Allah vakapa muenzaniso wenzira yakatwasuka
- التصنيف الشرعي
- القرآن الكريم وعلومهوصف القرآن وفضائلهالأدعية والأذكار والرقائقالرقائق والمواعظأعمال القلوبالأدعية والأذكار والرقائقالرقائق والمواعظذم المعاصيالأدعية والأذكار والرقائقالرقائق والمواعظذَمُّ الهوى والشَّهوات
- محاور التعريف بالإسلام
- التعريف بالإسلامالإسلام هو الدين الحق
An-Nawwās bin Sam'ān Al-Ansārī(Allah ngavafadzwe naye) akati Mutumwa waAllah (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) vakati:
"Allah vakapa mufananidzo wenzira yakatwasuka, uye kumativi maviri enzira kune madziro maviri, maari mune mikova yakavhurika, uye pamikova yacho pane machira akarembera. Panotangira nzira pane mudanidziri anoti: "Imi vanhu, pindai munzira mose, uye musatsauka." Uye kune mumwe mudanidziri anodana ari nechepamusoro penzira, kana munhu achida kuvhura chero upi zvawo wepamikova iyoyo, anoti: "Nhamo kwauri! Usaivhure, nekuti zvirokwazvo kana ukaivhura uchapinda mairi." Nzira iyoyo iIslam, uye madziro maviri aya: miganhu yaAllah, uye mikova yakavhurika: ndizvo zvakarambidzwa naAllah, uye mudanidziri uya ari pakatangira nzira: iBhuku raAllah, uye mudanidziri ari nechepamusoro penzira: muyambiri waAllah ari mumwoyo memuMuslim wese.»
«ضَرَبَ اللهُ مَثَلًا صِرَاطًا مُسْتَقِيمًا، وَعَلَى جَنْبَتَيْ الصِّرَاطِ سُورَانِ، فِيهِمَا أَبْوَابٌ مُفَتَّحَةٌ، وَعَلَى الْأَبْوَابِ سُتُورٌ مُرْخَاةٌ، وَعَلَى بَابِ الصِّرَاطِ دَاعٍ يَقُولُ: أَيُّهَا النَّاسُ، ادْخُلُوا الصِّرَاطَ جَمِيعًا، وَلَا تَتَعَرَّجُوا، وَدَاعٍ يَدْعُو مِنْ فَوْقِ الصِّرَاطِ، فَإِذَا أَرَادَ يَفْتَحُ شَيْئًا مِنْ تِلْكَ الْأَبْوَابِ، قَالَ: وَيْحَكَ لَا تَفْتَحْهُ، فَإِنَّكَ إِنْ تَفْتَحْهُ تَلِجْهُ، وَالصِّرَاطُ الْإِسْلَامُ، وَالسُّورَانِ: حُدُودُ اللهِ، وَالْأَبْوَابُ الْمُفَتَّحَةُ: مَحَارِمُ اللهِ، وَذَلِكَ الدَّاعِي عَلَى رَأْسِ الصِّرَاطِ: كِتَابُ اللهِ، وَالدَّاعِي مِنِ فَوْقَ الصِّرَاطِ: وَاعِظُ اللهِ فِي قَلْبِ كُلِّ مُسْلِمٍ».
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakatsanangura kuti: Zvirokwazvo Allah vakapa mufananidzo weIslam senzira yakatwasuka inoenderera mberi isina kutsveyama mairi, uye kumativi ose enzira iyi kune madziro maviri akaikomba kubva kumativi ayo ose inova miganhu yaAllah. Pakati pemadziro aya pane mikova yakavhurika, inova zvinhu zvakarambidzwa naAllah, uye pamikova iyoyo pane maketeni asingaratidzi kumupfuuri wemunzira zviri mukati mayo. Pakutanga kwenzira iyi pane mudanidziri anorayira vanhu nekuvatungamirira achiti kwavari: "Fambai mairi musingatsauki muchienda kumicheto kana kumativi." Mudanidziri uyu iBhuku raAllah. Uye kune mumwezve mudanidziri kubva pamusoro penzira; mudanidziri uyu pose apo mufambi wemunzira anovavarira kuvhura kunyange padiki pemaketeni emikova iyoyo, anomutsiura achiti kwaari: "Nhamo kwauri! Usaivhure! Nokuti kana ukaivhura uchapinda mairi uye hauzokwanisi kuzvidzora kuti usapinda." Mudanidziri uyu muyambiri waAllah mumoyo memuMuslim wese.
...:
Islam ndicho chitendero chechokwadi, uye ndiyo nzira yakatwasuka inotisvitsa kuParadhiso.
Kusungirwa kwekutevedzera miganhu yaAllah nezvaakabvumidza uye zvaakarambidza, uye kurerutsa mazviri kunounza kuparara.
Hukuru hweQur'ān rinokudzwa nekukurudzirwa kwekuitevedzera, nokuti mairi mune nhungamiro, chiedza, nekubudirira.
Tsitsi dzaAllah kune varanda vavo, nezvavakaisa mumoyo yevatendi, zvinovadzivisa nekuvayambira kuti vasaparadzwe.
Allah netsitsi dzavo, vakaisira varanda vavo zvidziviriro zvinovadzivisa kuwira muzvivi.
Imwe yenzira dzekudzidzisa ndeyekupa mienzaniso kuitira kuti zvinhu zvive nyore kunzwisisa nekujekesa zvinorehwa.
Sunan at-Tirmidhi (4/ 539) (2859).
Musnad Ahmad (29/ 181.
183) (17634).
Zvimwe (4)
جامع العلوم والحكم (2/161).
فيض القدير (4/253).
التنوير شرح الجامع الصغير (7/100).
الفتح الرباني لترتيب مسند الإمام أحمد بن حنبل الشيباني (1/ 83).
Cited in books
2 BooksZvimwe (2)
- قاموس الكبائر موسوعة الكبائر - المجموعة الأولى«ضَرَبَ اللَّهُ مَثَلًا صِرَاطًا مُسْتَقِيمًا، وَعَلَى جَنَبَتَيِ الصِّرَاطِ سُورَانِ، فِيهِمَا أَبْوَابٌ مُفَتَّحَةٌ، وَعَلَى الأَبْوَابِ سُتُورٌ مُرْخَاةٌ، وَعَلَى بَابِ الصِّرَاطِ دَاعٍ يَقُولُ: أَيُّهَا النَّاسُ، ادْخُلُوا الصِّرَاطَ جَ
- قاموس الكبائر«ضَرَبَ اللَّهُ مَثَلًا صِرَاطًا مُسْتَقِيمًا، وَعَلَى جَنَبَتَيِ الصِّرَاطِ سُورَانِ، فِيهِمَا أَبْوَابٌ مُفَتَّحَةٌ، وَعَلَى الأَبْوَابِ سُتُورٌ مُرْخَاةٌ، وَعَلَى بَابِ الصِّرَاطِ دَاعٍ يَقُولُ: أَيُّهَا النَّاسُ، ادْخُلُوا الصِّرَاطَ جَ