Zvirokwazvo, kutenda inosakara mukati memumwe wenyu sekusakara kunoita nguo, naizvozvo kumbirai Allah kuti vavandudze kutenda mumoyo yenyu.
ʿAbdullāh ibn 'Amr ibn al-'Āṣ, Allah ngavafare naye iye nababa vake, akati: "Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakati:
"“Zvirokwazvo, kutenda kunosakara mukati memumwe wenyu sekusakara kunoita nguwo, saka kumbirai Allah kuti vavandudze kutenda mumoyo yenyu.”"
«إِنَّ الْإِيمَانَ لَيَخْلَقُ فِي جَوْفِ أَحَدِكُمْ كَمَا يَخْلَقُ الثَّوْبُ الْخَلِقُ، فَاسْأَلُوا اللَّهَ أَنْ يُجَدِّدَ الْإِيمَانَ فِي قُلُوبِكُمْ».
Muporofita (Allah ngavavape rugare nemaropafadzo) vanozivisa kuti kutenda (Imān) kunosakara mumoyo memuMuslim, uye kunopera simba kufanana nenguo itsva inosakara nekushandiswa kwayo kwenguva refu. Izvi zvinokonzerwa nekuita nungo mukunamata, kana kuita zvivi pamwe nekunyura muzvishuwo (zvenyama). Saka Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakakurudzira kuti tiite du’ā kuna Allah vekumusoro-soro kuti vavandudze kutenda kwedu, kuburikidza nekuzadzisa zvakasungirwa, kuyeuka Allah zvakanyanya, nekukumbira ruregerero.
...:
Kurudziro yekukumbira kuti vatipe kusimba pakutenda, uye kuti vavandudze nekusimbisa kutenda mumoyo.
Kutenda kutaura, kuita mabasa, uye kubvuma nemoyo, kunowedzera nekuteerera (mirairo yaAllah), uye kunoderera nekusateerera.
Zvimwe (7)
المستدرك على الصحيحين للحاكم (1/ 45) (5).
المعجم الكبير للطبراني (13/ 36) (84).
النهاية في غريب الحديث والأثر.
ص(282).
النهاية (1/316).
فيض القدير (2/323).
التنوير شرح الجامع الصغير (3/434).
Cited in books
2 BooksZvimwe (2)
- الخطب المنبريةموسوعة الخطب المنبرية (القسم الأول)«إِنَّ الإِيمَانَ لَيَخْلُقُ فِي جَوْفِ أَحَدِكُمْ كَمَا يَخْلُقُ الثَّوْبُ؛ فَاسْأَلُوا اللَّهَ أَنْ يُجَدِّدَ الإِيمَانَ فِي قُلُوبِكُمْ»
- الخطب المنبريةموسوعة الخطب المنبرية (القسم الأول)«إِنَّ الإِيمَانَ لَيَخْلُقُ فِي جَوْفِ أَحَدِكُمْ كَمَا يَخْلُقُ الثَّوْبُ؛ فَاسْأَلُوا اللهَ أَنْ يُجَدِّدَ الإِيمَانَ فِي قُلُوبِكُمْ»