Skip to content

Zvirokwazvo kodzero yaAllah pavaranda ndeyekuti vamunamate, uye kuti vasamusanganise nechimwe chinhu, uye kodzero yevaranda kuna Allah ndeyekuti asarange uyo asingamusanganise nechimwe chinhu pakunamata.

Mu'ādh (Allah ngavafadzwe naye), akati:

"Ndaiva ndakatasva kumashure kweMuporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) padhongi rainzi 'Ufayr, vakabva vati: «Iwe Mu'ādh, unoziva here kuti kodzero yaAllah pavaranda vavo ndeipi, uye kuti kodzero yevaranda kuna Allah ndeipi?» Ndikati: "Allah neMutumwa wavo ndivo vanonyanya kuziva." Vakati: «Zvirokwazvo kodzero yaAllah pavaranda vavo ndeyekuti vavanamate uye vasamusanganise nechimwe chinhu zvacho pakunamata (Shirk), uye kodzero yevaranda kuna Allah ndeyekuti havazovarangi avo vasingavasanganisi nechimwe chinhu zvacho pakunamata (Shirk).» Ndikabva ndati: "Imi Mutumwa waAllah! Handingazivisi here vanhu mashoko anofadza aya?" Vakati: «Usavazivisa, kuti vasazogutsikana nazvo, vobva varega kuita mabasa akanaka."

كُنْتُ رِدْفَ النَّبِيِّ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ عَلَى حِمَارٍ يُقَالُ لَهُ عُفَيْرٌ، فَقَالَ: «يَا مُعَاذُ، هَلْ تَدْرِي حَقَّ اللَّهِ عَلَى عِبَادِهِ، وَمَا حَقُّ العِبَادِ عَلَى اللَّهِ؟»، قُلْتُ: اللَّهُ وَرَسُولُهُ أَعْلَمُ، قَالَ: «فَإِنَّ حَقَّ اللَّهِ عَلَى العِبَادِ أَنْ يَعْبُدُوهُ وَلا يُشْرِكُوا بِهِ شَيْئًا، وَحَقَّ العِبَادِ عَلَى اللَّهِ أَنْ لا يُعَذِّبَ مَنْ لا يُشْرِكُ بِهِ شَيْئًا»، فَقُلْتُ: يَا رَسُولَ اللَّهِ أَفَلاَ أُبَشِّرُ بِهِ النَّاسَ؟ قَالَ: «لا تُبَشِّرْهُمْ، فَيَتَّكِلُوا».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, vanojekesa kodzero yaAllah pavaranda, uye kodzero yevaranda kuna Allah, uye kuti kodzero yaAllah pavaranda ndeyekuti vavanamate vari vega, uye kuti vasavasangise nechimwe chinhu. Uye kuti kodzero yevaranda kuna Allah ndeyekuti vasarange avo vanotenda kuti Allah vamwechete, avo vasingavasanganise nechimwe chinhu. Muʿādh akati: "Imi Mutumwa waAllah, ko ndingazivise vanhu mashoko anofadza here kuti vafare uye vapembere nenyasha idzi?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakamurambidza vachitya kuti vanhu vangazovimba nazvo (voregedza kuita mabasa akanaka).

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Tsananguro yekodzero yaAllah yavakasungira pavaranda vavo, inova yekuti vavanamate, uye kuti vasavabatanidze nechimwe chinhu.

Kujekeswa kwekodzero yevaranda kuna Allah vekumusoro-soro, iyo yavakazvisungira pachavo senyasha neropafadzo kubva kwavari, inova yekuti vanovapinza muJannah (Paradhiso), uye havavapi murango.

Muḥadīth iyi mune mashoko anofadza zvikuru kune vatendi vanonamata Allah mumwe chete, avo vasingasanganisi Allah vekumusoro-soro nechinhu chipi zvacho, ekuti magumo avo kupinda muParadhiso.

Muʿāadh akarondedzera ḥadīth iyi asati afa; nekutya kuwira muchivi chekuvanza ruzivo.

Yambiro pamusoro pekusaita kuti mamwe maḥadīth atekeshere kune vamwe vanhu nekutyira avo vasinganzwisisi zvaanoreva; uye izvi zvine chekuita nezvinhu zvisingade kuitwa kwechiito uye zvisina chekuita nemutongo kana muganhu wakaiswa neSharīʿah.

Vatadzi vari pakati peavo vanotenda kuti Allah mumwechete vari pasi pekuda kwaAllah: kana vachida vanovaranga, uye kana vachida vanovaregerera, asi magumo avo achava kuParadhiso.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (4/ 29) (2856).

Sahih Muslim (1/ 58) (30).

(1/ 627).

Zvimwe (5)

المحكم لابن سيده (10/26).

المفهم لما أشكل من تلخيص كتاب مسلم (1/ 203).

فتح الباري (11/340.

البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (1/ 623).

عمدة القاري شرح صحيح البخاري (14/ 148).