Vanhu vanopfurikidza mwero vachaparara.
- التصنيف الشرعي
- العقيدةالبدعةقواعد معرفة البدعالفقهالغلو والتطرفالعقيدةالإيمان بالله عز وجلتوحيد الألوهية
- موضوعات الحديث
- التوحيد وحمايتهالبدعة
Abdullah bin Mas'ud akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:
"Vanhu vanopfurikidza mwero vachaparara." Vakazvitaura katatu.
«هلك المُتَنَطِّعُون» قالها ثلاثًا. «هَلَكَ الْمُتَنَطِّعُوْن» قَالَها ثَلاثًا.
Muporofita (rugare nemakomborero ngazvive kwavari) vanozivisa pamusoro pekukundikana nekurasikirwa kweavo vanonyanyisa (vanozviomesera) - vasina gwara neruzivo - muchitendero chavo nehupenyu hwavo hwepano panyika, uye mumashoko avo nezviito zvavo, vachidarika nazvo mwero wemutemo wechitendero wakaunzwa naMuporofita (rugare nemakomborero ngazvive kwavari).
....:
Kurambidzwa kwekuomesera nekuzviomesera muzvinhu zvese, uye kukurudzira kuzvinzvenga muzvinhu zvese; kunyanya mumabasa ekunamata nekukudza vanhu vakarurama.
Kutsvaga kuita zvakakwana mukunamata nezvimwe zvinhu chinhu chinorumbidzwa; uye zvinoitwa kuburikidza nekutevera nzira yakatarwa.
Zvinokurudzirwa kusimbisa nyaya yakakosha, nekuti Muporofita (Sallallahu alayhi wa sallam) akadzokorora mutsara uyu katatu.
Unyoro hweIslam nekureruka kwayo.
Sahih Muslim (4/ 2055) (2670).
Sahih Muslim (4/ 2055) (2670).
Zvimwe (8)
الجديد في شرح كتاب التوحيد.
للقرعاوي (ص180).
الملخص في شرح كتاب التوحيد.
لصالح الفوزان (ص167).
الجديد في شرح كتاب التوحيد.
للقرعاوي (ص180).
الملخص في شرح كتاب التوحيد.
لصالح الفوزان (ص167).