Skip to content

Zvirokwazvo iye haana kumbobvira ati rimwe zuva: "Tenzi ndiregererei chitadzo changu paZuva reKutongwa."

Aisha, Allah ngavafadzwe naye, akati:

"Ndakati: "Imi Mutumwa waAllah, Ibn Jud'ān munguva yekusaziva aichengetedza hukama, uye aipa zvekudya kuvarombo, zvino izvozvo zvingamubatsira here?" Mutumwa vakati: "Hazvimubatsire, nokuti zvirokwazvo haana kumbobvira ati zuva rimwe: 'Tenzi vangu, ndiregererei zvitadzo zvangu paZuva reKutongwa'."

قُلْتُ: يَا رَسُولَ اللهِ، ابْنُ جُدْعَانَ كَانَ فِي الْجَاهِلِيَّةِ يَصِلُ الرَّحِمَ، وَيُطْعِمُ الْمِسْكِينَ، فَهَلْ ذَاكَ نَافِعُهُ؟ قَالَ: «لَا يَنْفَعُهُ، إِنَّهُ لَمْ يَقُلْ يَوْمًا: رَبِّ اغْفِرْ لِي خَطِيئَتِي يَوْمَ الدِّينِ».

Yakarondedzerwa naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (Mwari ngavamuropafadze nekumupa rugare) akataura nezvaʿAbdullāh bin Jud'ān, uyo aiva mumwe wevatungamiri veQuraysh kusati kwave neIslam. Mabasa ake akanaka aisanganisira: kuchengetedza hukama nekuitira hama dzake zvakanaka, nekupa zvekudya kuvanoshaya, nedzimwewo tsika dzakanaka dzinokurudzirwa neIslam kuti dziitwe. Asi mabasa aya haasi kuzomubatsiri muHupenyu Hunotevera; izvi zvinokonzerwa nekusatenda kwake muna Allah, uye nekuti haana kumbobvira ati nezuva rimwe zvaro: "Tenzi vangu, ndiregererei zvitadzo zvangu paZuva reKutongwa."

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Tsananguro yekukosha kwekutenda, uye kuti ndiwo musimboti wekugamuchirwa kwemabasa.

Kutsanangura kuipa kwekusatenda, uye kuti ndechimwe chezvinhu zvinoparadza mabasa akanaka.

Mabasa evasingatendi haavabatsire muHupenyu Hunotevera nekuda kwekusatenda kwavo muna Allah neZuva reKupedzisira.

Mabasa anoitwa nemunhu panguva yekusatenda kwake anozoanyorerwa mubairo kana apinda muIslam, uye anopihwa mubairo wawo.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih Muslim (1/ 196) (214).

Zvimwe (6)

شرح النووي على مسلم (3/87).

المفهم لما أشكل من تلخيص كتاب مسلم (1/ 459).

إرشاد الساري لشرح صحيح البخاري (4/ 170).

التنوير شرح الجامع الصغير (2/364).

فتح المنعم (2/54).

البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (3/ 455).