Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

7 of 26 cards

Clear filters
«Kurangarira kwakanakisa ndekwekuti: (Laa ilaaha illallahu) hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye mumunyengetero wakanakisa ndewokuti: (Alhamdulillah) rumbidzo ndeyaAllah (Mwari)».
Yakanaka Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra uye Ibn Majah.
«Moto wakafukidzwa nezvishuwo, uye Paradhiso yakafukidzwa nezvinhu zvinorema (pamwoyo).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Allah (Mwari) vakaropafadzwa uye Varikumusoro-soro vakataura kuti: Ini ndakazvikwanira zvakanyanya zvokuti handidi zvachose kusanganiswa nevamwe, ani naani anoita basa achisanganisa vamwe neni mariri, ndinomusiya iye pamwe chete nekusanganisa kwake.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
«Paradhiso iri pedyo kune mumwe wenyu kupfuura tambo yeshangu yake, uye Moto wakangodarowo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
"«Ani naani anondivimbisa kuchengetedza zviri pakati peshaya dzake nezviri pakati pemakumbo ake, ndinomuvimbisa Paradhiso.»"
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza», vakati: Imi Mutumwa waAllah (Mwari), ndezvipi izvo? Vakati: «Kusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva mhosva yehupombwe».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Ani naani anosangana naAllah (Mwari) asingavabatanidzi nechimwe chinhu mukuvanamata; achapinda muJannah (Paradhiso), uye ani naani anosangana navo achivabatanidza nezvimwe zvinhu mukuvanamata; achapinda muMoto (Gehena).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim