Skip to content

Zuva rekutongwa harisviki kudzamara marwisa maJudha, kudzamara dombo iro rine muJudha ari kumashure kwaro rati: "Iwe muMuslim, uyu ndiMuJudha ari kumashure kwangu, saka muuraye."

Abū Hurayrah (Allah ngavafare naye) akati Mutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari), vakati:

"Zuva rekutongwa harisviki kusvikira marwisa maJuda, kudzamara dombo rine muJuda ari kuseri kwaro rati: "Iwe muMuslim, uyu muJuda ari kuseri kwangu, saka muuraye."

«لاَ تَقُومُ السَّاعَةُ حَتَّى تُقَاتِلُوا اليَهُودَ، حَتَّى يَقُولَ الحَجَرُ وَرَاءَهُ اليَهُودِيُّ: يَا مُسْلِمُ، هَذَا يَهُودِيٌّ وَرَائِي فَاقْتُلْهُ».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakazivisa kuti nguva yekuguma haisvike kusvikira maMuslimu nemaJudha varwisana. Kusvikira kuti muJudha akatiza oenda kuseri kwedombo kuti ahwande kumaMuslim; Allah vanoita kuti dombo ritaure uye rodaidza muMuslim: kuti kune muJudha ari kuseri kwaro kuti auye kuzomuuraya.

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kuzivisa kweMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) pamusoro pezvimwe zvinhu zvakavanzika nezveramangwana, sekuziviswa kwavakaitwa naAllah vari kumusoro-soro, uye izvi zvichaitika zvisina mubvunzo.

Kurwisa kwemaMuslim maJuda pakuguma kwenguva, uye kuti izvi ndezvimwe zvezviratidzo zveZuva reKupedzisira.

Chitendero cheIslam chicharamba chiripo kusvika Zuva reKumutswa, uye chichakunda zvimwe zvitendero zvese.

Kukunda kunopiwa naAllah kumaMuslim pamusoro pevavengi vavo, uye chikamu chaizvozvo ndiko kuita kuti dombo ritaure kumagumo enguva.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (4/ 42) (2926).

Sahih Muslim (4/ 2238) (2921).

Zvimwe (1)

عمدة القاري (14/199) الكوكب الوهاج شرح صحيح مسلم (26/198).