Skip to content

"Munoziva here zvataurwa naTenzi venyu?" MaṢaḥābah vakati: "Allah neMutumwa wavo ndivo vanoziva zvakanyanya," Akati: "Vamwe vevaranda vangu vamuka vari vatendi kwandiri, nevamwe vasingatendi."

Zaid bin Khālid Al-Juhanī (Allah ngavafadzwe naye) akati:

Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatitungamirira mumunamato wemangwanani (Ṣubḥ) kuHudaybiyyah mushure memvura yakanaya husiku hwacho. Pavakapedza, vakatendeukira kuvanhu, ndokubva vati: "Munoziva here kuti Tenzi venyu vati kudii?" Vakati: "Allah neMutumwa wavo ndivo vanonyatsoziva." Vakati: "Pavaranda vangu vamwe vamuka vachitenda mandiri, uye vamwe vasingatendi. Kune uyo ati: 'Tanaisirwa mvura nenyasha dzaAllah netsitsi dzavo', iyeye anotenda mandiri, uye haatendi munyeredzi. Asi kune uyo ati: 'Tanaisirwa mvura nenyeredzi yakati neyakati', iyeye haatendi mandiri, uye anotenda munyeredzi».

صَلَّى لَنَا رَسُولُ اللهِ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ صَلَاةَ الصُّبْحِ بِالْحُدَيْبِيَةِ عَلَى إِثْرِ سَمَاءٍ كَانَتْ مِنَ اللَّيْلَةِ، فَلَمَّا انْصَرَفَ أَقْبَلَ عَلَى النَّاسِ، فَقَالَ: «هَلْ تَدْرُونَ مَاذَا قَالَ رَبُّكُمْ؟» قَالُوا: اللهُ وَرَسُولُهُ أَعْلَمُ، قَالَ: «أَصْبَحَ مِنْ عِبَادِي مُؤْمِنٌ بِي وَكَافِرٌ، فَأَمَّا مَنْ قَالَ: مُطِرْنَا بِفَضْلِ اللهِ وَرَحْمَتِهِ، فَذَلِكَ مُؤْمِنٌ بِي وَكَافِرٌ بِالْكَوْكَبِ، وَأَمَّا مَنْ قَالَ: بِنَوْءِ كَذَا وَكَذَا، فَذَلِكَ كَافِرٌ بِي وَمُؤْمِنٌ بِالْكَوْكَبِ».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakanamata munamato weṢubḥ kuHudaibiyah - unova musha uri pedyo neMakkah - mushure memvura yakanaya husiku ihwohwo. Mutumwa pavakapa salām ndokupedza ṣalāh yavo, vakatendeudzira chiso chavo kuvanhu, ndokuvabvunza vachiti: "Munoziva here kuti Tenzi venyu (Samasimba, vakuru) vati chii?" Vakamupindura kuti: "Allah neMutumwa wavo ndivo vanonyatsoziva." Naizvozvo vakati: "Zvirokwazvo, Allah vekumusoro-soro vakajekesa kuti vanhu pakunaya kwemvura vanokamurwa mumapoka maviri: boka rinotenda muna Allah vekumusoro-soro, neboka risingatendi muna Allah vekumusoro-soro. Saka kana ari uyo anoti: "Tanaisirwa mvura nenyasha dzaAllah netsitsi dzavo", uye achibvuma kuti kunayiswa kwemvura kunobva kuna Allah vekumusoro-soro; iyeye mutendi muna Allah Musiki, Murongi wezvese munyika, uye haatendi munyeredzi. Asi uyo anoti: "Tanaisirwa mvura nenyeredzi yakati neyakati; munhu iyeye haatendi muna Allah, anotenda munyeredzi. Uku kusatenda kudiki sezvo achiti kunaya kwemvura kwakakonzerwa nenyeredzi; nepo Allah vasina kuita izvi chikonzero pamutemo kana kutara kwavo. Asi uyo anoti kunaya kwemvura nezvimwe zviitiko zvepanyika zvinokonzerwa nekufamba kwenyeredzi pakubuda nepakunyura kwadzo, achitenda kuti ndidzo muiti chaiye wazvo, munhu iyeye haatendi, anenge aita kusatenda kukuru.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Zvinokurudzirwa kutaura mushure mekunaya kwemvura kuti: "Tanaisirwa mvura nenyasha dzaAllah netsitsi dzavo."

Uyo anoti nyasha dzekunaiswa kwemvura nezvimwewo zvakabva kunyeredzi achiti ndidzo dzakasika nekuzviunza, anove munhu asingatendi nekusatenda kukuru. Asi kana akati nyeredzi ndiyo chikonzero chekunaya, anove munhu asingatendi nekusatenda kudiki nekuti hachisi chikonzero chemumutemo wechitendero kana chinobatika kana kuonekwa panyama.

Zvirokwazvo, chikomborero chinova chikonzero chekusatenda kana chikasatendwa, uye chinova chikonzero chekutenda kana chikatendwa.

Kurambidzwa kwekutaura kuti: "Takanayisirwa mvura nenyeredzi yakati", kunyange kana pachirehwa nguva yacho; kuitira kuvhara nzira inotungamirira kuShirk.

Kusungirwa kwekuti moyo uvimbe naAllah vari kumusoro-soro mukuunza makomborero nekudzivirira matambudziko.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (1/ 169) (846).

Sahih Muslim (1/ 83) (71).

Zvimwe (2)

البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (2/ 484).

المفهم لما أشكل من تلخيص كتاب مسلم (1/ 260).