Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

6 of 70 cards

Clear filters
"Allah pavakasika Paradhiso neMoto, vakatuma Jibrīl (rugare ngaruve kwaari) kuParadhiso, vakati: "Tarisa kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Naizvozvo, akatarisa kwariri ndokudzoka, akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achanzwa nezvaro asingapindemo." Saka vakaraira nezvaro ndokubva rakomberedzwa nezvinorema, vakati: "Enda kwariri utarise kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Akabva akatarisa kwariri, ndokuwana rakakomberedzwa nezvinorema, ndokuti: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapindamo." Vakati: "Enda utarise kuMoto nezvandakagadzirira vagari vawo mauri." Saka akatarisa mauri ndokuwana zvikamu zvawo zvichikwira pamusoro pezvimwe, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achapindamo." Saka vakaraira nezvawo ndokubva wakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, vakati: "Dzokera utarise mauri." Akabva akatarisa mauri ndokuwana wakakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapunyuka kubva mauri asina kupindamo."
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيذَمُّ الهوى والشَّهوات، صفات الجنة والنار، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالصبر، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالجنة، النار
"Chenjerai! kuti panogona kuva nemurume anosvikirwa neḥadīth inobva kwandiri, iye akazendama pachigaro chake, obva ati: “Pakati pedu nemi pane Bhuku raAllah, saka zvatinowana mariri zvinotenderwa tinozvitendera, uye zvatinowana mariri zvinorambidzwa tinozvirambidza.” Zvirokwazvo, izvo zvakarambidzwa naMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) zvakafanana neizvo zvakarambidzwa naAllah."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naIbn Majah.
التصنيف الشرعيمصادر التشريع، أهمية السنة ومكانتها، النبوة والرسالة، أشراط الساعةموضوعات الحديثمتابعة الرسول ﷺمحاور التعريف بالإسلامشبهات حول السنة
"《Uyo anopika nezvisiri Allah (Mwari) , zvirokwazvo anenge atoramba kutenda kana kuti atosanganisa vamwe naAllah (Mwari)》."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAhmad.
التصنيف الشرعيالأيمان والنذور، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلامبطلان الشرك وصوره
«Zvirokwazvo, Allah vachanunura mumwe murume kubva muUmmah yangu pamberi pezvisikwa zvose paZuva reRekumutswah, vomuvhurira magwaro makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, gwaro rega rega rakareba kusvika panogumira kuona kweziso. Vachabva vati: 'Pane chaunoramba pane izvi here? Vanyori vangu vanochengetedza vakakuitira hudzvanyiriri here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva Vati: 'Saka une chikonzero here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva vati: 'Kwete kudaro, zvechokwadi une chiito chakanaka kwatiri, uye nhasi haumboitirwe hudzvanyiriri.' Kunobva kwabudiswa kapepa kakanyorwa kuti: 'Ndinopupura kuti hakuna akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo neMutumwa wavo.' Vobva vati: 'Unza chikero chako.' Achati: "Tenzi wangu, kapepa aka kane basa rei pakatariswa magwaro ose aya?' Vachati: 'Zvirokwazvo, haumbodzvanyirirwi.' [Mutumwa] akati: 'Zvino magwaro achaiswa mune rimwe divi rechikero, uye kapepa kachiiswa mune rimwe divi. Magwaro achabva areruka uye kapepa korema, nokuti hapana chingaenzana pakurema nezita raAllah.'»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naIbn Maajah
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، الحياة الآخرةموضوعات الحديثأهمية التوحيد، سعة فضل الله عز وجل، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالحساب، النجاة بالدخول في الإسلام
"Kana Allah vakatara kuti muranda kuti afe mune imwe nzvimbo, vanoita kuti ave nechikonzero chekuenda ikoko."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi
التصنيف الشرعيالموت وأحكامه، الإيمان بالقضاء والقدرموضوعات الحديثالإيمان بالقدر خيره وشرهمحاور التعريف بالإسلامحقيقة الموت
"Allah vakapa mufananidzo wenzira yakatwasuka, uye kumativi maviri enzira kune madziro maviri, maari mune mikova yakavhurika, uye pamikova yacho pane machira akarembera. Panotangira nzira pane mudanidziri anoti: "Imi vanhu, pindai munzira mose, uye musatsauka." Uye kune mumwe mudanidziri anodana ari nechepamusoro penzira, kana munhu achida kuvhura chero upi zvawo wepamikova iyoyo, anoti: "Nhamo kwauri! Usaivhure, nekuti zvirokwazvo kana ukaivhura uchapinda mairi." Nzira iyoyo iIslam, uye madziro maviri aya: miganhu yaAllah, uye mikova yakavhurika: ndizvo zvakarambidzwa naAllah, uye mudanidziri uya ari pakatangira nzira: iBhuku raAllah, uye mudanidziri ari nechepamusoro penzira: muyambiri waAllah ari mumwoyo memuMuslim wese.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naAhmad
التصنيف الشرعيوصف القرآن وفضائله، أعمال القلوب، ذم المعاصي، ذَمُّ الهوى والشَّهوات، الإسلامموضوعات الحديثالكبائر والمحرمات، تعظيم شعائر الله وحرماته، التقوىمحاور التعريف بالإسلامالإسلام هو الدين الحق