Skip to content

Zvirokwazvo, Allah havadzvinyiriri mutendi pane chakanaka (chaakaita), anopihwa mubairo wacho panyika, uye anopihwa mubairo wacho muHupenyu Hunotevera..

Anas bin Mālik (Allah ngavafadzwe naye) akati: "Mutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazive pavari) vakati:

«Zvirokwazvo, Allah havadzvinyiriri mutendi wechokwadi pabasa rakanaka (raanenge aita), anopihwa mubairo waro panyika, uye anopihwawaro muHupenyu Hunotevera. Asi uyo asingatendi, anopihwa zvekudya pamusana pemabasa akanaka aanenge aitira Allah panyika, zvekuti kana asvika kuHupenyu Hunotevera, anenge asisina basa rakanaka raangapuhwa mubairo pamusana paro.»

«إِنَّ اللهَ لَا يَظْلِمُ مُؤْمِنًا حَسَنَةً، يُعْطَى بِهَا فِي الدُّنْيَا وَيُجْزَى بِهَا فِي الْآخِرَةِ، وَأَمَّا الْكَافِرُ فَيُطْعَمُ بِحَسَنَاتِ مَا عَمِلَ بِهَا لِلَّهِ فِي الدُّنْيَا، حَتَّى إِذَا أَفْضَى إِلَى الْآخِرَةِ، لَمْ تَكُنْ لَهُ حَسَنَةٌ يُجْزَى بِهَا».

Yakarondedzerwa naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vanotsanangura hukuru hwenyasha dzaAllah kune vatendi, uye nekururamisira kwavo kune vasingatendi. Kana ari mutendi, haadzvanyirirwe mubairo webasa rakanaka raakaita; asi anopihwa zvakanaka pano panyika nekuda kwekuteerera kwake, pamwe chete neizvo zvaanochengeterwa semubairo muHupenyu Hunotevera. Uye dzimwe nguva mubairo wacho wose unochengeterwa iye muHupenyu Hunotevera. Asi uyo asingatendi, Allah vanomupa mubairo wemabasa akanaka aakaita kuburikidza nezvakanaka zvenyika ino, zvekuti kana asvika kuHupenyu Hunotevera anenge asisina mubairo waangaripwa nawo imomo; nokuti basa rakanaka rinobatsira munyika mbiri idzi rinofanira kunge rakaitwa nemutendi.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kuti uyo anofa asiri mutendi, hapana basa rinomubatsira.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih Muslim (4/ 2162) (2808).

Zvimwe (3)

المفهم لما أشكل من تلخيص كتاب مسلم (1/ 460).

البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (43/ 460).

شرح النووي على مسلم (17/150).