Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

3 of 26 cards

Clear filters
«Kana muranda akarwara kana kuenda parwendo, anonyorerwa zvakafanana nezvaaiita panguva yaaigara asiri parwendo uye aine hutano hwakanaka».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Svitsai mashoko kubva kwandiri kunyange riri vhesi rimwe chete, uye taurai nezvevana vaIsraeri uye hapana mhosva, uye uyo anonyepa pamusoro pangu nemaune ngaatore nzvimbo yake kumoto.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Pataive takagara neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) muMasjid, pakapinda mumwe murume aive pangamera, akaipfugamisa muMasjid ndokuikusunga, ndokuti kwavari: "Ndiani pakati penyu anonzi Muhammad?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akange akazendamra pakati pavo, saka takati: "Murume muchena akazendamira uyu." Murume wacho akati kwaari: "Iwe mwanakomana waʿAbdul Muṭṭalib!" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati kwaari: "Ndakupindura." Murume wacho akabva ati kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari): "Ndiri kuda kukubvunza uye ndichakuomesera pamibvunzo yacho, saka usazondigumbukira pamoyo pako." Akati: "Bvunza chero chaunoda." Akati: "Ndinokubvunza ndichikupikira naTenzi vako uye naTenzi veavo vakakutangira, Allah vakakutuma kuvanhu vese here?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti tinamate minamato mishanu masikati nehusiku?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti titsanye mwedzi uno mugore?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti utore zvipo izvi (Zakāt) kubva kuvapfumi vedu wozvigova kuvarombo vedu?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati: "Hongu, ndopika naAllah." Murume wacho akati: "Ndatenda mune zvese zvawauya nazvo, uye ndiri nhumwa yevanhu vangu vandakasiya kumashure. Ini ndiri Ḍimām bin Tha'labah, hama yekwaBani Sa'd bin Bakr."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim