Chinhu chese chakatarwa (neQadar), kunyangwe kusakwanisa nekugona, kana kuti kugona nekusakwanisa.
- التصنيف الشرعي
- العقيدةالإيمان بالقضاء والقدر
- موضوعات الحديث
- الإيمانالإيمان بالقدر خيره وشره
Ṭawus akati: "Ndakasangana nevanhu vaive maṢaḥāba eMutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari), vachiti: "Chinhu chose chakatarwa (neQadar)." Akati: "Uye ndakanzwa Abdullah bin ʿUmar (Allah vafadzwe navo vari vaviri) achiti: 'Mutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakati:
"Chinhu chese chakatarwa, kunyange kusakwanisa nekugona, kana kuti kugona nekusakwanisa".
«كُلُّ شَيْءٍ بِقَدَرٍ، حَتَّى الْعَجْزِ وَالْكَيْسِ، أَوِ الْكَيْسِ وَالْعَجْزِ».
Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakajekesa kuti chinhu chese chakatarwa; kunyange kusakwanisa , kunova: kusiya izvo zvinosungirwa kuitwa, kuzviverengera pazviri, nekuzvinonotsa kubva panguva yazvo yakatarwa, munyaya dzepasi pano nedzemuHupenyu Hunotevera. Uye kunyange kugona kwakatarwawo, kunova: kushingaira nehunyanzvi panyaya dzehupenyu hwepasi nehunotevera. Zvirokwazvo Allah, Samasimba, vanoremekedzwa, vakatara kusakwanisa nekugona, nezvinhu zvese. Hapana chinhu chinoitika chovepo kunze kwekuti chagara chiri muruzivo rwaAllah rwavanoziva kubva kare, uye nekutendera kwavo.
...:
Tsananguro yekutenda kwemaṢahāba (Allah ngavafare navo) mune zvakatarwa.
Chinhu chese chinoitika nekutara kwaAllah, kunyangwe kusakwanisa nekugona.
Kutsvaga chokwadi nekungwarira kweMaṢaḥāba (Allah ngavadzwe navo) mukufambisa maḥadīth eMutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari).
Kutenda mukutara kwaAllah kwose, kunaka kwakwo nekuipa kwakwo.
Sahih Muslim (4/ 2045) (2655).
Zvimwe (3)
إكمال المعلم (8/143).
شرح النووي على مسلم (16/205).
الفتح الرباني لترتيب مسند الإمام أحمد بن حنبل الشيباني (1/ 122).