Skip to content

Musadzidze ruzivo kuti mudade narwo kune nyanzvi dzechitendero, kana kuti mukakavadzane nevasina njere.

Jābir bin ʿAbdullāh (Allah ngavafare naye nababa vake), akati Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:

"Musadzidze ruzivo nechinangwa chekuzvikudza narwo pamberi penyanzvi dzechitendero, kana kukakavadzana naro nevasina njere, kana kuzvisarudzira nzvimbo dzepamusoro mumagungano. Ani nani anoita izvozvo, achawana Moto, Moto.»"

«لَا تَعَلَّمُوا الْعِلْمَ لِتُبَاهُوا بِهِ الْعُلَمَاءَ، وَلَا لِتُمَارُوا بِهِ السُّفَهَاءَ، وَلَا تَخَيَّرُوا بِهِ الْمَجَالِسَ، فَمَنْ فَعَلَ ذَلِكَ، فَالنَّارُ النَّارُ».

Yakarondedzerwa naIbn Maajah
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari, vakayambira pamusoro pekutsvaga ruzivo nechinangwa chekudada nekuzvikudza kuvadzidzi, nekuratidza kuti ndiri mudzidzi semi, kana kuitira kutaura nekuitisana nharo narwo nemapenzi nevasina njere, kana kudzidza kuitira kugara pamberi mumagungano, nekuiswa pamberi kudarika vamwe maari. Saka uyo anoita izvozvo; iyeye anenge akakodzera Moto nekuda kwekushamisira kwake nekushaya kutendeseka mukutsvaga ruzivo kuitira Allah.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Yambiro yemurango weMoto kune uyo anodzidza zivo kuitira kuti azvikudze nayo, kana kuita nharo nayo, kana kutsvaga nzvimbo dzepamberi pamagungano, nezvimwewo zvakadaro.

Kukosha kwekuchenesa chinangwa kune uyo anodzidza ruzivo nekurudzidzisa.

Chinangwa ndicho musimboti wezviito, uye mubairo unopihwa zvichienderana nacho.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sunan Ibn Maajah (1/ 170) (254).

Zvimwe (2)

مرشد ذوي الحجا والحاجة (2/378).

مشارق الأنوار الوهاجة ومطالع الأسرار البهاجة في شرح سنن الإمام ابن ماجه (4/ 482).