Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

4 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة1
حجم المحتوى2
التخريج المتعدد6
«Uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachena, uye uyo anoverenga Qur'ān chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah pakavanda.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيفضائل أعمال القلوب، آداب تلاوة القرآن الكريم، صدقة التطوعموضوعات الحديثتلاوة القرآن، صدقة التطوع، الإخلاص
MaṢaḥāba eMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vaitidzidzisa kuverenga vakarondedzera kwatiri kuti vaidzidza kuverenga ndima gumi kubva kuMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), uye vaisadzidza dzimwe gumi dzinotevera kusvikira vadzidza zviri mundima idzi zveruzivo nezviito. Vakati: "Saka takadzidza ruzivo nezviito."
Yakanaka Yakarondedzerwa naAhmad
التصنيف الشرعيفضل العلم، آداب العالم والمتعلم، آداب تلاوة القرآن الكريمموضوعات الحديثالحث على طلب العلم، تلاوة القرآن، الصحابة رضي الله عنهم
"Zvichanzi kumunhu weQur'ān: Verenga uye ukwire pamusoro, uye verenga zvakajeka semaverengero awaiita panyika, nokuti chinzvimbo chako chiri pandima yekupedzisira yaunoverenga».
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra naAhmad.
التصنيف الشرعيوصف القرآن وفضائله، آداب تلاوة القرآن الكريم، صفات الجنة والنارموضوعات الحديثتلاوة القرآن، القرآن وعلومه، الإيمان باليوم الآخر
"Pane mumwe wenyu angada here kuti paanodzokera kumhuri yake, awane imomo ngamera nhatu huru, dzakakora uye dzine pamuviri?" Takati: "Hongu." Mutumwa vakati: «Ndima nhatu dzinoverengwa nemumwe wenyu muṢalāh make dziri nani kwaari kudarika ngamera nhatu huru, dzakakora, dzine pamuviri»."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيوصف القرآن وفضائله، فضائل السور والآياتموضوعات الحديثتلاوة القرآن، فضائل السور والآيات