Skip to content

Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari ) vaisaziva kuganhurwa kwechitsauko (Sūrah ) kusvika adzikisirwandima inoti: "Bismillāhi r-raḥmāni r-raḥīm. (Muzita raAllah, vane tsitsi vane ngoni)."

موضوعات الحديث
القرآن وعلومه

Ibn ʿAbbas, Allah ngavafare naye nababa vake, akati:

Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari ) vaisaziva kupatsanurwa kwechitsauko (Sūrah ) kudzamara vadzikisirwa ndima inoti: "Bismillāhi r-raḥmāni r-raḥīm. (Muzita raAllah, vane tsitsi vane ngoni)."

كَانَ النَّبِيُّ صَلَّى اللهُ عَليهِ وَسَلَّمَ لا يَعْرِفُ فَصْلَ السُّورةِ حَتَّى تَنْزِلَ عَليْهِ {بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَنِ الرَّحِيمِ}.

Yakarondedzerwa naAbu Dawud
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Ibn Abbās (Allah ngavafare naye iye nababa vake) anotsanangura kuti zvitsauko (maSūrah ) eQur'ān dzvene zvaidzika kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) uye vaive vasingazivi kupatsanurwa kwazvo nekupera kwazvo, kusvikira kwadzikiswa kwaari: "Bismillāhi r-raḥmāni r-raḥīm. (Muzita raAllah, vane tsitsi vane ngoni)", ndipo paakazoziva kuti chitsauko (Sūrah ) chapfuura chapera, uye kuti uku ndiko kutanga kwechitsauko (Sūrah ) chitsva.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Basmalah inoshandiswa kupatsanura pakati pemaSurah, kunze kwepakati peSurah Al-Anfāl neSurah At-Tawbah.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sunan Abu Dawud (2/ 91) (788).

Zvimwe (3)

شرح سنن أبي داود للعباد (102/ 15).

التنوير شرح الجامع الصغير (8/503).

عون المعبود (2/353).