Skip to content

Ani naani anopika nezita risiri raAllah (Mwari), zvirokwazvo anenge aita mabasa ekusatenda kana kuti anenge asanganisa vamwe naAllah (Mwari).

Zvakaturwa kubva kuna Ibn Umar, Allah (Mwari) ngavafare navo vose, kuti akanzwa mumwe murume achiti: "Kwete, neKa'bah," zvino Ibn Umar akati: "Hakupikwi nechinhu chisiri Allah (Mwari), nekuti ndakanzwa Mutumwa waAllah, Allah ngavavape runyararo nemakomborero, vachiti:"

"《Uyo anopika nezvisiri Allah (Mwari) , zvirokwazvo anenge atoramba kutenda kana kuti atosanganisa vamwe naAllah (Mwari)》."

«مَنْ حَلَفَ بِغَيْرِ اللهِ فَقَدْ كَفَرَ أَوْ أَشْرَكَ».

Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAhmad.
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vanozivisa kuti ani naani anopika nezvisiri Allah (Mwari), kana mazita avo, kana hunhu hwavo, zvirokwazvo anenge aita mabasa ekusatenda muna Allah (Mwari) kana kuti asanganisa vamwe naAllah (Mwari); nekuti kupika kunoreva kukudzwa kwechinhu chinenge chapikirwa, uye hukuru ndehwaAllah (Mwari) vari voga; naizvozvo hapafanirwi kupikwa kunze kwekupika naAllah (Mwari), nemazita avo, nehunhu hwavo, vanokudzwa. Uye kupika uku iShirk diki; asi kana munhu anopika akakudza chaapika nacho sekukudza kwaanoita Allah (Mwari) kana kudarika ipapo; zvirokwazvo ipapo zvinova Shirk huru.

Zvirevo zvemashoko

من حلف: الحلف: اليمين، وهي توكيد الحكم بذكر معظّم تطمئن له نفس المخاطب.

كفر أو أشرك: يحتمل أن يكون هذا شكًّا من الراوي، ويحتمل أن تكون "أو" بمعنى الواو فيكون كفر وأشرك.

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Zvirokwazvo kukudza kuburikidza nekupika ikodzero yaAllah (Mwari) vakarumbidzwa uye Varikumusoro-soro, saka hapana anofanira kupika kunze kwekupika naAllah (Mwari), nemazita avo, uye nezvimiro zvavo.

Kushingaira kwemaSwahaba mukuraira zvakanaka nekurambidza zvakaipa, uye kunyanya kana zvakaipa zvacho zvine chekuita neShirk kana kusatenda.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sunan at-Tirmidhi (3/ 194) (1535).

Sunan Abu Dawud (5/ 154- 155) (3251).

Musnad Ahmad (9/ 249) (5346).

(9/ 275) (5375).

(10/ 249) (6072).

(1/ 343).

Zvimwe (11)

فتح المجيد شرح كتاب التوحيد.

لعبد الرحمن التميمي (ص413).

القول المفيد على كتاب التوحيد.

لابن عثيمين (2/ 214).

الملخص في شرح كتاب التوحيد.

لصالح الفوزان (ص326).

الجديد في شرح كتاب التوحيد.

لمحمد القرعاوي (ص365).

التمهيد لشرح كتاب التوحيد.

لصالح آل الشيخ (ص452).

فتاوى اللجنة الدائمة.