Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

11 of 26 cards

Clear filters
Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) akataura kuna Mu'adh bin Jabal, apo akamutumira kuYemen, kuti: «Zvirokwazvo uchaenda kuvanhu veBhuku, saka kana wasvika kwavari vadaidze kuti vapupure kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari) uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah (Mwari), saka kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti Allah (Mwari) vakavasungira Swalaah (minamato) mishanu pazuva rimwe nerimwe neusiku, saka kana vakakuteerera pane izvozvo, vazivise kuti Allah (Mwari) vakavasungira Sadqah inotorwa kubva kuvapfumi vavo yodzoswa kuvarombo vavo, saka kana vakakuteerera pane izvozvo, ngwarira kutora pfuma yavo yakanikisa, uye utye kuteterera kwemudzvanyirirwa, nokuti zvirokwazvo hapana chidziviriro pakati pacho naAllah».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
"Vanhu vanopfurikidza mwero vachaparara." Vakazvitaura katatu.
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
«Allah (Mwari) vakaropafadzwa uye Varikumusoro-soro vakataura kuti: Ini ndakazvikwanira zvakanyanya zvokuti handidi zvachose kusanganiswa nevamwe, ani naani anoita basa achisanganisa vamwe neni mariri, ndinomusiya iye pamwe chete nekusanganisa kwake.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
«Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza», vakati: Imi Mutumwa waAllah (Mwari), ndezvipi izvo? Vakati: «Kusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva mhosva yehupombwe».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Ani naani anosangana naAllah (Mwari) asingavabatanidzi nechimwe chinhu mukuvanamata; achapinda muJannah (Paradhiso), uye ani naani anosangana navo achivabatanidza nezvimwe zvinhu mukuvanamata; achapinda muMoto (Gehena).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
«Minamato mishanu, neJumu'ah kusvika kune imwe Jumu'ah, uye Ramadhaan kusvika kune imwe Ramadhaan, zvinodzimura zvivi zviri pakati pazvo kana achinge adzivisa zvivi zvikuru».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
(Ani naani anoita Hajj nekuda kwaAllah (Mwari), akasaita zvinonyadzisira kana kuita zvitadzo, anodzokera akachena sezvaaiva pazuva raakazvarwa namai vake).
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndakanzwa Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) mazuva mashanu vasati vafa vachiti: «Zvirokwazvo, ndinozvisunungura kuna Allah (Mwari) kuti ndisava neshamwari yepedyo zvikuru pakati penyu, nokuti zvirokwazvo Allah (Mwari), Varikumusoro-soro, vakandiita shamwari yepedyo, sekutora kwavakaita Abrahamu seshamwari yepedyo. Uye kudai ndaizotora shamwari yepedyo kubva muvanhu vangu, ndaizotora Abu Bakr seshamwari yepedyo. Zivai kuti zvirokwazvo, vanhu vekare vaitora makuva emaporofita vavo neevakarurama vavo senzvimbo dzekunamatira (maMasjid). Chenjerai, musatora makuva senzvimbo dzekunamatira (maMasjid), zvirokwazvo, ini ndinokurambidzai izvozvo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim