Rufu ruchaunzwa rwuri muchimiro chegondohwe rine mvere chena dzakasanganiswa nedema.
- التصنيف الشرعي
- الأدعية والأذكار والرقائقالرقائق والمواعظصفات الجنة والنارالقرآن الكريم وعلومهالتفسيرتفسير الآياتالعقيدةالإيمان باليوم الآخرالحياة الآخرة
- موضوعات الحديث
- القرآن وعلومهالإيمانالإيمان باليوم الآخر
- محاور التعريف بالإسلام
- اليوم الآخر والمصيرالجنةاليوم الآخر والمصيرالناراليوم الآخر والمصيرخطورة الإعراض عن الحق
Abū Sa'īd al-Khudrī, Allah ngavafare naye, akati: Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
"“Rufu rwuchaunzwa rwuri muchimiro chegondohwe rine mavara matema nemachena, mushevedzeri obva ashevedzera achiti: ‘Imi vagari vekuParadhiso!’ Saka vanobva vasimudza misoro yavo vachitarisa, obva ati: ‘Munochiziva here ichi?’ Vachabva vati: ‘Hongu, urwu ndirwo rufu,’ uye vese vanenge varuona. Obva ashevedzera zvakare achiti: ‘Imi vagari vemumoto!’ Vachabva vasimudza misoro yavo vachitarisa, obva ati: ‘Munochiziva here ichi?’ Vachabva vati: ‘Hongu, urwu ndirwo rufu,’ uye vese vanenge varuona. Runobva rwabayiwa obva ati: ‘Imi vagari vekuParadhiso, garai kusingaperi hakuchina rufu, uye imi vagari vemumoto, garai kusingaperi hakuchina rufu.’ Zvadaro (Mutumwa) akaverenga ndima inoti: {Uye vayambire nezvezuva rekuzvidemba apo nyaya inenge yapedzwa, asi ivo vari mukukanganwa} [Maryam: 39]. Uye ivava vaishaya hanya ndivo vaitai zvemafaro ppanyika {uye ivo havatendi} [Maryam: 39].”
«يُؤْتَى بِالْمَوْتِ كَهَيْئَةِ كَبْشٍ أَمْلَحَ، فَيُنَادِي مُنَادٍ: يَا أَهْلَ الجَنَّةِ، فَيَشْرَئِبُّونَ وَيَنْظُرُونَ، فَيَقُولُ: هَلْ تَعْرِفُونَ هَذَا؟ فَيَقُولُونَ: نَعَمْ، هَذَا المَوْتُ، وَكُلُّهُمْ قَدْ رَآهُ، ثُمَّ يُنَادِي: يَا أَهْلَ النَّارِ، فَيَشْرَئِبُّونَ وَيَنْظُرُونَ، فَيَقُولُ: وهَلْ تَعْرِفُونَ هَذَا؟ فَيَقُولُونَ: نَعَمْ، هَذَا المَوْتُ، وَكُلُّهُمْ قَدْ رَآهُ، فَيُذْبَحُ ثُمَّ يَقُولُ: يَا أَهْلَ الجَنَّةِ خُلُودٌ فَلاَ مَوْتَ، وَيَا أَهْلَ النَّارِ خُلُودٌ فَلاَ مَوْتَ، ثُمَّ قَرَأَ: {وَأَنْذِرْهُمْ يَوْمَ الحَسْرَةِ إِذْ قُضِيَ الأَمْرُ وَهُمْ فِي غَفْلَةٍ} [مريم: 39]، وَهَؤُلاَءِ فِي غَفْلَةٍ أَهْلُ الدُّنْيَا {وَهُمْ لاَ يُؤْمِنُونَ} [مريم: 39]».
Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vanotsanangura kuti rufu ruchaunzwa paZuva reKumutswa ruri muchimiro chegondohwe rine mavara machena nematema, Saka kuchadaidzirwa kuti: "Imi vanhu vekuParadhiso!" Vachabva vatambanudza mitsipa yavo nekusimudza misoro yavo vachitarisa. Obva ati kwavari: "Munoziva ichi here?" Vachati: "Hongu, urwu ndirwo rufu", uye vose vanenge varwuona nekurwuziva. Mushevedzeri anobva adaidzira achiti: "Imi vanhu vekuMoto," vobva vatambanudza mitsipa yavo, vosimudza misoro yavo, vachitarisa. Anobva ati: "Munoziva ichi here?" Vachabva vati: "Hongu, uru ndirwo rufu", uye vese vanenge varwuona; Saka rwunobayiwa, uye mushevedzeri anoti: "Imi vanhu vemuParadhiso, kugara kusingaperi pasina rufu, uye imi vanhu vemuMoto, kugara kusingaperi pasina rufu." Izvi ndezvekuti pave nekuwedzera mumakomborero evatendi, uye nekuwedzera kutambudzika mumurango wevasingatendi. Muporofita, Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare vakabva vaverenga ndima inoti: {Uye vayambire nezveZuva reKuzvidemba, apo nyaya inenge yapedzwa, nepo ivo vari mukusava nehanya, uye vasingatendi.} Naizvozvo paZuva reKumutswa pachapatsanurwa pakati pevanhu vemuParadhiso nevemuMoto, uye mumwe nemumwe achapinda mune izvo zvichave magumo ake asingaperi imomo. Ipapo mutadzi achazvidemba uye kuzvidemba kwake kuchava nekuti haana kuita zvakanaka; uye uya akanga achitadza kuita zvakakwana achazvidemba nokuti haana kuwedzera mumabasa akanaka.
كبش: ذكر الضأن.
أملح: الأبيض الذي يخالطه السواد.
Magumo emunhu muhupenyu huchatevera kugara nekusingaperi muParadhiso kana muMoto.
Yambiro yakasimba pamusoro pezvinotyisa zveZuva reKumutswa uye kuti ndiro zuva rekusuwa nekuzvidemba.
Tsananguro yemufaro usingaperi wevanhu vemuParadhiso, uye kusuruvara kusingaperi kwevanhu vemuMoto.
Sahih al-Bukhari (6/ 93) (4730).
Sahih Muslim (4/ 2188) (2849).
Zvimwe (3)
التوضيح شرح الجامع الصحيح (22/595).
عمدة القاري شرح صحيح البخاري (19/ 52).
البحر المحيط الثجاج (43/686).