Zvirokwazvo, ndichange ndiri padziva (rangu) kusvikira ndaona vachauya kwandiri kubva pakati penyu, uye kune vanhu vachatorwa vachibviswa kwandiri. Zvino ndichati: "Tenzi, ava ndevangu uye ndeveummah yangu."
Asmāʾ mwanasikana waAbū Bakr (Allah ngavafadzwe navo vose), akati: "Muporofita (rugareo nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakati:
"Zvirokwazvo ndichange ndiri padziva kusvikira ndaona vanouya kwandiri kubva mamuri, uye vamwe vanhu vachatorwa kubva kwandiri, saka ndichati: "Tenzi vangu! ndevangu uye ndeveummah yangu. Zvichabva zvanzi: "Unoziva here zvavakaita mushure mako. NaAllah, vakaramba vachidzokera kumashure netsoka dzavo."
«إِنِّي عَلَى الحَوْضِ حَتَّى أَنْظُرَ مَنْ يَرِدُ عَلَيَّ مِنْكُمْ، وَسَيُؤْخَذُ نَاسٌ دُونِي، فَأَقُولُ: يَا رَبِّ مِنِّي وَمِنْ أُمَّتِي، فَيُقَالُ: هَلْ شَعَرْتَ مَا عَمِلُوا بَعْدَكَ، وَاللَّهِ مَا بَرِحُوا يَرْجِعُونَ عَلَى أَعْقَابِهِمْ».
Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) vanojekesa kuti vachange ari padziva ravo paZuva reKumutswa, kuitira kuti aone vanouya kudziva racho kubva muUmmah yavo. Uye vanhu vachatorwa kubva pedyo navo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari). Vachabva vataura kuti: "Tenzi wangu, ndevangu uye vanobva muummah mangu." Zvino zvichanzi: Unoziva here zvavakaita mushure mekusiyana kwako navo? NaAllah, vakaramba vachidzokera kumashure nezvitsitsinho zvavo nekusiya chitendero chavo, saka havasi vako, uye havasi veummah yako.
...:
Tsitsi dzeMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kune ummah yavo nekuvaitira kwavo hanya.
Njodzi yekupesana nezvaiitwa neMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari.
Kukurudziro yekubatisisa Sunnah yeMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari).
Sahih al-Bukhari (8/ 121) (6593).
Sahih Muslim (4/ 1793) (2292).
Zvimwe (2)
عمدة القاري (23/144).
البحر المحيط الثجاج (37/322).