Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

30 of 70 cards

Clear filters
«Uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachena, uye uyo anoverenga Qur'ān chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah pakavanda.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيفضائل أعمال القلوب، آداب تلاوة القرآن الكريم، صدقة التطوعموضوعات الحديثتلاوة القرآن، صدقة التطوع، الإخلاص
"Shaiṭān anouya kune mumwe wenyu obva ati: 'Ndiani akasika chakati? Ndiani akasika chakati?' kusvikira azoti: 'Ndiani akasika Tenzi vako?' Saka kana zvasvika paizvi, ngaatsvage dziviriro kuna Allah uye ngaamire (ngaaregedze kuenderere mberi nemivhunzo iyi).»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيفوائد ذكر الله عز وجل، الأذكار للأمور العارضة، توحيد الربوبية، الإسلامموضوعات الحديثالذِّكْر، الإيمان بالله تعالىمحاور التعريف بالإسلامدليل الخلق والإيجاد، شبهات حول وجود الله
«Musandirumbidza zvakapfuura mwero sekurumbidza kwakaita maKristu mwanakomana waMariya; nokuti zvirokwazvo, ini ndiri muranda wavo, saka taurai kuti: Muranda waAllah (Mwari) uye Mutumwa wavo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
التصنيف الشرعيالغلو في الأنبياء، توحيد الألوهية، النبوة والرسالة، الإيمان بنبينا محمد صلى الله عليه وسلمموضوعات الحديثأهمية التوحيد، معنى شهادة أن محمدًا رسول الله، الشرك بالله وأقسامه، حقوق النبي ﷺمحاور التعريف بالإسلامالغلو في الأنبياء
"Anas bin Mālik (Allah ngavafare naye) akarondedzera kuti mumwe murume akati: "Imi Muporofita waAllah, munhu asingatendi achamutswa sei nechiso chake?" Vakapindura vachiti: "Ko uyo akamufambisa nemakumbo maviri panyika haakwanisi kumufambisa nechiso chake paZuva reKumutswa?" Qatadah akati: "Hongu zvirokwazvo, nehukuru hwaTenzi vedu."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيتوحيد الربوبية، تفسير الآيات، توحيد الأسماء والصفات، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالبعث بعد الموت
«Kurangarira kwakanakisa ndekwekuti: (Laa ilaaha illallahu) hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye mumunyengetero wakanakisa ndewokuti: (Alhamdulillah) rumbidzo ndeyaAllah (Mwari)».
Yakanaka Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra uye Ibn Majah.
التصنيف الشرعيالأذكار المطلقة، أنواع الدعاءموضوعات الحديثالدعاء، الذِّكْر
«Uyo anochengetedza hukama haasi uyo anongodzorera (zvakanaka zvaaitirwa), asi anochengetedza hukama ndiye uyo anoti kana hukama hwake hwadamburwa anohubatanidza».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
التصنيف الشرعيالمجتمع المسلم، فضائل صلة الأرحامموضوعات الحديثصلة الرحم
Mumwe murume akauya kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) akati: "Iwe Mutumwa waAllah, ndezvipi zvinhu zviviri zvine mhedzisiro inosungirwa?" Vakati: "Uyo anofa asingasanganise Allah nechinhu pakunamata anopinda muParadhiso, uye uyo anofa achibatanidza Allah nechinhu pakunamata anoenda kuMoto."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، توحيد الألوهية، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلاموجوب إفراد الله بالعبادة، بطلان الشرك وصوره
"Muenzaniso wemunyengeri (Munāfiq), wakafanana nehwai inodzungaira pakati pemapoka maviri ehwai, ichienda kune iri imwe nguva uye kune rimwe racho imwe nguva.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالنفاقموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الإخلاص