Muchengetedzi wehukama haasi uyo anongodzorera zvaaitirwa, asi muchengetedzi wehukama ndiye uyo kana hukama hwake hwadimburwa anohubatanidza.
Abdullah bin Amr, Allah (Mwari) ngavafadzwe naye nababa vake, ane nhaurwa yaakanzwa kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, apo vakati:
«Uyo anochengetedza hukama haasi uyo anongodzorera (zvakanaka zvaaitirwa), asi anochengetedza hukama ndiye uyo anoti kana hukama hwake hwadamburwa anohubatanidza».
«لَيْسَ الْوَاصِلُ بِالْمُكَافِئِ، وَلَكِنِ الْوَاصِلُ الَّذِي إِذَا قُطِعَتْ رَحِمُهُ وَصَلَهَا».
Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vanozivisa Kuti munhu akakwana mukuchengetedza hukama nekuitira hama zvakanaka haasi munhu uyo anodzorera zvakanaka zvaanenge aitirwa nezvakanaka, Asi muchengetedzi wechokwadi, akakwana mukuchengetedza hukama nehama dzepedyo, ndiye uyo kana dzikaparadzana naye anochengetedza hukama nadzo, uye kunyange dzikamuitira zvakaipa; iye anodzidzorera nekudziitira zvakanaka.
المكافئ: الذي يكافئهم على صلتهم له، إن وصلوه وصلهم وإن قطعوه قطعهم.
وصلها: برها وأحسن إليها.
Kuchengetedza hukama nehama dzepedyo kunotambirwa pamutemo wechitendero ndekwekuti uchengetedze hukama neavo pakati padzo vakaparadzana newe, nekuregerera avo vakakutadzira, nekupa avo vakakunyima, uye hakusi kuchengetedza hukama kwekudzorera kana kutsiva.
Kuchengetedza hukama kunoitwa nekusvitsa kune hama zvakanaka zvose zvinobvira, zvakaita semari, kuita du'a, kurayira zvakanaka nekurambidza zvakaipa nezvimwe zvakadaro, uye nekudzivirira zvakaipa zvose zvinobvira kubva kwavari.
Sahih al-Bukhari (8/ 6) (5991).
Zvimwe (8)
منار القاري شرح مختصر صحيح البخاري.
لحمزة محمد قاسم (5/ 242).
بهجة الناظرين.
لسليم الهلالي (1/ 397).
نزهة المتقين.
لمصطفى الخن وغيره (1/ 311).
شرح رياض الصالحين.
لابن عثيمين (3/ 190).
Cited in books
6 BooksZvimwe (6)
- رياض الصالحينرياض الصالحين مع فوائد وهدايات - 2«لَيْسَ الْوَاصِلُ بالمكافئِ، وَلكِنَّ الوَاصِلَ الَّذِي إذَا قَطَعَتْ رَحِمُهُ وَصَلَهَا».
- قاموس الكبائر موسوعة الكبائر - المجموعة الأولى«لَيْسَ الوَاصِلُ بِالْمُكَافِئِ، وَلَكِنَّ الوَاصِلَ الَّذِي إِذَا قُطِعَتْ رَحِمُهُ وَصَلَهَا» [137].
- قاموس الكبائر«لَيْسَ الوَاصِلُ بِالْمُكَافِئِ، وَلَكِنَّ الوَاصِلَ الَّذِي إِذَا قُطِعَتْ رَحِمُهُ وَصَلَهَا» [137].
- مجموعة زاد التربية الإسلامية (1)، والسيرة النبوبة (1)، والعقيدة (1)، والفقه (1)التربية الأسلامية 1«ليْس الواصِلُ بِالْمُكافِئ، ولكِنِ الواصِلُ الّذِي إِذا قُطِعتْ رحِمُهُ وصلها»
- مجموعة زاد الحديث(2)1«ليس الواصِلُ بالمكافِئ، ولكن الواصل الذي إذا قُطِعت رَحِمُهُ وَصَلَها»
- نبراس طالب (1)1«لَيْسَ الوَاصِلُ بِالْمُكَافِئِ، وَلَكِنِ الوَاصِلُ الَّذِي إِذَا قُطِعَتْ رَحِمُهُ وَصَلَهَا»