Saka kana mukaona avo vanotevera izvo zvisina kunyatsojeka mazviri, ivavo ndivo avo vakataurwa naAllah, saka vangwarirei.
'Aisha, Allah ngavafadzwe naye, akati:
Mutumwa waAllah (rugare nekuropafadzwa kwaAllah ngakuve kwavari) akaverenga ndima iyi: {Ndiye akaburutsa kwauri Gwaro, mariri mune ndima dzakajeka idzo dzinova hwaro hweGwaro, uye dzimwe dzisina kunyatsojeka. Asi avo vane kutsauka mumoyo mavo vanotevera idzo dzisina kunyatsojeka madziri, vachitsvaga mhirizhonga nekutsvaga kududzirwa kwadzo. Uye hapana anoziva kududzirwa kwadzo kunze kwaAllah. Uye avo vakadzika muruzivo vanoti: "Tinotenda madziri, dzose dzinobva kuna Tenzi vedu." Uye hapana anorangarira kunze kweavo vane njere.} [Aal 'Imraan: 7]. Akati: Mutumwa waAllah (Rugare nekuropafadzwa kwaAllah ngakuve kwaari) akati: «Kana ukaona avo vanotevera idzo dzisina kunyatsojeka madziri, ivavo ndivo avo vataurwa naAllah, saka vangwarirei».
تَلَا رَسُولُ اللهِ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ هَذِهِ الْآيَةَ: {هُوَ الَّذِي أَنْزَلَ عَلَيْكَ الْكِتَابَ مِنْهُ آيَاتٌ مُحْكَمَاتٌ هُنَّ أُمُّ الْكِتَابِ وَأُخَرُ مُتَشَابِهَاتٌ فَأَمَّا الَّذِينَ فِي قُلُوبِهِمْ زَيْغٌ فَيَتَّبِعُونَ مَا تَشَابَهَ مِنْهُ ابْتِغَاءَ الْفِتْنَةِ وَابْتِغَاءَ تَأْوِيلِهِ، وَمَا يَعْلَمُ تَأْوِيلَهُ إِلَّا اللَّهُ، وَالرَّاسِخُونَ فِي الْعِلْمِ يَقُولُونَ آمَنَّا بِهِ كُلٌّ مِنْ عِنْدِ رَبِّنَا وَمَا يَذَّكَّرُ إِلَّا أُولُو الْأَلْبَابِ} [آل عمران: 7]. قَالَتْ: قَالَ رَسُولُ اللهِ صَلَّى اللهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ: «فَإِذَا رَأَيْتِ الَّذِينَ يَتَّبِعُونَ مَا تَشَابَهَ مِنْهُ فَأُولَئِكَ الَّذِينَ سَمَّى اللهُ، فَاحْذَرُوهُمْ».
Mutumwa waAllah (runyararo nemakomborero aAllah ngazvive pavari) akaverenga ndima iyi: {Ndiye akaburutsa kwauri Gwaro, mariri mune ndima dzakajeka zvadzinoreva - idzo dzinova ndidzo hwaro hweGwaro iri - uyezve mune dzimwe dzakavanzika zvadzinoreva. Saka kana vari avo vane kutsauka mumoyo mavo vanotevera dzakavanzika idzi dziri mariri, vachitsvaga mhirizhonga nekutsvaga kududzira kwadzo. Uye hapana anoziva dudziro yadzo yechokwadi kunze kwaAllah. Uye avo vakadzama muruzivo vanoti: "Tinotenda mazviri, zvese zvinobva kuna Tenzi vedu." Uye hapana anoyeuka uye kutora chidzidzo kunze kweavo vane njere.} Uye mairi, Allah (Samasimba) vakazivisa kuti ndivo vakaburutsa Qur'aan kuMuporofita wavo, iro rine ndima dzakajeka zvadzinoreva, dzine mitemo inozivikanwa uye isina kuvhiringika, idzo dzinova hwaro hweGwaro nenzvimbo yekudzokera kwariri, uye ndidzo dzinotariswa panova nekusawirirana. Uye mariri mune dzimwe ndima dzinogona kutakura zvinoreva zvinodarika chimwe, zvinovhiringidza vamwe vanhu pakunzwisisa kwadzo, kana kuita kuti vafungire kuti pane kupikisana pakati padzo neimwe ndima. Kuzoti Allah vakatsanangura mabatiro anoita vanhu ndima idzi, avo vane kutsauka kubva kuchokwadi mumoyo mavo vanosiya ndima dzakajeka, votora dziya dzakavanzika dzine zvinoreva zvakawanda, nechinangwa chekumutsa kukahadzika nokurasisa vanhu, uye nechinangwa chekudzidudzira zvinoenderana nezvishuwo zvavo. Asi avo vane ruzivo rwakadzama, vanoziva ndima idzi dzakavanzika, vodzidzosera kune idzo dzakajeka, vachitenda madziri uye kuti dzinobva kuna Allah (kukudzwa nekurumbidzwa ngakuve kwavari), uye kuti hazvibviri kuti dzivhiringidze kana kupikisana, asi hapana anoyeuka izvi nekuwana chidzidzo nazvo kunze kweavo vane njere dzakakwana. Zvadaro Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pamusoro pavari) vakaudza Mai veVatendi, Aisha (Allah ngavafare navo), kuti kana vakaona vanhu vanotevera ndima idzodzi dzakavanzika, vanhu ivavo ndivo vakadomwa naAllah mushoko ravo rekuti: {Saka kana vari avo vane kutsauka mumoyo mavo}, "saka vachenjererei uye musavateerere."
...:
Ndima dzeQur'aan dzakajeka: ndidzo dziya dzakajeka zvadzinonongedzera uye chirevo chadzo chiri pachena, uye dzisina kunyatsojeka: ndidzo dzinogona kuva nezvirevo zvinodarika chimwe chete uye dzinoda kunyatsoongororwa nekunzwisiswa.
Yambiro pamusoro pekushamwaridzana nevanhu vakatsauka, nevanhu veBid'ah (zvinhu zvitsva muchitendero), uye neavo vanounza nyaya dzinovhiringidza kuti vatsause vanhu nekuvaita kuti vakahadzike.
Mukupedzisira kwendima nekutaura kwavo vekumusoro-soro kwekuti: {Uye hapana anorangarira kunze kwevane njere dzakadzama} pane kunongedzera kune vakatsauka, uye kurumbidza vane njere dzakadzama, kureva kuti: uyo asingarangarire uye asingatore yambiro, achitevera zvido zvake, haasi mumwe wevane njere dzakadzama.
Kutevera zvisina kujeka ndicho chikonzero chekutsauka kwemwoyo.
Zvinosungirwa kuti mavhesi asina kunyatsa kujeka, ayo zvaanoreva zvingangotadza kunzwisiswa, averengwe pamwe nemavhesi akajeka (kuti zvaanoreva zvizivikanwe).
Allah Samasimba vakaita kuti dzimwe ndima dzeQur'aan dzive dzakajeka zvizere, uye dzimwe dzive dzakavanzika zvadzinoreva; semuyedzo kuvanhu, kuitira kuti pasiyaniswe vanhu vanotenda nevanhu vakarasika.
Mukuvapo kwendima dzakavanzika zvadzinoreva muQur'aan mune: kuratidzwa kwohukuru hwevazivi pamusoro pevamwe, nekuzivisa njere nezvekushomeka kwadzo; kuitira kuti dzigozvipira kuMusiki wadzo nekubvuma kushaya simba kwadzo.
Kunaka kwekudzama muruzivo uye kukosha kwekuramba wakasimba marwuri.
Nyanzvi dzekutsanangura Qur'aan dzine maonero maviri pakumira pashoko rekuti {Allah} mukutaura kwavo kunoti: {Uye hapana anoziva dudziro yayo kunze kwaAllah nevaya vakadzika muruzivo}. Kune avo vanomira pashoko rekuti {Allah}, zvinorehwa nedudziro (Ta'wil) kuziva chokwadi chechinhu, hudzamu hwacho, uye nezvinhu zvisingakwanisike kunzwisiswa senyaya yemweya (Ruh) neAwa (Zuva reKutongwa), kubva pane izvo Allah vakazvichengetera zivo yazvo vega. Uye avo vakadzika muruzivo vanotenda mazviri nekuturira chokwadi chazvo kuna Allah, vagozvipira uye vova vakachengetedzeka. Asi kune avo vanoenderera mberi vasingamiri pashoko rekuti {Allah}, zvinorehwa nedudziro ipapo itsananguro (Tafsir), kuburitsa pachena, nekujekesa, nokudaro Allah vanoiziva uye nevaya vakadzika muruzivo vanoizivawo, saka vanotenda mazviri nekuzvidzosera kune mavhesi akajeka anoumba nheyo (Muhkam).
Sahih al-Bukhari (6/ 33) (4547).
Sahih Muslim (4/ 2053) (2665).
465).
Zvimwe (6)
فتح الباري (8/211).
شرح النووي على مسلم (16/217).
النهاية في غريب الحديث والأثر (ص 407.
فتح الودود في شرح سنن أبي داود (4/415).
تحفة الأبرار شرح مصابيح السنّة (1/129).
البحر المحيط الثجاج في شرح صحيح الإمام مسلم بن الحجاج (41/ 559).