Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakataura nezve chimwe chinhu, ndokubva vati: "Ipapo ndiyo nguva yekuenda kweruzivo."
- التصنيف الشرعي
- الفضائل والآدابفضل العلمالفضائل والآدابفضائل أعمال القلوبالفضائل والآدابفضائل أعمال الجوارحالعقيدةالإيمان باليوم الآخرأشراط الساعة
- موضوعات الحديث
- الإيمانالإيمان باليوم الآخرأشراط الساعة
Ziyād bin Labīd (Allah ngavafadzwe naye) akati:
Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazive kwavari) vakataura pamusoro pechimwe chinhu, ndokuti: "Izvozvo zhichaitika panguva yekuenfa kweruzivo." Ndakati: "Imi Mutumwa waAllah, ruzivo rwunotsakatika sei isu tichiverenga Qur'ān, tichiridzidzisa kuvana vedu, uye vana vedu vachiridzidzisa kuvana vavo kusvikira Zuva reKumutswa?" Vakati: "Mai vako ngavashaikirwe newe iwe Ziyād (iri ishoko rekutsiura), chokwadi ndanga ndichikuona semumwe wevarume vane nzwisiso huru yechitendero muMadīnah. Ko maJudha nemaKirisitu ava havaverenge Torah neInjil here, asi vasingatevedzeri chero chinhu kubva mune zvirimo?!"
ذَكَرَ النَّبِيُّ صَلَّى اللَّهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ شَيْئًا، فَقَالَ: «ذَاكَ عِنْدَ أَوَانِ ذَهَابِ الْعِلْمِ» قُلْتُ: يَا رَسُولَ اللَّهِ، وَكَيْفَ يَذْهَبُ الْعِلْمُ، وَنَحْنُ نَقْرَأُ الْقُرْآنَ وَنُقْرِئُهُ أَبْنَاءَنَا وَيُقْرِئُهُ أَبْنَاؤُنَا أَبْنَاءَهُمْ إِلَى يَوْمِ الْقِيَامَةِ؟ قَالَ: «ثَكِلَتْكَ أُمُّكَ زِيَادُ، إِنْ كُنْتُ لَأُرَاكَ مِنْ أَفْقَهِ رَجُلٍ بِالْمَدِينَةِ، أَوَلَيْسَ هَذِهِ الْيَهُودُ وَالنَّصَارَى يَقْرَؤونَ التَّوْرَاةَ وَالْإِنْجِيلَ، لَا يَعْمَلُونَ بِشَيْءٍ مِمَّا فِيهِمَا؟!».
Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vaiva akagara pakati pemaṢaḥābah avo, vakabva vati: "Iyi ndiyo nguva inobviswa nekutorwa ruzivo kubva kuvanhu." Zvino Ziyād bin Labīd Al-Ansārī (Allah ngavafare naye) akashamisika, ndokubvunza Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari), akati: "Ruzivo rwungabviswa sei rworasika kubva kwatiri?! Nepo takaverenga Qur'aan tikaribata nomusoro; ndinopika naAllah, zvirokwazvo tichariverenga, uye tichariverengesa vakadzi vedu, vana vedu, nevazukuru vedu." Muporofita (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakabva vashamisika vakati: "Amai vako ngavarasikirwe newe iwe Ziyād! Zvirokwazvo ndaikuona seumwe wenyanzvi dzeruzivo muvanhu vemuMadīnah!" Mutumwa (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakabva vamutsanangurira kuti: kushaikwa kweruzivo hakuzi kushaikwa kweQur'ān; asi kushaikwa kweruzivo kushaikwa kwekuita mabasa anoenderana neruzivo. Naizvozvo, maJuda nemaKristu vane Torah neInjil; asi kunyangwe zvakadaro hazvina kuvabatsira, uye havana kuwana pundutso kubva kune chinangwa chazvo; chinova chekuita mabasa enoenderana nezvavaiziva.
...:
Kuvapo kwemaQur'ān nemabhuku mumaoko evanhu hakubatsiri pasina kuita mabasa anoenderana nazvo.
Kubviswa kweruzivo kunoitika kuburikidza nezvinhu zvinosanganisira: rufu rweMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), rufu rwenyanzvi dzechitendero, pamwe nekurega kuita mabasa anoenderana neruzivo.
Pazviratidzo zveZuva reKumutswa pane kutsakatika kweruzivo nekuregedza kuita mabasa anowirirana narwo.
Kurudziro yekuita mabasa anoenderana neruzivo nekuti ndizvo zvinodiwa.
Sunan Ibn Maajah (5/ 172) (4048).
Sunan at-Tirmidhi (4/ 328) (2653).
Musnad Ahmad (39/ 417) (23990).
Zvimwe (4)
الكاشف عن حقائق السُّنن (2/721).
المفهم (6/705).
مشارق الأنوار الوهاجة (2/146).
مرشد ذوي الحجا والحاجة إلى سنن ابن ماجه والقول المكتفى على سنن المصطفى (24/ 274).