الإسلام دين رسل الله
Islam chitendero chevatumwa vaAllah. Islam kuzvipira kuzere kuna Allah, Musiki wenyika yese neMurongi wayo, uye kuvateerera nerudo nekuvakudza. Hwaro hweIslam kutenda muna Allah, kuti ndivo Musiki, uye zvese zvisiri Ivo zvakasikwa, uye kuti Ndivo vega vanofanirwa kunamatwa, vasina mubatsiri. Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vane mazita akanakisisa nemaitiro epamusorosoro. Vane kukwana kuzere, pasina chakaperevedza. Havana kubereka uye havana kuberekwa, uye hakuna akaenzana navo kana anofananidzwa navo. Havagari mukati mechinhu uye havapindi mumuviri wechimwe…
Islam chitendero chevatumwa vaAllah.
Islam kuzvipira kuzere kuna Allah, Musiki wenyika yese neMurongi wayo, uye kuvateerera nerudo nekuvakudza. Hwaro hweIslam kutenda muna Allah, kuti ndivo Musiki, uye zvese zvisiri Ivo zvakasikwa, uye kuti Ndivo vega vanofanirwa kunamatwa, vasina mubatsiri. Hakuna chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vane mazita akanakisisa nemaitiro epamusorosoro. Vane kukwana kuzere, pasina chakaperevedza. Havana kubereka uye havana kuberekwa, uye hakuna akaenzana navo kana anofananidzwa navo. Havagari mukati mechinhu uye havapindi mumuviri wechimwe chinhu chiri pazvisikwa zvavo.
Islam ndicho chitendero chaAllah vari kumusoro -soro avo vasingagamuchire kubva kuvanhu chimwe chitendero kunze kwacho. Chitendero ichi ndicho chakauya nevatumwa vese, (rugare ngarwuve kwavari)
Uye imwe yenheyo dzeIslam kutenda muvatumwa vese, uye kuti Allah vakatumira vatumwa kuti vasvitse mirairo yavo kuvaranda vavo. Vakadzikisa magwaro kuvatumwa vavo. Wekupedzisira wavo aiva Muhammad, rugare ngaruve kwaari. Akatumwa naAllah nemutemo wehuMwari wekupedzisira unodzima mitemo yevatumwa vakauya iye asati auya. Allah vakamutsigira nezviratidzo zvikuru, uye chikurusa chazvo iQur'an rinoera. Iri ishoko raTenzi wezvisikwa zvose. Ndiro bhuku gurusa rakazivikanwa nevanhu. Rinova chishamiso nezviri mukati maro, mashoko aro(aka tsetsenurwa), uye nemarongerwo aro. Mariri mune nhungamiro kuchokwadi, iyo inosvitsa kumufaro panyika pano nemuhupenyu huchatevera. Rakachengetedzwa kusvika nanhasi mururimi rwechiArabhu rwarakadzikiswa narwo, harina kumboshandurwa kana kuchinjwa, kunyangwe vara rimwe chete.
Imwe yenheyo dzeIslam kutenda mungirozi, uye kutenda muzuva rekupedzisira. Muzuva iri Allah vachamutsa vanhu kubva mumakuva avo pazuva rekutongwa (Qiyāmah) kuti vazovatonga pamabasa avo. Naizvozvo, uyo anoita mabasa akanaka uye ari mutendi, achave nemakomborero asingaperi muParadhiso, uye uyo anoramba kutenda oita mabasa akaipa, achave nemurango mukuru mumoto weGehena. Imwezve nheyo yeIslam kutenda mune zvakatarwa naAllah, zvingave zvakanaka kana zvakaipa.
MaMuslim vanotenda kuti Isa (Jesu) muranda waAllah nemutumwa wawo, uye kuti haasi mwanakomana waAllah; nekuti Allah vakuru zvekuti hazvigoneke kuti vave nemukadzi kana mwana. Asi Allah vakatiudza muQur'an kuti Isa (Jesu) aive muporofita akapihwa minana yakawanda naAllah, uye kuti Allah vakamutuma kuti adane vanhu vake kuti vavanamate vari vega vasina mubatsiri. Uyezve vakatiudza kuti Isa (Jesu) haana kumbokumbira vanhu kuti vamunamate, asi iye pachake ainamata Musiki wake.
Islam chitendero chinowirirana nechisikirwo chemunhu nepfungwa dzakatwasuka, uye chinogamuchirwa nevanhu vakarurama. Chakatarwa neMusiki Mukuru kuzvisikwa zvake. Uyezve icho chitendero chakanaka chinopa rufaro kuvanhu vose. Hachisarure rudzi pamusoro perumwe rudzi, kana ruvara pamusoro perumwe ruvara, uye vanhu machiri vakaenzana. Hapana munhu anopfuura mumwe mulslam kunze kwekumupfura pachiero chemabasa ake akanaka.
Uye zvinosungirwa pamunhu wese ane pfungwa dzakakwana kuti atende muna Allah saTenzi, uye muIslam sechitendero, uye muna Muhammad seMutumwa. Iyi inyaya yekuti munhu haana sarudzo mairi, nekuti Allah vachamubvunza pazuva rokumutswa(Qiyāmah) kuti akapindura vatumwa kutii. Saka kana aive mutendi, achakunda nekuwana kubudirira kukuru, uye kana aisave mutendi, acharasikirwa zviri pachena.
Uyo anoda kupinda muIslam anofanirwa kutaura kuti: Ash-hadu an lā ilāha illāllāh, wa ash-hadu anna Muḥammadan rasūlullāh. (Ndinopupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah), achiziva zvinoreva mashoko aya uye achitenda maari. Akaita izvi anobva ava muMuslim; zvadaro anodzidza mimwe mitemo yeIslam zvishoma nezvishoma; kuti aite zvaakasungirwa naAllah paari.
Kuti muwane rumwe ruzivo endai pawebhusaiti iyi: