Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

26 cards

«Musandirumbidza zvakapfuura mwero sekurumbidza kwakaita maKristu mwanakomana waMariya; nokuti zvirokwazvo, ini ndiri muranda wavo, saka taurai kuti: Muranda waAllah (Mwari) uye Mutumwa wavo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) akataura kuna Mu'adh bin Jabal, apo akamutumira kuYemen, kuti: «Zvirokwazvo uchaenda kuvanhu veBhuku, saka kana wasvika kwavari vadaidze kuti vapupure kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari) uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah (Mwari), saka kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti Allah (Mwari) vakavasungira Swalaah (minamato) mishanu pazuva rimwe nerimwe neusiku, saka kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti Allah (Mwari) vakavasungira Sadqah inotorwa kubva kuvapfumi vavo yodzoswa kuvarombo vavo, saka kana vakakuteerera pane izvozvo, ngwarira kutora pfuma yavo yakanikisa, uye utye kuteterera kwemudzvanyirirwa, nokuti zvirokwazvo hapana chidziviriro pakati pacho naAllah».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Kurangarira kwakanakisa ndekwekuti: (Laa ilaaha illallahu) hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye mumunyengetero wakanakisa ndewokuti: (Alhamdulillah) rumbidzo ndeyaAllah (Mwari)».
Yakanaka Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra uye Ibn Majah.
«Uyo anochengetedza hukama haasi uyo anongodzorera (zvakanaka zvaaitirwa), asi anochengetedza hukama ndiye uyo anoti kana hukama hwake hwadamburwa anohubatanidza».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
"Vanhu vanopfurikidza mwero vachaparara." Vakazvitaura katatu.
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
"«Veduwe-e Allah (Mwari), musaita kuti guva rangu rive chidhori (chinonamatwa), Allah (Mwari) vakatuka vanhu vakaita makuva emaporofita vavo nzvimbo dzekunamatira (maMasjid)»."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAhmad
«Moto wakafukidzwa nezvishuwo, uye Paradhiso yakafukidzwa nezvinhu zvinorema (pamwoyo).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Allah (Mwari) vakaropafadzwa uye Varikumusoro-soro vakataura kuti: Ini ndakazvikwanira zvakanyanya zvokuti handidi zvachose kusanganiswa nevamwe, ani naani anoita basa achisanganisa vamwe neni mariri, ndinomusiya iye pamwe chete nekusanganisa kwake.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim