazvibvumirwi kuita chisimba pazviri pasina kodzero .
Chidzidzo Chegumi Nesere: Kushaya kwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
Munguva yamangwanani ezuva reMuvhuro, zuva regumi nemaviri remwedzi waRabi' al-Awwal mugore regumi nerimwe reHijrah, kurwara kwakanyanya pana Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vari mumba memudzimai wavo Aisha, Allah ngavafare naye.
Kutambudzika nemarwadzo makuru panguva yekufa: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakatambura nemarwadzo erufu nekuremerwa kwarwo, saka vaipukuta kumeso kwavo nemvura vachiti:" «Laa ilaaha illalah (Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah), zvirokwazvo rufu rune marwadzo makuru.» [Yakarondedzerwa naAl-Bukhari].
Kushaya: Mweya wavo unokudzwa wakabuda (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakazembera pachipfuva chaAisha, Allah (Mwari) ngavafare naye, vaine makore makumi matanhatu nematatu panguva iyoyo.
Kuvigwa: Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakavigwa panzvimbo yavakashayikira, inova imba yaAisha, Allah (Mwari) ngavafadzwe naye.
Chivimbo chakazara: Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakashaya vapedza kuzadzisa chivimbo zvakakwana, uye vakasiya ummah yavo iri panzira yakajeka sekujeka kwezuva masikati machena. Hapana chakanaka chavasina kutiratidza, uye hapana chakaipa chavasina kutiyambira pamusoro pacho.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Chiitiko ichi chinotiratidza kunaka kukuru kwaAmai vevatendi Aisha, Allah (Mwari) ngavafare naye, nechinzvimbo chake chepamusoro kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), sezvo vakasarudza kupedza mazuva avo ekupedzisira mumba make, uye vakafira pamakumbo ake.
2- Kufa ndiwo mutemo waAllah (Mwari) kune zvisikwa zvavo, saka dai paive nemunhu aizorarama kusingaperi panyika, Mutumwa waAllah (Mwari) rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, ndivo vaidai vakararama kusingaperi mairi. Allah (Mwari) varikumusoro-soro vakati: {Zvirokwazvo, iwe (Muhammad (SAW)) uchafa, uye zvirokwazvo ivo vachafa ...} [Az-Zumar: 30].
3- Zvirokwazvo, rufu rwaMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, ndiro dambudziko guru kupfuura ose rakawira maMuslim, uye uyo anoyeuka dambudziko rake rekurasikirwa naMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, dambudziko rimwe nerimwe rinoreruka kwaari, sekutaura kwakaita mudetembi waMutumwa, Hassan bin Thabit (Allah ngavafare naye):
Uye avo vakapfuura havana kurasikirwa nemunhu akaita saMuhammad.. uye hapana akafanana naye achashaikwa kusvikira Zuva reKumutswa.
4- Shoko kune vanokoka vanhu kuchitendero cheIslam: Zvinosungirwa kune wese akatakura ruzivo rwechitendero kuti aite nepese paanogona napo pakuchiparadzira nekuchidzidzisa kuvanhu, kusvikira asangana naAllah (Mwari), achive akazadzikisa zvinosungirwa paari sezvakaita Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) .
5- Zvirokwazvo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatisiya tiri pachokwadi chiri pachena negwara rakarurama, uye hapana anotsauka kubva panzira iyi kunze kweuyo akatsaudzwa neBid'ah kana zvishuvo (zvakashata). Saka mufaro wese wakakwana uri mukutevera gwara raMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
Chidzidzo Chegumi Nepfumbamwe: Madzimai aMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
Madzimai avo (rugare nemaropafadzo ngazvive pavari):
1. Khadijah bint Khuwaylid (Allah ngavafadzwe naye).
2. Sawdah bint Zam'ah, Allah (Mwari) ngavafadzwe naye.
3. Aisha bint Abu Bakr aṡ-Ṡiddīq (Allah ngavafadzwe naye).
4. Ḥafsṡah bint Umar bin Al-Khaṭṭāb (Allah ngavafadzwe naye).
5. Zainab bint Khuzaimah (Allah ngavafadzwe naye).
6. Umm Salamah (Hind bint Abi Umayyah) Allah (Mwari) ngavafadzwe naye.
7. Umm Habībah (Ramlah bint Abī Sufyān) Allah (Mwari) ngavafadzwe naye.
8. Juwairiyah bint Al-Ḥārith (Allah ngavafadzwe naye).
9. Maymunah bint al-Ḥārith (Allah ngavafadzwe naye).
10. Ṣafiyyah bint Ḥuyayy (Allah ngavafadzwe naye).
11. Zainab bint Jaḥsh (Allah ngavafadzwe naye).
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1. VanaAmai vevatendi: Madzimai eMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndivo "VanaAmai veVatendi" zvichibva mugwaro reQur'ān Tsvene. Alllah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Muporofita ari pedyo nevatendi kupinda ivo pachavo, uye madzimai ake ndivo vanaamai vavo...} [Al-Aḥzāb: 6] Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vari pachinhanho chababa kuvatendi pakurera netsitsi, saka madzimai avo vakava savanaamai kwatiri pakusungirwa kuvaremekedza nekuvakudza, uye pakurambidzwa kuroorana navo, asi havasi savanaamai panyaya ye "Mahram" inobvumidza kugara navo muri mega kana kubvisa Hijab.
2. Kukudzwa kwechinzvimbo cheMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari): Chimwe chezvinhu zvakakosha zvakasiyana nevamwe pamusoro pevakadzi vaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndechekuti hazvibvumidzwi kune ani naani zvake kuvaroora zvachose mushure mekushaya kwavo. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye hazvina kunaka kuti mugumbure mutumwa waAllah (SAW), kana kuti kuroora madzimai ake mushure mekufa kwake. Zvirokwazvo, izvi naAllah zvichange zviri chitadzo chikuru ...} [Al-Aḥzāb: 53] Uku ndiko kuchengetedzwa kwechinzvimbo chaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nekumukudza, uye nekuti hukama hwewanano pakati pake navo hucharamba huripo huchienderera mberi kuJannah nemvumo yaAllah (Mwari).
3. Hukuru hwemutoro nekupetwa kaviri kwemubairo: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) pavakapa madzimai avo sarudzo pakati pezvishongo zvehupenyu hwepasi pano nekugara navo vachitsungirira kuomerwa kwehupenyu, vakasarudza Allah (Mwari), neMutumwa wavo, nemusha wemangwana. Zvakare nokuda kwekuti chinzvimbo chavo chakakwirira, Allah (Mwari) vakaita kuti mubairo wavo pamabasa akanaka uve wakapetwa kaviri sezvavakaitawo kuti kuzvidavirira pane chero chikanganiso chingaitwe navo kuve kwakaomarara kudarika kwevamwe, kuitira kuti kungwarira kwavo nekutenda kwavo kuna Allah (Mwari) kurambe kuri padanho repamusoro-soro nguva dzose.
4. Ndivo vemhuri yaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari): Madzimai aMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vanosanganisirwa mu "Ahl al-Bayt" [mhuri yaMutumwa] avo Allah vakazivisa nezvekucheneswa kwavo. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati mukutaura nezvavo: {Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vanoda kubvisa mabasa akaipa nezvitadzo kubva mamuri, imi vanhu vemhuri (yamutumwa (SAW)), uye kuti vakuchenurei zvakazara ...} [Al-Aḥzāb: 33] Saka zvinosungirwa kumuMuslim wese kuvada, nekutaura kuti Allah (Mwari) ngavafadzwe navo, nekumiririra chiremera chavo, nokuti ndivo mienzaniso yakachena.
5. Kudzika kweWaḥy (Zvakazarurwa) mudzimba dzavo: Chimwe chakanakisa pavari zvikuru ndechekuti Qur'ān rinoera raidzikiswa apo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) aive mudzimba dzavo. Allah (Mwari) Varikumusoro-soro vakati: {Uye rangarirai (imi vanhu vemhuri yamutumwa, zvido zvaTenzi venyu) zvinoverengwa mudzimba dzenyu kubva pandima dzaAllah (Mwari) uye neSunnah ...} [Al-Aḥzāb: 34]. Uye nekuda kwekuva pedyo kwavo navo, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakatisvitsira tsananguro dzakadzama zvikuru dzeSunnah yake negwara rake mukati memba yake, naizvozvo mumwe nemumwe wavo akashandira chitendero kuburikidza nekusvitsa ruzivo urwu kuUmmah.
Chidzidzo chemakumi Maviri: Vana vaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakaropafadzwa nevana vanomwe, vanoti:
Chekutanga: Vanakomana (vatatu): Qāsim: Uye kuburikidza naye Muporofita - Rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive paari - vakapihwa zita rekuremekedza, saka vaidaidzwa kunzi "Abu Al-Qāsim", Abdullah, Ibrahīm.
Chechipiri: Vanasikana (vana): Zainab, Ruqayya, Ummu Kulthum, naFatima.
Vana vavo vese vaive vemudzimai wavo Khadijah, Allah (Mwari) ngavafare naye, kunze kwaIbrahīm, uyo aive wemurandasikana wavo Mariyah al-Qibṭiyyah. Vese vakashaya Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachiri vapenyu, kunze kwaFatimah uyo akararama mushure mavo kwemwedzi mitanhatu ndokubva avateverawo.
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo.
1- Tinodzidza kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kutsungirira nekutarisira mubairo pakufirwa nevana, nokuti vakaravira kuvava kwekufirwa muhupenyu hwavo nerufu rwevana vavo vatanhatu, asi kunyange zvakadaro vakaramba vakatsiga, vakatenda Tenzi vavo.
2- Kukosha kwaFatima (Allah ngavafadzwe naye): Allah (Mwari) vakamusarudza kuti ave iye ega akasara mushure mavo, saka akatsungirira aine moyo murefu achitarisira mubairo kusvikira atevera baba vake (rugare nemaropfadzo aAllah ngazvive pavari).
3- Mwanakomana waMuporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari) Ibrahīm uyo akashaya achiri mudiki, amai vake vaive Māriyah al-Qibṭiyyah, avo vaive mumwe wevarandakadzi vaMuporofita, rugare nemaropafadzo aAllah (Mwari) ngazvive pavari, uye vasiri mumwe wemadzimai avo, vanaAmai vevatendi.
Chidzidzo chemakumi maviri nerimwe: Mamwe mamiriro nehunhu hwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vaiva munhu ane chimiro chakanakisisa kudarika munhu wese. Mamwe mamiriro avo aive ekuti:
Pakureba: aiva wepakati nepakati pakati pevarume, vasiri murefu zvakanyanya kana mupfupi, asi vaiva vakaringana.
Ruvara: Vaive muchena, kuchena kwakasangana nekutsvuka zvishoma, izvo zvaivapa runako nekupenya.
Chiso: Vaive nemaziso makuru, muromo wakafara uye wakanaka, ndebvu dzakawandisa, uye bvudzi rake raive dema zvikuri, uye pavakakwegura pakabuda imvi shoma dzisingasviki makumi maviri, mundebvu dzavo nekumativi echiso chake..
Muviri: Waive wakafara pakati pemapendekete, uchinhuwirira zvakanaka nguva dzose kunyange vasina kuzora pefiyumu.
Uye kana dziri tsika dzavo (dzehunhu):
Muporofita (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vaive vakakwana kupfuura vanhu vose patsika, uye Allah (Mwari) vakavaunganidzira hunhu hwose hwakanaka, uye pakati pahwo paive nehunhu hwakaita se:
Kutendeseka uye kuvimbika: Vaive munhu ainyanya kutaura chokwadi pakutaura kwavo kupfuura vanhu vese, uye vainyanya kuvimbika pakuzadzisa zvivimbiso, zvekuti vasati vatumwa (seMutumwa), vakatumidzwa zita rekuti "Aṣ-Ṣadiq Al-Amīn" (Munhu anotaura chokwadi, munhu akavimbika).
Rupo nekugovera: Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaive vaine rupo rwakanyanya kudarika vanhu vese. Vaipa kupa kwemunhu asingatyi hurombo, uye havana kumbobvira vakumbirwa chinhu vakati "Kwete".
Kunonoka kutsamwa nekuregerera: Vaive munhu aive kure kwazvo nekutsamwa kupfuura vanhu vose uye vainyanya kukurumidza kufadzwa. Vairegerera uyo aivatadzira, vachiita kuti hukama hurambe huripo neuyo aidambura hukama navo, uye munhu asingazive akavaitira zvakaipa hapana zvaivawedzera kunze kwekunonoka kutsamwa.
Kuzvininipisa netsitsi: Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaiva vakazvininipisa kuvatendi, vachizvishandira pachavo nekugadzira shangu dzavo, vachibatsira mumabasa emhuri yavo, vachikudza vaenzi vavo, uye vachinyemwerera kune wese wavasangana naye. Uye vaiva munhu aiva netsitsi dzakanyanya kupfuura vanhu vose kune vasina simba, vana, pamwe chete nekumhuka.
Hushingi: Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vaive munhu akashingisisa pavanhu vese pamoyo. MaṢaḥāba avo aitizira kwavari kana hondo yanyanya kuoma, saka ndivo vaiva pedyo zvikuru nemuvengi.
Uye chokwadi vaive sezvakatsanangura Amai veVatendi Aisha (Allah ngavafadzwe navo) pamusoro pavo mumashoko akazara vachiti: "Hunhu hwavo hwaive Qur'ān."
Zvidzidzo zvinowanikwa mune izvozvo:
1- Zvimwe zvakanakira kuziva chimiro chekusikwa chaMutumwa, ndezvekuti munhu anogona kukudzwa naAllah kuburikidza nekumuona kuhope, saka uyo anomuona (kuhope) pamamiriro ake anozivikanwa; zvirokwazvo anenge amuona zvechokwadi; nekuti Shaiṭāni haazviratidzi pachimiro chavo, sekutaura kwakaita Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) kuti: «Uyo anondiona kuhope zvirokwazvo anenge andiona, nekuti Shaiṭāni haazviratidzi pachimiro changu.» [Yakarondedzerwa naAl-Bukhāri naMuslim].
2- Mudi wechokwadi anoshuva kuziva tsananguro dzose dzemudiwa wake, uye chimwe chezvinhu zvikurusa pane izvozvo kuziva chimiro cheMutungamiri wezvisikwa nenhoroondo yehupenyu hwake (rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari.
3- Tinonzwisisa hukuru hwerudo rwemaṢaḥaba uye kuzvipira kwavo kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, sezvo vakatisvitsira tsananguro dzakadzama chose dzehupenyu hwawo, uye Ummah yakachengetedza nhaka iyi huru mushure mavo.
4- Muenzaniso wakanaka, wakakwana uye unobatanidza zvese: kudzidza nezvetsika idzi kunokurudzira muMuslim kutevedzera Muporofita wake, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, pachimiro chavo chekunze kuburikidza nehutsanana nekuzora pefiyumu, pamwe nemuhunhu hwavo hwemukati kuburikidza nekutaura chokwadi, kuve nemoyo murefu, kuzvininipisa, nezvimwe zvakadaro.
Mhedziso
Pakupedzisira, zvirokwazvo mabhuku eSunnah yechokwadi nenhoroondo yehupenyu hwaMuporofita mazhinji, saka muMuslim anofanira kudzokera kwaari kuti adzidze nezvenhoroondo yehupenyu hwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari), netsika dzake, nehunhu hwake, uye mamwe acho ndeanoti:
1- As-Sīra an-Nabawiyyah raAl-Ḥafiẓ Ibn Kathīr (Allah ngavamunzwire tsitsi).
2- Zād Al-Ma'ād raIbn Al-Qayyim, Allah (Mwari) ngavamunzwire tsitsi.
3- Bhuku reAsh-Shamā'il raTirmidhi, Allah (Mwari) ngavamunzwire tsitsi.
Tinokumbira Allah (Mwari) vakuru kuti vaite kuti basa iri rive rakapirwa kwavari vega, uye kuti vatikomborere isu pamwe nemi nekutevedzera kwakanaka Muporofita wavo anoremekedzwa, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive paari, uye kuti vabatsire ruzhinji rwemaMuslim kuburikidza nekushingaira uku (kwataita), uye vazviite pfuma yedu yakachengetwa paZuva reKutongwa.
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), Tenzi wezvisikwa zvese, uye Allah (Mwari) ngavakomborere mutungamiri wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaṢaḥāba avo vose.
Related books
All books
Mutumwa wechitendero cheIslam Muhammad, ِAllah ngavavakomborere nekuvapa rugare .79 languagesMutumwa wechitendero cheIslam Muhammad, ِAllah ngavavakomborere nekuvapa rugare .
Bhuku rinonzi "Mutumwa wechitendero cheIslam Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare )" rinotsanangura hupenyu hwaMuporofita Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kutangira kudzinza ravo, kukura kwavo, kusvika kuroora kwavo kwakakomborerwa, kutanga kudzika kweshoko (kubva kuna Allah), nekutanga kwehutumwa hwavo unova hwekupedzisira. Rinoratidza zvekare zviratidzo zvehuporofita hwavo nehumbowo hwechokwadi chavo, uye rinotsanangura Mitemo (Shariah) yavakauya nayo nebasa rawo mukuchengetedza kodzero dzevanhu nechiremerera chavo. Uyewo, rinoburitsa pachena maonero eavo…
Islam89 languagesIslam
Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni . Wakambozvibvunza here: kuti ndiani akasika matenga nenyika nezvisikwa zvikuru zviri mazviri? Uye ndiani akasika hurongwa hwakanyatsorongeka uye hwakatsetsenurwa hwuri mazviri?
Maitirwo eSwalaah (muvhidhiyo pfupi)86 languagesMaitirwo eSwalaah (muvhidhiyo pfupi)
Kuratidza muchidimbu maitirwo eSwalaah, kuitira kuti tinamate Allah tiine ruzivo rwakajeka, uye kuti Swalah yedu ive yakakwana munheyo nezviga zvayo. Muitirwo weSwalaah Kana tichida kuita Swalaah, zvinosungirwa kuti tichene kubva kutsvina diki netsvina huru. Uye kuti tinamate nembatya dzakachena dzinofukidza nhengo dzedu dzinonyadzisira. Uye muviri wedu nenzvimbo yemunamato wedu zvinofanira kuva zvakachena kubva kutsvina. Tinotarisa kuQiblah Uye zvinokurudzirwa kuti tinamate takatarisa Sutrah (chinhu chinovharira pamberi pake).
Nzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza85 languagesNzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza
Bhuku ra Sheikh Abdurrahman bin Nasir al-Sa'di rinonzi, "Nzira Dzinobatsira Kurarama Hupenyu Hunofadza," rinotsanangura zvikonzero zvemufaro hwechokwadi zvichibva pamaonero akadzama ekutenda, richitungamirira muverengi mukugadzikana kwemoyo kuburikidza nekutendo nemabasa akarurama,kurangarira Allah, kugutsikana, kufungisisa pamusoro pemakomborero, kunatsa mabasa, kuvimba naAllah, kutsungirira, pamwe nekuronga zvinhu, nemanyorero anoyevedza. Rinoisa pamberi pako (muverengi) gwara rehupenyu hwakagadzikana, hwakadzikama, uye hwemufaro, zvisinei nekushanduka-shanduka kwehupenyu.