Iti: Lā ilāha illallāh (hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah), ndichakupupurira nayo pazuva rekutongwa.
- التصنيف الشرعي
- القرآن الكريم وعلومهأسباب النزولالفضائل والآدابفضائل التوحيدالدعوة والحسبةالدعوة إلى اللهفضل الدعوة إلى الله وأحكامهاالسيرة النبويةالعهد المكي بعد بعثته صلى الله عليه وسلم
Abu Hurayrah (Allah ngavafare naye) akati:
Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati kuna babamukuru vavo: “Itii: 'Hapana akakodzerwa kunamatwa kunze kwaAllah' kuitira kuti ndigokupupurirai neshoko iri paZuva reKumutswa (Qiyāmah).” Vakati: “Dai pasina kuti maQuraish aizondishora achiti: ‘Asundwa kuita izvi nekutya,’ ndingadai ndazvitaura kuti ndikufadze.” Allah ndokubva vadzikisa (ndima inoti): {Zvirokwazvo, iwewe haugoni kutungamira uyo waunoda, asi Allah vanotungamira uyo wavanoda.} [Al-Qaṣaṣ: 56].
قَالَ رَسُولُ اللهِ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ لِعَمِّهِ: «قُلْ: لَا إِلَهَ إِلَّا اللهُ، أَشْهَدُ لَكَ بِهَا يَوْمَ الْقِيَامَةِ»، قَالَ: لَوْلَا أَنْ تُعَيِّرَنِي قُرَيْشٌ، يَقُولُونَ: إِنَّمَا حَمَلَهُ عَلَى ذَلِكَ الْجَزَعُ لَأَقْرَرْتُ بِهَا عَيْنَكَ. فَأَنْزَلَ اللهُ: {إِنَّكَ لا تَهْدِي مَنْ أَحْبَبْتَ وَلَكِنَّ اللهَ يَهْدِي مَنْ يَشَاءُ } [القصص: 56].
Muporofita (Mwari ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakakumbira babamukuru vavo Abū Ṭālib pavaive vave kunzwa mumarwadzo erufu, kuti vataure kuti 'Hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah', kuitira kuti vagovamiririra neshoko iri Pazuva reKutongwa, nekuvapupurira kuti vaive muMuslim. Asi vakaramba kuita Shahādah nekutya kuti maQuraysh aizovashora nekutaura nezvavo achiti: "Vagamuchira Islam nekuda kwekutya rufu neutera!" Naizvozvo vakati kuMuporofita (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare): "Dai pasina izvozvo, ndingadai ndapinza mufaro mumoyo mako nekuita Shahādah, uye ndazadzisa chido chenyu kusvika magutsikana." Saka Allah vekumusoro-soro vakadzikisa vhesi inoratidza kuti Muporofita (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) havana simba rekupa nhungamiro inosvitsa moyo pakugamuchira Islam, asi Allah Samasimba ndivo vega vanotungamirira uyo wavada. Uyezve Muporofita (rugare nemakomborero ngazvive kwavari) vanotungamirira zvisikwa kuburikidza nekuratidza, kutsanangura, kuraira pamwe nekukoka kunzira yakatwasuka.
...:
Chokwadi hachisiyiwi nekutya mashoko evanhu.
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaingova nesimba rekuratidza gwara nekuraira (hidāyat ad-dalālah wa al-irshād) kwete simba rekugonesa kutenda (hidāyat at-tawfīq).
Kutenderwa kwekushanyira murwere asingatendi nechinangwa chekumukoka kuIslam.
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vaishingirira pakukoka vanhu kuna Allah vekumusoro-soro mumamiriro ezvinhu ose.
Sahih Muslim (1/ 55) (25).
Zvimwe (2)
البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (1/ 539).
النهاية في غريب الحديث والأثر (ص 742).