Skip to content

"Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi inobva muBhuku raAllah yaunayo yakukra kupfuura dzose?" Akati: "Ndakati: "Allah, hapana mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwavo, Mupenyu, Muchengeti wezvisikwa zvose" [Al-Baqarah: ]. Akati: "Ndokubva varova pachipfuva changu, ndokuti: "NaAllah, ruzivo ngaruve chikomborero kwauri, iwe Abū Al-Mundhir."

Ubayy bin Ka'b (Allah ngavafare naye) akati: "Mutumwa waAllah (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari) vakati:

"Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi kubva muBhuku raAllah yaunayo yakanyanya kukura?" Ndikati: "Allah neMuporofita wavo ndivo vanonyatsoziva." Vakati: "Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi kubva muBhuku raAllah yaunayo yakanyanya kukura?" Ndakati: "{Allah, hapana mumwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwavo, Mupenyu, Muchengeti wezvese} [Al-Baqarah: 255]." Vakabva varova pachipfuva changu, vakati: "Ndinopika naAllah, ruzivo ngarukupe mufaro, iwe Abū Al-Mundhir."

«يَا أَبَا الْمُنْذِرِ، أَتَدْرِي أَيُّ آيَةٍ مِنْ كِتَابِ اللهِ مَعَكَ أَعْظَمُ؟» قَالَ: قُلْتُ: اللهُ وَرَسُولُهُ أَعْلَمُ. قَالَ: «يَا أَبَا الْمُنْذِرِ، أَتَدْرِي أَيُّ آيَةٍ مِنْ كِتَابِ اللهِ مَعَكَ أَعْظَمُ؟» قَالَ: قُلْتُ: {اللهُ لا إِلَهَ إِلا هُوَ الْحَيُّ الْقَيُّومُ} [البقرة: 255]. قَالَ: فَضَرَبَ فِي صَدْرِي، وَقَالَ: «وَاللهِ لِيَهْنِكَ الْعِلْمُ، أَبَا الْمُنْذِرِ».

Yakarondedzerwa naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive kwavari) vakabvunza Ubayy bin Ka'b nezvendima hurusa muBhuku raAllah, akambozengurira kupindura, ndokuzoti: iĀyatul Kursi: {Allah, hakuna mumwe mwari kunze kwavo, Mupenyu, Mutsigiri wezvese}. Muporofita (rugare nemaropafadzo dzaAllah ngazvive kwavari) vakabva vakatsinhirana naye, ndokubva varova pachipfuva chake sechiratidzo chekuzadzwa kwacho neruzivo nehungwaru. Uye vakamuitira munamato kuti aropafadzwe neruzivo urwu nekuti rurerutsirwe kwaari.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kukudzwa kukuru kwaUbayy bin Ka'b (Allah ngavafare naye).

Āyat Al-Kursi ndiyo ndima huru kupfuura dzose muBhuku raAllah vekumosoro-soro, naizvozvo zvinokodzera kuiziva nemusoro, kufungisisa nezvainoreva, uye kuita zvinoenderana nayo.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih Muslim (1/ 556) (810).

Zvimwe (4)

إكمال المعلم (3/178).

الكاشف عن حقائق السنن (5/1644).

المفهم (2/436).

البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (16/ 394).