Skip to content

Zvichanzi kumunhu weQur'ān: "Verenga uye ukwire pamusoro, uye uverenge zvakajeka semaverengero awaiita pawaive panyika, nokuti chinzvimbo chako chichava pandima yekupedzisira yaunoverenga."

ʿAbdullah bin Amr (Allah ngavafare navo vose) akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakati:

"Zvichanzi kumunhu weQur'ān: Verenga uye ukwire pamusoro, uye verenga zvakajeka semaverengero awaiita panyika, nokuti chinzvimbo chako chiri pandima yekupedzisira yaunoverenga».

«يقالُ لصاحبِ القرآن: اقرَأ وارتَقِ، ورتِّل كما كُنْتَ ترتِّل في الدُنيا، فإن منزِلَكَ عندَ آخرِ آية تقرؤها». «يُقَالُ لِصَاحِبِ الْقُرْآنِ: اِقْرَأْ وَارْتَقِ، وَرَتِّلْ كَمَا كُنْتَ تُرَتِّلُ فِيْ الْدُّنْيَا، فَإِنَّ مَنْزِلَكَ عِنْدَ آخِرِ آيَةٍ تَقْرَؤُهَا».

Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra naAhmad.
Yakanaka
Tsananguro

Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakazivisa kuti zvichanzi kumuverengi weQur'ān, uyo anoita zvinoenderana nezviri mariri, akaramba akaribatisisa kuburikidza nekuverenga nekurichengeta mumusoro, kana apinda muParadhiso: "Verenga Qur'ān, uye ukwire muzvinzvimbo zveParadhiso, uverenge zvakatsiga semaverengero awaiita panyika, zvakadzikama uye nerunyararo; nokuti chinzvimbo chako chichava pandima yekupedzisira yauchaverenga."

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Mubairo unoenderana nezviito, muhuwandu uye nemhando yazvo.

Kukurudziro yekuverenga Qur'ān, kurigona zvakakwana, kuribata nemusoro, kufungisisa nezvaro, nekuita mabasa anoenderana naro.

Paradhiso ine zvinzvimbo nematanho akawanda, uye vanhu veQur'ān vanowana matanho epamusoro-soro mairi.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sunan Abu Dawud (2/ 592) (1464).

Sunan at-Tirmidhi (5/ 35) (2914).

Musnad Ahmad (11/ 403) (6799).

Sunan Al-Kubra raAn-Nasaa’i (7/ 272) (8002).

Zvimwe (3)

معالم السنن (1/290).

تحفة الأحوذي (8/187).

عون المعبود وحاشية ابن القيم (4/ 237).