Skip to content

Pane mumwe wenyu angada here kuti paanodzokera kumhuri yake, awane imomo ngamera nhatu huru, dzakakora uye dzine pamuviri?

Abū Hurairah (Allah ngavamufarire) akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakati:

"Pane mumwe wenyu angada here kuti paanodzokera kumhuri yake, awane imomo ngamera nhatu huru, dzakakora uye dzine pamuviri?" Takati: "Hongu." Mutumwa vakati: «Ndima nhatu dzinoverengwa nemumwe wenyu muṢalāh make dziri nani kwaari kudarika ngamera nhatu huru, dzakakora, dzine pamuviri»."

«أَيُحِبُّ أَحَدُكُمْ إِذَا رَجَعَ إِلَى أَهْلِهِ أَنْ يَجِدَ فِيهِ ثَلَاثَ خَلِفَاتٍ عِظَامٍ سِمَانٍ؟» قُلْنَا: نَعَمْ. قَالَ: «فَثَلَاثُ آيَاتٍ يَقْرَأُ بِهِنَّ أَحَدُكُمْ فِي صَلَاتِهِ خَيْرٌ لَهُ مِنْ ثَلَاثِ خَلِفَاتٍ عِظَامٍ سِمَانٍ».

Yakarondedzerwa naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vanotsanangura kuti mubairo wekuverenga ndima nhatu muṢalāt; uri nani pane kuti munhu awane mumba make mune ngamera nhatu huru, dzakakora, dzine pamuviri.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Tsananguro yekukosha kwekuverenga Qur'ān muṢalāh.

Mabasa akarurama ari nani uye anogara zvachose kupfuura mafaro epasi rino anopera.

Mubairo uyu hauna kugumira pakuverenga ndima nhatu chete; saka pose apo munamati anowedzera kuverenga ndima pamunamato (Ṣalāh) wake, mubairo wadzo unova nani kwaari kudarika huwandu hwawo hwengamera hadzi dzine pamuviri.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih Muslim (1/ 552) (802).

Zvimwe (4)

إكمال المعلم (3/172).

الإفصاح عن معاني الصِّحاح (8/65).

فتح المنعم شرح صحيح مسلم (3/620).

البحر المحيط الثجاج (16/343).