Allah vakanyora zvakatarwa zvese zvichaitika kuzvisikwa zvavo vasati vasika matenga nepasi nezviuru makumi mashanu zvemakore
- موضوعات الحديث
- الإيمانالإيمان بالقدر خيره وشره
Abdullah ibn 'Amr ibn al-'Āṣ, Allah ngavafare naye iye nababa vake akati: "Ndakanzwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vachiti:
"Allah vakanyora zvakatarwa zvese zvichaitika kuzvisikwa zvavo vasati vasika matenga nepasi nezviuru makumi mashanu zvemakore." Vakati: "Uye chigaro chavo chehushe chaive pamusoro pemvura".
«كَتَبَ اللهُ مَقَادِيرَ الْخَلَائِقِ قَبْلَ أَنْ يَخْلُقَ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ بِخَمْسِينَ أَلْفَ سَنَةٍ، قَالَ: وَعَرْشُهُ عَلَى الْمَاءِ».
Muporofita (rugare nemaropafadzo zvaAllah ngazvive kwavari) vanozivisa kuti Allah vakanyora zvakatarwa zvese zvichaitika kuzvisikwa zvavo zvizere, zvinosanganisira hupenyu, rufu, raramo nezvimwe zvakadaro, muBhuku Rakachengetedzwa (Al-Lawḥ Al-Maḥfūẓ) vasati vasika matenga nepasi nezviuru makumi mashanu zvemakore. Uye zvichaitika zvichienderana nezvakatarwa naAllah (vane hukuru nesimba). Saka chinhu chese chinoitika, chinenge chiri nemutongo nekutara kwaAllah. Saka izvo zvakawana muranda hazvaikwanisa kumupfuura, uye izvo zvakamupfuura hazvaikwanisa kumuwana.
...:
Kusungirwa kwekutenda mune zvakatongwa nezvakatarwa.
Kutara kwaAllah (Qadr) ndiko: kuziva kwaAllah zvinhu, nekuzvinyora kwavo, nekuzvida kwavo, uye nekuzvisika kwavo.
Kutenda kuti zvakatarwa zvakanyorwa kusati kwasikwa matenga nepasi kunounza kugutsikana nekuzviisa pasi paAllah.
Zvirokwazvo, chigaro chehushe chaAllah vane tsitsi dzakanyanya pamusoro pemvura matenga nenyika zvisati zvasikwa.
Sahih Muslim (4/ 2044) (2653).
Zvimwe (2)
إكمال المعلم (8/141).
البحر المحيط الثجاج (41/450).
Cited in books
4 BooksZvimwe (4)
- مجموعة زاد التربية الإسلامية (3)، والسيرة النبوية (3)التربية الإٍسلامية -3- «كَتَبَ الله مَقَادِيرَ الْخَلائِقِ قَبْلَ أَنْ يَخْلُقَ السَّمَاوَاتِ وَالأَرْضَ بِخَمْسِينَ أَلْفَ سَنَةٍ».
- مجموعة زاد الحديث(3)1«كَتَبَ الله مَقَادِيرَ الْخَلَائِقِ قَبْلَ أَنْ يَخْلُقَ السَّمَاوَاتِ وَالْأَرْضَ بِخَمْسِينَ أَلْفَ سَنَةٍ».
- موسوعة الإيمان«كَتَبَ اللهُ مَقَادِيرَ الْخَلَائِقِ قَبْلَ أَنْ يَخْلُقَ السَّمَوَاتِ وَالْأَرْضَ بِخَمْسِينَ أَلْفَ سَنَةٍ، قَالَ: وَعَرْشُهُ عَلَى الْمَاءِ».
- نبراس طالب (2)نبراس طالب (2) «كَتَبَ اللهُ مقَادِيَر الخَلائِقِ قَبْلَ أنْ يَخلُقَ السَّمَاواتِ والأرَضَ بِخَمْسِينَ أَلْفَ سَنَةٍ»