Skip to content

Moto wenyu chikamu chimwe pazvikamu makumi manomwe zvemoto weGehena.

محاور التعريف بالإسلام
اليوم الآخر والمصيرالنار

Abū Hurayrah, Allah ngavafadzwe naye akati Mutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari, vakati:

"Moto wenyu chikamu chimwe chete pazvikamu makumi manomwe zvemoto weGehenahanama." Zvakanzi: "Imi Mutumwa waAllah, zvirokwazvo iwoyu waikwana." Vakati: "Wakawedzerwa nezvikamu makumi matanhatu nepfumbamwe, zvese zvacho zviine kupisa kwakafanana nawo."

«نَارُكُمْ جُزْءٌ مِنْ سَبْعِينَ جُزْءًا مِنْ نَارِ جَهَنَّمَ»، قِيلَ: يَا رَسُولَ اللَّهِ، إِنْ كَانَتْ لَكَافِيَةً. قَالَ: «فُضِّلَتْ عَلَيْهِنَّ بِتِسْعَةٍ وَسِتِّينَ جُزْءًا كُلُّهُنَّ مِثْلُ حَرِّهَا».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vanozivisa kuti moto wepasi pano chikamu chimwe chete kubva muzvikamu makumi manomwe zvemoto weGehena. Naizvozvo, moto wemuHupenyu Hunotevera une simba rekupisa rinopfuura kupisa kwemoto wepasi pano nezvikamu makumi matanhatu nepfumbamwe, chikamu chimwe nechimwe chazvo chakaenzana nekupisa kwemoto wepasi pano. Zvikazvonzi: “Imi Mutumwa waAllah, zvirokwazvo moto wepanyika waikwana kuranga vanopinda mauri.” Mutumwa vakati: "Moto weGehena unopfuura moto wepanyika nezvikamu makumi matanhatu nepfumbamwe, uye chimwe nechimwe chazvo chakafanana nawo mukunyanya ekupisa."

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Yambiro pamusoro peMoto (weGehena) kuitira kuti vanhu vave kure nemabasa anovatungamira kwauri.

Hukuru hwemoto weGehena nemurango waawo, pamwe nekupisa kwawo kwakanyanya.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (4/ 121) (3265).

Sahih Muslim (4/ 2184) (2843).

Zvimwe (4)

المفهم (7/178).

التوضيح (19/177).

عمدة القاري شرح صحيح البخاري (15/ 165).

فتح الباري لابن حجر (6/ 334).