Skip to content

"Kodzero dzemuMuslim kune mumwe muMuslim ishanu: kudaira Salaam, nekushanyira anorwara, nekutevera rufu (Janaazah), nekubvuma kukokwa, uye nekudaira anohotsira."

Kubva kuna Abu Hurairah (Allah ngavafare naye) vakati: Ndakanzwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) achiti:

«Kodzero yemuMuslim kune mumwe muMuslim dzishanu: kudaira Salaam, kushanyira anorwara, kutevera mufi, kubvuma kukokwa, nekuitira anohotsira du'a (munyengetero)».

«حَقُّ الْمُسْلِمِ عَلَى الْمُسْلِمِ خَمْسٌ: رَدُّ السَّلَامِ، وَعِيَادَةُ الْمَرِيضِ، وَاتِّبَاعُ الْجَنَائِزِ، وَإِجَابَةُ الدَّعْوَةِ، وَتَشْمِيتُ الْعَاطِسِ».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vanotsanangura dzimwe kodzero dzemuMuslim pamusoro pehama yake muMuslim, Yekutanga yekodzero idzi ndeyekudzorera Salaam kune uyo akupa Salaam. Kodzero yechipiri: Kushanyira murwere nekumuona. Kodzero yechitatu: Kutevera mufi kubva kumba kwake kuenda kunzvimbo yekuitira munamato (Swalaah), nekuenda kumakuva kudzamara avigwa. Kodzero yechina: Kubvuma kukokwa kana amukoka kumabiko emuchato nezvimwewo. Kodzero yeChishanu: Kupindura uyo anohotsira, kunova kutaura kwaari kana arumbidza Allah achiti: "Yarhamukallah" (Allah vakunzwirei tsitsi), zvadaro uyo anenge ahotsira anotaurawo kuti: "Yahdeekumullah wa yuslihu baalakum" (Allah vakutungamirirei uye vagadzirise mamiriro enyu).

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Hukuru hweIslam huri mukusimbisa kodzero pakati pemaMuslim, nekusimbisa hukama nerudo pakati pavo.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (2/ 71) (1240).

Sahih Muslim (4/ 1704) (2162).

Zvimwe (10)

كنوز رياض الصالحين.

لمجموعة من الباحثين (4/ 512).

بهجة الناظرين شرح رياض الصالحين.

لسليم الهلالي (1/ 327).

نزهة المتقين شرح رياض الصالحين.

مجموعة من الباحثين (1/ 253).

شرح رياض الصالحين.

لابن عثيمين (2/ 591).

بهجة قلوب الأبرار.

لابن سعدي (ص81).