Apo Allah vakasika Paradhiso neMoto, vakatuma Jibrīl (rugare ngaruve kwaari).
- التصنيف الشرعي
- الأدعية والأذكار والرقائقالرقائق والمواعظذَمُّ الهوى والشَّهواتالأدعية والأذكار والرقائقالرقائق والمواعظصفات الجنة والنارالعقيدةالإيمان باليوم الآخرالحياة الآخرة
- موضوعات الحديث
- الأخلاقالصبرالإيمانالإيمان باليوم الآخر
- محاور التعريف بالإسلام
- اليوم الآخر والمصيرالجنةاليوم الآخر والمصيرالنار
Abu Hurairah (Allah ngavafadzwe naye) akati Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) akati:
"Allah pavakasika Paradhiso neMoto, vakatuma Jibrīl (rugare ngaruve kwaari) kuParadhiso, vakati: "Tarisa kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Naizvozvo, akatarisa kwariri ndokudzoka, akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achanzwa nezvaro asingapindemo." Saka vakaraira nezvaro ndokubva rakomberedzwa nezvinorema, vakati: "Enda kwariri utarise kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Akabva akatarisa kwariri, ndokuwana rakakomberedzwa nezvinorema, ndokuti: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapindamo." Vakati: "Enda utarise kuMoto nezvandakagadzirira vagari vawo mauri." Saka akatarisa mauri ndokuwana zvikamu zvawo zvichikwira pamusoro pezvimwe, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achapindamo." Saka vakaraira nezvawo ndokubva wakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, vakati: "Dzokera utarise mauri." Akabva akatarisa mauri ndokuwana wakakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapunyuka kubva mauri asina kupindamo."
«لَمَّا خَلَقَ اللَّهُ الْجَنَّةَ وَالنَّارَ أَرْسَلَ جِبْرِيلَ عَلَيْهِ السَّلَامُ إِلَى الْجَنَّةِ، فَقَالَ: انْظُرْ إِلَيْهَا وَإِلَى مَا أَعْدَدْتُ لِأَهْلِهَا فِيهَا. فَنَظَرَ إِلَيْهَا فَرَجَعَ، فَقَالَ: وَعِزَّتِكَ لَا يَسْمَعُ بِهَا أَحَدٌ إِلَّا دَخَلَهَا. فَأَمَرَ بِهَا فَحُفَّتْ بِالْمَكَارِهِ، فَقَالَ: اذْهَبْ إِلَيْهَا فَانْظُرْ إِلَيْهَا وَإِلَى مَا أَعْدَدْتُ لِأَهْلِهَا فِيهَا. فَنَظَرَ إِلَيْهَا، فَإِذَا هِيَ قَدْ حُفَّتْ بِالْمَكَارِهِ، فَقَالَ: وَعِزَّتِكَ لَقَدْ خَشِيتُ أَنْ لَا يَدْخُلَهَا أَحَدٌ. قَالَ: اذْهَبْ فَانْظُرْ إِلَى النَّارِ وَإِلَى مَا أَعْدَدْتُ لِأَهْلِهَا فِيهَا. فَنَظَرَ إِلَيْهَا فَإِذَا هِيَ يَرْكَبُ بَعْضُهَا بَعْضًا، فَرَجَعَ فَقَالَ: وَعِزَّتِكَ لَا يَدْخُلُهَا أَحَدٌ. فَأَمَرَ بِهَا فَحُفَّتْ بِالشَّهَوَاتِ، فَقَالَ: ارْجِعْ فَانْظُرْ إِلَيْهَا. فَنَظَرَ إِلَيْهَا فَإِذَا هِيَ قَدْ حُفَّتْ بِالشَّهَوَاتِ، فَرَجَعَ وَقَالَ: وَعِزَّتِكَ لَقَدْ خَشِيتُ أَنْ لَا يَنْجُوَ مِنْهَا أَحَدٌ إِلَّا دَخَلَهَا».
Muporofita (rugare rwaAllah nemakomborero avo ngazvive paari) akazivisa kuti apo Allah vakasika Paradhiso neMoto, vakati kuna Jibrīl (rugare ngaruve paari): "Enda kuParadhiso unoriona. Akabva akaenda akariwona, ndokubva adzoka. Jibrīl akati: "Tenzi vangu, ndinopika neHukuru hwenyu, hapana munhu anonzwa nezvaro pamwe neizvo zviri mariri zvinoti mafaro, makomborero nezvakanaka, asi kuti achada kupinda mariri, uye nekuriitira mabasa." Zvadaro Allah vakakomberedza Paradhiso nekuipoteredza nezvinhu zvakaoma nematambudziko, sekuzadzisa mirairo nekuregedza zvakarambidzwa. Saka uyo anoda kupinda mairi anofanira kukunda zvinhu izvozvo zvakaoma. Zvino Allah (Samasimba, vakuru) vakati: "Iwe Jibrīl! Enda unotarisa kuParadhiso", mushure mekunge ndaikomberedza nematambudziko, Akabva aenda akaritarisa, achibva adzoka akati: "Tenzi, ndinopika nehukuru hwenyu, ndinotya kuti hapana achapinda mariri" nekuda kwekuoma nematambudziko ari munzira yaro. Uye Allah pavakasika Moto, vakati: "Iwe Jibrīl! Enda unoutarisa, saka akaenda akautarisa." Jibrīl akabva auya akati: “Tenzi, nehukuru hwenyu, hapana munhu anonzwa nezvemarwadzo, matambudziko nemurango wakaomarara urimo, kunze kwekuti anovenga kupinda mauri, uye oenda kure nezvikonzero zvekupindamo.” Pedzezvo, Allah vane simba nehukuru vakakomberedza Moto, ndokuita kuti nzira inoenda kwauri ive yezvishuwo nezvinonakidza.Vakabva vati: "Iwe Jibrīl, enda unoutarisa," Jibrīl akabva aenda ndokuitarisa, akazouya ndokuti: "Tenzi, nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya uye ndavhunduka kuti hapana kana munhu achapukunyuka pauri; nekuda kwezvishuvo nezvinofadza zvakaukomberedza."
...:
Kutenda kuti Paradhiso neMoto zviriko iye zvino.
Kusungirwa kwekutenda mune zvakavandika nemune zvese zvakabva kuna Allah neMutumwa wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari.
Kukosha kwekutsungirira pamatambudziko nokuti ndiyo nzira inosvitsa kuParadhiso.
Kukosha kwekusaita zvinorambidzwa; nokuti ndiyo nzira inosvitsa kuMoto.
Kukomberedzwa kweParadhiso nematambudziko, nekukomberedzwa kweMoto weGehena nezvishuwo zvenyama, ndiwo musimboti wemiedzo nekuongororwa muhupenyu hwepasi pano.
Nzira yekuParadhiso yakaoma uye inorema, uye inoda kutsungirira nekutambudzika pamwe chete nekutenda. Uye nzira yekuGehena izere nemafaro nezvishuwo zvenyika ino.
Sunan Abu Dawud (7/ 122) (4744).
Sunan at-Tirmidhi (4/ 319) (2560).
Sunan yaAn-Nasaa’i (7/ 3) (3763).
).
Zvimwe (4)
شرح سنن أبي داود للعباد (537/ 15).
حاشية السندي على سنن النسائي (7/ 3).
فتح الباري (18/317).
ذخيرة العقبى في شرح المجتبى (30/276).