Skip to content

Siyanai nezvivi zvinomwe zvinoparadza.

Abu Hurairah, Allah (Mwari) ngavafare naye, ane nhaurwa yaakanzwa kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, apo vakati:

«Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza», vakati: Imi Mutumwa waAllah (Mwari), ndezvipi izvo? Vakati: «Kusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva mhosva yehupombwe».

«اجْتَنِبُوا السَّبْعَ الْمُوبِقَاتِ»، قَالُوا: يَا رَسُولَ اللهِ وَمَا هُنَّ؟ قَالَ: «الشِّرْكُ بِاللهِ، وَالسِّحْرُ، وَقَتْلُ النَّفْسِ الَّتِي حَرَّمَ اللهُ إِلَّا بِالْحَقِّ، وَأَكْلُ الرِّبَا، وَأَكْلُ مَالِ الْيَتِيمِ، وَالتَّوَلِّي يَوْمَ الزَّحْفِ، وَقَذْفُ الْمُحْصَنَاتِ الْمُؤْمِنَاتِ الْغَافِلَاتِ».

Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vanorayira vateveri vavo kuti vagare kure nemhosva nezvitadzo zvinomwe zvinoparadza (zvinouraya), uye pavakabvunzwa nezvazvo kuti ndezvipi? Vakazvitsanangura vachiti: Chekutanga: kunamata chimwe chinhu kunze kwaAllah (Shirk), kuburikidza nekuita kuti ave nemumwe akaenzana navo kana akafanana navo pachero chimiro chipi zvacho, uye kunamata chinhu chisiri Allah (Mwari) Varikumusoro-soro nechero chiito chipi zvacho chekunamata, uye vakatanga neShirk; nokuti ndicho chivi chikurusa. Chechipiri: Huroyi - uhwo hunova mapfundo, zvitsinga, mishonga neutsi -, hunokanganisa muviri wemunhu aroyiwa kuburikidza nekuuraya kana nehurwere, kana kuparadzanisa pakati pevaroorani, uye iroro ibasa raShaitwaan, uye wakawanda wacho hahuitwe kunze kwekuburikidza neShirk nekutsvaga kuswedera padyo nemweya yakaipa nechimwe chezvinhu zvainoda. Chechitatu: Kuuraya munhu uyo Allah (Mwari) vakarambidza kuurayiwa kwake, kunze kwekunge paine chikonzero chemutemo chinozadziswa nemutongi. Chechina: Kudya mubereko unorambidzwa (Riba) kungave nekudya Chaiko, kana nedzimwe nzira dzekubatsirwa nayo. Chechishanu: Kutora zvisizvo pfuma yemwana mudiki akafirwa nababa vake iye asati abva zera. Chechitanhatu: Kutiza kubva muhondo neavo vasingatendi. Chechinomwe: Kupomera vakadzi vakasununguka, vakachena mhosva yehupombwe, uye saizvozvowo kupomera varume.

Zvirevo zvemashoko

....:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kuti zvitadzo zvikuru hazvina kuganhurirwa pane zvinomwe, uye kudomwa kwezvinomwe izvi ipamusana peukuru hwazvo nenjodzi yazvo.

Kubvumidzwa kwekuuraya munhu kana kuine kodzero, sekurangwa kwekudzorera (Qiswaas), nekubuda muIslam (Riddah), nehupombwe (Zina) kumunhu akaroora kana kuroorwa, uye zvinozadziswa nemutongi wemutemo weIslam.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (4/ 10) (2766).

Sahih Muslim (1/ 92) (89).

Zvimwe (3)

شرح صحيح البخارى لابن بطال (8/ 489).

الملخص في شرح كتاب التوحيد.

للشيخ صالح الفوزان (ص201).