Skip to content

Chenjerai! kuti panogona kuzova nemurume wekuti ḥadīth inosvika kwaari kubva kwandiri iye akazendama pachigaro chake, obva ati: "Pakati pedu nemi pane Bhuku raAllah."

محاور التعريف بالإسلام
الشبهات والاعتراضاتشبهات حول السنة

Al-Miqdām bin Ma'dīkarib (Allah ngavafadzwe naye) akati: "Mutumwa waAllah rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) vakati:

"Chenjerai! kuti panogona kuva nemurume anosvikirwa neḥadīth inobva kwandiri, iye akazendama pachigaro chake, obva ati: “Pakati pedu nemi pane Bhuku raAllah, saka zvatinowana mariri zvinotenderwa tinozvitendera, uye zvatinowana mariri zvinorambidzwa tinozvirambidza.” Zvirokwazvo, izvo zvakarambidzwa naMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) zvakafanana neizvo zvakarambidzwa naAllah."

«أَلَا هَلْ عَسَى رَجُلٌ يَبْلُغُهُ الْحَدِيثُ عَنِّي وَهُوَ مُتَّكِئٌ عَلَى أَرِيكَتِهِ فَيَقُولُ: بَيْنَنَا وَبَيْنَكُمْ كِتَابُ اللهِ، فَمَا وَجَدْنَا فِيهِ حَلَالًا اسْتَحْلَلْنَاهُ، وَمَا وَجَدْنَا فِيهِ حَرَامًا حَرَّمْنَاهُ، وَإِنَّ مَا حَرَّمَ رَسُولُ اللهِ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ كَمَا حَرَّمَ اللهُ».

Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naIbn Majah.
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakazivisa kuti kwaswedera nguva iyo kuchava neboka revanhu vanenge vagere, umwe wavo akazendama pachigaro chake, osvikirwa neḥadīth inobva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), obva ati: "Chinotonga pakati pedu nemi muzvinhu zvose iQur'ān Tsvene, ndiro rinotikwanira, saka zvatawana mariri zvinobvumidzwa tinoita izvozvo, uye zvatawana mariri zvinorambidzwa tinobva pazviri." Zvadaro Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakajekesa kuti chinhu chose chavakarambidza kana kudzivisa muSunnah yavo, chine mutongo wakafanana neicho Allah vakarambidza muBhuku ravo; nokuti ndiye musvitsi weshoko rinobva kuna Tenzi vavo.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kukudza Sunnah sekukudzwa kunoita Qur'ān, uye nekuitevedzera.

Kuteerera Mutumwa ndiko kuteerera Allah, uye kusamuteerera ndiko kusateerera Allah vari kumusoro-soro.

Kusimbiswa kwehumbowo hweSunnah nekupindura avo vanoramba maSunnah kana kuapikisa.

Ani naani anofuratira Sunnah uye anotaura kuti anogumira paQur’ān chete, iyeyo anenge azvifuratira zvese zviri zviviri, uye munyepi mukutaura kwake kwekuti anotevedza Qur’ān.

Zvimwe zvezviratidzo zvehuporofita hwavo Mutumwa (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari) kuzivisa kwavo pamusoro pechinhu kuti chichaitika mune ramangwana, chozoitika sekuzivisa kwavakaita.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sunan Abu Dawud (7/ 13) (4604).

Sunan at-Tirmidhi (4/ 399) (2664).

Sunan Ibn Maajah (1/ 9) (12).

Zvimwe (1)

نخب الأفكار في تنقيح مباني الأخبار في شرح معاني الآثار (13/ 154).