"Achanyanya kufadzwa muvanhu nekureverera kwangu pazuva rekutongwa, ani naani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, akazvipira kubva pamoyo pake kana mweya wake."
Abu Hurairah, Allah (Mwari) ngavafare naye, akataura kuti:
Kwakabvunzwa kuti: O Mutumwa waAllah, ndiani pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwenyu pazuva rekutongwa? Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati: "Ndakafunga, O Abu Hurairah, kuti hapana munhu aizondibvunza nezvenhaurwa iyi kutanga pamberi pako nekuda kwezvandakaona mukushuvira kwako nhaurwa, munhu pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwangu pazuva rekutongwa, ani naani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari) akazvipira kubva pamoyo pake kana mumweya wake."
قيل يا رسول الله من أسعد الناس بشفاعتك يوم القيامة؟ قال رسول الله صلى الله عليه وسلم: «لقد ظننت يا أبا هريرة ألا يسألني عن هذا الحديث أحد أول منك لما رأيت من حرصك على الحديث، أسعد الناس بشفاعتي يوم القيامة، من قال لا إله إلا الله، خالصًا من قلبه أو نفسه».
Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari ) vanozivisa kuti muvanhu achanyanya kufadzwa nekureverera kwavo pazuva rekutongwa ndiye anoti: "Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), akazvipira kubva pamoyo pake" kureva kuti hakuna chinokodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye ave akachengetedzwa kubva mukusanganisa Allah (Mwari) nevamwe uye nekuzviratidzira.
...:
Kutsinhira kureverera kweMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) muhupenyu hwamangwana, uye kuti hakuwanikwe kunze kwekune vanhu vanotenda kuna Allah (Mwari) vari voga.
Kureverera kwavo (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) ndiko kukumbira kwavo kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro kune avo vakafanirwa neMoto (Gehena) muvanhu vanotenda kuna Allah (Mwari) vari voga kuti vasaupinda, uye kune avo vakaupinda kuti vabude mauri.
Hukuru hweshoko reTawheed (Humwechete hwaAllah) rakachena kuna Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, uye mhedzisiro yarinayo huru.
Shoko reTawhid rinozadzikidzwa nekuziva zvarinoreva, uye nekuita mabasa anoenderana nezvinodiwa naro.
Kukosha kwaAbu Hurairah (Allah ngavafare naye), uye kushingaira kwake paruzivo.
Sahih al-Bukhari (1/ 31) (99).
Zvimwe (4)
منار القاري شرح مختصر صحيح البخاري.
لحمزة محمد قاسم (1/ 197).
القول المفيد على كتاب التوحيد.
لابن عثيمين (1/ 343).
Cited in books
6 BooksZvimwe (6)
- العقيدة الصحيحةدروس العقيدة الصحيحة«أَسْعَدُ النَّاسِ بِشَفَاعَتِي يَوْمَ الْقِيَامَةِ: مَنْ قَالَ لا إِلَهَ إِلَّا اللَّهُ، خَالِصًا مِنْ قَلْبِهِ أَوْ نَفْسِهِ»
- عقيدة الأئمة الأربعة«أَسْعَدُ النَّاسِ بِشَفَاعَتِي يَوْمَ الْقِيَامَةِ، مَنْ قَالَ: لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ، خَالِصًا مِنْ قَلْبِهِ أَوْ نَفْسِهِ»
- مشروع المنهج التعليميمادة التوحيد مستوى 1«أَسْعَدُ النَّاسِ بِشَفَاعَتِي يَوْمَ القِيَامَةِ، مَنْ قَالَ لاَ إِلَهَ إِلَّا اللهُ، خَالِصًا مِنْ قَلْبِهِ، أَوْ نَفْسِهِ»
- مشروع المنهج التعليميمادة التوحيد مستوى 1«أَسْعَدُ النَّاسِ بِشَفَاعَتِي يَوْمَ القِيَامَةِ، مَنْ قَالَ لاَ إِلَهَ إِلَّا اللهُ».
- موسوعة الإيمان«لَقَدْ ظَنَنْتُ يَا أَبَا هُرَيْرَةَ، أَنْ لَا يَسْأَلُنِي عَنْ هَذَا الحَدِيثِ أَحَدٌ أَوَّلُ مِنْكَ؛ لِمَا رَأَيْتُ مِنْ حِرْصِكَ عَلَى الحَدِيثِ، أَسْعَدُ النَّاسِ بِشَفَاعَتِي يَوْمَ القِيَامَةِ، مَنْ قَالَ: لَا إِلَهَ إِلَّا اللَّهُ خ
- نبراس طالب (2)نبراس طالب (2) فعن أبي هريرة رضي الله عنه أنه قال: قلت: يا رسول الله، مَن أسعد الناس بشفاعتك يوم القيامة؟ قال رسول الله صلى الله عليه وسلم: «لَقَدْ ظَنَنْتُ يَا أَبَا هُرَيْرَةَ أَلَّا يَسْأَلُنِي عَنْ هَذَا الحَدِيثِ أَحَدٌ أَوَّلُ مِنْكَ لِمَا رَأَيْتُ