Skip to content

Kwaive nemurume aikweretesa vanhu, uye aiti kumushandi wake: Kana wasvika kune ari mukuomerwa, muregerere, kuti zvimwe Allah (Mwari) vangatiregererawo.

Kubva kuna Abu Hurairah (Allah ngavafare naye) kuti Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

«Kwaive nemumwe murume aikweretesa vanhu, aiti kumushandi wake: 'Kana wasangana nemunhu ari mumatambudziko, muregerere, kuitira kuti zvimwe Allah (Mwari) vangatiregererawo.' Saka akasangana naAllah (Mwari), vakabva vamuregerera.»

«كان رجلٌ يُدَايِنُ الناسَ، فكان يقول لفتاه: إذا أتيتَ مُعسِرًا فتجاوز عنه، لعل اللهَ يَتجاوزُ عنا، فلقي اللهَ فتجاوز عنه».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive paari, anozivisa nezvemurume aitengeserana nevanhu kuburikidza nezvikwereti, kana kuvatengesera zvekuzobhadharwa pashure, Uye aitaura kumushandi wake uyo aiunganidza zvikwereti zvaive kune vanhu achiti: "Kana ukaenda kumunhu ane chikwereti uye asina chekubhadhara nacho chikwereti chiri paari nekuda kwekutadza kwake "muregerere"; ingave nekumupa imwe nguva uye nekusamumanikidza pakumudai," Kana nekugamuchira zvaanenge ainazvo kunyange paine kushomeka mazviri, uye izvi zviri nekuda kwechido chake nekutarisira kuti Allah (Mwari) vamuregerere uye vamukanganwire, Saka paakafa, Allah (Mwari) vakamuregerera uye vakamukanganwira zvivi zvake.

Zvirevo zvemashoko

يداين: يكثر من التعامل مع الناس بالدين.

فتاه: غلامه الذي يكلفه بالعمل.

أتيت معسرًا: لمطالبته بما عليه.

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kuitira vanhu zvakanaka pakugarisana navo, nekuvaregerera, nekurerutsira avo vari mumatambudziko, ndezvimwe zvezvikonzero zvikuru zvekuponeswa kwemuranda paZuva reKutongwa.

Kuitira zvakanaka kuzvisikwa, nekuzvipira kuna Allah (Mwari), nekutarisira tsitsi dzavo, ndezvimwe zvezvikonzero zvekuregererwa kwezvivi.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (4/ 176) (3480).

Sahih Muslim (3/ 1196) (1562).

Zvimwe (9)

بهجة الناظرين شرح رياض الصالحين.

لسليم الهلالي (2/ 458).

التنوير شرح الجامع الصغير.

للصنعاني (8/ 123).

كنوز رياض الصالحين.

لمجموعة من الباحثين (16/ 402).

مرقاة المفاتيح شرح مشكاة المصابيح.

للقاري (5/ 1953).

نزهة المتقين شرح رياض الصالحين (2/ 945).