Skip to content

Musatenda zvinotaurwa neVanhu veGwaro uye musazvirambe, asi itiyi: “Tinotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri”

Abū Hurayrah (Allah ngavafadzwe naye) akati:

Vanhu veBhuku vaiverenga Torah nechiHebheru, vachiitsanangura nechiArabhu kuvanhu veIslam. Naizvozvo, Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati: «Musatenda zvinotaurwa neVanhu veBhuku kana kuvati vanyepi, asi iti: {Takatenda kuna Allah nezvakadzikiswa kwatiri} [Al-Baqarah: 136] kusvika kumagumo evhesi».

كَانَ أَهْلُ الْكِتَابِ يَقْرَؤُونَ التَّوْرَاةَ بِالْعِبْرَانِيَّةِ، وَيُفَسِّرُونَهَا بِالْعَرَبِيَّةِ لِأَهْلِ الْإِسْلَامِ، فَقَالَ رَسُولُ اللهِ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ: «لَا تُصَدِّقُوا أَهْلَ الْكِتَابِ وَلَا تُكَذِّبُوهُمْ، وَقُولُوا: {آمَنَّا بِاللهِ وَمَا أُنْزِلَ إِلَيْنَا} [البقرة: 136] الْآيَةَ».

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) vakayambira Ummah yavo pamusoro pekunyengedzwa nezvinoshumwa neAhlul-Kitaab (Vanhu veBhuku) kubva mumabhuku avo. Sezvo maJuda panguva yaMuporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwaari) vaiverenga Torah nemutauro wechiHebheru; unova mutauro wemaJuda, vachiutsanangura muchiArabhu. Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngaruve pavari) vkati: "Musatenda Vanhu veBhuku kana kuvati vanyepi", uye izvi zviri pane izvo zvisingazivikanwi chokwadi chazvo kubva nhema dzazvo. Izvi zvinodaro nekuti Allah vari kumusoro-soro vakatirayira kuti titende mune zvavakadzikisa kwatiri zvemuQur'ān, neizvo zvavakadzikisa kwavari zveBhuku. Zvisinei, kana muSharīʿah yedu musina chinhu chinotsanangura kuti zvavanorondedzera kubva muMagwaro iwayo ichokwadi here kana kuti inhema, hatina nzira yekuziva nayo kuti ndezvipi zvavanotaura zviri zvechokwadi uye ndezvipi zviri zvenhema. Saka tinomira, toregedza kutenda zvavanotaura; kuitira kuti tirege kuva tinowirirana navo mune zvavakashandura kubva mazviri, uye hatizvirambi; nokuti pamwe zvingava chokwadi, tikazova varambi vezvatakarairwa kutenda mazviri. Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakaraira kuti titaure kuti: {Tinotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri, uye izvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, naIshumaîri, naIsaka, naJakobho uye kumadzinza, uye izvo zvakapiwa Mosesi naJesu, uye izvo zvakapiwa maporofita kubva kuna Tenzi wavo. Hatisiyanisi pakati paani naani zvake wavo, uye isu takazvipira kwaari.} [Al-Baqarah: 136].

Zvirevo zvemashoko

العبرانية: وتسمى العبرية، وهي لغة اليهود.

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Nhaurwa dzeVanhu veBhuku dziri muzvikamu zvitatu: chikamu chinowirirana neQur'ān neSunnah saka chinotendwa, nechikamu chinopikisana neQur'ān neSunnah saka ichi ndechenhema uye chinorambwa, nechikamu chechitatu chisina zvinoratidza chokwadi chacho kana nhema dzacho muQur'ān neSunnah. Chikamu ichi chinorondedzerwa, uye hachitendwi kana kurambwa.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (6/ 20) (4485).

Zvimwe (1)

فتح الباري لابن حجر (8/ 170).