Uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah (ruyamuro) pachena, uye uyo anoverenga Qur'ān chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah (ruyamuro) pachivande.
ʿUqbah bin Āmir Al-Juhanī (Allah ngavafare naye) akati: "Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:
«Uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachena, uye uyo anoverenga Qur'ān chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah pakavanda.»
«الجاهِرُ بالقرآن كالجاهِرِ بالصَّدَقَةِ، والمُسِرُّ بالقرآن كالمُسِرِّ بالصَّدَقَة». «الجَاهِرُ بِالْقُرْآنِ كَالجَاهِرِ بِالصَّدَقَةِ، وَالْمُسِرُّ بِالْقُرْآنِ كَالمُسِرِّ بِالصَّدَقَةِ».
Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakajekesa kuti uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachena, uye uyo anoverenga Qur'aan chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachivande.
...:
Kuverenga Qur'ān chinyararire zviri nani, sekupa ṣadaqah muchivande, nekuti zvinounza kuzvipira kwechokwadi nekuva kure nekuzviratidza nekuzvikudza. Asi kana paine chikonzero kana pundutso inoda kuti Qur’ān iverengwe zvinonzwika, sekudzidzisa Qur’ān, ipapo kuiverenga zvinonzwika kunenge kuri nani.
Sunan Abu Dawud (2/ 494) (1333).
Sunan at-Tirmidhi (5/ 40) (2919).
Sunan yaAn-Nasaa’i (5/ 80) (2561).
Zvimwe (4)
الكاشف عن حقائق السُّنن (5/1688).
شرح أبي داود للعيني (5/238).
تحفة الأحوذي (8/ 191).
التنوير في شرح الجامع الصغير (5/286).