Shaiṭān anouya kune mumwe wenyu obva ati: "Ndiani akasika chakati? Ndiani akasika chakati? Kusvikira ati: Ndiani akasika Tenzi wako?" Saka kana asvika ipapo, ngaatsvage dziviriro kuna Allah, uye ngaasiyane nazvo."
Abū Hurayrah (Allah ngavafadzwe naye) akati: "Mutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive paari) vakati:
"Shaiṭān anouya kune mumwe wenyu obva ati: 'Ndiani akasika chakati? Ndiani akasika chakati?' kusvikira azoti: 'Ndiani akasika Tenzi vako?' Saka kana zvasvika paizvi, ngaatsvage dziviriro kuna Allah uye ngaamire (ngaaregedze kuenderere mberi nemivhunzo iyi).»
«يَأْتِي الشَّيْطَانُ أَحَدَكُمْ فَيَقُولُ: مَنْ خَلَقَ كَذَا؟ مَنْ خَلَقَ كَذَا؟ حَتَّى يَقُولَ: مَنْ خَلَقَ رَبَّكَ؟ فَإِذَا بَلَغَهُ فَلْيَسْتَعِذْ بِاللهِ وَلْيَنْتَهِ».
Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vanozivisa nezvemushonga unoshanda kumibvunzo inofurirwa naShaiṭān kumutendi. Saka Shaiṭān anoti: "Ndiani akasika chakati? Ndiani akasika chakati? Ndiani akasika denga? Uye ndiani akasika nyika? Saka mutendi anomupindura maererano nechitendero, chisikirwo, uye nenjere achiti: "Allah." Asi Shaiān haagumiri padanho iri rekuzevezera kwakaipa, asi anoenderera mberi kusvikira ati: "Ndiani akasika Tenzi vako?" Saka panguva iyoyo mutendi anodzinga kuzevezera uku nezvinhu zvitatu: Nekutenda muna Allah. Uye kukumbira kudzivirirwa naAllah kubva kuna Satani. Uye kurega kuenderera mberi achitevedzera kuzevezera uku.
...:
Kufuratira kuzevezera kwaShaiṭān nepfungwa dzainoisa muvanhu, kusafunga nezvazvo, nekupotera kuna Allah vekumusoro-soro kuti vazvibvise.
Kuzevezera kwese kunopinda mumoyo wemunhu kunopikisana neShari'ah, kunobva kuna Shaiṭān.
Kurambidzwa kwekufungisisa pamusoro pezvakaita Allah pachavo, uye kukurudzirwa kwekufungisisa pamusoro pezvisikwa zvavo nezviratidzo zvavo.
Sahih al-Bukhari (4/ 123) (3276).
Sahih Muslim (1/ 120) (134).
Zvimwe (5)
إكمال المعلم (1/432).
المفهم (1/345).
فتح الباري (6/ 340).
طرح التثريب (8/163).
بهجة قلوب الأبرار (ص 27).