Muenzaniso wemunyengeri wakafanana nehwai inodzungaira pakati pemapoka maviri ehwai, imwe nguva ichienda kune iri, uye imwe nguva ichienda kune rimwe.
- التصنيف الشرعي
- العقيدةالإسلامنواقض الإسلامالنفاق
- موضوعات الحديث
- التوحيد وحمايتهأهمية التوحيدأعمال القلوب المحمودةالإخلاص
Ibn ʿUmar (Allah ngavavafadzwe navo vese) akati Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari), vakati:
"Muenzaniso wemunyengeri (Munāfiq), wakafanana nehwai inodzungaira pakati pemapoka maviri ehwai, ichienda kune iri imwe nguva uye kune rimwe racho imwe nguva.»
«مَثَلُ الْمُنَافِقِ، كَمَثَلِ الشَّاةِ الْعَائِرَةِ بَيْنَ الْغَنَمَيْنِ تَعِيرُ إِلَى هَذِهِ مَرَّةً وَإِلَى هَذِهِ مَرَّةً».
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakajekesa mamiriro emunyengeri kuti akafanana nehwai inozengurira, isingazive kuti yotevera boka ripi pamapoka maviri ehwai. Inoenda kuboka iri imwe nguva, uye kune rimwe imwewo nguva. Saka vanozengurira pakati pekutenda nekusatenda, havazi pamwe nevatendi kunze nemukati, uye havazi pamwe nevasingatendi kunze nemukati. Asi kunze kwavo vari pamwe nevatendi, uku mukati mavo mune kupokana nekuzengurira, saka dzimwe nguva vanorerekera kune ava, uye dzimwe nguva vanorerekera kune avo.
...:
Nhungamiro yeMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) inosanganisira kupa mienzaniso kuitira kurerutsa zvinorehwa.
Tsananguro yemamiriro evanyengeri mukuzengurira, kusava nechokwadi, nekusagadzikana.
Yambiro pamusoro pemamiriro evanyengeri nekukurudzira kutendeseka nekutsunga mukutenda pachena nepachivande.
Sahih Muslim (4/ 2146) (2784).
Zvimwe (2)
إكمال المعلم بفوائد مسلم (8/ 313).
عمدة القاري شرح صحيح البخاري (16/ 69).