Skip to content

Zvirokwazvo, Allah vachanunura mumwe murume kubva muUmmah yangu pamberi pezvisikwa pazuva rekutongwa.

ʿAbdullah ibn 'Amr ibn al-'Āṣ, Allah ngavafare naye iye nababa vake akati: Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati:

«Zvirokwazvo, Allah vachanunura mumwe murume kubva muUmmah yangu pamberi pezvisikwa zvose paZuva reRekumutswah, vomuvhurira magwaro makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, gwaro rega rega rakareba kusvika panogumira kuona kweziso. Vachabva vati: 'Pane chaunoramba pane izvi here? Vanyori vangu vanochengetedza vakakuitira hudzvanyiriri here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva Vati: 'Saka une chikonzero here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva vati: 'Kwete kudaro, zvechokwadi une chiito chakanaka kwatiri, uye nhasi haumboitirwe hudzvanyiriri.' Kunobva kwabudiswa kapepa kakanyorwa kuti: 'Ndinopupura kuti hakuna akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo neMutumwa wavo.' Vobva vati: 'Unza chikero chako.' Achati: "Tenzi wangu, kapepa aka kane basa rei pakatariswa magwaro ose aya?' Vachati: 'Zvirokwazvo, haumbodzvanyirirwi.' [Mutumwa] akati: 'Zvino magwaro achaiswa mune rimwe divi rechikero, uye kapepa kachiiswa mune rimwe divi. Magwaro achabva areruka uye kapepa korema, nokuti hapana chingaenzana pakurema nezita raAllah.'»

«إِنَّ اللهَ سَيُخَلِّصُ رَجُلًا مِنْ أُمَّتِي عَلَى رُءُوسِ الْخَلَائِقِ يَوْمَ الْقِيَامَةِ، فَيَنْشُرُ عَلَيْهِ تِسْعَةً وَتِسْعِينَ سِجِلًّا، كُلُّ سِجِلٍّ مِثْلُ مَدِّ الْبَصَرِ، ثُمَّ يَقُولُ: أَتُنْكِرُ مِنْ هَذَا شَيْئًا؟ أَظَلَمَكَ كَتَبَتِي الْحَافِظُونَ؟ فَيَقُولُ: لَا يَا رَبِّ، فَيَقُولُ: أَفَلَكَ عُذْرٌ؟ فَيَقُولُ: لَا يَا رَبِّ، فَيَقُولُ: بَلَى إِنَّ لَكَ عِنْدَنَا حَسَنَةً، فَإِنَّهُ لَا ظُلْمَ عَلَيْكَ الْيَوْمَ، فَتُخْرَجُ بِطَاقَةٌ فِيهَا: أَشْهَدُ أَنْ لَا إِلَهَ إِلَّا اللهُ وَأَشْهَدُ أَنَّ مُحَمَّدًا عَبْدُهُ وَرَسُولُهُ، فَيَقُولُ: احْضُرْ وَزْنَكَ، فَيَقُولُ: يَا رَبِّ مَا هَذِهِ الْبِطَاقَةُ مَعَ هَذِهِ السِّجِلَّاتِ؟ فَقَالَ: إِنَّكَ لَا تُظْلَمُ، قَالَ: فَتُوضَعُ السِّجِلَّاتُ فِي كِفَّةٍ، وَالْبِطَاقَةُ فِي كِفَّةٍ، فَطَاشَتِ السِّجِلَّاتُ، وَثَقُلَتِ الْبِطَاقَةُ، فَلَا يَثْقُلُ مَعَ اسْمِ اللهِ شَيْءٌ».

Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naIbn Maajah
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakazivisa kuti Allah vachasarudza murume kubva muvanhu vavo pamberi pezvisikwa zvose musi wekutongwa. Achidaidzwa kuti abvunzurudzwe, obva aburitsirwa magwaro makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe anova magwaro emabasa ake akaipa aaiita panyika, uye kureba kwegwaro rimwe nerimwe kunosvika panogumira kuona kweziso. Allah, Samasimba vachati kumurume uyu: "Unoramba here chero chinhu pane zvakanyorwa mumagwaro aya?" "Ngirozi dzangu dzinochengetedza nedzinonyora dzakakudzvanyirira here? Murume achabva ati: "Kwete Tenzi." Saka Allah, Samasimba vachati: "Une chikonzero here chinoita kuti uregererwe pane zviito zvawakaita panyika? Kungava kukanganwa, kukanganisa, kana kusaziva." Ipapo murume achati: "Aiwa Tenzi, handina chikonzero." Allah vane simba nehukuru vachabva vati: "Ehe, chokwadi une basa rakanaka kwatiri, uye zvirokwazvo nhasi haudzvinyirirwe." ʿAbdullah ibn 'Amr ibn al-'Āṣ akati: "Kuchabva kwaburitswa kadhi rakanyorwa pariri kuti: Ndinopupura kuti hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad Muranda uye Mutumwa wavo." Saka Allah vemasimba nekukudzwa vachati kumurume uyu: "Unza chikero chako." Murume wacho achabva ati achishamisika: "Tenzi! Ko kadhi iri rine huremu hwakadai kana richienzaniswa nemagwaro aya?!" Allah vane simba nehukuru vachabva vati: "Hauzi kuzodzvanyirirwa." Abdullah ibn 'Amr ibn al-'Āṣ akati:: Magwaro achabva aiswa kudivi rimwe rechiyero, uye kadhi roiswa kune rimwe divi; divi rechikero rine magwaro rinobva rareruka, uye divi rechikero rine kadhi rinobva rarema nekukunda remagwaro. Nekudaro, Allah vachabva vamukanganwira.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Hukuru hweshoko reTawhīd: kupupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, nekurema kwaro pachikero.

Hazvikwani kutaura kuti: La ilaha illa Allah, nerurimi chete, asi zvinosungirwa kuziva zvarinoreva shoko iri nekuita mabasa arinoda.

Kuzvipira nekusimba kweTawhīd ndicho chikonzero chekudzimwa kwezvivi.

Kutenda kunosiyana pamatanho zvichienderana nekusiyana kwekuzvipira kwepachokwadi kuri mumoyo, saka vamwe vanhu vangataura shoko iri asi vachirangwa zvichienderana nehuwandu hwezvivi zvavo.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sunan at-Tirmidhi (4/ 379) (2639).

Sunan Ibn Maajah (5/ 356) (4300).

Zvimwe (3)

شرح المصابيح (6/49).

مرقاة المفاتيح (8/3531).

تحفة الأحوذي (7/ 330).