Ndinopika naIye uyo mweya waMuhammad uri muruoko rwake, zvirokwazvo midziyo yaro yakawanda kupfuura huwandu hwenyeredzi dzedenga nemapuraneti aro.
- موضوعات الحديث
- الإيمانالإيمان باليوم الآخر
Abu Dharr (Allah ngavafare naye) akati:
Ndakati: "Imi Mutumwa waAllah, midziyo yedziva (renyu kuParadhiso) yakaita sei?" Vakabva vati: "Naiye uyo ane mweya waMuhammad muruoko rwake, zvirokwazvo midziyo yaro yakawanda kudarika huwandu hwenyeredzi dzemudenga nemapuraneti acho, muhusiku hwakasviba, husina makore. Midziyo yekeParadhiso, uyo anonwa kubva mairi haazombovi nenyota zvachose. Migero miviri yemvura kubva kuParadhiso inoyerera ichipinda mairi, uye munhu anonwa mairi haazombonzwa nyota. Upamhi hwaro hwakaenzana nehurefu hwaro, senhambwe iri pakati peAmman kusvika kuAylah. Mvura yaro yakachena zvakanyanya kudarika mukaka, uye inotapira kudarika huchi."
قُلْتُ: يَا رَسُولَ اللهِ مَا آنِيَةُ الْحَوْضِ؟ قَالَ: «وَالَّذِي نَفْسُ مُحَمَّدٍ بِيَدِهِ لَآنِيَتُهُ أَكْثَرُ مِنْ عَدَدِ نُجُومِ السَّمَاءِ وَكَوَاكِبِهَا، أَلَا فِي اللَّيْلَةِ الْمُظْلِمَةِ الْمُصْحِيَةِ، آنِيَةُ الْجَنَّةِ مَنْ شَرِبَ مِنْهَا لَمْ يَظْمَأْ آخِرَ مَا عَلَيْهِ، يَشْخَبُ فِيهِ مِيزَابَانِ مِنَ الْجَنَّةِ، مَنْ شَرِبَ مِنْهُ لَمْ يَظْمَأْ، عَرْضُهُ مِثْلُ طُولِهِ، مَا بَيْنَ عَمَّانَ إِلَى أَيْلَةَ، مَاؤُهُ أَشَدُّ بَيَاضًا مِنَ اللَّبَنِ، وَأَحْلَى مِنَ الْعَسَلِ».
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakapika kuti mikombe yedziva ravo paZuva reKumutswa ichava yakawanda kudarika huwandu hwenyeredzi nemapuraneti ekudenga. Uye izvi zvinoonekwa muhusiku hune rima husina mwedzi; nekuti muhusiku hune mwedzi nyeredzi hadzionekwi zvakajeka nekuda kwekuvharwa nechiedza chemwedzi, uye husina makore; nekuti kuvapo kwemakore kunotadzisa kuonekwa kwenyeredzi. Uye kuti midziyo yeJannah, uyo anonwa chinwiwa chiri mairi haambofi akanzwa nyota zvachose, uye ikoko ndiko kuchava kupedzisira kwenyota inobata uyo anonwa. Dziva ravo rine migero miviri inoyerera mariri ichibva kuParadhiso, uye upamhi hwaro hwakaenzana nekureba kwaro. Naizvozvo dziva racho rine makona akaenzana, kureba kwaro kunoenzana nechinhambwe chekubva kuAmman, inova nzvimbo iri kuBalqa kuShām, kusvika kuAyla, rinova guta rinozivikanwa riri kumucheto kweShām. Mvura yemudziva iri yakachena kudarika mukaka, uye kuravira kwayo kunotapira kudarika kuravira kwehuchi.
...:
Kutsinhira kwekuvapo kwedziva raMutumwa nezviri mariri zvemhando dzemakomborero.
Kukura kwedziva raMutumwa nehurefu hwacho neupamhi hwacho nehuwandu hwemidziyo yacho.
Sahih Muslim (4/ 1798) (2300).
Zvimwe (2)
النهاية في غريب الحديث والأثر لابن الأثير (ص55/643/ 469).
البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (37/ 369).