Skip to content

Zvirokwazvo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) pavaienda pamubhedha wavo husiku hwega hwega, vaibatanidza zvanza zvavo, vobva vafuridza mazviri voverenga mazviri ndima dzinoti: "{Qul Huwallāhu Aḥad} Iye Allah, Mumwechete, uye {Qul A'ūdhu biRabbil-Falaq} Iti: Ndinotsvaga dziviriro kuna Tenzi wemambakwedza, uye {Qul A'ūdhu biRabbin-Naas} Iti: Ndinotsvaga dziviriro kuna Tenzi wevanhu."

Aisha, Allah ngavafadzwe naye vakati:

Zvirokwazvo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) husiku hwega hwega pavaienda kunorara, vaibatanidza zvanza zvavo vobva vafuridzira mazviri, ndokuverenga ndima dzinotii: {Qul Huwallāhu Aḥad}, ne{Qul A'udhu biRabbil-Falaq}, ne{Qul A'udhu biRabbin-Naas}. Zvadaro vaibva vapuruzira nazvo pamuviri wavo pese pavaigona kusvikira, vachitangira nazvo pamusoro pavo, pachiso chake, nepamberi pemuviri wavo. Vaiita izvi katatu.

أَنَّ النَّبِيَّ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ كَانَ إِذَا أَوَى إِلَى فِرَاشِهِ كُلَّ لَيْلَةٍ جَمَعَ كَفَّيْهِ، ثُمَّ نَفَثَ فِيهِمَا فَقَرَأَ فِيهِمَا: {قُلْ هُوَ اللهُ أَحَدٌ}، وَ{قُلْ أَعُوذُ بِرَبِّ الْفَلَقِ}، وَ{قُلْ أَعُوذُ بِرَبِّ النَّاسِ}، ثُمَّ يَمْسَحُ بِهِمَا مَا اسْتَطَاعَ مِنْ جَسَدِهِ، يَبْدَأُ بِهِمَا عَلَى رَأْسِهِ وَوَجْهِهِ وَمَا أَقْبَلَ مِنْ جَسَدِهِ، يَفْعَلُ ذَلِكَ ثَلَاثَ مَرَّاتٍ.

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Yaive imwe yetsika dzavo Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti kana vaenda panzvimbo yavo yekurara kuti vanorara, vaibatanidza zvanza zvavo vozvisimudza - sezvinoita munhu ari kuita du'ā - ndokufuridza mazviri nemuromo wavo zvinyoronyoro nemate mashoma, voverenga maSurah matatu anoti: {Qul Huwa Allāhu Aḥad} uye {Qul A'ūdhu bi Rabbil-Falaq} uye {Qul A'ūdhu bi Rabbin-Naas}, pedzezvo vopukuta nezvanza zvavo zvese pavaikwanisa pamuviri wake; vachitangira pamusoro wavo, nechiso chavo, pamwechete nekumberi kwemuviri wake. Vaidzokorora chiito ichi katatu.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Zvinokurudzirwa kuverenga Surah Al-Ikhlās neAl-Mu'awwidhatayn munhu asati arara, nekuzvifuridzira, uye nekupuruzira pose pavanokwanisa pamuviri wavo

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (6/ 190) (5017).

(7/ 133) (5748).

Zvimwe (5)

الكاشف عن حقائق السُّنن (5/1651).

عمدة القاري شرح صحيح البخاري (20/ 35).

التوضيح لشرح الجامع الصحيح ( 24/ 91).

النهاية في غريب الحديث والأثر (ص 929).

شرح سنن أبي داود لابن رسلان (19/268).